Chapter 2️⃣6️⃣ "NARRATED Kutaura kwa Tambu kwaiva kuchirwadza Solomon, nokuti Solo akangaatadza kuteedzera zvakanga zvataurwa naTambu pamazuva avo ekutanga. Vachangopinda murudo. Tambu anotanga kuchema nekutaura zvese zvakaitika achiudza Solo kuti "Solo ndakaku trust ndikakupa moyo wangu! ndichiti ndiwe uchava munyaradzi wangu. Ndakakura ndisina mai kana munhu anondipa rudo samai? ndakakura ndina baba chete vachindiitira zvose zvandaida, ndaifanirwa kuti kana ndichinge ndaroorwa ndochengetawo baba vangu sekundichengeta kwavakaita. Hongu! ndakatadza kukwanisa kuenderera mberi nechikoro nokuda kwekuti wakanga wandipa chironda pakati pemoyo wangu, ndichifungidzira kuti zvawandipa chironda ichi zvichaita kuti uwedzere kundida?rudo redu ruchasimba, asi rwakatadza kusimba rwakabva rwatoputsika. Ndopakaputsikira rudo kusvika ndarwadziwa, zvakanditorera makore akawanda kuti nditsanangurire vabereki vangu nokuda kwekuti wakanga wandiita zvakaipa! zuva nezuva ndakanga ndichichema kuti Mwari; sei zvose izvi zvichiitika kwandiri? ndichiedza kushingirira kuti pamwe zvinga bude mukati mepfungwa dzangu, asi zvakanga zvichiramba. Kuuya kumba kwenyu kwese kwandakanga ndichiita, ndakanga ndichiedza kuti pamwe uchandicheuka undionewo semunhu." "Asi zvakaramba, zvose zvikaenda musango nokuda kwekuti iwewe wakanga uchiteerera mai vako? ndiyani angakwanise kubvuma zvose zvauri kutaura nemuromo wako nokuti waona kuti nguva yareba urikutambudzika nenyaya yekuti washaya mwana nemukadzi wako wakuona kuuya kuno zvakakodzera? kuzondikumbira ruregerero. Ini handikwanisi kukuregerera pane zvese zvawakandiita nokuti wakarwadzisa moyo wangu kusvika pamwongo chaipo handikwanisi nokuti ini ndiri kutorwadziwa zvakanyanya. Mwana wangu izvezvi akatiza nababa vangu kuenda kure nokuda kwako nevabereki vako? iwe tarira uone patiri kurara! tiri kurara panze tichirohwa nemhepo. Makuseni oga oga tinomuka takanyorova tichiita kugwagwadza nechando iwe urikurarama hupenyu hwakanaka? mwana vaunoti ndevako izvezvi akanga achirwara, asi iwe urikurarama hupenyu hwakanaka uchidya chikafu chakanaka. Ndizvo here zvawakandiita kuti ndiite zvese izvi ndigowana kutambudzika mukati meupenyu hwangu? ndava kutambudzika sezita rangu randakapihwa nevabereki vangu vakanga vanechirevo pakundipa zita iri nokuti vakanga vaona kuti ndichatambudzika nokuti zveshuwa ndiri kutambudzika nokuda kwako namai vako, ndiri kuona sekuti nyika yose yatondifuratira kunze kwababa nemwana wangu. Ndovangosara vari kuside kwangu chete, ini handina mashoko akawanda uye handikwanisi kukuregerera zvako nokuti zvawakandiita zvakandirwadza wakaramba nhumbu yako iwe? uchiti ini ndakarara nedombo.?" "Dombo iroro ndovachava baba vemwana wangu. Mwana wangu ndoziva haana baba. baba vake ndiro dombo iroro ndichanomuratidza kana achinge abvunza kuti nayi mhamha baba vangu vari kupi? ndongoenda naye pazvakaitikira zvinhu izvi! ndomuudza kuti mwana wangu ini handidi kukurevera nhema? ndakarara nemunhurume panapa, asi munhurume wacho handimuzivi pamwe ndirori dombo racho."Tambu anotaura kudaro apedza anobva paiva pana Solo, anopinda mumba makanga muna Mainini vake Veronica naMaria; anosvika nokuda kutora mabag ake Maria anomubvunza kuti "Tambu wafunga kupi? uye unoda kuenda kupi? hongu! unokwanise kuita zvinhu wakatsamwa, asi hazvikomboreri zvaunoda kuita izvi? nokuti baba vako nemwana wako vakachengetedzeka kwavari iwe ndoziva kuti moyo wako samai unenge uchirwadziwa uchida mwana wako pedyo newe. Asi usaite zvaunoda kuita hazvina kwazvinokusvitsa! tanga wafunga uye ndinoona kuti uyu ndiwo mukana wekuti utaure naye Solo umuregerere. Kwaiva kusada kwake kwaiva kuda kwevabereki vake. Unotora zvivi zvevabereki wozviisa pamwana wacho? hongu! ndinoziva kuti akanga akaputirwa nerima kusvika pakuita zvese izvi,ndosaka waona asunungurwa muzuva ranhasi adzoka kwauri." Tambu anotarisa Mainini vake Maria vachitaura, anovadaira achiti "mhamha Maria zvamuri kutaura ndiri kuzvinzwa, asi hamusi kuziva kuti pakati pemoyo wangu paneronda riri kutondirwadza uye richanetsa kupora nokuti rakaiswa naiye Solo. Izvi hazvipinzi vabereki vake mukati nokuti iye ndakamutrust kumupa zvose zvaakanga achida apedza kutora zvaakanga achida akundisiya? izvezvi tarisai kuti ndini ndotambura nemwana, mwana akanga achirwara haana kana kumucheuka? mwana nababa vanodya zvemubin, asi iye haana mubvira akamucheuka ndozvinorwadza iye arikudya zvakanaka achirarama hupenyu hwakanaka apa mwana