Chapter 3️⃣ SIMBA Zvakandirwadza kutaura chokwadii,mashoko akanga ataurwa naTambu. Paayiva asvika kumba kwedu ndina Sekuru kumanheru nheru ndakanga ndichiti pamwe arikuda kundiudza zvimwe zvinhu apa ndakanga ndichifara kuva naye pedyo nguva dzose. Nokuti ndaizo kwanisa nditaure zvakanga zviri pakati pemoyo wangu. Asi kutaura kwaakaita kuti akanga ava kuda kuenda kunoonekwa. Kumba kwevabereki vaKuda moyo wangu wakanzwa kurwadziwa, ndakambo funga kuda kutaura chokwadii chose chaive pamoyo, asi ndakaona ndinenge ndamhanya. Ndakamirera kuzoona kana achinge adzoka, nokuti ndakanga ndichiziva haasi kuenda kuno roorwa. Asi arikuenda kunoonekwa chete. Ndakamubvunza ndichiti, "zvino Tambu zvawadai uchida kuenda uno kuti vabereki vaKuda vanokugamuchira here? Hauzo pindani nemamwe matambudziko mberi kwauri kuenda here? Apa ndiyo nguva yako yekuti uchifara. Uchiwana munhu kwaye, handioni Kuda arimunhu kwaye. Hongu! iwe naKuda munga kwanisa kuwirirana zvenyu.Asi vabereki vacho vanenge vasingadii. Tarira kuti Kuda nevabereki vake vanoenda kuchurch iwewe ndiwe usingaendi kuchurch. Unozviona zvichiita?" Ndakadaro ndichimubvunza ndichida kunzwa ichokwadii here? Kuti anomuda. Ndakanzwa achiti "Simba kutaura chokwadii kaa, ini ndinogamuchira chero zvinenge zvauya nokuti Kuda ndinomuda nemoyo wese! ende Kuda anondida. Nokuti vashoma vanokuudza zvekuno kuratidza vabereki vako. Asi kana zvadaro ndinoona zvine gwara rakanaka, kuti ndosvika pamba pababa namai vake. Hongu! kana baba namai vake wanga tadza kunditambira semuroora? ndichaedza kuona ndoita sei zvisingaiti ndiroorwe nemwana wavo. Ndinokwanisa kusiya nokuti mangwana zvinozondipa matambudziko. Kumberi nekuda kweku manikidzira zvinenge zvisingaiti. Kana ndangoona vabereki vake havasi kuda ndiite muroora wavo hapana zvandinga kwanisa kuita kunze kwekusiyana nazvo. Ndodzoka zvangu pamusha pababa vangu ndogara nokuti zvekuroorwa zvacho zvinenge zvatoramba. Ndaedza zvinenge zvaramba munyama wacho ndinenge ndakapiwa kudhara. Unenge watongoramba kubva. Saka ndinongo gamuchira zvinenge zviripo. Handione pane chakaipa kwandiri kuenda uku ndiri kuenda kunoonekwa kwete kubvumira Kuda atange arara neni. Hongu handisi musikana sekutarisira kwaari kuita nokuti ndakatomboita mwana. Asi hazvina hazvo dambudziko ndinongoteerera zvinenge zvataurwa. Kana uriiwe ndinodzoka ndichikuona ndichikuzivisa nokuti pauri apa ndinenge ndichikuona sehanzvadzi yangu. Ndiwe munhu anga kwanisa kumira neni pane zvose zvinenge zvarema. Zvose zvatiri kutaura izvi usazviudza umwe wako Solo. Nokuti ukadzamara wamuudza chete anondinetsa anondishungurudza kwandinenge ndaenda ikoko. Nokuti handisi kuda kuti zvese izvi zviitike." Akadaro Tambu kutaura kwaakanga achiita kwainge kuchindirwadza. Ini ndaiziva kuti Tambu ndiri kumuda. Asi kuti ndimuudze manje zvaizoita kunge ndashandisa advantage kuita zvinhu zvakadai izvi. Ndakanga ndichimirira nguva kusvika yakwana ndozomuudza. Asi moyo wangu wakarwadza ndichiona Tambu achibuda kuenda mushure mekunge taonekedzana ndaisaziva kuti aizokwanisa kudzoka rini. Achizondiona nokuti kuenda kwaakanga akuita uku handizivi kuti ayizodzoka rini. Asi ndinovimba kuti achadzoka chete rimwe zuva. Munamato wangu ndewe kuti ini naye tive tose tive nyama imwe chete. Ndizvo zvandinoshuvira chete kuva muhupenyu naye. KUDA Zvakandinetsa kuti ndoenda kumusha kwana Tambu ndinomuudza zvakanga zvataurwa nababa. Ndakaona zvisingaiti uye ndakapikisana nazvo pfungwa dzakanga dzataurwa nababa vangu. Ndakazviudza kuti kunyangwe zvidii kana zvidii ndichatoita kuti zvandiri kuita kuti zviite. Zvavari