Chapter 2️⃣3️⃣ MARIA "Urikutorara hope dzehumambo uchidanidzira help help vakarara zvako ipapo? Vakadaro vachiuya kunogara pedyo neni. Ini kuti Ndizive ndaiva ndadanidzira handina kana kutsvakana nazvo uye handina kuvaudza hope dzandaiva ndarota nekuda kwezvikonzero. "MHAMHA! Kutaura chokwadi ndanga ndichirota maiguru Mai Chipo vachida kubaya imi nebanga ravaiva vakabata." Ndakareva nhema ndichida kuona mamovement avo avakanga vachiita panezvandaiva ndataura izvi. "Aaaaa! Vanga vachida kubaya ini? Kuti ndaita sei! Uye vanga vachitaura kuti pane zvavanzwa zvacho?." Vakandibvunza vachiita kuhuta huta kwandakaona nemeso angu. "Hanzi Manyanya kutambudza muzukuru vangu zvose nekuura kwamakaita mwana wavo. Ichokwadi here kuti ndimi makauraya sisi? Ndinoda kuziva chokwadi kubva kwamuri MHAMHA taurai zvose zvakaitika." Ndakavaudza ndokupedzisira nemubvunzo vakaita vatange kubudisa misodzi yandakaona nemaziso angu maviri. "MARIA mwanangu! Uchiona kudai zvauri kusangana nazvo kuhope ndakaita zveshuwa, asi hakwaiva kuda kwangu ndakabvuma kunyengedzwa kusvika kuita zvoshoresa izvi. Ini handina kuuraya sisi vako zvangu nekuti ndaiva munyaya, asi handina ruoko kunze kwekuti tsoro dzangu dzakatadza kubuda zvakanaka." Vakataura vachiita kuchema ini ndakanga ndooda kuziva chikonzero chakaitika uye chavanotambudzira Tambu nababa vake. "Uchiona ndiri kutambudza baba nemwana kuda kuedza kuti Tambu aroorwe naVaMachinga kuitira mari yatakadya iyi ivharane ndizvo ndatoona kusundidzira mhepo idzi. Kutora mishonga hakuzi kuda kwangu, asi pane zvaitika izvezvi ndoda kuona vachotambura ndakatarisa kana iwe uchida kubatirana nawo batanai muende munofa pamwe chete." Kutaura kwavo kwakaita ndinzwe hasha ndakaerekana ndasimuka ndikaita wekudzipa nemaoko angu kusvika vavakutadza kufema apa ndaiva ndakadzwanya gorokoro ravo vakuita kupindura maziso avo. "Kana masiya mabasa wenyu ndipo ndichakuregai." Ndakadaro zvekuti ndakazovasiya nekuda kwababa vakasvika nekundirova. TAMBUDZAI Hameno chakaita ndiite ndisatye zvakanga zvichibudiswa izvi, ndakatanga kutoseka panzvimbo yekuti ndisuruvare nezvakanga zvoitwa izvi. Ndaiva ndabvunza mibvunzo isina kana nemusoro zvayo ndichiziva ndaiva ndimire papi. "Ukuseka zvako? Unoti tiri kutaura zvinoita useke here uchaita nyama yemagora kana tapedza newe zvatinoda." Kutaura kwavaiita ndakswedzera kuita kunge mupengo. "Ini ndakatofa kare pane zvamunoda kundiita izvi? Ndaneta nekutambudzwa imi ndimi chenjerai kuzoita nyama yemagora kwete ini. Munoti kwangu kupusa here? Kwenyu kubatsira munhu akafa ndekwei manje ini nditori chipoko pane zvamunoda kundiita." Ndaita kutaura ndine hushingi, havana zvakakwanisa kuita ndikatoona kuti pano ndikada kuita chinamato hapana chinobuda panotoda chitororo chaiko. "Ko, ndingaxvibatsirawo here misai mota yenyu pano ndinoda kuzvibatsira?" Ndakadaro ndatoona kwataiva kwakanga kusina dzimba dzakawanda kunze kwekuona minda chete. "Takuudza kuti tichanozororera kwaRusape! Muno mumacheke hamumirwe mirwe zvaunoda tiite." Akandipindura akanga achidrive vacho. Ndakaramba ndakanyarara uye akamisa mota umwe vacho akaenda kunozvibataira pane kamwe kasango ndiye akanga ane banga randanga ndaona uyu akasara asina chaiva nacho achitambisa maoko ake pachimudiraivho. Ndakaona rimwe bhande raiva paari rakaiswa nepadumbu koita rimwe rakanga risina. "Nhai imi baba! Ichi chinoshanda basa rei?" Ndakabvunza ndichiri bata bata paaka cheuka achitarira kwandaiva ndakanga ndamurova muromo nekumuisa jira raiva rakanyorova iro ndakanga ndaitira weti yangu. Ndakamumonera kusvika ndaona kuti pano hachakwanisa kudii kwakanga kwasara umwe vacho. Ndakaita raki kuona chipanera chaiva pasi apa zvekuti pakada kupinda umwe vacho ndakatanga kurova rova door ndichiti mudumbu mangu. Akauya kumashure achiita kumhanya ini