arikurara asina kufunga achifuga zvinhu zvisina kunaka achibatwane chando kwaari ikoko. Hongu! ndinga kwanesa kumuregerera, asi pakati pemoyo wangu parikuramba kumuregerera nokuti zvinhu zvaakaita zvakandirwadza ndakatambura ini kusunungukira mudanga rembudzi mwana achidonera mundove yembudzi iye namai vake vachidya vachitoseka kuratidza kuti vakanga vachifara zvavo nekunakirwa neupenyu nhasi zvaoma vakuda kukumbira ruregerero. Asi marwadzo andakanga ndichipindana nawo panguva yacho vakanga vasingamaoni." "Inini ndini ndakangozvarirwa kutambudzwa chete nekuregerera? ivo ndinoona kuti havasati vatambura ndinoda kuti vatambure sekutambura kwandakaita. Hongu! kutonga ndekwaMwari, asi ini handisati ndava nechido chekumuregerera nokuti ndakarwadziwa kweupenyu hwangu hose, mainini mukatarisa. Dai makanga muripo muchiona zvakanga zvichiitika maichema, misodzi yangu irikubuda uye kuchema kuona kuti handina mashoko ekutaura akawanda? dai ndakanga ndina mai vangu chaivo pedyo vaikwanisa kumira neni. Asi ndakamutrust ndikamupa zvose ndatoona kuti ndizvo zvinoita kuti rudo rwedu rusimbe, asi zvose zvakaenda mudondo now ndavakudemba zvandakazviitira zvakanditorera makore kuti ndiudze hama dzangu kana imi mainini Veronica munenge munozviziva kuti pamakauya pano muchida kuziva kuti nhumbu ndeyani? baba vangu vakapinda busy vakada kusungwa vachinzi vakarara neni nokuda kwake iye aramba nhumbu iyi namai vake vakati ndakarara nababa vangu? Kuti ndimuregerere . Baba vangu nemwana wangu ndovachava kumberi kwangu pakumuregerera pane zvose zvaakataura ini handikwanisi kumuregerera kwezuva ranhasi ndakamirira baba vangu ndokwanisa kumuregerera." Tambu akanga achitaura kudaro apedza akagara pasi akanga achinja pfungwa akati ndakugara pano handichaendi, asi handisi kumuregerera kusvika mhuri yavo yose yauya kuzokumbira ruregerero kana baba nemwana wangu vachinge vauya. Solo akanga achichema aripo panze ipapo achingochema zvainzwisa tsitsi Solo akachema aripo panze asi hazvina zvazvakabatsira akabva asimuka ndokutanga kufamba zvishoma nezvishoma achienda kumba kwevabereki vake munzira mose akanga achingoeredza misodzi asina kana munhu waanotaura naye achingotaura ega pamusoro pezvakanga zvaitika izvi anosvika kumba anoona baba vake namai vake vakagara vakatambarara serunyemba vachidya zvavo maputi anozvika ogara pamberi pababa vake namai vake otanga kuchema otinai mhamha ndakanyanya kukutadzirai zvakadii chinoita kuti munditambudze zvakadai tarirai ndorasa muri yangu hr nokuda kwenyu ndorasa ropa rangu hr nokuda kwenyu ndakakutadzirai chii chenoita kuti munditambudze kudaro mundiise mweya wekuti ndirase mwana wangu nemudzimai wangu anochema baba vake vanomuti Solo mashoko awuri kutaura haasi mashoko ikutaura kuna mai vako hongu iwe namai vako vanoziva kuti Tambu haasi mukadzi akanaka kuti uvenaye mwana wauri kutaura kuti wako haasi wako unechokwadii hr kuti mwana ndiwako iwe wakati hausi wakamupa nhumbu yacho chanetsa chii nhasi chakuita kuti utaure izvi iwe wanyanya kupihwa chii naTambu wacho kwauribkubva uku anyanya kukunyengedza chii mwana uyu chinoita kuti utaure uchidai why wakuputirirwa iwe Tambu ndiye arikutokushandisa kwete mai vako Tambu ndiye arikuda kutokuita kuti uve baba vemwana uyu iye asiri wako arikutoda kutopamba ropa risiri rako kuriita rako iwe usabvume zvekunyengedzwa izvi mira kusvika nguva yakwana. Ipapo Solo anonzwa hasha dzakanyanya anopindura baba vake kuti imi baba muri kuzama kureva kuti chii muri kuedza kureva kuti mwana anaTambu haasi wangu hongu ndini ndakabvisa Tambu humhandara ndakamuisa chironda cheupenyu hwake hose ndini honziresi yazvose yekuti atambudzike ini ndonetsana nekuti ndive nemudzimai wangu nokuda kwamai ava varikuziva zvavakaita mai taurai chokwadii kana musina kutaura chokwadii ini ndava kuenda pamusha penyu handifi ndakadzoka zvakare kusvika mandiudza chokwadii tarirai Tambu nemwana wangu vandifuratira havachadii kutaura neni makada kusungisa mai vemwana uyu kana iye mudzimai wangu Mellisa anozviziva kuti Tambu akatakura mwana wangu hazvidi mubvunzo kana chii mwana akafanana neni akafanana nemi zvakare baba vangu saka zvamuri kutaura izvi muri kuzviwana kupi ini ndotaura mhanheru pane zvandakaita ndoziva zvandakaita ini makatambudza mudzimai wangu kana ndichinzi ndichaita barika ndichavaroora vese vari vaviri vagogara pano kana imi musingadii ndichaona kuti ndichaita sei ini handingarasi ropa rangu nekuda kwenyu. To be continued on chapter 27