Chapter 6️⃣ MAI SOLOMON ndakarwadziwa ndichinzwa muroora achitaura nezvaSolomon aiva achida kuzvisungirira. Izvi zvakandirwadza nokuti ndini ndakanga ndaita zvose zvisvike pakudai, ndaiita ndichiti ndiri kugona ndisisaziva Mangwana zvichandiomera. Ndakatsikitsira musoro vangu pasi ndikatanga kubuda misodzi ndichirangarira mashoko akataurwa naMhuya VaSimba ndakaona kutadza kwangu kwese. "Mai Solomon? Ukachema iwewe mwana wedu anozoita sei achikuona kudai? Chii chiri kunetsa pauri mudzimai vangu nokuti handione kutadza kwako zvinhu zvinowanikwa mukurarama kwatiri kuita kana iye asingade kutiregerera tongomirira kusvika nguva ichinge yakwana" vaitaura zvavo baba Solo vasingazivi zvaiva mukati memoyo wangu zvairwadza umu. "Hazvisi rizvo baba Solo? Musapa Solomon mhosva nokuti zvose zvakaitika ndini ndaiva honzeresi yazvose kana ndichitongwa ndichatongwa nehuipi hwandaiva nahwo. Hongu chinhu chinorwadza kana iye hangakwanisa kundiregerera pane zviya zvatakamuita nokusvibisa zita rake zvinhu zvinoita munhu atore nguva yakakura kuregerera munhu. Asi ndinoti nokufamba kwenguva zvichapera hazvo nokuti ndizvo zvazviri." Ndakadaro uye Solomon aiva abuda hameno kwakanga aenda kwandaisaziva. Rimwe zuva ndakaenda kumvura kumagarden aiva kurwizi ndaiziva ndichasangana namainini vake nditaure nawo zvaiva pamoyo pangu kuitira ndikwanise kusununguka. Ndakaita rombo rakanaka ndichipinda murwizi ivo Mainini vaTambu vaiva vachipedza kuchereredza mvura yavo pamufuku vakanga uri apa. "Mmmmmm asikana mazuvano hamuchabatika iye musikana ari kupi mazuvano kubva zuva riya handizi kumuona?" Ndakadaro ndichida kuona kana vaive vakandigumbukira zvakare. "Mai Solomon! Muchiona kudai, ini handina zvandingakuudzai nokuti mazuva aya zvakanga zvondiisa panjozi kana muchida munouya kumba motaura nababa vacho. Nokuti ini handina zvandinoziva" vakadaro Mainini vake ini ndakaona ndakanga ndaita zvisina kunaka kubvunza ava. Ndakasara ndichichera mvura ndokutakura ndichienda kumba handina kuda kusvika nokugara sezvo zuva raiva rati kwirei zvaro. Ndakanga ndingori umwe chete muroora akanga aenda kumba kwaMbuya vake. Ndakamonera zambiya rangu ndokusunga zvakanaka dhuku rangu mumusoro ndakatanga kufamba ndichienda kumba kwaBaba Tambu Chitiyo. Ndakasvika kuona vari mubishi bishi kutimba makomba sezvo chakanga chiri chirimo uku mwanasikana akanga achidzadzarika nekufamba achitevera sekuru vake vaiva vasina kundiona. Ndakaramba ndakatarisa mwana vaTambu misodzi yangu yakatanga kubuda nokuda kwekurangarira makazvarirwa mwana uyu nokutiza kwakaita nasekuru vake vachipindana netsaona dzakawanda. Ndakaona sekuru vake vamira vakanditarisa ndakanyepera kuseka nhema, asi ndakanga ndichirwadziva mukati memoyo wangu nokuona mwana uyu. "Maswera sei vaChitiyo" ndakawakwaziva vakadaira nenzwi raiva pasi pasi zvakatondinetsa chakanga chavachiii." Vakanditi handei tinogara paiva nezvituro uye ndipo pakauya Mainini Maria vaiva nemvura vakapa baba Tambu vakanwa zvavo. "Muchiona ndauya kudai baba Tambu ndinoda kutaura nemi zvakanyanya nokuti kumba handichina rugare nokuda kwezvandakaita izvi? Hongu zvinosiririsa nokurwadza zvandakakuitai nemwana wenyu zvaita ndiuye pano nhasi uno. Handina kuita nekuda ndakanga ndichiti huchenjeri; asi hwakanga husiri nokuti ndakanyatsogara pasi ndokutanga kuverenga bible ndikaona kutadza kwangu nokutadzira