CHAPTER 1️⃣7️⃣ BABA TAMBUDZAI "Handina kuziva ndizvo zviri kuitika muhupenyu hwenyu baba, zvinhu zvinosiririsa zvamuri kutaura izvi? Neni ndatobatikana kuona kunge zviri kuitika pandiri apa. Kusvika pakubudisa misodzi kwandaita uku moyo wangu kurwadziva kwavaita uku. Chokwadi ndinovimba muchawana rubatsiro izvo ndandichiti pamwe kuda masirwa mwana nemudzimai wenyu apa muzukuru vamakabereka uyu. Shuwa ndimi mega munoda muzukuru wenyu vamwe havatokwanise kuita zvamuri muita izvi." Akataura avakuita kuchema kana neni ndaiva ndapererwa nezvekutaura ndavakuitawo kuchema. Mashoko akataurwa ndakatadza kumapindura nekuda kwekuchema kana vaiuya kuzotenga chikafu chehuku nemimwe mishonga yehuku vaiona tose tiri mumisodzi,vaifunga zvimwe taiva tagashira nhamo, asi zvakanga zvisiri izvo. Hupenyu hwakaoma kutaura chokwadi hunokutuma kuita zvisina kunaka sezvandiri izvi? Ndiani aifunga ndichasvika pakukwangaya zvakadai kudya zvemubin nemuzukuru vangu. Ndakachema kani kwete zvekutamba handina simba rekurwisa vavengi vangu? Mwari ndiye achaita kuda kwake kana nguva ichinge yakwana achazarurira nekunzwa kuchema kwangu kani. "Chinyararai baba Mwari vachanzwa kuchema kwenyu nezvamunoshuvira muhupenyu. Tose takapfuura nako,asi nekuda kwaMwari takakwanisa kukunda chinodikanwa kupfungama nemabvi Mangwanani kana chero nguva muchinyengetera kuna iye musiki chose chamakumbira kuna musiki kana mweya ipi neipi yemadzinza munokwanisa kuikunda." Akanga ari Mazvimba aitaura akandibata mapfudzi angu, pameso aiva akazara misodzi zvaitoita kunge ndiye muridzi. "Baba ndingabvunza here kuti Mai wemwana varikupi uye baba vake vapenyu here?" Akadaro ndakatsanangura kupindana nematambudziko kwakaita Tambu nekusafarirwa kwangu nevabereki vaMai Tambu kubva zvavakafa nekusagamuchira munin'ina wemudzimai vangu ndichida kuchengeta mwana ndiri umwe chete. Kurarwa kwakaitwa mwana wangu nemukomana achizoramba mwana izvi ndizvo zvakanyanya kurwadza moyo wangu, asi ndakangoti ndizvo zvoitika muhupenyu uye unenge uchiti ndiri kugona kufadza umwe vangu usingazive zvaari kufunga mupfungwa dzake akupa chironda anokusiya oenda kumwe zvakaitwa mwana vangu Tambu. Ndakarwadziva,asi ndakati pamwe ndiko kuronga kwazvakaitwa namusiki izvi. Ndakaona wose vaita kunyarara vachiteverera kutaura kwandaiita uku mwana aiva amuka avapamakumbo angu. Akafa kutorwa naamai ava akavaramba ndikaona obvuma mudhara Mazvimba aiva nendebvu akatanga kubata ndebvu dzake naiye ndakanzwa oti. "Baba muzukuru wenyu apora uyu handione pane chikonzero chekuenda naye kuchipatara ini" akadaro ndakaita kamunamato kekufara Kani kwete zvekutamba, ndichifarira kupora kwemuzukuru vangu aiva apora ipapo ndakamupa zita sezvo akanga asina zita. Ndakabvunzwa kunzi zita ndiani ndikati "Mufaro" "Zvichirevei manje izvi baba?" "Nekuti vanhu vakanga vachida kumupfuudza asina zvaanoziva! Kuuya kwakaita pano panyika kwakaunza mufaro muhupenyu hwangu ndosaka ndichifamba naye zvangu." "Ndatenda baba ini ndakuita kuti ndikubatsirei, sezvo musina pekutangira nezvekuita. Ndakakutarisai kudai nezera renyu. Makaenzana nababa vangu handidi mushande, asi muchagara kumba uko kunochengeterwa huku dzinokandira ikoko. Asi hakuna zvako magetsi kune zvose zvimwe nekuti stand yacho haina mazuva yatengwa" akadaro ini ndakanga ndakuita kufara Kani at least ndaiva ndanzwirwa nyasha dzedenga ndisina tarisiro chaiyo. Asi ndaiva ndakasuwa nekuda kwemwana wangu Tambu andaisaziva kwaaiva kuti arikurarama sei. Ndaita kunzwa kurwadziva nekutadza kuzadzisa zvishuviro zvemudzimai vangu nekuda kweizvi. "Makuratidza kusuwa zvakare kwakanaka here baba?" "Ndotadza nei ndichifunga mwanasikana wangu ndiye ega uyu kani." Ndakadaro ndichivatenda nerudo rwavo urwu zvekuti ndakanzwa mukadzi uya avakunditi........ TAMBUDZAI "Munoziva chii! Baba Solo muchanditsvaka rimwe zuva zvenyu, munoti zvakaita mwana wenyu kugona? Hamunzwe kurwadziva kwandiri kuitwa nekuda kwemwana wenyu? Makadii kuraira mhuri yenyu kana muchida isabatwe, zvamunotaura hazvina kana sense uye hamuzive zvamunoda endai munorara kana zvanetsa" ndakadaro ndakuita kunzwa hasha pandiri ndichifamba kuenda paiva naamai nemwana wavo.... Ndakasvika pavakanga vari ndikavati.. "Mukuona kurwadziva kwamuri kuita kushoma pane zvandakaita ini. Munoziva its not easy kupiwa chironda pedzezvo muridzi voramba? Imi mavakufira kuromo wenyu usina mabrake uyu unongoerekana varasika nzira usingazive kwakatangira zvinhu." Ndakadaro uku mukadzi vake aindibata kuti ndisaita izvi,zvandakanga ndichida kuita." "Kutonga ndekwaMwari Tambu! Kwete kwedu isu vanhu? Ndinoziva zvinorwadza zvavakaitwa izvi, kuda kuita revenge kwako kunogona kuenda nepamwe sezvaunenge usingafungiri? Zviri nani kumirira musiki aite kodzero dzake kwete iwe. Unogona kuita chinhu ichi ukapedzisira zvaenda nepamwe nekuda kwehasha. Ndinoziva zvinorwadza kana neni zvinondirwadza pakati pemoyo wangu, asi chekuita hapana ndingadai ndakwanisa kubatsira. Dzora Moyo zvinhu ndezvekutaurirana izvi." Akanga achitaura akabata mafudzi angu.. Handina kukwanisa kutaura zvakawanda ndakasimuka ndichida kuenda kumba ndipo ndakaona Sabhuku vachisvika nemapurisa pamba pababa Solo,Ivo vaiva vaita kutsiki tsira meso avo pasi ndivo vaiva vaudza Sabhuku kuti auye nemapurisa. "Musati mandisunga ndinoda kuziva mhosva yandapara nekuti handina munhu vandakuvadza zvinoita mundisunge?" Ndakadaro ndakaona nhaurirano yakaitika pakati pababa Solo naVaMachinga zvaisanzwikwa ndakangozonzwa VaMachinga vakunditi... "Kuipa kwezvimwe kunaka kwezvimwe! Vaiti unosvika kupi nezvavakaita zvekunyepa manje rwendo runo hakuna kwaunoenda unonofira muchizarira paunobuda unenge wava nehunhu hwakanaka. Unoti vanhu vanosungwa semombe here? Handizi ndini ndokutambudzai asi mweya yekuda kuuraya vanhu ndiyo inokutambudza. Kunyanya iwe kamwana" vakadaro vachiudza mupurisa vavakanga vauya naye kuti aende neni kwaMakosa. Handina kuramba kuiswa njema nekuti ndaiva ndakanganisa uye hapana akanga ane humbowo hwakakwana. Akafamba neni kwenguva yamareba zvekuti taiva takunosvika kwaNyamashuka kuti tinosvika kwaMakosa. Ipapo ndakaona paiva nekatombo muzasi menzira ndokugara zvangu ndakaisa maoko angu pamabvi. "Nhai imi baba! Munobvuma kuitiswa kwakanaka here? Mune humbowo hunokwanisa kundisungirira bere kunge hwangu?" Ndakadaro ndisingatyi chinhu uku ndichiziva zvandaiva. Ndakaona baba ava vonditarisa tarisa vachikwenya mhanza yavo, ndikanzwa woti.. " Mwanasikana kutaura chokwadi ungada kunogara mujeri nekuda kweizvi here? Nemunaka kwavakaita uku?" "Aaah! imi manga mati ndidiii? Kunaka kunopinda papi pakupara mhosva?"ndakadaro ndichiziva zvandaiva uye nekukasika kuvhurika pfungwa. Ndakanzwa vamupurisa vakuti..... To be continued on chapter 18