CHAPTER 1️⃣4️⃣ TAMBUDZAI Ndakaona kutaura kwamainini wangu kwaiva kwemunhu uya akanga achida murume. Mumoyo ndakazviudza kuti kana vasina kutaura chokwadi chose chavanoziva kwandiri kuda kweruvengo pana Mai vangu hapana chakanga chichizobudirira pane zvose zvavaida. Ndakanzwa mambo wava kuvabvunza kuti.. "Amai mungaudza dare here kuti mwana makamunhonga kupi wemwanasikana uyu?" Ipapo ndakaona wava kuita kuhuta, muromo wavo kuita semunhu akanga abatwa nechando. "Kutaura chokwadi handina kunhonga mwana ini? nekuti mwana akanga anababa Solomon ava, vakauya naye kuzopa baba vake vachiti muridzi ane kwaaiva aenda hameno aidzoka rinhi?" Vakadaro vachiita kudedera vakatarisa Machinga akanga akaisa meso ake pasi kutya kuonekwa nevanhu nyadzi dzaiva dzamukunda. Mainini vakanga varondedzera zvose zvakaitika hapana chawakanga vasiya kutaura pane zvose izvi. Murume mukuru akanga oshaya kuziva opinda Papi nenyadzi, zvekuti ndakaudza mambo nezvekusada kuvasungisa. Ndaida vaende kunotsvaka baba nemwana wangu vauye nawo pano ndoona yekutamba. Zvekwamambo zvaiva zvapera sezvo Machinga akanga abhadhariswa pamwe chete namainini vangu. Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka kudivi kwangu nekuda kwekushaikwa kwababa vangu. Hongu kana chikafu chakanga chisingapinde nekurwadziva kwemoyo wangu zuva nezuva. Vaiva vari pai? Uye vachidyei kwavari uku. Izvi zvakaita ndibude misodzi. Ndakasvika pskupererwa kudzamara ndasvika kumba apa kwaive kwasvibirira. Mainini Veronica vakaedza kuda kutaura neni zvose zvokashaya basa. Simba akasvika achida kunzwa zvakanga zvafamba sei ndakamuudza zvose mafambiro azvakanga zvaita akaratidza kufara chaiko. Simba aiva ari shamwari yaSolo hake uku aita basa rekuputa mbannje zvekuti zuva iri ndakafunga kuda kudzirova. Akandipa kuti ndipute, asi handina kure kwandakadzirova ndakachidzwa zvekuti ndakatanga kubhabhadzirwa naSimba zvose zvaiva mumaziso amainini vangu. "Simba zvondirwadza kuti baba havazi kuzirikanwa kana nditi ndotangira pai kuvatsvaka handizive, chandakazvitira zvekutiza mwana ndichienda kwaisazirikanwa." Ndaita kutaura ndichichrma. Mainini vakauya vachida kundibata ndakatanga kuvatuka nomutaura zvakawanda, ndivo vaiva vakonzeresa zvose izvi ndaiva ndavapa mazuva matatu. Ndakapukuta misodzi ndokutanga kuseka ndega kusvika ndasimuka husiku uhu. Ndakatanga kufamba ndichienda kumba kwababa Solomon ndaiva ndakunzwa kuti pano handichisiri Tambu hameno mweya vakanga vandigara pandiri. Ndakasvika Mai Solomon vachinetsana nesikana vandakaona anaSolo rimwe zuva. "Iwe unodei pano? Unoti zvaunoita chipfambi chako nemurume vangu? pane asingazive kuti unoita basa rekunyenga varume muno murainhi here?" Vakadaro ndakatanga kuseka zvangu ndokuvapindura ndichiti... "Pamuromo penyu hapazorore kutaura pakaita sei? Makabva kumba kwenyu nemurume here kana makauya kumurume? Zvamuri kutaura tangai mafunga musati mataura nekuti Mangwana muchashaya kwekunyarira nemashoko enyu aya.uye handina kufambira zvamuri kutaura sezvo ndiri mbudzi yenyu yakazvarira mudanga menyu mundove zvakare ndinoda kuziva tsitsi dzamakaita paya dzaiva dzakaita sei