Chapter 9️⃣ TAMBUDZAI "Iwe mwana vaChipo! Vatumwa here unosvika uchitaura kwausina kuswera? Ziva munhu vauri kudaro kuti ndimai wako, hapana chinochinja nekuti ndizvo zvakasiya zvataurwa naMai vako pavakafa." Vakadaro mbuya vachifunga vainyepera mwana mudiki vasingazive ndakanga ndakura. "Zvamuri kutaura! sei Mai vangu vasina kuzvitaura? Sei baba vangu vakaramba ivo Mainini Veronica nekuti hazvina kutaura naMai vangu pamwe ndizvo zvamakaita kuuraye Mai vangu nekuda kwekuisa mwana venyu pamurume anova baba vangu? Nhasi avakuda kuparadza ini? Mai vangu chavakanyanya kutadza pamuri chii chinoita mhosva yacho isapera yava kutambudza nesu isu vapenyu? Pane rinda ravo munopaziva wani!, madii kuenda ikoko? munonyepera kuda munhu zvenhema." Ndakataura kusvika ndaona mbuya vaita kuruma muromo vavo wezasi, ini mumoyo ndakati zvenyu izvo kana muchiroya ndiroyei ndife, asi mukandirova motadza kudya nyama yacho tonetsana. Kana vari sekuru vakanga vongoeredza misodzi yavo zvainzwisa tsitsi. Ndakaona mbuya vauya nekandiro kaiva nemanhuchi emafunde akadzvurwa, ipapo ndakamatarisa ndokuona kuti apa ndikada kuita zvekudya ndinogona kutevera Mai vangu chete. Ndakatora ndiro yangu ndokuenda paiva ne kamainini kangu kaitotamba. Ndakasvika kuisa ndiro mberi kwake ndikati, "Mainini handingadyi ndega zvinhu zvakawanda izvi! Huyai tiite mushandira pamwe tiri tose." Ndisati ndapedza ndakaona mbuya vaita kufuta nehasha vachiuya kuzobvuta ndiro iyi, zvekuti vakairasira kwakadaro. "Ndakuti udye nemwana vangu here! iwe mwana vaChipo? Why usingade kunzwa." Ipapo ndakaramba ndakanyarara misodzi yakuita kuyerera nematama angu. "Mbuya wenyu mweya rudzii usina kana tsitsi zvavo? Ndakakutadzirai chii! Chinoita mude kundiuraya Kudai? Zvandaita ndaiva ndaziva kuti ndizvo zvichaitika saka ndasarudza kufa nemwana wenyu kana tose tichinge tadya chikafu ichi. Mweya rudzii uyu? Ndizvo zvamakatuma mwana wenyu kuzondiparadza uye kundishaisa mufaro pamusha vababa vangu here? Regai ndikuudzei kuti ini ndinonzi Tambu! Zvamakaita Mai vangu zvakakwana now yavanguva yangu yekuti muone moto mukarega kuudza mwana wenyu achibva pamba pababa vangu muchaona ndamuisa demo." Ndakadaro nekutooneka kudzokera kumba kwababa vangu ndaiva ndane zvose zvandakanga ndichitsvaka zvandaida. Ndakanga ndichiita kunonzi kufambisa kana akanga achindiona aifunga ndakanga ndavakupenga nekuda kwenjere. Ndakati ndichiyambuka karukova kanonzi nyamuzizi ndati kwirei ndakasangana nevamwe varume vakaramba vakanditarisa ini handina chandakataura kunze kwekunzwa vachitaura kuti. "Ndiye anababa vatiza kuenda kwamambo nekuda kwemwana vaakatiza uyu? Vamwe vanhu havana tsitsi regai Mainini vacho vakati nhumbu iya yaiva yababa vake vaireva chokwadi." Mashoko aya ndakaedza kuda kumabatanidza zvavaitaura izvi, ndakatadza. Pandakasvika kumba makuseni seni ndakasvika Mainini vaiva mubishi Bishi kuda kuvhura imba yairara baba naMai vangu. "Kwakanaka here zvamunoda kuita paimba yevanhu?" Ndakadaro ndichivabvunza ivo vakanga vasina kundiona vakaita zvekuvhunduka sango ichidonhera pamusoro pegumbo ravo zvakaita iva kuvadze. "Unondibvunza zvakadaro kuti kwakanaka here kudai uri umwe itomhanya kwamambo kumhiri uko kwaendesa nyaya yababa vako newe unoti zvimwe ndakakuwenga,asi kwete zviito zvako ndozvakukusungirirai." Vakasara vopedzisa ini ndakanga ndakutoita kumhanya ndaida kudzoka