Chapter 7️⃣ BABA SOLOMON (TICHAONA) kunyara ndiko kwandakanga ndaita. Handina kuziva zvinhu zvichasvika pakudai! zvandaifunga hazvisi izvo. Ndakadzokera kumba ndoita kunyara kushaiwa zvekuita nekuda kwaMai nemwana vaiva vataura manyepo. Ndakayambira mwana vangu nezvaakanga achiterera mai vake, ndizvo zvakaipira kuita mwana umwe chete anenge achingoterera mashoko amai wake.haazive achamuisa pamatambudziko rimwe zuva. Mazuva ayiva afamba, ndaitobva kubasa ndokuona mbudzi ndikadzitinha kuenda nadzo kumba. Chakandishamisa dzairamba kupinda mudanga zvakandinetsa chaiva chii. Ndakafamba ndichienda kunotarisa. Ndakapererwa zvose nokurwadziva ndichiona muine munhu uku mwana akanga achichema. Ayiva Tambu ayiva akaita kufa nehope ndakamumutsa ndakamubvunza chaiva chaita asvike apa. Haana chaakasiya paakarondedzera nyaya yake zvekuti ndakanzwa tsitsi aiva akuchema. Ndakamutakura kunomusiya kumba kwavo. Pandakadzoka ndakaona mai nemwana vachiratidza vaiva nemufaro. "Solomon zvakatanga rinhi zvekuita hutsinye? Unoziva Tambu akatakura mwana wako zvaunoita zvakadai?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Baba kana zvichinge zvakurwadzai mutorei aite mudzimai venyu kwete kuda kundiitira sarudzo imi makaitirwa nani? handina munhu vandakarara naye ini." Akataura zvakawanda zvekuti ndakasvika pakusiyana nazvo chaingovapo kuenda kuno kumbira umwe vangu ruregerero kuzoitira mangwana. Mazuva haana kumira kufamba paiva papera mavhiki matatu. Ndaiva ndichangobva kunotimba timba mugarden ndaiva ndakatoneta. Ndakasvika nekupinda muimba yekubikira yaiva yakangovhurwa uku ndaida kuwesa moto. Hameno chii chakangonditi tarisa kuseri kwegonhi kwaiva nemwana akanga akarariswa pasaga. Ndakamutora ayiva achitosekerera asingacheme zvekuti ndakaziva ayiva mwana vaTambu chete. Pfungwa dzangu dzakatanga kudzokera pamazuva atakaenda kumba kwavo akataura mashoko ekuti wait and see pachazvarwa mwana. Ndiyo mashoko aakanga achitaura here Aya? Mwana vaiva asiya akanga atadza chii? kupinda munyaya yevabereki iyi. Ndakamubereka ndokutanga kuzvibikira tea haana kubvira akachema kunze kwekushama muromo kwaiva achiita zvakaita ndizive aiva ava nenzara kana ivo mukaka ndaiuona kupi chaizvo izvo. Handina zvimwe zvandakakwanisa kuita kunze kwekuti ndakaenda kudanga rembudzi. Ndakaona mbudzi yakanga iri mudanga ichiyamwisa, ndakafunga nekukasika ndokutora cup yangu ndokubata mbudzi ndikakama mukaka ikazara kapu ndaona vandaida vakwana ndakausefa ndikaisa mukagubu ndikamupa akatanga kunwa zviya zvekuratidza akanga anenzara. Ndaiva ndagara ndaita kubata shaya dzangu ndavakuona kukosha nekutadza kwaiva kwaita mwanasikana kusiya mwana uyu izvi ndakaita kuti mudzimai vangu nemwana vasaziva ndakatora kabag kemwana ndini uyo kwababa Tambu sezvo kwaiva kwavira zvako. Ndakasvika murume mukuru akaita kusuru vara kana wavaiti Mainini vaTambu vakatanga kundiseka. "Haaaa gore rino tichaonerera zvedu? Shuwa mavakufamba makavabereka vana wenyu ava vamakamitisa , nhasi chokwadi chavakubuda pachena" vakataura zvakawanda,handina zvandakakwanisa kupindura nekuti kukunda miyedzo kuinyararira. "Baba ndauya zvinhu hazvina kumira zvakanaka muchiona kudai!" Ndakadaro ndokutora nguva ndakanyarara ndakaona misodzi pameso peumwe vangu kuratidza kurwadziva. "Baba Solo Handina kuziva ndichapindana nezvakadai? Haana kubvira ataura kwaenda zvino kana aenda kunorasa mwana kumba kwenyu zvoreva chii ndinonyarira kupi chaizvo izvo ini?" Vakadaro vachiratidza kushungurudzika mukati