Chapter 2️⃣2️⃣ MAI SOLOMON kunetswa nemwana vandaka bereka ndiko kwandisingade kunzwa,anondiudzira zvekuita kuti agova chii pamba pano anotaura zvekutambudza kwangu muroora akuona sei? Ndaiva ndatsamwa ndichifamba kuenda kumba ndaiva ndochibva kurufu rwembuya iyi. Pandakanga ndakuda kusvika kumba ndakanzwa vhudzi rangu kuona mumusoro kuratidza kuti nzvimbo yandaiva yakanga isina kunaka, ndakafamba imwe speed isati yakaonekwa nani kana ura ndaiva ndoita kunge ndaubatira mumaoko nekuda kwekutya. Ndakasvikoona baba Solo vachinwa zvavo shutu gadzike vakaita kugara zvekukanganwa zvavo. "Munoita basa rekuzvifadza makagara kudaro mukuziva here kuti mwana wenyu apanduka uyu?" Ndakadaro ndichiita kutadza kufema nekuda kwekututuma nehasha ndakaita kuruma muromo vangu. "Iwe chiii! Chauno vavarira pana Solo iye ava murume mukuru?unoti achiri mwana mudiki anogara ari muhapwa dzako here? Handiti kuroora kuratidza akura hachada zvekutongwa kuramba ari muhapwa dzako. Unoda zvipi chaizvo Mai Solo? Tambu muroi handimude pano kamwana kakatakura hakazi kaSolo. Nhasi ava Melisa hazvare heee zvino zvikadai? Vako ndiye anokwanisa kuita mwana here? Uchiri kurangarira mashoko ambuya shumba ukavavharidzira kusataura nekuda kwako. Ini ndisiye iwe ita zvavafunga, asi kwete kuparadzanisa imba yemwana vako ndava mangwana uchaona kukosha kwazinoita." Murume uyu ndakashaya aiva murume rudzii chaizvo izvo. Handina kuda kuzotaura zvimwe zvakawanda kunze kwekuenda kwasekuru ndakanga ndoda kuita zvinogara zvakadaro ndaiva ndaneta manje ndisisade kutaura ndione Solomon kana aikwanisa kuzovhaira zvakare. Kusvika kumba kwasekuru zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka sekutarisira kwandaiita. Aiva manyama manyama zvekuti.... TAMBUDZAI Ndaiedza kumisa motikari dzaipfuura, dzimwe dzaimira pandaingotaura nekusava nemari vaita kutukirira zvakandinetsa. Munyama wangu vakaita sei chaizvo izvo ini! Ndichazowei pane vamwe? Ndichawana achandida here kana ndicharamba ndiri wematambudziko zuva nezuva. Zvose zvaiva zvichiuya mufungwa mangu ndichiita kufambisa apa nzara nenyota zvakanga zvondikuvadza. Kana uri semuromo vaive vaita kucheneruka nekuomarara nenzara. Ndakaona paiva nemasekesa ndikatsauka pakaiva ari ndakatora maviri ndokuita kugara pasi ndikatanga kumadya, pamwe ndaikachidzwa, asi ndakanga ndichida dumbu rangu rigute ndaisada zvakawanda. Kwandaienda handaiziva ndaingofamba ndichienda kana kwandaizobudikira hameno ndaizotangira ipapo. Ndakaona rwizi rwaive nemvura yaiyerera yakachena ndakafukura kafuku kangu ndikakunya siketi yandaive nayo ndokupfugama ndichitsinzinira maziso angu nekunwa nemuromo uku ndakabalance nemaoko. Pandakaona kuti dumbu rakanga raguta ndisisanzwe nyota kana nzara ndakafunga kuzvishamhidza pane kamwe kadziva kaiva murwizi umu. Ndakabvisa nhumbi dzose ndikasara ndisina kusimira ndokujambira mumvura kuti nditange kubhakubha. Iyi yakanga iri tsika yangu kubva ndichiri mudiki yekubhakubha iyi. Ndakati zvino ndaneta ndokutamba zvangu ndega mumvura umu ndakamira apa ndaitamba ndega. Ndakasvika pakudzamisa pfungwa nendangariro ndofunga hupenyu kwahwaibva nekwahwai enda ndakasvika pakutanga kubudisa misodzi ndega. Ndakaona kusaonana nemwana kana baba vangu vose vari vaviri. Icho chakaita kuti ndisiye mwana nababa chii? Izvezvi