CHAPTER 2️⃣1️⃣ SOLOMON "Mhamha zvamurikuita handichanzwisisa ini! Sei muri kuita zvakadai kwa ndiri, handizi mwana wenyu here? Iwe mellisa hauna kwauri kuenda, gara pano kunyangwe zvitsvuke ropa sei uchava mudzimai wangu handina basa nezvichataurwa namai vangu. Ndiwe unosika munhu here? Nguva ndeya Mwari kwete isu vanhu wenyama, kutonga ndekwaMwari kwete isu. Imi kana maona muroora atadza kuita mwana then zvarai umwe mwana anonditedzera kana zvakadaro" ndakataura ndaiva ndagumbuka nekuenda kwaive kwakuda kuita mudzimai wangu. Chokwadi mai ndivo zvakare vakanga vandinyengedza kusvika pakuramba Tambudzai nenzira isina kana kunaka zvayo.ndakanga ndaparadzana neshamwari dzangu nekuda kwamai vaiva nepamuromo pasina kunaka. Dzimwe nguva ndaiti ndikaona Tambu ndainzwa moyo kufara, asi kana mhamha vari pedyo hameno zvaingoitika so, zvaisa nzwisisika zvachose. Ndaiva ndiri pakati pekufunga Tambu, ndakanzwa Mai vakutaura nezve. "Iwe Solo usataura kunge munhu akadyiswa nemukadzi? Ndizvo zvandakakuzvarira undiudze zvekuti vavakuda munin'ina?" "Kana mazvinzwa hapana zvandino dzokorodza ini. Muno ziva makaita ndirase ropa rangu nekuda kwenyu uku? Nekuda kwenhema manje ruvengo rwacho rwauya zvakare pane uyu chamuri kuda chaicho chii mhamha? Izvezvi siku nesikati handirare nezvakawanda zvinouya kuhope kwangu nekuda kwekutambudza Tambu nemwana wake kwatakaita uku" ndakachema uye ndakavaudza kuti tikabva kunhamo ndipo ndichataura zvose zviri kuitika kuhope kwangu. Ndakanga ndichiti ndagona kuramba Tambu,asi zvakanga zvakaoma chaiko. Mukadzi uyu kwaisava kuda kwake kusabata pamuviri uku zvakakonzereswa neni nezvandakaita Tambu. Zvakataurwa naMbuya VaSimba chaiva chokwadi kuti kana ini ndaida kuti ndiite mwana ndaikwanisa kuenda kumwana vandakaramba ndichishungurudza uyu... Dzimwe nguva ndiri pakati pekuita bonde ndaikwanisa kungoona mutezo vangu vaoma mushini voshaya basa zvaitondinetsa kusvika ndafamba ndikabata zvose ndezvekuti Mai vakanga vane zvavaizviitira nekuda kwekuti vaiva vane zvavakabata(mushonga) izvi zvakaita nditange kuona kuzungaidzwa kwandaiva ndaitwa kusvika kuramba zvandakaita. Ndakachema ndakagara mumba mandairara nemudzimai vangu. Melisa akapinda achiona ndakazara misodzi akabvunza zvainetsa. Ndakamuudza zvose hapana chandaiva ndasiya zuva iri kumuudza zvekuti ndakazobuda kuenda kunhamo kwaMbuya vaSimba,asi zvaiva zvakangooma kuti....... MACHINGA zvinhu zvakanga zvaenda nepamwe ndakanga ndisisina chiremera kana kumira mberi kwevanhu vaive votaura zvavanoda. Kunditerera pakanga pasina zvachose. Ndakanyara kushaya pekupinda nekuda kwemashoko akanga ataurwa naVeronica kumudzimai vangu. Iye mudzimai vacho kana kubvunza nezvazvo akanga akangonyarara handaiziva zvaifunga ini. Kufa kwaMbuya Shumba kwakandirwadza, nekuti ndiyo chembere yaikwanisa kundipa mazano amwe andanga ndisingakwanise kuziva. Ndakaenda kurufu kwaiva nevamwe wemudunhu ndaingoona Veronica achimhanya mhanya zvekuti ndakapiwa chikafu ndikafunga umwe moyo wekuti iye auya nechikafu chakanga chaiswa chii ndakati makurukota adye sadza rehusabhuku iri kana ainge aisa zvinhu kwaifa makurukota aya. Ndakadaro nechemumoyo iye akaenda. Zvinhu zvakafamba zvakanaka chembere