CHAPTER1️⃣7️⃣ SIMBA Zvandakanga ndichiona pamusha apa zvakandirangaridza mafiro akaita gogo vangu. Zvekuti pamwe pacho ndaiti ndikaramba ndakavatarisa ndaiona kunge mbuya vangu. Vakanga vachirwara apa pakanga pasina chekuita nokuti munhu ayikwanisa kupedza zvose izvi akanga ari Tambu. Manje Tambudzai wacho akanga asingawanikwi panzvimbo kana kwekumutsvaka. Takanga tisinga zivi kuti tomutsvaka kupi. Zvakanga zvotoda ivo baba vacho nokuti ndivo vakanga vachiziva kwaaiva ari, KwaMurehwa ikoko ini chandakanga ndichikwanisa kuita ndakanga ndichisimbisa mumwe wangu. Nokuti Maria ndakanga ndichimuda nemoyo wangu wese kwete zvekumutambisa, asi kuti azova mai vevana vangu. Ndakaona kutambudzika kose kwaakanga kuchiita baba vake. Vakanga vachiedza zvose kuti vakwanise kusaver mudzimai wavo. Asi zvakanga zvichiramba hurwere hwakanga huchiwedzera zuva nezuva. Siku nesikati ndakasvika pakuvaudza ndikati. "Baba nguva yamava nayo apa, haisisiri nguva yekuti mucheme misodzi haikwanisi kuti munhu akwanise kurarama. Kana kuti Mwari akwanise kukunzwai kuchema kwenyu kana muchida kuti mwari akwanise kukunzwai kuchema kwenyu munokwanisa kupfugama pasi nemabvi monamata. Muchikumbira kuna iye musiki ndiye anokwanisa kuita zvese, anokwanisa kuporesa mudzimai wenyu uyu." "Uye mokumbira zvakare kuti Tambu akwanise kuwanikwa, ndamboedza kubatana naKuda. Asi Kuda wacho arikuti haasati amuona Tambu. Kana achinge amuona achamuudza." Ndakadaro apo ndakanga ndichiita zvese zvandinokwanisa kuedza kuti ndikwanise kubatana naTambu asi zvakanga zvichiramba . Siku nesikati ndakanga ndisinga rari ndaimukira kutsvaka huni ndovesa moto mukati ndichiitira kuti amai Vero vakwanise kudziirwa. Asi kutaura ndiko kwakanga kwavakuti netsei. Dzimwe dzinguva ndaiita kurwadziwa ndichiona zvavakanga vaita. Maria asi handina kukwanisa. Kusvikira nababa Tambu vauya naVeronica uye kutaura kwakazoita Veronica kuti pakanga pachidikanwa Tambu. Zvakandirwadza kuti nyoka dzakanga dzazara mumba. Ivo vakanga vasinga kwanisi kutaura kana kudii kunze kwekunzwika kugomera chete. Ndiko kwakanga kuchingonzwika kuratidza kuti hurwere hwakanga hwakomba. Rimwe zuva ndakanga ndatobva kunotsvaka zvikuti vakwanise kubatsirika. Apo pandakanzwa nhare kurira ndakaona akanga ariKuda akanga achindiudza kuti, ndasangana naTambu paMutoko center asi, akanga anemumwe mukomana. Asi ndakanga ndamuzivisa nezvemurwara nekutsvakwa kwaari kuitwa. Haana kunge andidaira kunze kwekubudisa misodzi kuratidza kuti zvakanga zvamurwadza. Ndakabvunza iye Kuda wacho kuti haana kukupa number here? Kana achinge akupa number dzacho unokwanisa kundipa ndikwanise kumuphonera. Akati haana nokuti ndashaiwa mukana bus raakanga ari handizivi kuti rakanga richienda kupi. Uye akanga aneimwe chembere nevamwe sekuru pamwe chete nemukomana uyu waakanga achiti ndiye murume wake. Izvi zvakaita kuti ndisvike pakuda kuziva kuti, akanga achienda kupi ndakasvika pakupererwa chaiko. MAI MELISA Kuona kwandakaita mwana wangu Melissa auya kuzondiona ariega ndakanzwa moyo wangu kufara. Nokuti, zvandaida zvaiva zvaita ndaida kubva ndatomubvunza nezvaTambu nababa vake. Kuti ndinzwe kuti hapana zvavakasvika vachitaura here? Pamusoro pangu ikoko. Nokuti ndaitoda kumuudza nhema dzangu asati audzwa neumwe munhu. Pandaka tanga kutaura naye achindiudza zvekuti pane nyaya yaita auye kuno. Hana yangu yakatanga kurova asi ndakazviudza kuti sezvo tiri two chete ndomunyepera hapana paangaramba zvandamuudza ini mai vake. Zvisinei akatanga kundibvunza nezvandakaita baba Tambu. Ndikatanga kumurondedzera nhema zvangu. Ndiri pakati pekutaura kudaro handina kuona kuti baba ivavawo vakabva nekupi. Vakasvika nekunditi mai Melissa udza mwana chokwadii. Akatotanga kutaura zvandakaita zvose nezvose