Chapter 1️⃣9️⃣ TAMBUDZAI "Mwanasikana wangu! Kutonga ndekwaMwari kwete kwedu isu. Ukaziva kuti pano pasi tinokwanisa kutadzirana zvakawanda nokuregererana pachezvedu tikada kusaregererana hazvingaita zvakanaka ndosaka zvichinzi. Regerera vanokutadzira." Kutaura kwakaita baba kwakaita ndikwanise kudzora moyo kunyangwe hazvo zvakanga zvakaoma kuzvigamuchira zvavaiva vakandiita. "Ndinotenda baba nekutaura kwenyu kwamaita uku. Ndinoziva kutadza inzira yemunhu wese kana ini pandiri pano ndinotadza nekutadzira vanhu vakawanda kwazvo. Asi ndichavaregerera hangu handikwanise kuramba ndakaomesa musoro kuita kunge zvichadzosa vakafa vacho zvakatopfuura izvi." Ndakadaro ndichibata mbuya vangu ruoko rwavo urwu raiva rwakaita kutonhora kunge mvura yaiva yabva mufiriji chaiyo. "Zvandakuregererai kudai ? Muchakwanisa kubvisa mweya yakaipa yamakaisa pandiri inoita ndingosekwa nemunhu wese anonga achitambira pedyo neni?" Ndakadaro ivo vakakwanisa kushama muromo wavo vachizvitaurira wega zvose zvakaitika zvekuti ndakasvika pakuchema chaipo nokuda kwekurangaridzwa zvakaitika kare. Ndakazopedzisira ndavakuwirirana nawo uku ndakanzwa kuti vaiva vatoita chimbuzi pavaiva vakagara zvandakanzwa nemhino dzangu. "Muzukuru ndinoda kumbogezesa mbuya vako chimbobudai tione." Vakadaro sekuru vangu ndakaona zvisingaite wagezese mbuya isu vanhu kadzi tiripo. " Sekuru zvose zvamunoda kuita izvi siirai inini muzukuru wenyu ndimbuya vangu ava handina basa nokuti vakanditadzira zvakawanda kana taregererana tinofanirwa kubatana toita zvinoendeka." Ndakadaro ivo vakabuda panze ndikasara ndina mbuya muimba yekubikira ndokutanga kubvisa zvose ndikavasimudza kuvaisa mumvura yaiva ichidziya. Ndakavagezesa ndikapedza ndakatora hembe dzavaive vaitira svina ndikadziisa mudish ndokurisimudza kuda kuenda naro panze ndakanzwa mbuya vachinditi. "Ndinotenda nekundiregerera kwavaiita uku, vashoma vane moyo unenge vako uyu uye ndavakuripa zvitadzo zvangu zvandakaitira vanhu vasina mhaka pano panyika. Ndinokumbira uchengete vana vangu ava Tambudzai nokuti ini nyama dzangu dzaneta changosara kuti musiki akwanise kutora mweya wake." Vakataura zvakawanda zvimwe zvacho zvakanga zvichindirwadza. Ndakaudza sekuru kuti ndaive ndapedza ndavakutoita zvekuwacha uyu Pardon akauya akatanga kundibatsira kuita washing iyi yaiva nesvina ndakanga ndichiti achasema, asi zvakanga zvisiri izvo zvandaifunga. Kupedza kwatakaita rakaenda paive nevamwe ipapo ndakaona baba naSekuru kunzwanana kwavakanga vachiita. Ndakabvunza Maria kuti mbuya vaive vakanzwa sei. "TAMBUDZAI! Mbuya vako vakarara kutaura kudai" akadaro ndikati zvakanaka ndiyo nguva yakasvika Veronica achiti mbuya vaive vatisiya. Ndakanzwa kurwadziva asi chekuita paive pasina kana Mwari achinge aita kuda kwake.. Vanhu vakanozivisa sadunhu pamwe chete nehama nekuburikidza kwekushaya kwaive kwaita Mai Veronica. Pakanga papera mazuva matatu apo pamba pakanga pasara weukama chete chete uye mufi aive achengetedzwa. "Tambudzai! Ndati ndikuzivise nezvekuti ndini ndakugara nababa vako, kureva ndava mudzimai vavo ive vakutonditi Mainini." Vaive Mainini Veronica vaitaura ndakangovati maita zvakanaka uye ini munhu vandauya naye ndiye achava murume vangu wehupenyu hwangu. Ndakaona vachiita kufara uku ndakazovati ndiri kudzoka ndakasiya vanagogo kumba uku ndaiva ndatokanganwa. Ndakaenda nemwana wangu pamwe chete naBaba naPardon. Takasvika pamba pasabhuku vaive vachitodya kwavo kwamakuseni nekufara zvavo. Pane zvakandinetsa ini kufanana kwaive kwakaita VaMachinga naPardon kwaisangova kwega kusina ukama mukati. Ndakatanga kuzvitongesa kuti "zvino kana vari baba vake zvechokwadi ndinoroorwa here uye akaziva ndakanga ndamboda kubatwa chibharo nababa vake?" Ndaiva ndakanyura mundangariro ipapo ndakanzwa baba vangu vavakundibvunza nezve..... 