Chapter 1️⃣ "Baba munondibvunza mubvunzo vakapusa kudaro kuti zvidii? Hamuziwe kuti ndinogara nani pamba pano? Makamboona pachisvika umwe rume kunze kwenyu zvamuno ndibvunza nezvenhumbu iyi?" Aiva Tambudzai akanga abvunzwa nababa vake nekuda kwenhumbu yaakanga ava nayo iyi. "Mwanasikana wangu! Zvauri kutaura uri kuedza kuda kundiudza kuti ini baba vako ndini muridzi wedumbu ravakatakura iri? Unodirei kunditukisa zvakadai ndisina chandinoziva? zvingaita ndirare newe mwana vangu vandakazvara? Ndiudze chokwadi handimurove munhu akakunhumburisa." Vaiva baba Tambu vaibvunza mwanasikana wavo nekuda kwenhumbu yaaiva nayo, wakanga vasingazive mwana wavo akanga achiita izvi nekuda kwei? Aiedza kutaura here kuti baba vake nyakumubereka ndivo muridzi wenhumbu yaiva akatakura. Murume mukuru akashaiva zvekuita akasvika pakudzamisa pfungwa dzake ofunga masirwo aakaitwa nemudzimai wake akanga akashaika Tambu achine makore gumi nerimwe rekuberekwa. Hama dzamai Tambu dzakamboda kuti kune mhuri yekwaChitiyo baba Tambu anofanirwa kutora munin'ina waMai Tambu agare achichengeta Tambu kusvika akura. Baba Tambu havana kukwanisa kugamuchira zvakanga zvichitaurwa izvi nekuti havaida mwana wavo akure achichema nekuda kweumwe mudzimai vakasarudza kukudza mwanasikana vari wega Vakaona zvisina kufanira vakati hazvingaita zvamuri kutaura izvi. TAMBUDZAI "Baba zvamuri kundibvunza azvichina kana nebasa rose? Handichisiri mwana mudiki anogara achibvunzwa zvisina kana nematuro ndakura ini ndava mhandara. Zvose zvamunoda kuziva kubva kwandiri pamusoro pedumbu iri hamukwanise kuzviwana nekuti kuva nemakore gumi nenomwe kukura." Ndakadaro ndichiziva munhu akanga aita ndiite nhumbu. Ndaita kunzwa hasha nekubvunza zvisina nebasa kuti vava Mai vangu here vanondibvunza zvakadai. Ndakabuda pamba mangwanani emusi weMugovera ndichienda kumba kwana Solo uko ndakasvikoona Mai wake avo vakanga vachitsvaira pamba pavo makuseni-seni. "Mamukasei Mai Munetsi?" Ndakadaro ndichiwakwazisa Mangwanani aya. "Heeeedee! Iwe Tambu unomukira kumarainhi makuseni-seni kudai kwakanaka here neicho chidumbu chako ichi? Ukati baba vako havashure here kukuita mukadzi kudai! Haaaa gore rino tichaonerera zvedu." Vakataura apa ndaiva ndavamirira vapedze kutaura zvavakanga vachida kutaura. "Mapedza kutaura here Mai? Munoziva handina kufambira svina dzamuri kundiudza idzi? Ndauya kuzoona zimwana renyu Solo ririkupi?" Ndakadaro handaida munhu anoita kunge asina dzakakwana, kudai vakanga vachiziva kuti ini ndinonzi Tambu zvaiva mumusoro mangu zvaitova zvihombe kudarika zvavari kufunga izvi. "Iwe Tambudzai ibva pano usada kunditambudza sezita rako mhani! Unoti ndiri baba vako here vakakunhumburisa uye siyana nemwana vangu ungoti svina yavakazara nayo ndikuone uchitamba nemwana vangu chete! enda kuna baba vako ivo vairamba kupiwa umwe mudzimai vachiziva zvavaizviitira havo. Kuramba kukuendesa kuchikoro wakanga vachiziva vakubata chibharo iwe ndipo voramba zvako kutaura chokwadi manje uchafa zvako" vaitaura mashoko akanga achirwadza moyo wangu, kudai wakanga vachiziva mwana wavo ndiye honzeri yazvose izvi vasingataure mashoko avari kutaura aya. "Mune proof nezvamuri kutaura here?" Ndakadaro ndichisunda dumbu rangu kuenda pavainge vari apo, ini ndakanga ndaita kuzara nehasha zvekuti ndakasvika kuvabata huro hwavo. " Amai musataura kunge makagara pamusoro pechember handitika? Mukuona dumbu iri musi unobuda kamwana aka kari kuuya pano muchakachengeta