Chapter 1️⃣2️⃣ PARDON (BABA TAMBU) Ndakumuka apa ndaiva ndichangobva kuhope. Ndakashamisika kuona muzukuru vangu akanga achitozvitambira apa aitoseka akaisa zvigumwe mukanwa make. Ndakatadza kuziva neaiva asina hope here mwana mudiki diki uyu kana padumbu paiva ari akanga adonha avapasi asina kunzwika kuchema. Ndakamutora nekupukuta madaka aiva anayo ndikamubereka sezvo nguva yaiva yaenda zuva roda kupinda muna Mai varo. Ndakatedza tara iyi zvakare ndokwidza kamukwidza kanobva pabridge rekarwizi kechikodoma ndini uyo pasign post yechimudzanga Apo pane nzira inonga ichienda kumother of peace. Ndati darikei ndakajamba tara ndichienda kurudyi kwangu ndatarisana nemota dzaibva muCenter dzichienda neside renyamapanda. Ipapo nzara yakanga yandirova ndoshaya zvekuita kana mwana ndakatadza kuziva ndomupa chii? Ini ndakanga ndisina kana chinhu zvacho chinoita ndimupe. Ndakaona pane umwe musha paiva nemalemon akanga akaibva. Ndakakumbira matatu ndikapiwa maviri, ndokutanga kumadya kunge maorange apa ndaiva ndaita kugara pasi ndakaisa mwana pamakumbo. Kupedza kudya kwandakaita misodzi yakatanga kubuda ndofunga muzukuru vangu uyu ndichamupei? Ndichakwanisa kuwana zvose zvaanoda here? Ndakasvika pakuchema ndakagara apa zvekuti ndakazosimudzira rwendo rwangu ndokuenda pamwe paibikwa sadza rekutengesa. Ndakaona umwe murume aka kagubu kake kaiva nedrink shoma shoma ndakamhanya kunokatora kagubu aka. Handina kuda kuita chinono ndakapa mwana drink iyi akanwa zviya zvekuratidza akanga ava nenzara ipapo akachitanga kuchema zvakandiratidza akanga asina kuguta aive nenzara. Ndakazvininipisa ndichienda paiva nababa vaiva panobikwa sadza apa. "Makadii zvenyu mukoma vangu." Ndakadaro ndichiombera maoko angu! Hongu munhu wese angava arimudiki kana mukuru kwandiri ndaingomuta rukudzo nekuti ndaiva ndapanguva yachimbetu chaiyo. "Mukoma ndinoda rubatsiro rwenyu kubva kwamuri? Muchiona kudai ndine mwana mudiki uyu avanenzara ndaikumbirawo porridge shoma shoma kuti ndikwanise kupa mwana uyu nekuti handina chekubata kutaura kudai." Ndakataura ndiine rukudzo, asi zvose izvi zvakanga zvisina kunzwikwa nemunhu uyu, ndakatoita kunge ndaiva ndatora chimwe chinhu ndakuita kutukwa. "mapenzi ndizvo zvamonetsera izvi? Anofunga tisu takaita asvike paari apa here." Akadaro achindisunda kubva mavaibikira sadza. Paiva nezibuilding rakavakwa mudenga raiva rine huswa. Kuside remusika kwai tengeserwa ndiko kwandakanga ndakaona chikafu chaiva mubin ndakati izvi hazviite nditore nekuti chakanga chisingaite. Kunze kwakanga kwasvibirira kuratidza hwahusiku vanhu vakanga vakuoneka mahwani hwani muCenter umu. Ndaiva ndisina plan yekuti ndaizorara kupi nemwana uyu. Ndakaenda panotengeserwa pamusika yevanhu ndakaona paiva pakavharika. Ndokupinda ipapo zvekuti ndakaisa mabox pasi ndokurarisa mwana pamusoro pemabox. Ndakaona kuti mwana anogona kutonhorwa uyu ndakabvisa hembe yandaiwa nayo kwakuita wekupfekedza zvakare ini ndakasara ndisina hembe. Handina kurara husiku uhu nekuda kwekuti handaiziva zvaizoitika manheru aya ndarara mwana ozotanga kuchema. Ndakanga ndakamutarisa ndichifunga kuti ndiko kwatova kutambudzika kwangu nemhuri yangu here uku. Handaishuvira kurarama hupenyu hwakadai ini? Ndakafunga zvakawanda uku ndisingazive mwana wangu kwaiva akanga ari sei achirarama