vanhu kwandakaita uku kana ndichitongwa ndinobvuma kutongwa nokuti ndakazviita zvechokwadi." Ndakataura ndakuita kubudisa misodzi. "Mai Munetsi! Zvinhu izvi zvakapera uye zvamauya kudai kuzondiudza handione pane kuramba muchichema nokuti kuregerera kuri muvanhu uye kutadza kuri muvanhu zvakare, hatingati isu hatitadze nokuti umwe neumwe anepanotadza kana munhu asingakwanise kutadza izvi zvinonga zvakutoda iye musiki. Tikarega kunzwanana pachezvedu hapana chinobuda. Mwanasikana Tambu musiyei akadaro achakuregererai zvenyu nokufamba kwenguva zvose izvi arikuzviita zvine chirevo mukati." Vakadaro baba vake ndakanzwa kufara nemashoko avakataura zvakaita ndibvunze kwaiva ari. Havana kupindura kunze kwekuti akanga aenda kunoonekwa kumba kwemukomana, asi hameno zvakaitika kusawirirana kwevabereki nemwana iye akatiza. Ivo vakati moyo vavo unotaura kuti ari mumaoko akanaka kudai akanga asiri mumaoko kwayo angadai akasvika pano. Ndakafara pandaiva ndakuda kubuda ndakanzi mirai Mainini Veronica vasvika ava. Vaive vakatakura zibag zihombe raiva nezvinhu mukati ipapo ndakagara zvingu ndakatarisa uku ndaiva ndabata mwana waTambu, kaitova kekutanga chaiko. Veronica akavhura zvose achiisa pasi makanga mune girosari nezvimwe zvakangosiyana-siyana hanzi ndazvipiwa kumashops nokuti munhu atumira ati tsamba iri mukati. Ndakaona baba Tambu vachiita kufara hanzi mwanasikana wangu ndiye atumira izvi, uye mutsamba ati musatya pandinouya ndinoda kutaura nemhuri yekwaMunetsi ndinoziva ndine mwana wavo hazvizoite tirambe takatsamwidzana Mangwana zvinonetsa. Ndakanga ndavanemufaro chaiva chasara kuenda kunoona hama dzambuya VaSimba ndaiva ndine zvakawanda zvekutaura pamusoro pezvandaiva ndakaita ndega.... MELISA "Murume anonzi baba Tambu takagara naye pano paMutoko mune zvakanaka, hapana zuva rimwe zvakaita zvakashata kana ukasiya mari pachena vaiva vasingatore kana kudya chikafu vasina kunzi idyai havaita zvakadaro. Kudai zuva ravakarohwa kuitwa kafira mberi vaiva uripo pamwe tingadai tavakutaura nhoroondo yavo nokuti zvakarwadza vakawanda kusanganisira ini. Zvose zvaiva zvakonzerwswa mamai vako ava." Vaitaura avo vainzi VaMazvimba pameso pavo paive pobuda misodzi vachitaura zvakaitika kuna baba Tambu zvakandirwadza pakati pemoyo zvakaita ndione ndizvo zvaita Tambu avanzwe hasha. "Pane pandisiri kunzwisisa pamuriri kuti dai pasina Tambu kudai vakafira mumaoko evanhu?" "Hongu! Nokuti kuuya kwamai vako kumusha tisu takavatuma. Ndokudzoka vachitaura nhema dzakaita varohwe nevanhu vakada kutora mwana waTambu zvose izvi zvakatadza kuitika vakazoti pauya Tambu vakataura chokwadi chose sezvachiri zvakaita baba Tambu vasunugurwe." Vakazopedza kutaura ndaiva ndisisaterera ndakungo chema. Ndakazoenda kwaiva namai vangu wakanga vachida kutaura neni; Asi zvinhu zvaiva zvisingaite nokuti pakati pemoyo ndakanga ndichirwadziva ndaisvika ndichitarisana naye sei iye Tambu vacho? "Melisa ndinoziva vakatsamwa pane kureva nhema kwandaita paya? Zvose izvi ndakanga ndichiitira Kwekwe kuti Solomon asaziva chokwadi nokuti urikutadza kuita mwana. Akazoona mwana uyu anozokuramba akuda Tambu" vaitaura havo ini ndaiva ndisiri mumood yacho yekutaura izvi. "MHAMHA kudai makatora mwana vaTambu maida kuenda naye kupi? Kunomuuraya kaaa?". Ndakavabvunza ipapo vakanga voita kuhuta huta. Ndokunzwa vakuti.... To be continued on chapter 7