kundiudza kuti ndiroore musikana wekwa nhingi ndizvavo izvo. Handitombo zvikwanise izvo. Ndakavaoneka ndikati ndiri kudzoka izvezvi zvamataura ndazvinzwa. Uye handikwanisi kupikisana nazvo, ndakabuda ndikaenda. Ndikadzokera kwandakanga ndabva ndakasvika ndikaonana naTambu. Asi handina kukwanisa kuda kumuudza zvakanga zvataurwa nababa vangu. Nokuda kwekuti ini ndakanga ndichimuda nemoyo wese. Ndakatanga kureva nhema kuti Tambu unoona zvandadzoka kudai vabereki vangu vati varikuda kukuona. Kana zvichibvira tinga kwanisa kuenda mangwana chaiye. Hameno kuti iwe unozviona sei, baba vako vanozvitambira sei? Hongu baba vako ndakanga ndakavaudza handifungi kuti vanoramba. Nokuti iwe ndiwe uripa moyo pangu. Ndakadaro ndichitoudza Tambu Tambu akandipindura achiti Kuda zvawataura ndazvinzwa. Asi kuti ndiende ndisina kuonekana neshamwari yangu. Simba zvinhu zvinotora kunetsa ndoda kuonekana neshamwari yangu Simba ndimuudze kuti mangwana ndiripa rwendo handizivi kuti ndinodzoka rinhi. Nokuti Simba ndinomuona sehanzvadzi yangu uye ndiye munhu ayikwanisa kumira neni iye nagogo vake pose pazvairema. Saka kuti ndiende ndisina kumuudza zvinhu zvinotora kunetsa chaiko. Akadaro Tambu achitaura neni ndikamuudza kuti ayiwa hazvinetsi iwe chimhanya uende unotaura naSimba. Ini ndosara ndichitaura nababa vako kubuda kwakaita Tambu ndikasara ndina baba Tambu nemwana. Baba Tambu vakati muzukuru wangu hapana kwaari kuenda. Muzukuru anosara ungakwanisa hako kuenda naTambu asi, Ropafadzo arikusara haana kwaari kuenda. Ndosara ndichimuchengeta inini nokuti handizivi kuti kumberi ikoko zvinhu zvinenge zvakamira sei. Nokuti moyo wangu urikundiudza inini kuti vabereki vako handisi kuvachenesa. Panyaya idzi iwe hongu ungakwanisa kuda hako mwana wangu asi vabereki vako. Vanenge vasinga kwanisi kumuda nekuti ndiri kutofira mukati memoyo kutaura kwandiri kuita kudai. Vakadaro baba vaTambu vachidavirirana naVeronica. Veronica uyo akati ndinokumbirisawo Kuda nemoyo murefu kuti uyedze kuchengeta Tambu.Zvose zvichaitika Kuna Tambu unofanirwa kumuudza mune zvakanaka. Zvisina kana hasha kana chii nokuti unoziva kuti haasati akambopinda kana mumba. Asi ndinokumbira kuti umubate zvakanaka. Pavaitaura mashoko Aya ndaiona misodzi yavo ichiita kubuda. Ini ndakava vimbisa kuti "ndichabata mwana wenyu zvakanaka. Handifungi kuti kune zvimwe zvichamuwira. Nokuti ini ndichamira naye kusvika zvanaka handimusiye achitambura kana kudii. Kana kusiya munhu achida kumuita zvisina kana nebsa. Vabereki vangu havangadaro nekuti vatobvumira wese ne madzikoma angu chaiwo arikutoziva zvese izvi." Ndakadaro, asi mumoyo mangu ndakanga ndichiona baba ava varikuita kunge varikuoneswa. Zviri kumberi pamwe vabereki vangu vakaona kwavaizoita Tambu vaikwanisa kubvuma. Kuti ndimuroore hameno ndoona tava mberi ikoko kuti tingaita sei. Asi ndino vimba kuti Mai vangu vakabvira vabvumira chete zvinhu zvose zvinofamba zvakanaka. Hapana kana chimwe chinorema. Tambu akazosvika pakuuya tikarara tarongedza mangwana makuseni takamukira kubata bhazi tichienda kumba kwevabereki vangu ndakanga ndichinzwa kufara. Kusvika kwatakaita, ndakashamisika kuona hanzvadzi yangu ichinditi.. "Mukoma Kuda! Musikana wenyu auya arimo mumba umo nemabag ake akamirira imimi." Ndakaita kupererwa nezvakanga zvataurwa hapana kuita nguva baba naamai vangu vakabuda vachiona Tambu. Baba vakatanga ku.... To be continued on chapter 4 Nezuro dambudziko rakaita bhuku risauya magetsi.. Ngatinzwei zvinotevera muchikamu chinotevera gyz. Patrick stories Love's you🙏 Don't forget to like, comments and share as well..