Chapter 8️⃣ BABA TAMBUDZAI "Baba munofara here? Ndaona muri kutambudzika nemwana venyu uyu, chinguri ndakutarisai ndikare apo mabata kagubu kake kemukaka mukaona kari emuti mukatanga kubudisa misodzi yenyu kuratidza zvakakuomerai?" Ayiva umwe murume akanga akabata tunhu twake mumaoko ake zvakaita ndipererwe. "Kutoona muzukuru vangu uyu nekuti hasati akwanisa kana mwedzi zvavo, apa Mai vake varikuchipatara avazi kunzwa zvakanaka ndosaka ndauya naye kuno kubasa manje ndaona kuti zviri nani ndigare kumba atange akura asamedza mhepo nenyaya yangu yekumukira iyi" ndakadaro ndichireva nhema nekuti ndakanga ndichiziva ndikaudza vanhu kuti Tambu akatiza mwana aigona kusungwa akafira mujeri. Ndaiva ndichida mwana wangu kunyangwe zvake akatiza,asi ndaiva ndichimuda. Murume uyu akandipa mukaka waakatora mushop akanditi ndipe mwana sezvo vakanga uchipiwa vana vadiki vasingayamwiswe pamwe chete neporridge racho. "Kana maona zvichinge zvapera munouya zvakare motora nekuti kubva kare ndichikuonai hangu, first ndakakuonai makagara pano muchibudisa misodzi zvinoratidza muneatambudziko akakura amusingade kutaura. Nhasi mauya nemwana mawakuchema zvakare, zvandakupai ndatora mushop mangu uye ndichakupai kafoni aka kuitira ndikwanise kutaura nemi ndichibvunza hutano hwemwana." Akadaro achinditambudza kanhare kadiki. Handina kubvira ndakaita nhare muhupenyu hwangu hwese kwaitova kutanga hameno kana ndaikwanisa kuishandisa foni yacho. Zuva iri handina kukwanisa kushanda zvakanaka nekuti basa randaiita raiva rekukorokoza ndakaudza vamwe kuti ndirambe ndiri pano nemwana nehuruva iyi! Zvinogona kuzokanganisa mwana akabatwa neflue achiri mudiki. Ndakazodzokera kumba ndakaita kutakura zvinhu zvakawanda,asi dambudziko raiva remunhu akanga ari kumba hameno aizondifungira chii? Aigona kuenda kumapurisa kunotaura nezvekutiza kwaTambu. Ndakasvika kumba ndichiona sadunhu(Sabhuku) vakagara vachiita kutambisa gumbo rimwe chete uku kapu yetea yaiva pedyo nawo vairatidza vaitonwa shutu gadzike zvavo. "Chitiyo zvavauya zvanaka munhu iwe, ini mudunhu mangu handigare nemhondi votoona vabva muvillage mangu mazuva matatu aya nekuti mwana vako zvaita muurai chaiye kana usingade kubva ndavakuendesa nyaya kwamamombo zvichaita ubvise mombe iye mwana vako achasungwa akanovharirwa." Ndakanzwa kurwadziva nezvandaiva ndasangana nazvo izvi? Ndakanga ndisina tarisiro yekusangana nezvakadai ini zuva iri. Ndakaita kukweva makumbo ndakanyarara pasina zvandakanga ndataura. Umwe moyo vaindiudza kuti Tambu haana kubvira atiza pane kwaenda anodzoka zvake. "Zvamataura ndazvinzwa baba uye mashoko akanaka kwazvo handina zvandinokwanisa kuita kunze kwekuti endai muno taura kwamambo kana ndivharirwa ndovharirwa kuripa mhosva dzemwana vangu handione pane chakaipa nekuti vanhu munofarira kutambudzika kwangu chamuno nditambudzira chii chaizvo? Ndine chii chinoshamirira pano pamusha chinoita munditambudze? Kuti ndibve pano ndichisiya mudzimai vangu arere apa uyu hazvingakwanisike zvachose nekuti anoona kunge ndamurasa saka musha vangu uyu handibve pano imi torai matanho amafunga kuita." Ndakataura kudaro ndakaona shasha yakurovanisa maoko ayo yakaita kutarisa zvandakanga ndinazvo. Hapana kuita nguva pakasvika baba Solo avo vakaona Sabhuku wedu aripo pamba pangu vakapirwa nyaya yakanga iripo. Ndakafunga zvimwe Baba Solo achawedzera kundiroverera sekusaziva kwangu. Murume akamira mira zvandakanga ndisina kana kufungira angaita zvakadai. "Ehe zvamunotaura nepfungwa dzenyu nekunzwa zvisiri izvo zvichaita musare mudare mambo vangu. Tambu haana kutiza mwana wake, akasiira inini nekuda kwekuti ane kwaida kuenda kuti aende nemwana hazvaiita ndosaka akasiira ini sekuru vacho zvamuri kutaura mune humbowo nazvo here? Nyaya inomusungirira yacho ndeipi? Nekuti haana kusiya mwana mudondo kunze kwepamba pangu ngaiende kwamambo kwacho handingatye kununa ini ndakasasikwa