Chapter 1️⃣9️⃣ BABA SOLOMON (VAMUNETSI) "Baba Solo mukuona mavakutipinza mumatambudziko nekuda kwekunyengedzwa kwenyu uku. Kudai musina kuuya tingadai tatofa kare tauraiva nemuroi uyu." Vakadaro ini pfungwa dzakanga dzisiri panzvimbo imwe chete uye pandakada kutaura ndakaona Mai Shumba vachisvika pamba pangu nemuzukuru wavo. Ava vakanga vasingangofambe fambe nekuda kwekukura kwavakanga vaita zvakaita ndidzoke ndootya nekusvika vasina mufaro. Ndakavatambira zvakanaka vakagara pasi muzukuru wavo akaenda kwaiva neumwe wake. "Kuona mutitsika kuda zvoreva mune mashoko maviri matatu amungada tikurukure amai" ndakadaro ndichiombera maoko angu. Zvekuti taiva tasara tiri vatatu ivo neni nemudzimai vangu. Ndakaona chembere ichidonhedza misodzi kuratidza zvakanga zvafambirwa zvaiva zvakaoma uye pane zvavaida kutaura. "Vanangu! Kuuya kwandaita pano sandikuda, asi zvinorwadza kuona manext door achiwirwa nedambudziko rakaoma? Kuuya kwandaita inyaya iyi yemwana akasunungukira mudanga rembudzi iro ini ndini ndakaita nyamukuta wacho pamazuva abatsirwa." Vakadaro vakatura mafemo. Ndiyo nguva yakanzi namai solo.... "Mbuya! Matengwa nemarii munouya pamba pedu kuzotaura zvisina nebasa rose? Kana marwadziwa endai kwakaenda kujeri kwete kuda kuuya kuzotinetsa pano munoti ndini ndakutii muchembere here makapedza kuzvijira vana wenyu makuda kunhanhira kumurume wangu nemwana vangu kuti zviidii? Manje manyangira yaona. Mashoko enyu enhema aya endai munomafuswa kumba kwenyu." Akadaro Mai Solomon achidira mbuya VaSimba madaka akapinda mumaziso ini ndakazobata,asi zvakanga zvakaoma hazvo ndakanyara nekutukwa kwakaitwa chembere iyi. "Vanangu! Ndauya pano murunyararo,asi zvamandiita izvi Mwari ndivo vachaita kuda kwavo munechokwadi kuda kunditambudza. Ini chembere yakwegura kudai here? Chandatadza chii!kusvika mundise madaka mumaoko? Ndakaparei kwamuri zvoita mudai? Ini ndaenda kumba kwangu musha uno muchatambudzika muchatsvaka rubatsiro kune vanhu vamuri kubata zvisakarurama ava, wenyu mwana akakosha kudarika wevanyu vanhu. Muno munenerera zvose zvanenge aita,asi regai nditi musha uno ndikuona matadza kubata mwana kana muzukuru be side....." Havana kupedza kutaura vakanga vabatwa nemuzukuru wavo vachienda kumba kwavo. Ini musoro vaive vakuita kurwadza nekushaya kuziva zvekuita pane zvakanga zvaitika izvi. Kuenda kwavakaita ndakasara ndikatanga kunetsana namai solo "IMI muno sekerera zvisina kana nemusoro wese? Kwenyu kupusa kunoita mubvume kushandiswa nevanhu wese kusanganisira nevana vadiki. Handisati ndakaona murume akadai ini pasi pano zvako zvanyanya, izvezvi uchatobvuma zvataurwa izvi". Haana kupedza kutaura ndakanga ndamurova nembama pamberi pemuroora wake. "Muromo wako usingakwanise kunyarara vakaita sei? Kwako kugonesa kutaura kana ndiwe wega vakapiwa muromo wekutaura chete? Unoona zviri mumaoko ako zviri mberi hapana chaunoona kana kufunga zvamakaita zvinosvika kupi?" Ndakanga ndatsamwa ndaida kumurova imwe mbama, ndakazvidzikamisa ndatoona kuti hazvaiita kuzokupamha pamberi pemuroora vake. Akabva paiva nevamwe achienda mumba hameno zvakanga zvafungwa. Munhu wepi anoita pamuromo pakadaro iye achiziva chokwadi!. Ndakazotevera mumba maiva apinda ndichida kuona shasha yakanga ichiita nezvei. Ndakasvika kuona akaita kuzvipfinyirira nemagumbeze uku achiita kuchema zviya zvekuratidza munhu akanga ane shungu. Asi kuti akwanise kutaura zvakatadza kubuda nekuda kwe... VERONICA "Maria! Maria! Chiii