Chapter 🔟 TAMBUDZAI Ndakaona mambo vaita kutsamwa nekuda kwehasha, vaiti vakatarisa Sabhuku Machinga votarisa ini neface yangu yakanga ichinzwisa tsitsi, ndakanzwa wotii.... "Iwe Machinga! Zviri kutaurwa nemwana sikana uyu ichokwadi here? Uye unehumbowo hupi hunobatika kuti mwana akanga asiva musango sekutaura kwavakaita nemuromo vako?" Vakadaro mambo vachiratidza vakanga vachitoda kuziva zvakawanda murume mukuru akatanga kuita kunge apindwa nechando avakushaya mashoko ekutaura. "Mambo vangu! Ini handina chandinoziva pane zvataurwa zvose izvi? Hongu ndakambotaura naye,asi kwete zvekuzomuvharira kwaari kutaura? Handina humbowo nekuti ndaingonzwa vanhu wemudunhu kunyanya Mainini vake ndivo varikuziva nyaya yacho yose yakaitika nekuti ndinganyepera dare ini." Akaita kutaura achinzwisa tsitsi zvekuti mambo nemakurukota vakadzingudza musoro yavo ndokuti. "Machinga! Vava kutadza basa rako rehusabhuku? Kana vava kuita basa rekutonga munhu nekuda kwezviri kufamba zvichitaurwa? Vakamudana ukamubvunza here chiri kuitika? Ko, kana kuri kuwengana pachezvavo vanhu ava? Iye mwana akaraswa vacho ari kupi nababa wemusikana uyu?" Vakapedzisira nemubvunzo uye ipapo Machinga akati.. " mambo muri kuona havana kuuya vakakwana nekuti varikureva nhema dzavo kuda kundirasira mhosva ini ndisina mhosva zvachose" aiva achitaura ipapo ndakaona baba Solo vavakuti "pamusoroi wedare? Ini ndiri pano ndinoziva Pardon munhu asingataure nevanhu izvozvi kusabatika pano aenda kunotsvaka kwekugara musiri munzvimbo machief chimoyo muno, nekuda kwasabhuku ava vanonyepera kuti havazi kuziva kwaari? Hamuzirimi here VaMachinga makadzinga VaChitiyo zuva randasvika kumba kwavo muchimwa tea yaiva yagadzirwa nemunin'ina vaMai Tambu? Pamakamuti ndakupa 24hrs dzekubva mudunhu mangu nekuti vakarara nemwana vako ukamuitisa mwana nhasi asiya mwana asina kutaura kwamuri? Kana ndichireva nhema taurai tinzwe?" Palataurwa mashoko aya ndakarwadziva chaiko nekuti ndakanga ndisina kutarisira zvakadai izvi. Hupenyu hwangu nababa vangu akanga angova manyama manyama kana vanhu nechavaiti wengera ndakanga ndichitochishaya ini. "Nyaya iyi iri kuratidza kuti pane zvimwe zviripo uye imi VaMachinga muri Sabhuku makuita kutonga nedemo zvakadaro zvinobuda here? Kwanhasi toperera APA tichasara tochiongorora nyaya iyi kuti tikwanise kuona ane mhosva. Munodzoka nemugovera Vhiki tinotevera. Iwe mwana sikana uye nemwana vako pamwe nababa vako pano padare? Mach uuye nemunhu akakuudza anova Mainini wemusikana uyu ini ndapedza nemi ndamirira pamunodzoka." Vaiva mambo izvi zvakaita ndiomerwe nekuti ndaitangira papi kunotsvaka baba vangu nekwandaiziva hapana chaiko. Takabva pamambo toenda kumba zvedu ini ndaiva nababa Solomon vaitaura zvakanga zvaitika zvakandirwadza. Patakasvika pamba pababa Solo ndakuti ndipfurire kuenda kumba kwababa vangu ndakadirwa mvura yaiva nesvina naMai Solo ndalatadza kuziva chandaiva ndakanganisa kuti vasvike pakundidaro. "unofunga ungakwanisa kutora murume vangu ini ndichiri mupenyu? Vakanyanya kuita sei zvinoita amire newe kudai? Svika dzega dzega dzaunadzo usingakwanise kana kugeza nekugezesa mwana vako vavakuda kutora murume vangu. Mai vako zvavakafa ndizvo zvavakasiya vataura HERE kuti unoita basa rekudanana nemurume vangu ini ndichiri mupenyu? Manje hazvitike pamwe kana ndafa." Vakataura zvakawanda zvakaita nditadze