Chapter 1️⃣6️⃣ TAMBUDZAI "Ndiko kushaya hunhu ikoko uku? Unosvika nekugara pamusuwo weimba yevanhu kuti zvidiii? Ndizvo zvavakaudzwa nababa wako naMai wako here izvi kuti unogara apa." Ipapo ndakasimuka ndiine hasha dzekuda kuvarova, havangaisa Mai vangu vasinei nechekuita ivo vakafa kare kare. Kudai pasina Melisa akamira pakati pangu nawo ndingadai ndavaita zvinorova zvakadaro. Munhu rudzi asinga kwanise kugara akavhara muromo vake. "Amai imi zvekupinza vabereki vangu siyanai nazvo nekuti kana moda ini ndikutukirei vabereki wenyu musazorwadziva zvachose."ndakadaro ndichigara zvakare pamusuwo weimba yekubikira ndakatoona kuti hapana aikwanisa kupinda umu kunze kwekunge vaita zvekundinyengerera. Hapana kuita nguva yakakura ndakaona Solomon achisvika nemashamwari ake ayo akaperera kunzekwechivanze nokuda kwekuona inonzi zvekuti vakaoneka nekukasika vachienda. "Iwe imbwa unotsvakei pano pamba? Unoti haushure kuita chipfambi chakafumuka nababa vangu? Vakakupei zvinoita uvatevere nepano pamba heeee." Akadaro achindijokonya jokonya nechigunwe chake apa pose ndaiva ndakanyarara. Misodzi yakatanga kubuda ndofunga zvose zvakandiita pakabvisa humhandara hwangu. Ndakangosimuka nekumubata hembe muhuro make zvine simba ndichimuhedha pamuromo achibuda ropa nekuri svika. Pakada kundirova chibhakera nechepadama rangu ndakaita sekudzokera kumashure ndokandira changu chichinomurova paziso achiwira pasi. Pandakada kuti ndimugarire ndakanzwa kurohwa netambo mumusoro zvakaita ndimborasika njere kwenguva yakati kurei. Ava vakanga vari Mai Solo vaiva vandirova. "Vakajaidzwa mwana iwe hwendo huno unofira mujeri chete. Une chokwadi ungarova mwana wangu iwewe?" Vakadaro vachiita kutadza kundibata vaida kundisunga. Ndiyo nguva yakadzokedzana fungwa dzangu ndikavabata skirt yavaiva vakapfeka vachiwira pasi ini ndakasimuka ndokutora tambo iya ndikaenda naMai vaSolo pamuti wemuruva vaiva pamba pavo ndokuvasunga maoko nemakumbo avo ipapo nemuromo zvose. Ndakadzoka ndikatora Solomon akanga aita kutsvuka muromo vake nekuda kwehedhi yandaiva ndamupa. "Iwewe Enda zvako hauna mhosva pavanhu ava." Ndakadaro ndichiudza Melisa mukadzi vaSolo. Kamukadzi kacho kaitova nenharo kakafunga zvimwe ndaiva ndoda kutora murume vako. "Dear zvauri kuita hazviite nekuti ava ndivamwene vangu vakazvara murume vangu uyu." Akadaro achinhongedzera Solomon achiti ndiye murume wake. "Murume wako akakuudza about me here? Uye do you know zvakaitika kwandiri nekuda kwake uyu? Unoti kuva zvandiri pano zvakakonzereswa nani nhai Mainini?pamuri ipapo muri kutoti makawana murume chaiye musingazive zvakaita kumashure kwese uku. Makavharika ndiri kuzviona chiregai ndikuudzei kuti ini Tambu ndakatambudzwa nevaviri ava nekuda kwenhumbu yake uyu. Unoti mwana wandinaye kuda kwangu here kana zvakakonzereswa neiyeyu uyu. Tarisa uone mazvivanga zvandinazvo izvi? Kuzvarira mudanga rembudzi mwana kushaya chekupfeka iwe voti siya murume vangu pai. Kana usingazive zvakaitika Enda unobvunza mbuya vaSimba" ndaita kutaura ndichichema iye zvakanga zvamubata ndakanzwa oita kukwidzirira dzihwa rake and panguva yacho ndiyo yakasvika baba Solo vachiona ini nemuroora wavo tichichema nekuzoona vaviri ava vakasungirirwa pamwe chete vakabvunza chaitora nzvimbo nezvaiva zvaitika. Kubvunza kwavakaita ndakataura zvose zvaiva zvaitika hapana chandakasiya. "Tambu ndikuona vakuenda kusiri kwako apa, hauna kodzero yekupinda mumusha mangu uchiita zvaunoda izvi. Mhuri yangu inei nechekuita naMainini wako nasabhuku? Zvose zvandakakuitira zvishoma zvinoita udai mhuri yangu? Kana uchida kuti tiwirirane siyana nemhuri yangu uisunungure izvozvi." Vakadaro baba ava ndikatanga kuseka. Vakanga vachifunga Mainini nasabhuku ndivo vaiva nemhosva chete here? Zvaiva vandipa chironda chehupenyu hwese havana kuchiona nekurwadziva kwandiri kuitwa nekuda kwemhuri yawo. "Munoziva mashoko amuri kutaura ndakakutarisai kaa, ndinonzwa tsitsi nemhuri yenyu? Asi nezvakaitika pandiri kuti ndiwe munhu asina basa nekuda