kwavakuda kwangu uku! Ndinotangira pai kuvatsvaka. Ndakachema ndiri mumvura umu zvekusvika pakuomerwa chaiko Ndakazobuda nekupfeka ndakasimudzirwa rwendo rwangu zvekuti ndakanga ndonzwa makumbo kurwadza apa zuva raiva rodoka ndakuita kunzwa mota dzaitinhira pamwe nemagonyeti. Ndakasvika pane imwe nzvimbo yaiva ichinzi Roti. Paiva pakazara vanhu vaitengesa zvakasiyana siyana ndakaedza kutsvaka basa ndikashaiwa chaiko. Kusvika ndashingirira kuenda kwaMutoko center, ASI kunze kwaiva kwasvibirira. Ndiri munzira pakaita imwe private car yakamira mberi kwangu yakanga ine vanhu rume vaviri. Mota iyi yakatanga kudzoka neruvhesi ichiuya kwandaiva kumashure. Pavakasvika pakanangana neni umwe akadzikisa window remota. "Nhai mwanasikana unofamba zvakadai kwakanaka here? APA tarira huruva iri mugumbo mako kuratidza vabva kure hande tinokusiya kwauri kuenda." Akadaro murume aiva asinga chatyaira motikari. "Ndinotenda nerudo rwenyu! Kwandiri kuenda ndatosvika hakuchisiri kure hako." Ndakadaro,asi vakaramba vachindimanikidza kudzamara ndapinda mumota umu. Vakatanga kubvunza kwandaienda. "Hapana kwandiri kuenda nekuti andina wandoziva." "Aaaaa! Ungaenda kwausingazive? Ukanyarara isu tichida kukubatsira hameno zvako tinokusiya kana kuenda newe kwedu kwaMutare uko." Akadaro umwe vacho aiva achityaira motokari. "Kana kungori nevanhu vandiri kuenda kunotsvaka chete, handione pane chakaipa. Nekuti ndiri kufambira zvinhu zvakawanda, kunotsvaka baba vangu nemwana vangu zvakare. Kana ndashaya ndoita zvekutsvaka basa chero. Imi chinangwa chenyu chekunditakura ndechei? Hamude kundichekeresa here imi vanhu?" Ndakadaro ndichitovabvunza uku hana yakanga ichiita kurova chaiko handina kuziva sei. "Mwanasikana! Unoda kunotsvaka basa nezvauri izvi? Hauzi kuona kuti ukatanga bhizinesi remuviri vako unoita mari than pane kushandira umwe munhu?" Vakanga vakutaura zvandakanga ndisinganzwe panguva iyi. "Handina kunzwa zvamuri kutaura nekuti mutauro wenyu handiukwanise ini? Munoedza kurevei kana muchiti bhizinesi rekutengesa muviri vangu? Kuda kundiuraya motengesa nyama dzangu idzi here." Ndakabvunza hana ichiita kurova chaiko. "Zvavanzwa ndizvozvo! Hapana chinochinja nekuti hatingakutakurira mahara zvedu. Tichakutsvakira macustomer kana tasvika maRusape kuitira ukwanise kuwana chekudya, zvatataura ndizvozvo hapana chaunoramba nekuti ukada kuramba tinoku." Vakadaro vachibudisa. Kubudisa kwavakaita chimwe chinhu, zvakaita ndiwedzere kurohwa nehana kusvika paku.... MARIA "Dzungu ndiro richaita kuti ufe. Unoti kwangu kupusa here? Unoda ani, pakati pangu naiye Tambu vako uyu manje muchamusuwa zvenyu. Tenda midzimu yako yaita upone iyi." Vakadaro Mai vangu vachiita kuruma muromo wekumusoro kuratidza vakanga vane hasha dzakanyanya. Ndakatoziva ndivo vakanga vakonzeresa kana ndakuita zvinhu zvangu ndakanga ndoita ndakagwarira ndava ndingafa ndisati ndaitei. Ndakanga ndichinzwa nyama dzangu kurwadziwa zvakanyanya. Uye kutenda kwangu kuti sisi vaiva vadzokedzana fungwa dzavo, ndaiva ndakutyira kuti vanogona kusangana nerufu zvichida naamai ava. Ndakazobatwa nehope masikati ndokutanga kurota. Ndaiva ndichiona Tambu akavharirwa mune chimwe chinhu. Pandakasvika pane chinhu ichi ndakanzwa kurohwa rohwa. Pandakavhunduka kubva kuhope ndakaona vari.... To be continued on chapter 23.