CHAPTER 2️⃣4️⃣ TAMBUDZAI Ndakanga ndaita kugara pasi mumadaka, misodzi ndiyo yakanga yongobuda pameso angu pasina kana izwi rakanga richibuda mumoyo mangu. Ndakaedza kuda kushama vangu muromo kuri kuda kubvunza zvakanga zvaitika kusvika mbuya vafe, ndakatadza kubudisa izwi nekuda kwekurwadziva. Mbuya vakanga vari munhu akanaka asina hutsinye nemunhu zvake. Ndakarangarira panguva yandakatambura nemimba yemwana ndichibatsirwa nawo nekuzvara kwandakaita. Ndakachema kusvika shungu DZANGU dzapera dzose. Handina kuda kuramba ndiri pamba apa ndakasiya Mainini naSolo ndichienda kumba kwambuya VaSimba . Kusvika kwandakaita ndakaridza mhere yandakanga ndisati ndakamboita zvachose muhupenyu hwangu, kana zuva rakafa Mai vangu handina kuchema seizvi nekuti ndakanga ndisita ndava nepfungwa dzakakwana dzaikwanisa kuziva zvaitika. "Mumwe vangu! Mbuya vakaenda ava kunyika isinga dzokwi. Ndasara nehunherera hwangu uhu kani? Hameno Mwari azviitirei kutora vatsvene pano panyika achisiya vanoita mabasa akaipa aya. Ndizvo here kuti vanhu vane moyo yakanaka havana mazuva akawanda ekurarama pano panyika kunze kwekufa vachienda kumusoro kudenga ndiko kune musha wavo." Akataura zvakawanda simba tose takambundirana tiri pamwe chete ndokuchema kusvika tanyararidzana tega pasina umwe munhu. "Ndaiti hauchadzoke ini ndafara kuona uchidzoka kudai ini. Ndaiva ndakusuwa zvisingaite nekuti kubva zvandatanga kutamba newe ndakaona kushanduka kwezvinhu muhupenyu hwangu, kunyangwe ndasara ndega hangu ndichaedza kuzvishingisa." Akataura zvakawanda achiita kubudisa misodzi, ndakatanga kumupukuta neminwe yangu kusvikira takutoseka ndokutanga kutamba tiri tose kukanganwa nhamo dzandakanga ndinadzo. "Ndanga ndakanganwa Tambu! Ndine hembe dzako idzi ndakadzinhonga kumba kwenyu zuva raputswa imba dzenyu nasabhuku uye Mainini vako havana chekuita nekuti vakanga vachitokutsvaka, plz varegerere vakachinja vakusaidi kwako. Idzi dzimwe ndakanzi ndikupe nambuya wangu vasati vafa." Akataura zvakawanda ndakanzwa kurwadziwa kusvika ndaoneka kuenda kumba ndakasvika Solo akaita kugara semuranda achibudisa misodzi uku Mainini vaiva vakabata rushaya rwavo kuratidza vaiva vachiita kushushikana. "Plz mwana wemukoma wangu! Ndinoziva ndaiva ndakaputirwa nerima panguva yandaibvuma kushandiswa nenweya usina kunaka, forgive me Kani uye kuda kwandaiita baba wako kwaisava kwega, yakanga iri Mission yandaiva ndapiwa nhasi ndaona zvisina kunaka ini ndikasarudza kumira newe. Tambu mwana wangu ndikuona pakati nepakati pemoyo wako une bundu. Plz plz ndiregerereiwo Kani." Ndakanzwa tsitsi kuona vachiita kuumburuka mumadaka zvakandirwadza kusvikira ndavabata. "Simukai amai! Kwaisava kuda kwenyu uye ini handikwanise kutonga kutonga ndekwaMwari uku! Ndinorwira kodzero DZANGU kune vanoda kudzityora. Ndakakuregererai kare ini." Ndakadaro pameso pangu paita kuzara nemisodzi. "Why! isu kutambudzwa tega tega zvakadai? Sei ivo baba naamai vasina kutaura chikonzero chakaita ndipiwe zita rekuti TAMBUDZAI iri? Ndiani achakwanisa kundipindura zvandinoda kubvunza izvi?" Ndakachema kusvikira Solo auya pedyo neni kuda kuzondibata, ndakaita kurambira kure. "Mudzimai vako unaye Kumba kwako uko? Unodei pamba pedu pano? Urikutsvakei pano." Ndakamubvunza zvakawanda ndakaona