CHAPTER3️⃣ BABA TAMBUDZAI "Handina mashoko akawanda ekutaura pane zvamataura izvi, muchiona zvakakodzera here zvamunotaura? Kunyarara hakuzi kupusa! Asi kuratidza respect kwamuri. Nguva yose ndaiva ndakanyarara muchitaura ndandichiti muchapedza izvo ndatoona hamuzi kuda kupedza kutaura." Ndakadaro ndaiva ndatsamwa nemashoko avanogara vachingoti simbiri simbiri nayo kuita sezvinonzi vanhurume vapera munyika. Icho chavanoda kuwavarira pandiri chii! munhu zvake anototambudzika nenhamo dzake vakuda kunditsvaka kwemakore Mana adarika aya vaiva kupi chaizvo izvo?. "Baba mukuru mukurasika papi imi? Mwana uyu ndewedu zvakare apana zvamunotaura apa nekuti neni ndinomira saamai wake zvakare hapana chino chinja. Kuramba kwako kundiroora zvinoreva vaida kurara nemwana wako uyu, makore ose afa mudzimai wako ukurarama sei pasina mukadzi? Zvoreva ukutoita bonde nemwana wako wavakazvara. Sei uchiita zvinhu zvinonyadzisa kudai? Kana iye Sabhuku wenyu angagara nemashura akadai mudunhu aya. Uri munhu rudziii! izvo tirikuti munhu zvaati zii kudai ari kuvaka upenyu iwe ukurara nemwana wako nekumupaka mashoko akashata zvako" akataura zvakawanda kana baba Tambu havana mashoko amwe avakataura kunze kwekuti. "Mainini Veronica! Zivai mashoko amunotaura kuti mangwana anokusiyai papi? Ini nemwana vangu tisiyei takadaro munei nazvo? Chiri kukutadzisai kuita yenyu imba chiii? Kana mwana vangu akanzwa zvamuri kutaura munonzwanana kana kuwirirana here" handina kuzopedza kutaura ndiyo nguva yakasvika Tambu akanga achiratidza kuti pane zvaitika, ndini chete munhu ndaikwanisa kuzviona zvakanga zvaitika! kwaaiva abva kunyangwe asina kutaura yake chokwadi.. Hapana kuita nguva ndakanzwa inzwi raiti tisvikewo pano. Ndakabuda ndichida kuona kuti akanga ari ani aiva andishanyira husiku hwakadai uhwu. Ndakabuda zvakanaka handina kuziva ndichasangana nezvakadai, apa vakanga vari VaMunetsi nemwana komana wavo pamwe chete nemudzimai wavo. "Baba Tambu ndauya kuti muone zvaita mwana venyu izvi! Handizini ndakamuti aite nhumbu isina baba! kana aramba kunzwa achiita zvakadai achapedzisira aenda kujeri." Vakadaro ini ndakashaya kuziva wakanga vachiedza kutaura kuti? "Baba Munetsi! muri kuedza kutaura kuti ndarasika ini?" "Baba Chitiyo! Ndati mwana venyu arova mwana komana vangu Solo uyu achiti ndiye baba wekatumbu kake kakatakura aka, kubva rinhi mwana komana vangu achifambidzana nemwana venyu asingakwanise kana kugeza zvake uyu" vakadaro ipapo ndakanzwa hasha. "Baba kana makutaura zvekusageza mavakukanganisa kwazvo? nekuti mashoko amakutaura anopedzisira akuisai panjozi hombe, kana iri nyaya yezvenhumbu musarerera mwana nekuti imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematoo. Ndakatarisa mwana komana venyu muhombe kuna Tambu uyu? zvekusiyana nemakore matanhatu how kuti anokwanisa kurohwa nemunhu sikana?" Ndakabvunza ndakanzwa Mainini vacho vachibuda vachiti. "Ndakazvitaura ini kuti imbwa iyi yakapiwa mushonga usiri ivo, munopirei imbwa yenyu mushonga muchiziva amusati makuda kuenda musango kunobata tsuro? Tarisai yakufamba ichiruma vanhu manje" vakadaro havana kupedza kutaura ndakanzwa varohwa nembama yakashamisa vanhu vaiva apa. "Ndikare ndakakunyararirai hangu? Pamuromo penyu hapamharwi nenhunzi pakaita sei. Zivai mashoko anobuda mukanwa menyu, mukwanise kucontrol muromo. Zvekuti ndiri mwana venyu ndoisa padivi nekuti amungataura kuti imbwa ini manje?" Akadaro aiva Tambu mumoyo ndakafara nekuti Mainini ava vakanga vaguta kunyarwa chaiko . "Ehe imi baba Solo? Musapindira nyaya yangu naSolomon nekuti pakaitika zvinhu izvi maiva musipo musi vacho. Mirai muone musi unobuda kadhoma kekumba kwenyu aka? mukwanise kutaura mashoko amuri kutaura aya. Munoti kwangu kunyarara kusada kutaura kana ndinoratidza respect kwamuri,asi imi vakuru kwandiri mukashaya respect neni ndinoshayawo. Ndinogura muswe vacho. Gudo guru peta muswe kuti vadiki vakutye, asi kana usingade unekodzero yekuwana zvaunoda." Akadaro ndipo ndakaona kuti dumbu rakatakurwa iri rinenge raSolo nekuona kwandakaita avakunyara nyara zvekuti avana kuita nguva vakavha vaenda ikasara iri hondo husiku uhu. TAMBUDZAI "Saka mukuda kuita sei! Ndatokuroverai nemaune kuti muromo wenyu umharwe nenhunzi kwete kuti nhunzi dzinotya kumhara dzichiona pane svina. Zvekuti Mai havarohwe ini ndorova kusvika mapinda mugwara kwaro." Ndaiva ndatsamwa nezvandanga ndanzwa kunzi ndiri imbwa ini. Handina kuda kuvaratidza. Kuenda kwakaita ava ndokupinda mumba. "Ukuona zimwana rako baba Tambu kuti vakarijaidzwa zvisizvo iwe? Ipapa munhu wedumbu abuda pachena manje tinotoda uende ikoko" vakadaro ini nechemumoyo ndakangoti mai iyi yakanganwa zvandaiita nhai. "Mainini zvamuri kuda chaizvo chiii? Madii kusiyana nenyaya iyi nekuti mwana vangu haazi kuzoenda uko pamwe pane zvakaitwa zvakamurwadza zvasingade kutaura." Vaiva baba vangu wakanga vachitaura. "Imi zvine basa rei nemi? Ndimi makatakura dumbu racho here kwenyu kuri kuda fuma here? Zvose izvozvo zvekuti ndiri kureva nhema hazvichinei nemi nekuti ini ndini muridzi uye hapana kwandiri kuenda zvakare pano pamba ndepababa vangu uye ndinoziva vanondida ndosaka ndichivapa respect yakanyanya nekuti ndibaba vakandizvara. Imi munobudikira pakudya apa ndizvo zvamuri kuda hakuna zvimwe manje mirai ndikuudzei zvamusingazive." Ndakadaro ndokusimuka husiku uhu ndichienda mumba mandairara ndakazvika ndikatora...... To be continued on chapter 4.....