CHAPTER 1️⃣1️⃣ VERONICA "Unondibvunza zvandiri kuita kunge usina maziso ekuona sei? Uri bofu here risingaone, unondibvunza mubvunzo nhando kudaro? Zvandiri kuita ndizvo zviri kukupa kushaya rukudzo kuvanhu vakuru kwauri iwe mwana vaChipo. Ndikuda kuona uchaita sei nekuti hembe idzi ndodziri kupa uite izvi." Ndakadaro ndichiwedzera kupisa hembe dzaiva akasiirwa naMai vake. Ndakaona aenda mumba akanyarara akadzoka aine kabag akabata mumaoko ake, akasvika achikandira mumoto. Ndakaita kupererwa ndichiona bag raiva nenhumbi dzangu richitsva. Ndakada kumurova, Asi zvakashaya basa. Ndaiva ndichiti nechemumoyo, uchandifunga zvako nezvavaita izvi zvekupisa zvinhu zvangu izvi? Zvinhu zvamai hazvipiswe. "Ndinoda kuziva hushamwari hwenyu imi naVaMachinga hungaita mundiudze kunditi ndiwe mukadzi vavo? Zvakatanga riinhi izvozvo? nekuti vabereki wenyu vakati imi ndimi makanditengesa, manje regai ndikuudzei kuti Mai vangu avo vari pachuri icho chamuri kuona ini handichina mai nekuti hunhu hwenyu hunooneka hunoitwa nemunhu asina mwana kufanana nemi ini." Akadaro achitendeuka kuenda kwaienda. Ipapo ndakabuda ndichienda kumba kwaVaMachinga ndaida kunzwa nyaya yaiva yafamba sei nekuti ndakanga ndanonokerwa nekuita zvinhu zvangu zvandaida pana baba vake. Ndaitofamba zvishoma nezvishoma ndakasangana nababa Solomon vaiva vachibva kumashop ini ndaiva ndakuda kubva munzira yaienda kumashop ndotora yaienda kwaVaMachinga, iyo yakanga ichienda nemugomo. Ndakanga ndichida kutaura nawo, kuvamhoresa kwandakaita munhu haana kupindura akaita kunge ari kuona chinhu chinosemesa. Mumoyo mangu ndakangoti tichawirirana zvedu kana zvamuri kuvhaira nazvo zvapera. Ndakaenderera mberi nerwendo rwangu zvekuti ndakasvika ndichiona Sabhuku vakaita kugara vakasuru vara vasina mufaro. Mudzimai vavo pakandiona akaita zviya zvekuita kunge munhu anosvikirwa kana kundiwenga kwaiva akaita ndaitoshaya kuziva ini. "VaMachinga! Kwakanaka here kwamunoita kugara makabatira shaya yenyu mumaoko umu? Panzvimbo yekuti mufare imi mavakusuruvara?" Ndakadaro ndichivabvunza vakaita zvekunditarisa chiso chavo chakazara nemisodzi yaitoda kubuda kuratidza murume mukuru zvakanga zvichimudya pfungwa zvakanyanya. "Uchiona kudai nyaya yaenda nepamwe ndisinga fungiri zvingasvika uku? Zvino ndoita sei nekuti imi manzi muuye zvakare pamwe chete naVaChitiyo. Chitiyo akaenda kupi nekuti ndinoda kuziva akasabudikira zuva rekutongwa, zvinhu zvinenge zvakanaka nekuti ini ndichaita nditume Munetsi kure nezvinhu kuti ashaye humbowo. Nekuti tikasadaro tinofira mujeri." Vakadaro ini ndakaona zvakanaka zvaiva zvataurwa izvi. Pandakada kupa maonero andakanga ndaita kuti tikwanise kukunda nyaya iyi ndakanzwa mudzimai WavaMachinga avakunditi..... " Vanhu vakuru mose pamuri ipapo! Kutaura zvekuda kurwisa mwana mudiki uyu? Muri kunyanya kuvavarira chii! Chamuri kuda kuna baba nemwana? Kana vakarara nemwana wavo ndewavo kaaa, imi munopinda Papi? Kana murume asingakude kukuroora unodirei kuramba rotsvakana nematambudziko achaita kupedzisire varomba kana kuenda mujeri nezvisina basa zvamunoda kuita." Akataura zvakawanda ndakatoona kuti uyu akanga ari murwere wepfungwa chaidzo. Handina kuda kutaura zvakawanda, ndakangoudza VaMachinga kuti ndaizovaona Mangwana ndaona musikana zvaari kufunga nekuda kwababa vake vakatiza. Ndakafamba