CHAPTER 1️⃣4️⃣ Ndakanga ndichiti zvichaperera mukubatana, asi ndakatoona kuti mafeelings acho handichama kwanisi apa ndakanga ndichiti ndiri kuda kurwadzisa Kim. Asi zvakazonge zvaenda nepamwe, ndakapedzisira ndaita zvisina kufanira. Asi ndini ndakanga ndichazodiiwo nokuti, ndakanga ndakurirw nemafeelings andakanga ndava nawo. Nokuti ndaitowedzera kunzwa kumuda zvakanyanya. Kudarika zvandainzwa kuna Kuda. Kurohwa kwaakaitwa nesimbi achidonha achirovera akanga achibuda ropa ndakakwanisa kuno dziisa mvura. Ndokutora mvura ndikatanga kumutova kusvika avakunzwa zviri nani. Ndakaona misodzi yake yava kutanga kubuda. Neyangu zvakare yakatanga kubuda ndikabva ndatanga kukumbira ruregerero pane zvese zvandanga ndaita. Hongu ndaiziva kuti ndini ndakanga ndatadza ndaita zvinhu zvino nyadzisa. Asi kwaiva kusiri kuda kwangu kwaiva kuda kwaiye Kim aiva aita izvi. Ipapo ndakanzwa Pardon akunditi Tambu hauna kukanganisa watogona nokuti ini ndakanga ndichishaya kuziva kuti ndosiyana naye sei? Musikana uyu kutaura chokwadii haatorina kana nguva neni. Nguva zhinji anenge achingoti ari busy kubsa. Handizivi kuti kubasa kwenyu ikoko dzimwe nguva pandosvika. Ndichiona pasina kuzara ondiudza kuti ari busy zvinhu zvinorwadza ndinenge ndafamba. Ikozvino ndakanga ndamurongera part iyi ndeyake sezvo. Zuva rekuzvarwa kwake rakasvika ini ndakanda ndisipo. Ndikati rega ndimurongere asi ndakanga ndisinga zivi kuti ndizvo zvaari . Kutaura chokwadii ini ndakutoda nezvako chero kukuroora izvezvi ndokwanisa kukuroora. Handina kuona chakaipa chawaita watogona. Ini mafeelings angu pauri handichakwanisi kumadzora nekuda kwezvawandiita izvi. Handizivi kuti zvichapera zvadii. Ndosaka ndati ndavakuda kugara newe . Handisisina zvakawandisa zvekutaura kunze kwekutaura mashoko aya nokuti,zvinondirwadza. Uye ndakanga ndanzwisisa mararamiro ako nokuti ndakanga ndaudzwa nemumwe wako uyu. Kutaura kwakanga kuchiita Pardon kwakaita kuti misodzi yangu ibude. Ndakatanga kumuti Pardon hongu wakaudzwa zvangu asi hauna kuudzwa zvese. Shuwa shuwa kuti, ungade ini nezvandiri izvi ndino nyadzisa handikwanisi kana kupfeka zvangu pandiri panapa uye. Ungada munhu anemwana unozviziva here? Kuti ndine mwana kumusha kwandakazvarwa. Kuuya kwandakaita kuno kuuya nokuti, ndakatiza dzimwe nyaya. Dzakanga dzichiitika kumusha uku hongu ndakanga ndine mukomana asi, vabereki vake vakaramba kunditambira semuroora wavo. Handifungi kuti, kune munhu achakodzera kundiroora nezvandiri izvi. Nokuti, zvinhu zvinorwadza chaizvo kuti, iwe hauna kana mwana ini ndine mwana. Wondiroora ndovimbisana newe kuti, tichachengetana mune zvakanaka kuti, uchakwanisa kuchengeta mwana wangu. Kumberi uku wozoita kuti tisawirirane kana kuvenga mwana wangu. Wandinenge ndinaye nokuti, ndinenge ndatadza kukuitira mwana. Unozogona kuzvigamuchira hr? Unogona kumugamuchira here? Mwana wangu. Kuti akudaidze kuti baba hazvizonetsi hr? Mangwana. Nemhuri yekwenyu kuti sei? Iwe wabvuma kuroora ini ndine mwanawangu. Handioni zvichikodzera hongu ungakwanisa kundida, hongu ini ndinga kwanise kukuda. Asi izvi zvinhu zvinorwadza kutaura chokwadii ini ndinokuda. Asi zvinhu zvino rwadza kuti ukwanise kugamuchira ini nemwana