kunzwisisa zvavaiva vachida kutaura. Chandakaramba kutukirwa mai vangu ndiri vakafa vasina mhosva yavaita. Ndakafamba ndichienda pedyo nepavakanga vari ndaiva ndaita kufuta nehasha. "Kana ndichikupai ruremekedzo mokwanisa kundinyarawo hanty kaa? Handizi mwana wenyu vamunoita zvamunoda kaaaa nekuti handina kutora murume wenyu. Asi kana muchitadza kumubata zvakanaka munoti angagarera munhu vanoziva hazi kumubata zvakanaka anoenda kwaano batwa zvakanaka? Kudai ndiri imi ndatonyarara kuita kuvhara gaba chaiko nekuti zvandiri kufunga ndikazvitanga muchaona zvenyu." Ndaiva ndaita kutsvukisa maziso angu zvekuti dai pasina baba Solo vakazovabata ndaida kuvarova chaiko zvavasati vakamboitwa. Ndakazobva apa ndoenda kumba ndiri munzira ndakasangana naSolo aine umwe musikana vaiva naye iye kuita sekunge asingandiziwe zvakandirwadza uye handina zvandakataura kunze kwekungo pfudzana chete pasina akanga achitaura neumwe. Ndakasvika kumba ndakaita kuneta ndichishaya pekutangira ndakaona hutsi hwaiva kuseri kwemba. Ndakafamba ndichienda uku ndakasvika ndichiona Mainini vaive vachipisa hembe dzangu dzandakasiirwa naMai vangu zvakandirwadza kusvika paku.... BABA SOLOMON Hameno zvinhu ndakanga ndichizozvifambisa sei, kuti ndirase munhu akandiberekera muzukuru zvakanga zvisina kunaka. Kumba nyaya yekunzi ndavakudanana naTambu yakanga yonetsa kuna mai nemwana. Chandaisada kuona mumwe munhu achitambudzwa nekuda kwezvinhu zvaasina kubvira akaita. "Baba Solo dzenyu itsitsi dzei kuda kusungirira Sabhuku munoziva kuti kugara muno munzvimbo ndiye Sabhuku?" Vakadaro ini ndakatoseka nhamo serugare nekuti ndakaona munhu ayiva akarasika chaiko. Pandakada kumupindura ndakaona VaMachinga vachisvika pamba pangu, ndega ndakatoziva nyaya yavakanga vafambira hazvaida kubvunzwa izvi. "Baba Solo ndauya kwauri umwe wangu! Ndinoziva vakabvuma kunyengedzwa nemusikana uyu uchida mundiroverera kwamambo? Nhasi tiri vaviri pano ndinoona unoda mari ndiye irikuita uite izvi?" Vakanga vachitaura ini ndaiva ndaita kurasika kuti vaitaura nezvei apa?. "Baba mashoko amuri kutaura handizi kumanzwisisa ini?" "Ndiri kuti ndikakuwedzera munda vako uyu mudiki diki! Newandoda kukupa unonoudza dare kuti zvose zvandakataura paya aiva manyepo hazvina kuitika nekuti ndinoda mhuri iyi itambure?" Pavakataura izvi hana yangu yakaita kurova mumoyo ndakazviudza kuti handizi kuda kukasika kungwadza munhu ndisati ndaziva nyaya yake nekuti ndizvo zvichazoita munhu asungirirwe mudare. "Nyaya yenyu ndainzwa baba, asi ndinoda kuziva pamudzi wenyaya chaipo nekuti zvonetsa kungochinja nyaya zvisina direction?" "Uchiona Kudai mwana uyu akarema nekuda kwekuti mamwe mashoko akataura ndakamaita mazuva aiva nenhumbu, ndakatadza kuita zvandaida zvose paari! Avakushandisa mashoko akare kuaisa mudare ramambo? Ndinoziva nyaya iri kundibata nekuti mwana uyu ndakamupiwa naMainini vake zvekuti mbuya nasekuru vacho vanoziva zvose zvakaitika kuti uyu achava mudzimai wangu. Handizive ndoibuda sei nyaya iyi ndosaka ndauya kwauri baba Solo." Kutaura kwawaiita kwakaita ndiwe neumwe umbowo nekuona nyaya kwayaiva yakatangira kwacho. Ndakangovati ndichafunga nezvazvo ndiko kuenda kwavakaita ndikasara ndonyora zvose mutsamba nekuda kwekurwadziva nezvo. Ndakapa Simba tsamba kuti aende anopa Tambu nekuti zvaizoitika ndakanga ndisingazive. To be continued on chapter 11