kare" ndakaona maziso ekurume mukuru aita kutsvuka akatora muzukuru vake uyu akanga ongosekerera kana nguva yekuchema akanga asina zvachose. Ndakaona Veronica aita kuuna kunge chibage chemugarden chashaiva mvura chaicho... Kuenda kwakaita Sabhuku ndakasara ndakagara naBaba Solo vava kuti ndisatya kana kushushikana nezvataurwa hapana nyaya apa uye ngaiende kwamambo kwacho nekuti hapana humbowo uye inogona kuwisa iye Sabhuku zvakare. Ndakatenda nekumira kwavaiva vaita neni uku. Havana kuita nguva vaenda ndikasara ndopinda mumba ndakaperera kuona Veronica aita kuvhura vhura zvinhu zvemwana achiita kurasa rasa zvakandirwadza. Umwe moyo vakanditi zvibvise apa, asi ndakakasika kufunga kuti mukadzi uyu akanga asingade kuona mwana vaTambu. Ndakarasa zvishoma paitambira shiri ndokuona dzichidya,asi hadzina kuita nguva yakakura dzose dzakafa zvakandiudza kuti munhu uyu akanga auya mumusha muno nekuda kwechinangwa chete. Ndakarasa zvose muchimbuzi zvandakanga zvatengerwa ndapedza kudaro handina kuda kuchenjedza nyamukuta uyu. Ndakatora nhumbi dzemuzukuru vangu ndaiva ndafunga kubva pamba apa kwemazuva ndichienda kwaMutoko kunotsvaka kabasa kangaita ndikwanise kurarama ndakasiya ndaroka imba yangu nezviroku zvitatu. Ndakapota neseri kwemba ndini uyo nenzira kusvika ndasvika kumashop. TAMBUDZAI handina kwandaiva ndichifunga kuenda, ndakanga ndichiziva zvandaiva ndaita. Mwana akanga asina chaive atadza zvake ndaiziva achawana mubatsiri. Ndakazobva ndaona ava mumaoko aBaba vaSolo avo vakanga vachimushushudzira. Misodzi yakambobuda, asi ndakanga ndine zvandaida kuita ndaizodzoka ndomuona. Ndakati ndichifamba ndakafunga kuenda kumba kwevabereki vaMai vangu ndaiva nezvandaida kubvunza kwavari. Hongu paive nekamufambo kudarika mavillage mana rechishanhu ndoravaigara. Ndakasvika kuma8 dzehusiku zvekuti ndaiva ndanzwa chaiko. Ndakanga ndakanganisa kusiya mwana mudiki asi ndakanga ndisina choice kunze kwekuita izvi kana vakamuuraya vauraya rudzi rwavo ivo. Ndakati ndichisvika pamusha paMai vangu pavaKamaaro. Ndakaona mbuya vachiita kufinyamisa kumeso kuratidza varikusemeswa nekundiona zvandaiva ndiri nechemumoyo ndakangoti ndezvenyu izvo. "Muzukuru wangu! Kwakanaka here kwavaita kutishanyira nehusiku kudai?" Vaiva sekuru vangu vakanga vachindibvunza. Ndisati ndadaira ndakanzwa mbuya wangu vavakuti. "Kuchinakei ndakakuudzai kuti naMai vake havana kusiyana tarirai mwana amusiya kupi angadai amurasa akatizira kuno uyu." Mashoko avakataura handina kufungira vangataura zvakadai ini. "Kana makaudzwa zvenhema ndizvozvo mbuya uye handinga kumanikidzai kuti mundifarire imi makatadza kufarira Mai vangu muvhivatambudza ndiko kuzoda kunatsa pandiri ini Tambu zvangu here? Handitorina basa nemi zvachose nekuti ndakakura ndisina mai. Baba vaindipa Rudo rwandaida samai vangu. Nhasi maona ndakura mavakuda kuvhiringa hupenyu hwangu nababa vangu nekuda kutumira rumwana venyu kuzodii? Akakuudzai kuti baba vangu vanotadza kundichengeta ndiani? Pandaiva rushawa vaidii kuuya vakuuya vaona ndabva zera ndavakuda kuroorwa mavakuda kutaimira pfuma asi Mai vangu maiita wekudzinga kunge imbwa pano ndakatarisa? Chamuri kuda chaizvo izvo chii. Imhosva here kufirwa naMai?" Ndaiva ndakuita kuchema chaiko nekurwadziva nezvakaitwa mai vangu vakuda kutanga kuda ini asi mwana wavo havana kubvira vakamuda. "Iwe mwana vaChipo ndizvo zvaungabvira kumba kwenyu kuuya kuzotaura zvisina musoro wese? Ndiye achava Mai vako hapana chinochinja" vakadaro ini handina kuda kudaira nekuti ndaiva ndichirwadziva. "Zvamuri kutaura hazvifi zvakaitika kana ndiri mupenyu udzai mwana wenyu aite hunhu asiyane nababa vangu handidi kutaura mashoko asina kunaka makundida nekuti ndakura kuti muzive ndaida bhurungwa hamuna kuziva? Zvandakapindana nazvo nezvakapindana nababa vangu hapana chamunoziva" ndakataura apa ndakazonzwa sekuru vavakuti... To be continued on chapter 9