wangu. Nokuti kana usati wagamuchira mwana wangu ini handikwanisi kukugamuchira. Kana vabereki vako vasina kugamuchira mwanawangu ini zvakare handikwanisi kukugamuchira. Nokuti ndizvo zvinenge zviripo ndizvo zvinenge zvakarongwa. Ndakadaro ndichiudza Pardon. Pardon akatanga kukwenya musoro ndikaona misodzi yake ichibuda. Akatanga kundiudza achiti Tambu ini ndakuda nezvauri handina basa nekuti urikubva kumhuri yakaita sei? Nehurombo hune vabereki vako kuti hwakaita sei ini ndokugamuchira nezvauri. Mwana wako ndichamutora semwana wangu handina chakaipa nokuti, tikada kutora rovengo touisa pamwana wako hapana zvazvo batsira. Ndotora mufananidzo ndokwanisawo kuita mwana otambudzwa sekutambudza kwandinenge ndichiiita mwana wako. Handikwanisi kunzwa zvakanaka kana ndichitambudza mwana nokuti,ini ndinenge ndasarudza kuda iwe nemwana wako. Nokuti, ndizvo zvinenge zviripo. Iri nyaya yekuti vabereki vangu ini ndakato chengetwawo sekutaura kwauri kuita nokuti,baba vangu vakashaya ndichiri mudiki. Mai vangu vakaenda kunoroorwa nemumwe murume . Ndikakuudza asi,ndairarama hupenyu hwakaoma nokuti,baba ava vakanga vasingadii kundiona kana. Nanhasi havadi kundiona asi mai vangu havana kana chekuita. Ndosaka ndakakura nagogo naSekuru dzimwe nguva ndaisvika pakudaidza sekuru vangu kuti baba. Nekusaziva kuti vakanga vasiri baba vaiva vari sekuru saka izvi zvinhu zvinondirwadza nokuti,ndizvo zvinenge zvakaitwa. Asi ini ndinokuvimbesa kuti ndichakuchengeta nemwana wako. Akadaro asi ndakaona kuti akanga achirevesa ini ndakanga ndichida kutanga ndazivisa baba vangu nezvake. Nokuti ndakanga ndisingadii kungokasira kungowira pazviri zvaizondipa matambudziko mangwana. MELISA Kunzwa kwandakanga ndaita zvinhu zvakanga zvaitwa namai vangu ndakanzwa kurwadziwa zvakanyanya nokuti ndakanga ndisina kutarisira kunzwa zvinhu zvakadai kuti zvingaitwa nemunhu wandaiti mai vangu. Ndakanzwa kubaiwa pakati pemoyo chaipo. Kuti chaiva chii chaiva chavapinda shuwa kusvika pakutaura nhema dzakadaro kuvanhu vachirovesa munhu akanga asina kana mhoswa nevanhu zvake. Murume uyu achipedza kundiudza nyaya yose yakaitika. Ndakabva ndadzokera kwakanga kuna mai vangu ndichiita sepasina chakaipa chandanzwa. Pamusoro pavo ndakasvika nekugara kusvika vapedza kutengesa ndokuenda kumba kwavaigara. Ndakasvika nekuvabikira vakadya ini ndakaramba nokuti moyo wangu wakanga watosviba nekuda kwehunhu hwavo. Zvekuti kunze kwakanonoka kuchena ndaida kumuka ndichidzokera kumusha. Nokuti zvandaiva ndafambira ndaiva ndazvinzwa saka hapana chandaigarira. Kuchiedza ndakamuka nekugeza ndokutoudza mhamha kuti ndakudzokera. Vakaedza kuti ndimbogara, asi ndakavarambira. Zvokuti ndakasvika pakubva takunetsana chaiko. Ndokubva kwandakaita ndakudzokera kumusha vaiva vandirwadzisa. Zvakanyanya nekuda kwehunhu hwavo nemoyo wavo wakaipa iwowo wavakaitira baba Tambu. Havana kana kuda kuvanzwira tsitsi vakasarudza kuvawedzera marwadzo nekuvapomera mhoswa yavaivasina kupara. Ndakaita kukwera bhazi ndakaita kuzara nehasha zvokuti dai vaisava amai ndingadai ndakasiya ndavarova. Asi kuti ndakanyara kuti ndimai chete. Ndichisvika kumusha pamba, ndakaita sendakanga ndichirota kuona... To be continued on chapter 15