Chapter 2️⃣5️⃣ Veronica Rufu rwambuya vaSimba rwakarwadza vanhu vakawanda kusanganisira neni zvakare. Handina kuziva ndizvo zvichaitika izvi. Mashoko avakataura akanga akaoma kana neni ndakatadza kumanzwisisa zvavakanga vachida kutaura. Ndakarwadziva kani,asi zvakatodarika uye ndakanzwa kufara pakadzoka mwana vasisi vangu Tambu ndaive ndamusuwa. Asi ndakaona akanga asingavimbe neni zvachose ndakamirira kusvika adzoka ndakaita kupfungama pasi zvekuti ndakachema ndiri pamakumbo ake kusvika iye abudisa misodzi yake akauya pandaiva ndokundisimudza. Rimwe zuva Tambu akanga aenda mugomo ini ndakaenda kunotsvaka chekubata mumba makanga musina chinhu zvacho kana ivo vaviri hameno taibatana nei kwezuva iri zvaro. Ndakanonoka kudzoka kumba nekuda kwekuti ndakanga ndaenda kumashop kwandaiva ndanzi ndizouya, asi munhu vandaida kuona handina kumuona kusvika ndadzoka kumba . ndakasvikoona pane vanhu vakati wandei ndakashaya kuziva chakanga chichiitika panguva yacho. Pandakanzwa zvakanga zvafambirwa ndipo ndakaita kamunamato kangu ndega kasina ani akakanzwa kusvika vanhu vapedza kudya. Ndakanzwa tsitsi nekutaura kwaiita Tambu kubva zvakatanga kurara naSolo kusvika abatsirwe zvose hapana chakanga asiya kutaura. Ndakanzwa tsitsi nezvose zvakataurwa naTambu, akasvika pakuvanyaradza. "ndandisina kutarisira zvakadaro,nokuti zvose zvandaifunga kumbo kuitira zvikadzoka mundangariro." Asi ndakazomuudza kuti ini handisi kuda baba vako! nokuti ndawana munhu anoda kundiroora pama zuva maviri arikutevera aya ndichauya ndichikusiya ndinenge ndakuenda kunogara nemurume wangu. Narrated..... Solo akanga achizvinetsa kuti oita sei? Tambu akanga amuregerera zveupenyu hwake hwese? kana kuti zvaiva zvekungoti amuregerera zvekungobva ipapo. Solo anoenda kuna Simba anokumbira ruregerero otaura kuti "Simba! ndinokumbirawo kuti undibatsire kukumbira ruregerero kuna Tambu, nokuti Tambu ndinoziva ndinomuda zvakanyanya kana iwe zvakare unoziva kuti ndinomuda, kumutambudza kwandaimuita kwaiva kusiri kuda kwangu kwaiva kuri kuda kwamai vangu ndovakandigadzira kuti ndisade Tambu kusvika pakumuvenga kudai. Kana paakazvarira mudanga rembudzi kwaiva kusiri kufunga kwangu, asi kwaiva kushandiswa. ndakazofamba ndikazvionera ndoga kuti ndiri kushandiswa! please ndiri kukumbirawo." Simba anodaira achiti "ini handina zvandinokwanisa kuita nokuti iwe wakatoremadza mwana wevanhu? mwana wevanhu akapinda mumatambudziko akawandisa nokuda kwako. Baba namai vako varimo munyaya nekuda kwekumusungisa kwavakaita iwewe kana uchiziva kuti ndiwe baba vemwana enda wega kunomukumbira, womuitira zvose zvaari kuda ukangopedza izvozvo chete naiye mowirirana." Solo paakanzwa Simba achimuudza zvekuti ayende kunoita zvose zviri kudiwa naTambu kuti ayite. Akabva atosimuka kuenda kumba kwana Tambu akanga azvipira zvake kuita zvose zvinoita kuti Tambu amuregerere nokuti akanga aona kuti mai vake zvinhu zvavaiva vakamuitisa zvaiva zvisina, kunaka kuramba mwana wake kwaakaita akanzwa kuzvishora nezvese zvaakaitira Tambu nokuti ayiva asina chaakanga amutadzira zvokuti angasvika pakumuitira zvinhu zvaakaita nekuda kwemishonga yamai vake yaimushandisa Solo anofamba nzira yose achifunga kuti achasvika achitsanangura sei nyaya yake kuna Tambu uye nokufunga kuti achamuregerera here, pane nmzvose zvaakaita kwaari anozviudza kuti kana Tambu akasamuregerera naiye haafi akarengererawo mai vake pane zvose zvavakaita nokuti ndivo vakakonzeresa zvose kuti ndirambe Tambu nemwana wangu. Ikozvino ndakutadza kuita mwana nekuda kwavo. Anosvika kwana Tambu anobva akumbira kutaura naTambu. Tambu anomuudza kuti taura anotanga kukumbira ruregerero, Tambu anomuudza kuti ndakakuregerera wani? asi Solo anoona kuti kutaura kwemunhu arikurwadziwa nezvaakamuita anobva atanga kumutsanangurira zvose zvakaitika. Kuti kwaisava kuda kwake kuramba kwaakaita nhumbu yake, zvose nemwana kose! kumushungurudza kwaaita kusvika pakuberekera mudanga rembudzi kwaiva kuda kwaamai vake kwete kuti ayizviita maune. Anopedza kutaura zvose akuchema zvekuti kanaTambu akasvika pakuchemawo nekunzwa zvinhu zvaitaurwa naSolo zvichidzimba Moyo vake zvakanyanya... To be continued on chapter 26.