avakutanga kuchema zvake. "Tambu ndinoziva ndiri umwe wemuvengi vako ini! Ndakakutadzira pakawanda uye tanga vanzwa zvandinoda kutaura zvakaitika kusvika pari nhasi apa." Aitaura zvake,asi zvakanga zvisingapinde mumusoro mangu. "Solo! Kana uchida kuti ndikuregerere kana kutaura newe nezvaunoda kundiudza. Ukuona imba dzedu idzi dzakaputswa, iwe ndinoda matanda ekuvakisa dzimba idzi dzimire pamwe chete nekuvakwa newe ndakupa 48hours zvose zvinenge zvapera kuitwa padzimba dzacho." Ndakataura ndichitosimuka pandaiva ndiri. Ndakanga ndichida kuenda kuenda kumba kwasabhuku ndabva ikoko ndozoenda kumba kwaBaba Solomon ndakanga ndine mashoko maviri matatu ekutaura nawo.ndichinge ndabva zvakare uku ndaida kuenda kumba kwambuya vakabereka Mainini Veronica ndaiva nemashoko maviri matatu zvakare ekutaura nawo. Kusvika kwandakaita pamba paVaMachinga, ndakaona murume mukuru achiita kubvunda nekundiona kwaiva achiita. "Mwanangu zvatakanzwa kuti vakasungwa wani? Hapana kana mazuva mana vasungwa vatodzoka?" Ayewa mukadzi VaMachinga akanga achindibvunza izvi. Ini handina kukwanisa kumudaira nekuti ndaiva ndine zvakawanda. "Mhamha! Kuuya kwandaita ndafambira nyaya imwe chete? Murume wenyu akaputsa dzimba dzedu. Handiizive imba ndidzo dzakavatadzira here kana kuti vanhu? Why muchida kutambudza vanhu vasina mhosva dzavanadzo? Chikonzero chaita muputse imba dzisinei nemi chii? Mhuri yedu yakakutadzirai chii." Ndakanga ndaita kuputirwa nehasha ndaita kupfumbata maoko angu, pamuromo ndaiva ndakuita kunge ndarohwa nechando chajune vakuita kutamba tamba ndakuita kutadza kumira. Ndakaona mudzimai wacho akuuya pandaiva akasvika achinditi... MARIA "Unechokwadi kuda kuuraya Mai vako? Uri mwana rudzi chaizvo izvo unoita zvakadai. Zvandaiti ndiwe mwana Kwaye. Ko, izvi zvabva nekupi?" Vakanga vari baba vangu vaidaro vachindirova mumusoro mangu. "Kana muchitira vamwe hutsinye ndizvo zvinoitika? Munoziva here kuti Mukadzi wenyu akauraya mwana wenyu Chipo pamwe naVaMachinga? Imi muchiri makaputirwa nezvakakuzungaidzai. Kana mai vasina kuregera zvinhu zvakaita seizvi." Ndakataura ndichitobuda kuenda zvangu panze. Handina kubvira ndamira panze kunze kwekuenda. Ndaita kufamba ndichiita kucheuka nzira yose pamwe pacho ndaigumburwa ndichifamba. Ndakasvika muviri vangu vaita kurukutika uku makumbo akanga anzwa nrkubaiwa nemafeso nekugumburwa. Ndakaona sisi nemukomana aiva pamba apa vachiita kundimhanyira uku makumbo aiva azara ropa ndakuita kurwadziwa. "MARIA! Vaitwa sei uye nani?" Vakanga vari sisi vangu vaindibvunza izvi. Misodzi yakatanga kubuda. "Sisi hupenyu hwangu nemi huri panguva yakaoma. Mhamha vanoda kutiuraya nekuti tiri kuramba kuita zvavanoda zvose neku...." Handina kupedza kutaura ndaiva ndakuita kuchema ndakunzwa marwadzo akanga ari pandiri nekuda kwekukuvara kwandakanga ndakaita uku. "Mhamha! Mupei nguva yekuzorora nekuti achine marwadzo aanawo aya." Akadaro umwe mukomana vandisina kuziva akanga ari apa. "Solomon! Ndinoda kukubvunza kuti? Unoda mwana wangu here iwe kana unoda kukutambisa? Tarira akachema kwenguva yakakura nekuda kwako uye unoona zvaari izvi kuda kwako." Vakanga vachibvunza ndipo pandakaziva zvakanga zvichitika pandakada kutaura ndipo pakasvika Tambu akaita ku.... To be continued on chapter 25