hupenyu hwakaita sei? Ndakasvika pakuchema misodzi chaiyo uku nzara yondirova kuita kunzwa nyoka dzemudumbu kurira. Ndakasimuka ndichienda pandakanga ndaona chikafu. Ndakafamba ndichienda kunochitora, ndaiva ndaita kurovera moyo padombo ndikachitora. Ndakakasvika paiva nemwana ndakuda kudya. Ndiyo nguva yaakamuka. Hazvaita ndimupe zvinhu izvi zvandaiva ndatora mubin. Ndakadya kusvika ndapedza nekubatwa nehope. Kunze kuchiedza apa zuva raiva ratokwira ndiri pakanga pachitengeserwa neumwe murume nemukadzi vake vaita zvekutengesa zvakasiyana siyana zvemugarden. "Baba Maita zvakanaka mamuka? Tasvika tichiona mwana achiita kuchema taedza kumunyararidza,asi tatadza tikati hatingakumutsei makarara zvenyu, nokuti mwana anotaridza arumwa nesomething kutaura kudai tamuendesa kuchipatara." Kutaura kwaiita murume uyu kwakaita ndirohwe nehana nekuda kwezvavakataura. Muzukuru vangu ndaimuda, ndipo pane mufaro vangu vose ipapo kwete zvekutamba. Kunyangwe kutambura kwandiri kuita ndakasarudza iye over kuroora mumwe munhu. Misodzi yangu yakatanga kubuda zvekuti vanhu ava vakatanga kundibvunza zvakawanda. "Baba mwana wenyu here uya? Kana ari wenyu Mai vacho varikupi nokuti achiri mudiki anofanirwa kuwana zvakakwana kuti ave nehutano kwahwo?" Vakandibvunza izvi, ini kuti nditaure akatizwa naMai zvaisaita zvachose. Ndakanga ndichida Tambu nemwana vake ndidzo dzaitova hama dzangu nokuti vose vakapera kufa. "Haazi mwana wangu, asi muzukuru mai vake vakashaya zuva raangozvarwa." Ndakadaro ndokunzwa vavakunditi..... VERONICA Ndakanga ndoita kunge ndopindwa nechando pandaiva ndichinzi vhurai muzvionere mega. "Tambu! Ukataura kuti mukati munei, pane zvinenge zvakaipa here pane kuda kundirovesa nehana zvaunoda kundiitisa izvi?" Ndakadaro ndichitora bucket kuda kugarira. "Mainini? Nguva yareba ndichikuudzai kuti endai kumba kwenyu handidi kuona muchiita mukadzi vababa vangu. Tarirai baba vangu varikupi nekuda kwenyu? Zvinokufadzai kuvaona vachidzengereka nemwana mudiki akaita seuya here? Wenyu moyo rudzii usinganzwe kurwadziva nekuita zvakadai? Chinokupai hushingi hwekuita zvakadai chiii? Takakutadzirei zvinoita musvike pakuda kutiuraya zvakadai..." Akandibvunza aiva aita kuzara nehasha. Ini ndakavhura saga ndichida kuona mukati maiva nei. Ndakaona makanga muine hwiza nezvimwe zvakangosiyana-siyana zvekuti ndakaperera nekuita kwaTambu uku. Pandaida kusimuka ndiine hasha dzekuda kumurova nezvaiva aita zvekushora vabereki vangu. Ndakanzwa kudirwa mvura ipapo ndakatanga kunzwa kusosonwa kuratidza mvura yandaiva ndadirwa yaive neuriri. Ndakakwenya ndakwenya kuita kuchema chaiko zvose zvaiva zvashaya basa chaiko. Mwana uyu akanga azondigura kunorira rwendo runo. "Kurwadziva kwamuri kuita ndiko kurwadziva kwandiri kuita mumoyo mangu nekuda kwekudzinga baba vangu pano pamusha. Kana muri umwe torai twekwenyu mudzokere mota iyo ndatavaka inemakumbo mana nemuswe, munofara nyore kusvika kumba kwenyu.pano handidi kuona tsoka yenyu kana musina kuuya nababa nemwana vangu ndapedza nemi." Akadaro achitondipira gotsi ndangotarisana nemasaga aya kuti ndizive ndaizoita sei zvakanga zvorema chaiko. Ndakada kuzvishingisa zvikashaya baba kwazvo. Ndakazviudza kuti mwana uyu achafa rufu runorwadza nezvaandiita izvi, mirai muone zvenyu..... TO BE CONTINUED ON CHAPTER 13