zvandakaitwa naTambu. Achibva aenda zvake achibva pandakanga ndiri naMelissa. Kubva kwaakaita pataiva tiri Melissa akabvawo amutevera akatora nguva asati adzoka. Ndakasara ndichiita kushaya kuti paanodzoka pacho ndichamutii iye audzwa chokwadii chose. Paakazouya akangouya akanyarara hapana kana chaakataura kana kubvunza nezvenyaya yaakanga audzwa. Ayiva akangonyarara kusvika taenda kumba akanga akungopindura zvaunenge wamubvunza chete. Ndakaona kuti nyaya yandaiva ndaita yaiva yamubata asi ndakashaya kuti ndomubvunza sei. Kumba kwacho akaramba kudya zvekare. Mangwana acho akamukira kuti akudzokera ndipo pandakatanga kunetsana naye kuti asaende. Nokuti ndaida kuronga zvimwe zvekumuudza pamusoro paTambu nababa vake. Kuti agare achivaona sevanhu vakaipa kuitara kuti Tambu asatambire pedyo naSolo. Asi zvakakona n'anga nokuti Melissa wacho ayiita semunhu asvikirwa. Haana kana kuda kunditeerera zvese zvandaitaura. Akasvika pakuenda tisingawirirani ndakasara ndichishaya kuti ndodii. Nokuti ndaitoziva kuti achasvika achiudza Solo zvose zvaakaudzwa chete. Asi chekuita ndicho chandaiva ndisina kunze kwekusiyana naye. Ndakazviudza kuti handiendi futi kumusha kwacho chero zvadii. Ndaizotarisana naye sei mukwasha wacho anzwa kuti ndini ndaida kutora mwana wake zvese nekurovesa sekuru vemwana wake nekuda kwenhema dzangu. TAMBUDZAI Ndakanga ndaita kurwadziwa nezvakanga zvataurwa naKuda, ndaiva ndoshaya kuziva ndoita zvipi manje nezvakanga zvoitika uye kuti ndikwanise kusunungurwa mukutambudzika kwangu ndinofanirwa kuregererwa kwete kungo tambudzwa kwandiri kuitwa uku. Takasvika kumusha zvakanaka, asi pamba paiva pasina kana vanhu zvakatondishamisa chaiko. Ndakasiya vaenzi vakagara ndokuenda kumba kwaMai nababa Munetsi avo ndakasvika vachitodya kudya kwekurarira. Mai vachindiona pamwe chete nemwanasikana vangu vakandimhanyira vakasvika kundimbundira. "Titambire vaenzi, taitoti zvimwe ucharamba vakachengeta chigumbu usisade kuuya pano isu." Vakataura kudaro ini ndakatanga kuseka ndakabata mwana vangu ndaiva ndakaita wekusimudza. "Mhamha! Pano pamba pangu ndinosvika pandadira ini nokuti handinganzi ndiri mutorwa." Ndakataura mashoko aya ndakatarisana naMelisa pamwe chete nemurume vake avo vaitaridza kusava nemufaro nekuuya kwandaive ndaita pamusha apa. "Melisa unofara here? Hongu! Ndiri kuziva pane nyaya yako yaunoda kutaura ndaona urikutadza kumedza sadza nekuda kwekuona ini pano. Handina kuuya kuzotora murume vako infact ndafambira mwana wangu naMbuya vake chete." Ndakadaro ndichitorana naMai Solo ndokuenda kuseri kwemba. "Mhamha! Muchiona ndauya kudai ndine nyaya diki diki yandinoda kubvunza nokuti ndasvika kumba handina kuona baba vangu." Ndakataura ndichidaro ndakavatarisa ndakanzwa vavakuti. "Mwanangu! Baba vako nemudzimai vavo vakaenda kwambuya vako uko kuneurwere humbuya vako." Ipapo ndakapererwa uye handina kuda kubvunza kuti akanga aroorwa nababa vangu aiva ari ani nokuti ndinoziva munhu wenyama anodavo umwe munhu vanofambidzana naye. Ndakazooneka ndoenda pamwe chete nemwana vangu Ropafadzo aiva aramba kusara achida kuenda neni. Ndakasvika kumba ndokuudza Pardon pamwe chete naMbuya naSekuru avo vakanditi. "Muzukuru! Hazviite urare pano usina kusvika kuna mbuya wako varikukuda izvozvi ava." Vakataura kudaro ini ndakanga ndiri kutsvaka makiyi, asi ndakamashaya kusvika ndaenda kunovasiya kumba kwavaMachinga ini ndakaenda kwaigara mbuya naSekuru husiku uhu ndaiva naRopafadzo akatakurwa pafudzi naPardon. Kusvika kwatakaita pamusha pambuya paiva pakaita kunyararwa vangonzwa kugomera chete muimba yekubikira vamwe vaiva vabatwa nehope varipanze. Handina kana kudii kunze kwekusvika nokupinda mumba ipapo ndakanzwa mbuya vangu vavakuti....... To be continued on chapter 18