nzira yose ndichiita kunge benzi uku ndichifunga zvekunoroverera kwamambo. Pandakasvika Kumba ndakaona kamukomana kaiva nako ndakanzwa hasha, asi ndakadzikama ndanzwa iye Tambu avakunditi.... "Mainini ndinofunga mazuva amakagara pamusha pababa vangu anonga akwana manje. Ndahaya mota ichakutakurirai zvinhu zvenyu zvamakauya nazvo uye izvi ndizvo zvamuchapa vabereki wenyu segirosari ravo." Akataura ini ndaiva ndakaterera pose paiva achitaura akaita kurova siriyasi kuratidza akanga asingaseke. Ndakatarisa yaiva ichinzi mota yacho raiva dhongi rakanga rakasungirirwa. Ndakafamba ndikanovhura mumasaga akanga achinzi ane girosari acho. Apa ndipo pandakapererwa nezvandakanga ndichiona mumasaga umu. Zvakaita ndega nditange ku....... BABA TAMBU (PARDON) Handina kuda kutsvaka zvakawanda nekuda kwekuti ndakanga ndisingazive aiva nechokwadi kana manyepo? Ndakatora muzukuru vangu ndokumubereka kumusana ndikatora nhumbi dzake dzaiva itsva kana idzo tsaru handina kuda kudzisiya nekuti handina kuchenesa Veronica nehunhu hwaiva aita uhu. Misodzi yangu yakabuda ndichiita kufamba nemusango, pamwe pacho ndaita kubayiwa neminzwa ndichimarwa nayo kubvarurirwa hembe kuri kuedza kusevha muzukuru wangu kubva kune vakaipa vanoita mabasa asina kunaka. Ndakati zvino ndakuda kusvika kumashops ndakatora nguva ndichizvipukuta pukuta nemvura yaiva muchigubu. Uku mwana haana kubvira achema. Hazvina kutora nguva ndakasimudzira rwendo rwangu ndichisvika pamashop handina kutaura nemunhu ndakangoti mota ichisvika ndakatokwira nekuenda zvekuti pakazoita hondo tavakuda kusvika pachitekwe, takuda kupinda mutara tosiya dust road. Ndakanzwa ndobvunzwa Mari yekubhadhara, ipapo ndakabata homwe nekutarisa mubag mandaiva ndakaiisa musisina. "Baba ndokumbirawo ruregerero! Mandaiva ndakaisa mari handichaiona hameno kwaya ndonhera." Ndakadaro ndisingazive ndakanga ndawedzera kuisa petrol mumoto vakanga uchibvira kare. "Baba! Hatizi kuita zvinhu zvekutamba isu? Mari tikuida izvezvi, zvenyu zvamuri kutaura zvekuda kuita hutsotsi makura kudai zivai pamari hapana tsitsi." Vakataura vachitora nhumbi dzemwana idzo dzaiva itsva, zvekuti vakanditi ndisare panzvimbo yakanga isingaite uku vakuti pamwe mwana ndaiva ndamuba ndikatiza naye zvakaita ndinzwe kurwadziva kusvika pamoyo. Ndakaburutsa mwana ndikamuchinja nhapukeni raiva aitira svina ndapedza ndakagara ndakamubata mumaoko angu. Ndaiva ndiri pabvute pari pasi pemugamu tree vaivapo. Ndaingonzwa magonyethi nedzimwe mota dzaipesana dzimwe dzichibva Nyamapanda! Dzimwe dzichibva Harare dziri muhighway. Kwandaiva ndakagara kwaisava kure apa ndichifunga kana kwadoka ndaizo tangana nekubatana nei? Hongu varidzi wemota yakanditakura vakanga vasina kutora hembe dzemwana dzaiva dzakare, vaive vatora itsva zvekuti ndaiva zvino ndapererwa. Ndakatarisa Foni muhomwe ndichida kufonera murume wekundibatsira. Apa ndipo ndakaita kupererwa chaiko, homwe dzaiva dzakaita kubvaruka Musina chinhu. Ndakazvishingisa semurume kwakutora zvinhu zvandaiva nazvo ndokufamba ndichitevedza tara yega yega. Makumbo akanga orwadza, zvoti musana zvakare handaitaura aiva angova marwadzo chete chete zvekuti ndakazororera pachikondoma stadium ndaiva ndaisa mwana padumbu ndaita kurara nemusana zvekuti ndakasvika pakubatwa nehope ndiri apa..... To be continued on chapter 12