CHAPTER4️⃣ TAMBUDZAI "Ndakati ndichida kupinda mumagumbeze ndakanzwa akaita kunyorova zvandakashaya kuziva. Handina kuda kubvunza zvakawanda, ndakafamba ndichienda muimba yairara baba wangu ndaida kuziva akanga aita izvi. Handina kuda kusvika nekuknocker, ndakasvika nekuvhura door zvechisimba ndakaona baba wangu vaiva vakarara pasi. Mainini vaitaura zvakawanda vakarara pamubhedha zvakaita ndinzwe hasha. "Baba! ndezvipi zviri kuitika muno, andichaziva ini? Why munhu uyu ari muno? Kwenyu kuri kuda umwe mukadzi here?" Ndaitaura ndaita kuzara nehasha zvekuti ndakanga ndonzwa kuda kurova munhu. "Mwanasikana vangu! zvauri kufunga handizvo, ini handizi kurara naMainini wako. Zvauri kuona ndakarara pasi apa inyaya yekuti ivo vauya kuzoda kunetsa muno, hanzi nhasi unondiita mukadzi ini handizvikwanise zvavari kuda ndiite nekuti handisati ndavakuda nezvazvo. Ndosaka ndaramba ndikarara pano." Vaitaura vachimzwisa tsitsi ini handina kubvumirana nazvo, zvekuti kana zvekunyorova kwemagumbeze angu handina kuda kubvunza ndakagara pacorner yebed. "Ehe daddy ndinoda kuti mugare maziva chinhu chimwe chete. Mukaroora kana kutorana nemukadzi uyu, ini ndichiri pano musatarisira kugarisana zvakanaka nekuti ini handitode zvose zvisina basa unless ndabva pano pamba, chimwe zvakare why vari muno mumba mamai wangu? Nekuti ndinoziva muno ndemangu kwete meumwe mudzimai?" Ndakadaro ndakaona shasha yamuka. "Tambu ini ndiri Mai wako zvakare, zvaukutaura zviri kubva kupi?" Vakadaro ndikavatarisa. "Ndizvo zvamaisira magumbeze angu mvura? Ndakutadzirai chii kusvika pakuma nyorovesa zvakadaro? Why mune mweya wehutsinye apa mava kuda baba wangu, asi vanhu rume vapera here zvamunoda kumanikidza baba wangu? zvino nhasi ndiri kurara muno mumba." Ndakadaro ndakaona shasha yakushama muromo. "Pardon kutanga rinhi zviri kutaura mwana wako and iyo the way yaavhura nayo gonhi zvikuratidza anototambira muno uyu? Mwana rudzii asina matyira kupinda mune vanhu vakuru! Ko, kudai tanga tisina kusimira?" "Kusimira kwekuita sei? Chii chinyowani ini dzimwe nguva ndichirara muno mumba?" Ndakadaro ndakanga ndisingade zvekutaura ndakatanga kupinda mumagumbeze ndokuita sendabatwa nehope. Ndakazomuka mangwana makuseni seni ndakaona daddy vasimo mumba apa maiva naMainini vangu chete avo vakanditi pandaiva ndakuda kubuda. "Tambu! Unoziva here kuti hunhu hwauri kuita hwakaoma hauna kunaka nekuti zvauri kuita azviitwe nemwana akaita sewe?" "Munoedza kurevei kana muchidai taurai pane nyaya yenyu chaiyo nekuti ini ndiri kuda kuziva kuti sei, muchiita hutsinye hwakadai? Kana ndikanzi ndarwara munokwanisa kundichengeta here semwana vamukoma venyu kana munototi zvamaida zvaita?" Ndakavabvunza ndaiva ndoda kuziva zvakawanda nekuti izvi zvairatidza pane zvavaida kutaura. "Zvinobva kupi zvauri kutaura uye ndikuda kuziva chokwadi mwanangu kana baba ava vakamborara newe uye unechokwadi here kuti dumbu ndera Solo?" "Mainini zvamakubvunza hazvinei neni! Kuti baba vangu vakupenga here kurara neni zvamuri kundibvunza handina mhinduro yenyu nekuti ndinoda baba vangu kwete zvenyu munonyepera kuvada muchida kuvaparadza regai ndikuti, kana muchida kuita Mainini vangu kana Mai vangu respect me first and baba vangu zvakare, asi hazvirevi makugara nababa vangu handidi muroorwe nawo zvachose musatamba zvenyu nemadaka pasina mvura." Ndakadaro ndokuvasiya vakashama ndokuenda zvangu panze apo ndakaona baba vakagara panze. Ndakafamba ndichienda pavaiva vakagara ndakasvika ndikagara. "Baba ndinoziva makandigumbukira ndine zvandiri kuzviitira izvi uye handidi kuona kuchitambudzwa nevanhu ava. Kutaura chokwadi kana ndarwadziva nenhumbu handidi kuenda kuchipatara munondiendesa kumba kwana Solo ndiko kuchipatara changu kwandichasunungukira ikoko" ndakadaro ndakaona baba vangu vaita kunditarisa zvekuti vakanditi.... "Tambu ndiri kunzwisisa zvauri kutaura uye i respect mashoko ako,asi ndoda kuziva chokwadi chakaitika nekuti ndini ndavakutukwa kunzi ndatadza kukuchengeta mhosva yavakupiwa ini nevanhu? Ndinoda undiudze kuti dumbu nderani muridzi varo?" Pavakabvunza izvi misodzi yangu yakatanga kubuda nekuti zvandakaitwa zvakanga zvandiradza zvekuti handidi kutaura nezvazvo zvaidzimba moyo wangu. Handina kukwanisa kutaura ndakasimuka pandaiva ndiri ndokufamba ndichienda kwaiva kwakaitikira zvinhu izvi ndakasvika ndokutanga kurangarira zvekumashure moyo wakatanga kurwadza kusvika ndatanga kuchema zvekuti ndakazonzwa kubatwa mumabendekete angu ndakacheuka ndikaona akanga ari Simba shamwari yaSolo akatanga kunditi...... MAININI VERONICA Mwana akanga achida kunditadzisa kuita zvandakanga ndichida kuita ini, zvose zvakanga zvaenda musango zvandakanga ndakatarisira. Ndaiona kuti nhumbu ndiyo yaimupa kudai zvose izvi ndaizvoona plan naye, kana zvanyanya kunetsa ndaibvisa dumbu racho toona kwazvinosvika. Neiyi yakaita yekundirova hangapabude ndichamugadzirira zvinoenderana naye. Chakanga chatovapo apa kukumbira ruregerero kune vaviri ava kuti ndikwanise kuita tsoro dzangu. Ndinoziva vanondiregerera chete. Ndapedza kugadzira mumba ndakabuda panze ndikaona paiva baba mukuru wangu. Ndakapfungama mberi kwavo ndokutanga kuti.... To be continued on chapter 5