nekuti ndikuedzakudziksa kuvanhu vakakwana zvirikuramba?" Ndakanga ndichinzwa kutaura zvandainzwa kuda kusvika ndaona kuti pano ndavaku.... BABA TAMBU.... ndakaita kupererwa nezvandakanga ndaudzwa izvi. Ndakanga ndichitangira pai? Akanga arumwa nei mwana uyu apa aiva achiri mudiki diki. "Ndinokumbirawo kuti mundiudzewo kwamamuendesa mwana wemwana wangu uyu ndiye ega anoita ndifare." Ndakadaro ndakuita kudonhedza misodzi vanhu vaiva vaita kundiunganira zvino. Ndakaperekedzwa kusvika ndasvika kuchipatara ndokuenda maiva nemwana akanga akarara. Kudai aikwanisa kutaura ndaiziva zvaiva zvaitika ndakatanga kumubata misodzi yangu ichidonhera paruoko rwake. Uku dzihwa raiva rakuita kudonha kunge ndaiva neflue ndakachema ndakamubata. "Muzukuru zvaunoda kundisiya ndega ndega kudai vati ndiite sei? Ndizvo zvatakawirirana here zvandakasarudza iwe wani? Plz muzukuru rega kuenda ndichirikukuda pano panyika Kani" ndaita kutaura ndichiita kuchema apa akanga asati arapwa nekuda kwekuti mari paive pasina. "Baba ndimi muridzi wemwana uyu here?" Akadaro Chiremba achondibvunza zvekuti ndakangogutsurira musoro vangu. Zvinhu zvaindirwadza uku Chiremba vakanditarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro vakadzungudza musoro wavo. "Ndine hurombo nekuti mukasa bhadhara hapana kurapwa kwanoitwa uye gonye ramufamba iri harina kunaka zvachose. Imi sei muchigara nemwana akadai musango?" Akataura zvake pfungwa dzakanga dzisiri panzvimbo nekuda kwemuzukuru wangu uyu. Ndakashaya zvekuita ndokufamba ndichienda pakanga ari ndakaona zvakafanana kumusiya ari umu nekumutakura nekuti ndaiva ndisina mari. Ndakamubata achiita kugomera kudaro ndokufamba ndichobuda muchipatara naye zvekuti ndakasangana nana Chiremba ndokunditi... "Baba mwana condition yaari haaina kunaka madii Maita avane kurapwa?" "Zvakafanana nekuenda naye Mwari kana vachida kubvuta pane mufaro wangu ngavaite kuda kwavo nekuti muchipatara handina mari yekubhadhara Bill racho kuti akwanise kurapwa." Ndakadaro ndichifamba kuenda panze ndakango nzvega nemudhuri ndokuenda kure ndavakuona kuti ndabva pachipatara ndakanokumbira malemon zvakare ndicho chakanga chava chikafu changu ndakamusvinira mukanwa ndikaona achitambisa karurimi kake achigomera kudaro. Zvekuti ndakasvika kugara pasi iye ndokumuisa pakati pemakumbo angu ndikabata musoro uku misodzi ichiita kubuda zvekuti ndakanga ndatova benzi chairo. Mapundu akaramba achiwedzera zvekuti ndakatora mvura nemadaka nelemon ndikaita sendinomukwesa muviri vake vose ndaona mapundu aya. Ndega ndakatoona kuti zvakanga zvisisina kumira zvakanaka ndakaedza kukumbira rubatsiro zvikashaya basa zvekuti ndakaenda murank ndokuona vaida kukwidzirwa zvinhu zvavo pamabhazi ndaitovabatsira vondipavo pashoma pavanenge vakwanisa vamwe ndovaiva vasina zvavainazvo. Mwana aiva arokumusana achirohwa nezuva vamwe vakati ndadii ndasiya mwana pasi ndoita izvi ndaiona zvisingaite. Ndakaverenga mari ndikaona yava 9$ apa ndaiva nenzara yaiva isingaite handina chandakatenga kunze kwekutsvaka mushonga wemwana nekuti ndaiva ndaita kupererwa nezvekuita kusvika pakuita izvi. To be continued on chapter 15