ndopedzerana nawo ndaiziva vakanga vari vamwe chete. Ndakazvibvunza kuti akanga akwira dare iri ndiyani chaizvo nekuti kana vari baba Solo vakakwira dare ndaizoneswa Moto chete. Handina kutora nguva kusvika paiva pasina vanhu vakawanda pamuzinda pamambo. Ndakaona maziso ose ari kwandiri. Ipapo baba Solo vakasimuka vachiti, "zvamanga muchitaura uyu auya muridzi wemwana angakwanisa kutaura chokwadi nekuti ini ndini ndaiva ndakasirwa mwana uyu sekutaura kwandaita" vakadaro ini ndakashaya kuziva kwaibva nyaya nekwayaienda uye ndakaona sabhuku wekudunhu kwedu varipo ndakarangarira mazuva andakapona ndikaita 2weeks vakatanga kundinetsa ndakaona kuri kushandisa mukana uyu. "Mwanasikana zvavauya kudai zvanaka. Tinoda uudze dare chakaita urase mwana uyu ari mudiki nekuti ijeri hombe chairo ravakaita uye unoda kusvibisa nzvimbo yangu here?" Vaiva mambo vaibvunza ziso ravo rakaita kutsvuka sechiropa. "Baba ini zvamunotaura handiziwe chandinoziva ndechekuti ndakasiya mwana wangu kuna baba Solo ndakavati vazope baba vangu pane kwandinoda kutumwa nasabhuku handiziwe ndekupi! Izvi ndakazviitira kusafamba nemwana ndichitya aizoita flue. Nyaya yamurikuti ndakarasa mwana handiizive zvachose uye ndiani akamunhonga wacho ndinoda kuziva?" Ndakadaro ndatoona kuti nyaya ndakanga ndichitadza kuibuda paitoda kushandisa njere kwete kurara nefungwa mumusoro. "Ungatiudza kuti Sabhuku vakanga vachida kukutuma kupi nekuti ivo pachezvavo vane mapurisa avo avanokwanisa kutuma? Vanotuma iwe kuti zvingoita sei?" Uyu mubvunzo vakaita ndipukute maziso angu nekuda kwemisodzi yakanga yakuda kubuda apa ndaifunga zvimwe zvekutaura. "Hapana kwavaida kundituma ava, vakanga vachida kundipfimba nekuti hanzi kana uchida zviendeke mumhuri menyu mudye muchiguta rara neni pandodira unoona kushanduka kwehupenyu. Pandakati hazvingaita nekuti muri zera rababa vangu uye munoda ndirwadzive kangani vakavha wandivharira muroom kusvika ndazoita plan nhasi ndakabuda nekutiza, izvi zvamuri kutaura handina chandinoziva nekuti ivo vainditi ukasarara neni mwana vako achafa rufu runorwadza." Ndakapedza kutaura ndavakuita kuchema mambo ndakaona vakubudisa misodzi vakatarisa sadunhu vaingohumana vachiti dai reva nhema... Ipapo mambo akasimuka achinhongedzera minwe vake achiti kune sadunhu uyu munhu anofanirwa ku...... SOLOMON Munhu akanga achitaura kwaasina kuswera. Umwe akanga achida kuonererwa akanga ari simba ndakanga ndisina kana basa naye. "Simba unoziva chii shaaa! Handinyengerere hushamwari as long my mother vachindida zvenyu zvamuri kutaura zvevanhu vasina pfungwa izvo." Ndakadaro ndichiita kuvhizura maoko anguz shuwa munhu angandiudza kuti uri kumwana chamhamha chinoterera mashoko asina kunaka. Ndakamuti Simba pedzisa marutsi angu nekuti ndizvo zvauri kuda ini siyana neni naMai vangu. Ndakasvika kuparadzana naye ndakasvika kumba ndikaudza Mhamha avo vakanga vakuti baba vangu vaiva vaenda kwamamombo nekuda kwenyaya yaTambu. Izvi ndakanga ndisingade kuzvinzwa zvachose zvekuti ndakanzwa kurwadziva ndakanga ndisingade kuona musikana uyu pedyo nababa vangu zvino ndoita sei kuti zvandiri kuda kuita zvibudirire. Zvose ndaiva ndozvibvunza mumusoro mangu ndichishaya ndodii. Hongu Mai vaiva kudivi kwangu,asi zvakanga zvakaoma ndakatofungira baba vangu vaiva vakudanana naye chete nekuti dzavo dzaiva tsitsi dzei idzi?.... To be continued on chapter 10