ndaiva ndakazvambarara pasiti. Akasvikobata paiva pakanyorova ndakaona adongorera apa ndaiva ndakarara ndakaita kakuvhura makumbo ndisina kudii. Akanyemwerera ini chemumoyo ndakangoti hekani varo ndosaka vanhu rume muchipera nekuda zvinhu kwenyu and ndatoona weakness yako shamwari. Akada kundibata ini ndakamudhonza musoro vake uchiuya kuchifuva kwangu. Ipapo ndakamurova nechipanera pamusana panovana simba apa. Ndadaro ndakamusunga maoko nemuromo ndokuvasungirira. Husiku uhu ndakarara pasango apa zvekuti kuchiedza ndakaona shasha zvakaita kusunga ndakatora umwe vacho ndikamuisa kubhuti akanga achidrive, asi ndakaona kwaiva nezibag raiva rakazara ropa rine kamwe kamweya karaiva nako. "Ndinonzi tambudzai kana makanga musati makanzwa nezvangu.." ndakadaro ndichivhara ndokuenda kwaiva neumwe vacho akanga achiyuvira nemusana wake. "Nhai! Mukoma? Mune mwana nemukadzi here?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Handina vanga uchida chii?" Akadaro achindibvunza. "Aaaaa! Kushaya kuziva kuti manga muchitaura nezvei? Uye sei manga muchida kundirara ndisingade? Munoziva ndiri mukadzi wengozi here pane zvamanga muchida kuita izvi. Zvino ini regai nditi imi ndimi nyama yemagora nekuti ini ndinokuonesai zvamusati makamboona." Ndakadaro ndichimusearch homwe dzake ndikatora mari yakanga irimo iye ndakaisa mukati mumota ndokukiya mota ndikavasiya varimo. Ndakafamba kwechimufambo ndokuona imwe mota ndikakumbira ndikanzi ndinonokusvitsa pauri kuda pacho. Ndakatenda ndokuenda kwaMutoko pandakaziva kuti pano ndipo pakanga pari pamutoko murank. Ndaiona mabhazi akanga achipinda nekubuda. Pakaita rimwe bhazi rakanga rakanzi zebra kiss raienda Harare ndakatarisa rakutobuda kuenda Harare ndakaona chiso chava vangu nechimiro chavaiva. Ndakaedza kumisa bhazi racho, it was too late rakanga ratoenda ndakasara ndikaita kugara pasi chaipo. Ndakatanga kuzvibvunza zvakawanda panguva iyi. Ndakanga ndaita kupererwa ndoshaya zvekuita. Umwe mweya vakanga uchindiudza kuti dzokera kumusha nemari yandakanga ndinayo iyi. Ndakasvika pakutsvaka bhazi raienda kumusha ndaiva ndazvipira kudzoka kumba chaizondiwana chinondiwana ndiri pamusha vababa vangu. Ndakaenda nezvimota kumusha,asi pfungwa dzaiva kumwana nababa vangu uku imwe pfungwa ichiti havasi baba vako wavaona kufanana kwevanhu uku. Handina kutora nguva kusvika kumba apa ndakanga ndichifamba kuita kunge murwere hangu. Ndakapfuura nekumba kwababa Solo ndaingonzwa kupopotedzana ndakati handizvitsvake izvi. Ndakasvika kumba ndichiona pangosara kaimba kamwe chete kaivapo. Dzimwe mbiri dzakanga dzakaita kuondomurwa kuputswa chaiko ndakachema misodzi ndichiona izvi ndakatadza kuziva akanga aita izvi. Ndakazoona Mainini Veronica vachibuda mune imba yaiva yasara ipapo ndakanga ndoda kuziva akanga aputsa imba yamai vangu ndiani. Asi ndisati ndadaira zvakawanda hameno chakaita ndiende paiva neguva ramhamha. Kusvika kwandakaita paraiva ndakaona pakaita kunge pakafukunurwa nechekwaiva nemusoro wavo uku. Ndakamboti zvimwe kuda inyoka,asi zvaisaenderana. Ndakapinza ruoko ndakaona pachibuda zvinhu zvaiva zvakaputirwa nejira dzvuku. Ndakaenda nacho ndikasvika kumba. "Tambu! Vachiona kupi chinhu ichi?" Vakanga vari Mainini vaindibvunza.. "Ndotobvunza imi murikuziva zviri kuitika nekuti ndakasiya zvinhu zvakanaka pamusha pano. Kudzoka kwandaita matoputsa imba dzose matanda aiva ari padzimba dzacho ari kupi?" "Mwanangu kutaura chokwadi, VaMachinga ndivo vakaita izvi? Pandakadzoka ndakasvika vapedza kuparadza kutaura kudai nyaya iri kwamambo ndiko kwandakaikwidza" vaita kutaura vachinzwisa tsitsi zvakaita ndivimbe nemashoko avakanga vachitaura achibva pamuromo wavo. Panguva yandakada kupindura ndiyo nguva yandakaudzwa nezvekufa kwaMbuya Shumba uye pakasvika zvakare Solomon achi.... To be continued on chapter 24