zvenyu nekuti ndimi mukuziva baba wedumbu iri kupfuura ini muridzi varo? Pamwe ndimi makandipa nhumbu yacho uye musataurise zvamuri kuita izvi mukanwa menyu ngamuite mabrake kwete kuganza kutaura zvamuri kuita izvi." Ndakavapushira pasi ndakatanga kufamba ndichidzoka kumba ndakawana munin'ina wamai vangu ava kumba apa akanga ane mapurisa maviri aiva nawo uku baba vangu vakanga vachichema zvainzwisa tsitsi. "Thank God! Vauya nenguva kwavo mwana vaChipo, udza mapurisa aya chokwadi chavakaitwa nezirume iri hapana anotadza kuziva kuti nhumbu ndeya baba vako ava Tambu." Vaiva Mainini vaitaura ava ndanadhanyarara makumbo angu ndichifamba uku ndaive ndakabata musana nemaoko angu maviri. "Mhamha! Mapurisa aripano ndeeyi aya? Ko, baba vangu vasungwa mhosva yavapara ndeyei yandisingaziwe ini mwana wavo?" Ndakadaro ndichibvunza ndakanga ndine mhinduro dzavo dzose vanhu ava. "Iwe Tambu usanyepera kuzungaira iwe vakararwa nababa ava kusvika pakuita dumbu raunaro iri" vakadaro vachiita kukwidza inzwi ravo rakaita vavakidzani vauye pamwe chete nasabhuku akauya kuzoda kunzwa zvaiva zvaitika, ipapo neni Tambudzai ndakaita manyemwe nekuda kwekutaurisa kwakaita amainini vangu ava. "Mainini handiti ndimi maivapo pandakarara nababa vangu? Gara zviya dzaiva nguvai uye uri musi wechingani pandakarara nababa vangu?" Ndakadaro ndakaona munhu akushama muromo vake. "Musataura kwamusina kuswera zvino munoda kusunga baba vangu vasina mhosva ivo vapari wemhosva vakazara kunze. Vaeikuba mbudzi nemombe dzavanhu,imi ndimi makusunga vanhu vasina mhosva? Ndiani ane chokwadi chezvamuri kutaura izvi pazvakaitika? Kana aripo ngataure tione. Imi pakafa Mai vangu makanditengera chii samai vakasiwa pamwana uye kuzouya muchindiona zvenyu makubudikira nhasi uno." Ndakadaro ndakaona vanhu vose vachiti ziii. Ipapo ndakanzwa Mainini vangu vavakuti... "Mwana vaChipo nyarara kana usina chaunoziva, unoti kwangu kureva nhema here kwandiri kuita uku? Usaita pamukanwa pasinga mharwi nenhunzi zvauri kutaura izvi. Ziva ndiri Mai vako kunyangwe ndikava mudiki kwauri hapana chino chinja ndinenge ndiri Mai vako. Unoti haushure nezvaunotaura izvi? Manje ndiye achaudza vamwe ava kujeri uko kana usingade kutaura chokwadi iwewe kuti vakakuita sei nekuti tinoziva ndizvo akauraira mudzimai wake kuti aite zvakadai izvi murume mukuru kuita basa risina kunaka". Vaiva Mainini vangu vaitaura kwavasina kuswera ndaiva zvino ndaita kupupuma nehasha ndisisagone kana kutaura ndaita kuruma muromo vangu wekuzasi uyu. "Handiti mati munoda kuziva chokwadi chezvakaitika?" Ndakadaro ndichivabvunza. Ivo vakandidaira vachiti "hongu! Tiri kuda kuziva nekuti irape yakaita baba vako ava." "Kubva zvakanakai nekuti ini ndinoda mutange mabvisa njema dzamaisa baba vangu moudza shamwari dzenyu idzi! Dziende kunosunga varikuba mombe kwete zvamuri kutaura izvi nekuti pano hapana mbavha" ndakadaro ndichigara pane kamwe matombo. Mainini vakaudza mapurisa kuti asunungure baba vangu ava ndokuita sezvandakanga ndichida vapedza vakaenda ndikasara ndobvunzurudzwa. "Muri kuda kuziva pamusoro penhumbu yangu handiti?" "Ehe ndinotoda kuziva" vakadaro vakanditarisa. "Kubva zvakanakai mhamha, chekutanga mukapindura mubvunzo vangu mavana answer yenyu." Mary anova mai vaJuses akaitiswa nhumbu nani? Uye zvenhumbu yangu munoda kuziva kuti ndimi makandipa here?" Handina kupedza kutaura ndakanga ndarohwa nembama nechepaziso zvakaita ndinzwe...... To be continued on chapter 2