yakachengetedzwa zuva rimwe chete nekuti wehama vakanga vachimhanya mhanya. Ndakanga ndakagara ndine makurukota angu andaitonga nayo NYAYA ndiyo nguva yakasvika mupurisa vamambo akandipa tsamba. Ndakaverenga zvakanga zviri mutsamba, asi zvakanga zvisina kunyora zvakawanda kunze kwekunzi ndaidiwa kwamambo Mangwana makuseni nemakurukota angu andaitonga nayo nyaya. Ndakanga ndorohwa nehana nekuda kuziva kwaiva kwaitikei kunze uku. Zuva racho rakasvika ndakaenda nevandaiva ndanzi ndiuye nawo vacho. Kusvika kwatakaita ndakaona mambo asina mufaro semazuva ose zvekuti nyaya haina kunonoka kuparurwa. "VaMachinga! Ndinoona matadza zvekutungamirira vanhu wenyu sasabhuku." Vakataura izvi ndokunyarara zvavo kwechinguva chakati oooh. Ini ndaishaya kuziva vakanga vachida kuedza kutaura nezvei. "Kukudana kwandaita nemakurukota ako ndati muzive kuti dunhu renyu iro ndichati ritongwe nasabhuku ari pedyo ndakamirira kugadza umwe nekuda kwenyaya yekuti iwe vakapisa imba yemunhu usina kumuzivisa ukapusa zvakare imba dzake iye asipo? Kutora munda kwavakaita. Ndizvo zvakuita zvikusungitire kuti ubviswe pahusabhuku, haugone kutungamira vanhu uchiita zvakadai izvi?vanodzidzei vari kumashure kwako? Unoda kushoresa nzvimbo ino igonzi ini ndini ndinokutumai muita zvakadai? Mhuri iyi yakanyanya kutadza chii! Zvinoita uitambudze seizvi?" Ndakaperera nekutaura kwemukuru uyu kana ini pachezvangu ndakaona kusanaka nekumhanya kwandaiva ndaita apa. Zvinhu zvanga zvandiomera kutaura chokwadi, ndakakumbira third chance zvakare, asi zvakanga zvakaoma hazvo kuti husabhuku hwava kuenda nekuda kwezvinhu zvisina nebasa izvi. "Machinga! Uchamira kutonga kwemwedzi mitatu tochiongorora nekuona kuti ungadzoka pachigaro chako here ichi..." Vakadaro mambo . Asi pane mukurukota wavo uyo akandibuohwa akataura nezve... BABA TAMBUDZAI "Baba! Ndinotenda kuti mapinda mumaoko akanaka aya? Ini ndichaita ndiende kumusha kwenyu uku nekuti ndiko kumwe chete nekwandobva. Hazvinetsi kutsvaka mwana sikana wenyu uyu." Ndakatenda nerudo rwavo rwavaive narwo. Ini kugara pamba pevanhu ndisinga shande zvaitondiremera chose semunhu akanga ajaira kushanda. Muzukuru akanga achikura zvinonakidza. Shuviro yangu nemunamato vangu zvaiva kumwana sikana kuti arege kusangana nematambudziko kwaaiva ikoko akwanise kusangana nemwana wako angomupa Rudo rwakafanira samai vake. Manheru makuseni kana masikati zvayo ndaiwana nguva yekupfugama ndichinamata kuti Mwari vakwanise kuchengeta mhuri yangu kuti ndikwanise kuzosangana nayo nyama nemweya zviri pamwe chete. Rimwe zuva mukomana akasvika kuzoona huku dzake nekuunza dzimwe apa ndaiva ndiri mubishi kudzisira mvura nechikafu. "Baba! Ndakakuudzai kuti chenyu kugara pano kwete kushanda.mari yamunenge muchida munondiudza, nekuti ndakakutarirai muri baba vangu imi hamuna kusiyana zvachose? Vanhu vachikuonai muchishanda vanoti kudii?" Akadaro hake, Asi zvaindiremera kutaura chokwadi. Kuchengetwa ini ndaida kushwndirawo muzukuru wangu! Kukumbira nguva dzose kwakanga kusina kumira zvakanaka. Ipapo ndakanzwa onditi " Baba! Hamuchagara pano, ndinoda muende kunogara kuimba yamukoma vangu kwemwedzi mitanhatu nekuti iye akaenda ku...... To be continued on chapter 22