chiri kuitika mwana waamai vangu.? Ndakadaro ndichibata bata pose, asi ndaiva ndapererwa zvino iye akanga angoti tuzu maziso ake akabata pahuro asinga kwanise kana kumavhura uku rurimi rwakanga rwaita kakubuda panze. Handina kuda kumirira kuona zvaiitika apa ndaiva ndisina kana rimwe zano kunze kwekudzokera kumba ndichimhanya. Ndichisvika ndakaona mai nababa vangu vakatogara uku ndaiva ndakuita kunzwa kuzarirwa zvakanyanya ndakuita kutadza kutaura zvakanga zvaitika. "MHAMHA Kani Maria uko! Uko arikuita kuuuuu,..." Handina kutaura ndakumhanya nechigubhu chemvura mai nababa vachinditevera kumashure kwangu. Hazvina kutora nguva yakakura kuti tisvike paiva paitikira zvinhu izvi takaona pane umwe murume aiva akamubata achiratidza zvose zvakanga zvakanaka. Iye panguva yacho akanga asinga kwanise kutaura kunze kwekuita masign. Ndakati baba vaende naye kumba ini pane zvandakanga ndichinzwa kuti ndiende kumba kuna Tambudzai. Ndakapinda munzira uku ndaifunga zvaive zvabva kuitika izvi nekugara ndichiona Mai Tambu kuhope kwangu. Hazvina kutora nguva kusvika pamba pana Tambu. Ndichiona varume vaviri vakanga vachiputsa imba yairara Tambu ndakafunga zvimwe ndiye akanga achida kuvakisa yezvidhinha sezvo iyi yaiva yematanda. "Makadii amai? Tobatsirana nei zvamasvika muchigara pano?" Akadaro umwe wevarume vaibvisa matanda paimba yaTambudzai. "Aaah mukuwasha! Ini ndauya kuzoona mwana wangu ari kupi zvake?"ndakadaro ndichibvunza. "Amai kutaura chokwadi pano tanzi tibvise svina idzi nasabhuku sezvo anoda kupa munhu munda uyu. Tambu akasungwa kuserwa zuro kutaura kudai arikujeri." Ndakaratidza kupererwa zvose nekuvamisa kuita zvavaiita izvi. Ndakaenda kumba kwasabhuku vacho ndichida kunovaona. Ndakasvika akagara nemudzimai wake asinga tarise kunze kwakanga kuinei zvako. "Ndakakuudza kuti uchauya mumaoko angu nekuti ndini ndiri kutonga!" Kudai baba ava vaiziva zvaiva mupfungwa dzangu pasina kuvhura meno avo aiva akashata aya. "Kuuya kwamuri? Kuti zvidiii! Kuti muri ani? Zvamaita zvakanaka here izvi kutora munda muchipa vamwe vanhu pasina mvumo yemuridzi wemunda? Munoti zvose zvakaitika nezvamuri kuzviitira handizvizive here? Baba Tambu nemwana vavo vanyanya kuparei zvamunoda kuvatambudza zvakadaro? Sei musina moyo wemubere munoita zvakadi. Nezuro makabva kutongwa nhasi mavakuita zvisina basa?" Ndaiva ndaita kutsvamwa nekuda kwehasha. Ndakanzwa vavakunditi. "Veronica! Vakatanga kuita pfungwa dzakadai rinhi? Vakanganwa kuziva kuti Mai vake vakaroorwa pavaida kuroorwa iwe,vanhu ava imhandu kwauri usataura zvakadai nekuti iwe pfungwa dzako dziri mumaoko angu." Pavaitaura mashoko aya ndaiva ndakaterera zvakanyanya. "VaMachinga! Tambudzai mwana vangu? Pardon murume vangu kana ndakamutarisa? Hongu! Kwaive nekufurirwa mukati kuti muwane zvamakanga muchida nekuda kushandisa ini kutanga ndapinda? Now ndavhurika meso uye ndinoda kuona mufaro pamwanasikana vangu kwete kuti anochema. Kana muri mumwe siyanai nemunda nemusha uyu nekuti ndikugarapo kusvika Amen. Kana musingade ini ndavakunokwira dare kwamambo pane zvose zvamakaita kuti ndimi makauraya sisi vangu nezvimwe nekuti iye vamuri kuti ari kujeri! Haaaa ndine hurombo kana vamupurisa venyu vafamba naye vakasvika uye chandoziva ndechekuti Tambu hazi kujeri." Ndakadaro ndichivaudza ipapo ndakaona murume mukuru avakutadza kugarisana kuita seanotsva muviri vake vose. Ndakanzwa mukadzi wava Machinga avakuti..... To be continued on chapter 20