memoyo wavo. Muchiona kudai ndizvo zvaita ndisvike pano asi kuchengeta muzukuru hazvinetsi ndinoswera naye, ndingarega hangu kushanda kwacho nekuti mwana haana chitema even vanhu vakataura ngavataura zvavo handina kana basa nazvo ini. Chandinoda kuva pedyo nemuzukuru uye mwana wenyu pane zvazviitira izvi nekuti hangangotiza chete. Ndaita kutaura ndichirwadziva mukati memoyo wangu. "Zvamataura ndazvinzwa sekutaura kwamaita kuti Mai Solo vakamuona vaigona kumuita zvimwe. Zvakanaka mugouya muchimuonera pano nekuti wenyu mukoma akaramba nhumbu achiti haizi yake ruregerero ipapo mwana vangu atadza kwazvo."vakataura vachiratidza kupererwa nezvaiva zvaitwa. Kudzokera kwandakaita kumba handina kuona ndaiva ndakanganwa heti yemwana iri kuseri kwedoor sei. "Baba Solo munhu asvika pano ndiani asiya heti iyi? Musandiudza kuti kamwana kaye kasvika pano zvee? Kana mavakuda kuita mudzimai wepiri mogara mataura ndifambe nguva ichiripo handidi zvekunetsana nevanhu" mukadzi uyu akanga achingohumana nezvisina kana nebasa rese. Ndakaramba ndakanyarara ndaisada zvekutaura nezvisina basa. Kuramba kwandakaita ndakanyarara ndakanzwa avakunditi. BABA TAMBUDZAI Zvinhu zvacho zvakanga zvakundiomera zuva nezuva. Ndaiva ndaita kusara musoro chete nekuda kwekufunga zvakawanda. Mwana vangu akabatsirwa nenzira yakandirwadza uye ndakachema zuva racho ndichiona akagara musvina yembudzi kuita sezvinonzi muramba munhu asina kana kumba zvake. Ndakademba dai mudzimai wangu aiva mupenyu abatsira mwana wedu uyu. Ndakazonyaradzwa naMbuya vaSimba. Kusvika kwandakaita kumba ndichiona shasha iye nezvayakanga yakaita ndakanzwa hasha,asi ndakakasika kuzvidzora nekuti ndaigona kuuraya munhu chaiko. Mazuva akafamba ndaitenga zvose zvaudiva nemwana sikana vangu nekuti iye akanga asingakwanise kuita sei zvake. Chakanditambudza inyaya yekutiza kwakaita achisiya mwana ari mudiki ndakarwadziva zvekuti kana nanhasi moyo wangu urikurwadziva. Ndakaona rudo rwaiva nababa Solomon pamuzukuru vangu. Ndakaramba kuti vagare naye zvekuti kuenda kwavakaita ndakanzwa Veronica avakuti. "Ndakakuudzai kuti makamujaidza, tarisai zvamaitirwa manje makubatiswa svina yemwana imi Makura kudai" munhu wepi akanga achitaura kwaasina kuswera. "Chamuri kugarira pano chii? Handitondere ndakakudaidzai pano ini nemweya wakashata wenyu uyu? Kudai muri mumwe mazvibatsira nekuti hapana achakwanisa kukubatsira zvekutiza kwemwana vangu siyanai nazvo hazvinei nemi izvozvo. Kunyangwe ndikadzingwa basa ndichichengeta muzukuru hapana chakaipa nekuti ndakagara ndichitambudzika nekutambura ndikare, imi chenyu kuseka rubatsiro hamuna kana kamwe zvacho. Munofara kuona paitika chakashata kunge nhunzi dziri kumhanyira paitwa svina yemunhu." Ndakataura zvakawanda, zuva iri handina kurara uku ndaifunga mwana achanetsa haana kubvira anetsa kunze kwekuti kana avakuda kuyamwa ndipo paiva nebasa ayiisa zvigunwe zvake mukanwa. Ndakaenda kubasa kwangu kwandaishanda kwaMidzi handina kumusiya mwana uyu nekuti ndakatya kumusiya nemoyo vaiva nemunhu kadzi akanga asara kumba aikwanisa kumuuraya mwana uyu ndikapomera mhosva ndichinzi ndini ndikanofira mujeri. Misodzi yangu yakabuda pandaiva ndakamutarisa kunyangwe zvake aiva mwana mudiki uku asingaziwe zvaitika ndaita kurwadziva chaiko zvakanyanya Kani. Vanhu vose vaiva vakanditarisa panguva yelunch ndakagara ndakaita kutambarara ndokuisa mwana pamakumbo ndikatanga kumupa mukaka vandaiva ndatenga. Ndakanzwa vanhu vavakutaura nezve.... To be continued on chapter 8