CHAPTER 1️⃣3️⃣ MAI SOLOMON(Sharon) "Solo mwanangu huya kuno titaure" ndakadaro ndatoona zvandaunzirwa nemwana uyu zvakanga zvisingaite ave muroora wangu. "Mhamha chii? Chamunondidanira kuno kuseri? Asi baba vaita imwe nyaya here nekuda kwaTambu uyu." Akadaro achingotaura nekuzvitongesa ndakanyarara. "Solo zvii zvaunotiunzira mumusha muno? Munhu rudzii uyu wavauya naye uyu?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Aaah Mhamha! Zvandakuudzai zvakanaka naka wani, Melisa ndiye muroora wenyu Mhamha" akataura ini ndakarovanisa maoko angu ndichiita kupererwa nezvaiva ataura izvi. Neni ndaimuisa pai nezvakanga ari izvi. Iro gumbo kuita kuparuka ungati garigezwe zvaro. Haungati imhandara nezvakanga ari. "Solomon mumwe vako uyu haite kuvaka musha naye nekuti hakodzere kuva muroora vangu pamusha pano." Ndakadaro ndichitoenda kunoda kuudza vaiti Melisa uyu. Ndipo ndakasvika kuona baba Solo vakatogara naye vachiita nyaya. "Iwe musikana simuka ipapo udzokere kumba kwenyu pano hatigamuchire marara akadaro ndiani anoda mwana wake aroore munhu asiri mhandara sewe?" Ndakadaro ndichida kumubata. Baba Solo vaive vasimuka vakatanga kundibvunza. "Kudai taita mushandiro kana kuroora zvakadaro zvakanaka nekuti iye mwana wako akakanganisa hupenyu hwaTAMBU? Izvezvi anofanirwa kuudza mudzimai vake uyu chokwadi chose kuti anemwana uyu. Imi munoda aroore munhu akaita sei uyu mukadzi ndiye arikuzogara pano kunyangwe upopote zvakaita sei hapana kwaari kuenda" ndega ndakatoona kuti kuita pikerere nababa ava zvakanga zvisingabude zvakanaka. Pakapera mazuva mashanu musikana uyu aiva aripo pamba ini handina kubvira ndakataudzana naye kana zuva rimwe chete zvaro. Kana vari sababa Solo handizive kwavaiva vakaenda nokuti mazuva ekuenda kwamambo akanga asvika ivo vasipo zvakaita Sabhuku vatange kupererwa zvakanyanya nekuda kwechitiko ichi. Solomon aive asingataure neni hanzi munoda ndiroore mudzimai akaita sei? Ini ndaitoona Tambu akanaka kudarika vandaiva ndaunzirwa hwendo huno uhu... TAMBUDZAI mumoyo ndakanzwa kurwadziwa zvakanyanya zvose nekuona Sabhuku vakanga vachiziva zvakawanda nenyaya iyi zvakare. Ndega ndakazviudza kuti tikaenda kwamambo ndikaona ndahwina ivo vakaruza nyaya iyi ndinovaita vasasungwa ndinoda kutamba nayo zvakanyanya kusvika vakuziva kugarisana nevamwe zvakanaka. Mashoko akanga anyorwa naBaba Solo akanga aita kundirwadza handina kufunga VaMachinga vangaita zvinhu zvakaita sekudai ini. Asi ndega ndakazviudza kuti zvichapera chete. Mainini Veronica ndakanga ndavapinda neyakapenga, kwaiva kwasara kuti tibvumirane zvandakanga ndichida. "Munoona chii Mainini? Ini munoti ini ndiri mwana wenyu, chinhu chimwe chete chichaita chikusunungurei mukwanise kuroorwa nababa vangu kana muchinge mabvuma zvandinoda muite nekuti kwasara mazuva matatu chete" ndakadaro ndakaita kunonzi kutsamwa ivo vaiva vachikwenya musana wavo. "Hongu! Ndinobvuma nekuti ndinoda kugara pana baba vako ndichichengeta iwewe Tambu"vakadaro vachiita kunzwisa tsitsi manje ini handina moyo vacho nokuda kwekurwadziswa kwandakaitwa. "Horyt ndazvinzwa! Ini ndiri kuda mutaure chokwadi chose chamunoziva mangwana mudare mukangodaro chete ini ndinenge ndawirirana nemi." Ndakadaro ndikaona shasha yogutsurira musoro vayo,asi ini handina kuperera apa ndaiva neimwe tsoro yandaida kuvapinda nayo yakapenga. Zuva rekudzokera kwamambo rakasvika apo mambo vaiva nemakurukota avo ose kusanganisira nasabhuku vaive vavapo zvakare vachiita kufara. Hapana kuita nguva nyaya yakaiswa mudariro zvakare. "VaMachinga ndinoda kubvunza kuti munhu akakuudzai aripakati pedu here pano?" Vakadaro mambo vachibvunza VaMachinga avo vakasimuka nemufaro vavo vose vachiita kunyinura,matadza avo ose achienda panze vachidaira. Ipapo mambo vakabvunza ini zvakare. "Ndinovimba VaMunetsi vari munzira zvavo, asi vangu baba havazi kuziri kanwa kwavari zvose zvinenge zvataurwa ndinokwanisa kuzvimiririra as long VaMunetsi varipo." Ndakadaro uye ndakanzwa mambo voti "zvakanaka, asi dare rinofanirwa kutanga umwe wenyu avapo". Ipapo Machinga akamhanyira kuti "mambo vangu ndakakuudzai mwana uyu anoreva nhema izvezvi varikupi vaivapo rwendo rwapera?"haana kupedza kutaura apo pakanzwikwa kutaura kwababa Solo vachiti. "Machinga unofunga ndingatengwa nemari here? Kusvika pakurasa nherera yakaita saTambu? Ari mwana wangu Mangwana ini ndafa achisara achiitwa zvakadai ndinofara nazvo here, sei tisina moyo chena isu pachezvedu kunze kwekuitirana godo nezvimwe zvakadaro" vakasvika vachidaro zvakaita munhu wese aiva apa ade kunzwa zvakanga zvichitora nzvimbo. Mambo anosimudza Mainini Veronica avo vakabvunzwa namambo kuti..... "Amai kusimuka kwamaita ndinoda mupupure chokwadi sezvachiri uye musinganyepe kana kudii zvenyu nekuti mukaonekwa muchitaura manyepo muchafira mujeri kwehupenyu hwenyu hwese"vakaudzwa kudaro ndakaona Mainini vangu vanditarisa vakatanga kubuda misodzi yavo mumaziso avo. "Kutaura chokwadi ndimire pano inini, Tambu uyu kubva zuva rafa mai vake hatina kukwanisa kumuchengeta sezvaitwa naMai vake. Ndakabvuma kuterera manyepo kubva kuna baba ava vanonzi VaMachinga pavakauya kumba kwedu gore rapera muna Gumiguru" vakataura votura mafemo avo kana iye Machinga akanga ongoisa meso ake pasi asisatarisa vanhu. Nechemumoyo ndakati mai inoda murume zvayo, asi hazvingapere sekudaro ndichada kuziva chaida kundiuraira? Nezvaari kunyanya kuda pana baba vangu. Vakaenderera mberi vachitaura nyaya yavo. "Kusvika kwavakaita vakati takagara zvedu,asi mwana akanga apera kumba kwavo nekurara nababa vake"vakataura kudaro vanhu vakaita ruzha uku mambo vakabvunza Mainini vachiti..... To be continued on chapter 14