kwemhuri yenyu imi motaura mashoko akadai? Ari mwana wenyu musikana akaitwa izvi mainzwa sei pamoyo penyu? Mukakwanisa kundipindura zvizere nemi tawirirana ndosiya mhuri yenyu iyi nekuti ini moyo wangu vakasvibiswa nemwana wenyu uyu. Kuzvarira mudanga rembudzi hakuzi kunditambudza kushoma kwamakaita muchiziva ndakatakura rudzi rwenyu? Sei Musina Moyo imi? Handina basa nekuti akaroora umwe mudzimai nekuti isarudzo yake yakasarudza iyi, kudarika zvandakaita ini ndiri wekushandiswa sezvo ndisina amai vanonditarisa mavakuona ndiri group renyu rekutambira bhora chero nguva yamada. Kumira neni mudare handina kumanikidzai makaita nekuda kwemoyo wenyu ini ndaikwanisa kubudirira pasina imi ndiri ndega ndaihwina. Endai munodzokorodza kukwira dare racho kwamambo ikoko. Mhuri yenyu handizi kusiya kusvika ndawana zvandiri kuda vandiudza." Ndaitaura zvose izvi ndaita kuzara nehasha,ndakuita kutadza kutaura. Ndakanga ndichiziva kwanisa kubatsira chete. BABA TAMBU Kumutengera mishonga kwandakaita akanga ava kunzwa zviri nani, ndakatenga maputi angu nekutenga mvura yekunwa ndakaita kugara pasi ndokutanga kudya maputi ndichinwira nemvura ndaona kuti ndikada kudya zvekuguta manheru ndaizoita sei apa mari ndaiva ndashandisa yose nekutenda zvimwe zvemwana zvekudya. Ndakapfunyirira maputi muhembe memwana ndokudzokera kuenda kunotakurira vanhu. Ndisati ndasvika ndakasangana nevamwe Mai vaiva nebhara ravaisunda vakanditi.. "Maswera sei mukwasha! Ndaikumbirawo rubatsiro rwenyu kana muchibvuma zvenyu kundibatsira" ndakambotanga ndafunga nezvazvo kudzamara ndaona kuti kuvabatsira kwaiva kurinani handizive pamwe ndiko kuuya kwemakomborero acho. Ndakangobata bhara ravaiva naro ndikati.. "tikuenda kupi?" "Ndiri kuda kunotora mazai angu pahardware yaMazvimba apo hakuzi kure zvako mungada mariii?" Vakadaro ini pakutaura mari zvakanga zvichitondiremera chaiko. Mwana aiva ari kumusana kwangu. "Mukwasha! Ko, hamungandipa mwana ndikakubatsirai here munosvika pakurwadziva nemusana?" Vakadaro ndikaramba nekuti ndakanga ndichida kumubereka Ndenga. Hazvina kutora nguva kusvika pavaida kutora zvinhu zvavo zvekuti ndakapinda nawo mukati ndikasiya bhara panze. Muhardware maiva musina kuwanda vanhu uku ini ndaiona maziso evanhu vose ari pandiri. "Baba munoda mwana wenyu kana muzukuru wenyu nekuti mmmmmm maberekero enyu aya kana muroora wenyu anelucky kuwana atezvara vakaita semi kudai, asi chinhu chimwe chaari kukanganisa." Akadaro akabata sadza raiva risina muriwo kuda kurirasa ipapo ndaiva ndakatarisa sadza ndisingaterere zvaitaurwa. Pakada kurirasa ndakamuti.. "Musarasa zvenyu sadza iri! Ndipei zvenyu kuno" ndakadaro zvakatonetsa vanhu ndokupiwa sadza iri ndakadya nesalt yaiva iri mumaputi ndichinwira mvura handina kutora nguva ndaiva ndapedza dumbu rava kuita zviri nani ndaiva ndadyawo sadza randaiva ndakaguma kuridya kare. Ndakaona mumwe murume aiva umwe wemushop umu akauya nedrink nerimwe sadza akasvika akanditambidza. "Baba ndiri kuona mune zvakawanda uye sadza iri idyai nekuti nezuro ndakakuonai pamaitukwa panobikwa sadza apo idyai kana maguta totaura." Akadaro ini ndakatenda nerudo rwake rwaiva narwo. Mumaziso ake ndakaona atarisa kuside nekubudisa misodzi. Vamwe vaiva vabata matama avo vaita kunditarisa zvainzwisa tsitsi. "Baba mapedza kudya, chinwai drink iri uye muzukuru wenyu anoda kuenda kunorapiswa uyu. Hongu! Handiende kuchipatara,asi condition yaari haina kunaka mari iyi.ndinoda mutaure situation yenyu tikwanise kubatsirana pano. Nekuti tose tiri vanhu wenyama uye ini ndoitwa Mazvimba." Akadaro achitaura uku aiva andisvitsa 30$ yekuenda kunorapisa mwana. Misodzi yangu yakatanga kubuda nekuda kweshungu nekurwadziva kwandakanga ndoitwa zvekuti ndakarondedzera zvose kubva kwandakaita kumusha kusvika kuno nekutambura kwangu, kurara musango ndichifunga mabox mwana achirumwa nezvakasiyana siyana. Ndakachema nekuona ivo vakuchemawo zvakare ndikanzwa mukadzi vandaiva ndauya naye avakunditi...... To be continued on chapter 17