🇲 🇪 🇱 🇮 🇸 🇦 Ndakanga ndakuita kushaya pekutarisa nekuda kwenyadzi dzandakanga ndinadzo nezvakanga zvotaurwa namhamha. "Mhamha ndinoziva ndaita zvakashata zvekufungira zvisiri izvo kuna Tambudzai pauya apa. Munoziva ndanga ndichitya kutorerwa murume." Ndakadaro ndichiudza Mhamha ndakaita kupfugama nemabvi angu maviri zvokuti ndakazonzi nababa. "Muroora murume ndevako zvakaitika zvakaitika kare unofanirwa kusiya pfungwa dzakadaro nokuti ukaramba uchifungidzisa umwe vako zvakaitika kare zvinoita mutadze kuita chinhu chinooneka kana kuswera muchibetsana kusvika imba yako yaparara votanga kutsvaka muparadzi iwe vazviparira wega. Zvakafanana neni ndakaroora Mai Solo ava ndaiva nevamwe vasikana vandakatamba nawo kumashure uko paugaya hwangu vakatanga kutaura nezvazvo pane chinobuda here? Kana iye murume vako akatanga kutaura zvevanhu vavakadanana nawo usati wave pano pane chinenge chakanaka here apa kana ndiri kutadza kutaura ndiudze muroora." Kutaura kwavaiita ndakatoona zvose ndini ndakanga ndiri wrong chaiko. Handifaniri kuramba ndichitaura nezvazvo zvakaitika izvi nokuti hazvina kunaka kuudza munhu. Ndakakumbira ruregerero pane zvose izvi uye kwaive kwasara iye Tambudzai kumukumbira ruregerero pane zvose zvandakamutadzira. Takazorara zvedu uye kumuka kwatakaita nokuzonzwa zvekufa kwaMbuya vaTambu ndakaita kurwadziwa asi chekuita pakanga pasina nokuti ndizvo zvakanga zvatovapo. Mazuva akanga adarika matatu mai vangu vainge vasvika mumusha mavaMunetsi vachitaura zvose zvakaitika nekukumbira ruregerero zvokuti ndakakwanisa kuvaregerera panezvavakaita. Ini ndaiva ndisati ndakumbira ruregerero kuna Tambudzai pane zvandakamufungira izvo zvisiri izvo. "Mukadzi wangu! Uku ndiko kugona kwavaita uku nokuti zvakanga zvondidya moyo zuva nezuva zvavaitaura izvi zvakaita ndisataura, asi nhasi ndafara." Akadaro Solomon achindipuruzira musana wangu zvekuti ndakanzwa kufara mukati memoyo wangu. "Melisa! Tambudzai akaroorwa naPardon uyo mwana waVaMachinga." Ndakapererwa kunzwa izvi zvekuti ndakangokwanisa kumubvunza ndichiti...... MARIA Zvinhu zvakanga zvafamba zvakanaka mai vaive vafa vasunugurwa nevanhu wavaive vakatadzira zvinova zvakaita ndinzwe kufara mukati memoyo vangu. Handina kuziva ndakanga ndawana munhu akanga achizondichengeta zvakadai saSimba uyu. Hanzi... " Mai mwana zvamadai matokura uye imi chenyu kugara pano nekuita Mabasa epano pamba pasina zvimwe zvinhu. Zvose zvekunotengesa kutsvaka kwemari kana kuenda kuchigayo ndinoenda ini handidi kuita sezvinoita vanhu avo vanongogara muimba vachidziya moto kana mari yauya nemudzimai anoombera kuti azive yabva kupi haazive apa asingade kushandira mhuri yake zvake." Mashoko avakataura baba wekwangu akaita ndinzwe kuda kuseka uye vaive vazoonana nababa wavo kunyangwe hazvo vaiva vakarasika njere vaingova baba vake chete. Akavatora kubva kwavaiva vachingodzengereka akauya nawo pamba mushure ataurirana nehama dzake akabvumirwa zvakare nehama dzagogo vake. Izvi zvakandirwadza kwete zvekutamba nokuti ndaishuvira kuvaona baba nemwana vachifara vose pamwe chete. Baba vake kwaiva kurasika kwenjere pasina zvimwe zvavaiita zvakashata kumba vaitoziva kuti yavanguva yekudya vodzoka zvavo. Kusara kwandakaita ndakabika chikafu ndikati regai ndivape vakwanise kudya zvavo . Ipapo vakatanga kungotaura zvandaisanzwa.. "Uyu ari kunditambudza! Handina chandakaita chakashata chaanonditambudzira ini, kuramba kwandakaita zvakanga achida ndiite ndizvo zvanoda kunditi ndisaziva mwana vangu here Jeff." Ndainge ndoshaya kuziva akanga achitaurwa kunzi Jeff aiva ari ani. Ndakamirira kudzoka kwaSimba murume vangu. Ndakamuudza zvikanga zvataurwa nababa vake iye akati. "Jeff munin'ina vababa vangu anova iye asara ari umwe chete kumadzibaba pamwe nababa vangu ava." Akadaro achitaura ini ndakaona kuti pakanga pane chakaitika chihombe chakakonzeresa vatange kudai. Simba haana kugara amirira zvakawanda akabata baba vake kumazuva roda kuwira akaenda nawo kuna baba mudiki vake ini ndakasara ndiri ndega ndichingonamata chete kuti kusava nezvakaipa kwavaenda uko. Vaviri vakadzoka kunze kwakuyedza ndichinzwa vachitaura vachiratidza kunzwanana izvi zvakaita ndinzwe mufaro mukati memoyo vangu zvokuti kunze kuchiyedza. Vakaenda kunoratidzwa paiva pakarara mbuya VaSimba namhamha vake izvi zvakaita murume mukuru atange kubuda misodzi nekuda kwemweya yerima yavainge vasangana nayo munguva pfupi pfupi yakanga yadarika iyi. To be continued on final chapter 20