TAMBUDZAI Ndakabuda mumba mandaiva ndiri pane zvaiva zvauya mupfungwa dzangu panguva iyi. Handina kuda kufunga zvakawanda pane zvakanga zvabva kuitika kunze kwekuzvifungira pachezvangu ini ndega. Ndaiva ndoda kuenda kunoona Solo titaurirane tiri vaviri, handina kuda kuenda kwandaiva ndadeedzwa naMbuya waSimba. Ndakabuda ndichiita kufamba zvishoma nezvishoma ndichibatirira madziro emba nekutadza kufamba nokuda kwedumbu rakanga rakura iyo mwedzi yaiva yasara kuti ndikwanise kupona(kuzvara) yaiva mishomanana. Handina kubvira ndatenga chinhu chemwana hameno ndaizoita sei kana zuva racho rasvika? Ndakafunga umwe mweya wekuda kubvisa nhumbu ndikaona zvisina kunaka uye ndaigona kuzofa nayo zvakare. Ndakabuda mumba ndokuona Mainini vakagara zvavo panze. Hameno ndakakaganisa kutsika sei pandaiva ndaisa gumbo ndakazongonzwa ndavapasi musana vangu vakaita kurira zvakandirwadza zvekuti panguva yacho ndakanzwa kurwadziva kwete zvekutamba. Mainini vakatanga kundiseka vakanditarisa uku misodzi yaiva yazara kumeso kwangu, ndakangobata musana ndichidana baba vangu vaisavapo pamba zuva iri. "Ndakakuudza kuti ukanyanya kufarisa zvakadarikidza unorasa kabhora kako aka, manje ndinoda kukabvisa tione pane simba rako rose rauri kuvhaira naro." Vakanga vachitaura vachirova rova matama angu zvairwadza. Ini pavaiita izvi ndakanga ndisina kana simba nekuda kwekurwadziva kwandaiitwa uku ndaiva ndangoti bvorongocho muderere raiva radirwa pamusuwo wegonhi. "Mainini! Muri Mai rudzii vasina kana tsitsi pane zvamuri kuita izvi? Ndizvo zvinoita Mai vakabereka mwana here kuratidza hunhu hwakadai? Chandakutadzirai chii chamunoda kundiuraira pamba pababa wangu pano? Imhosva here kuva nenhumbu isina baba uye kufirwa naMai kwandakaita idambudziko here zvomoita zvakaipa kudai? Ndizvo zvamakauya kuzoita muchida kunyepera kunge makazvara imi musingazive kukosha kwekuzvara? Ndatadzei chaizvo zvamunondi tambudza zvakadai? Yangu mhosva ndeyei inoita ndiitwe zvakadai izvi? Munofarira kundiona ndichitambura madii kungondiuraya zvipere?" Ndakataura ndichichema ndega pasina akanga achindinzwa kunze kwemhepo ndiyo yakanga ichifefetera. Ndega ndakatoona ndikada kuterera marwadzo zvakanga zvisina kunaka zvachose kudivi kwangu, ndakazvishingisa kusimuka ndikatanga kufamba. Ndakasvika paiva nekamwe kasango pedyo nokumba kwana Solo, ndaiva ndoita kutadza kufamba musana vakuita kunonzi kurwadza kusvika ndabatsirwa neumwe munhu vandisina kuziva. Ndakanosiyiwa kumba kwana Solo ivo Mai vacho vakanga vachiita kunonzi kuchenama zvavo ini ndaiva mumarwadzo. Solo kundiona kwakaita akafinyamisa kumeso kuita sezvinonzi handizive, ameno zvaakataurirana naMai vake zvandisina kunzwa ndakangoona ndotakurwa kuendeswa mudanga rembudzi umo ndakaita kuvharirwa mukati ndakati ndotanga kurwadziva ndichimboti ndikaridza mhere ndonyarara asi zvakashaya basa. Handina kuona mbuya waSimba vaiva vasvika nguvai ndakaona misodzi yavo ichiita kuyerera nematama avo ini ndaiva nditori panguva yachimbetu ndirwadziva zvakanyanya uku hapaiva nechinhu chimwe chinze kwekuti vakashandisa zambia ravo Mai Solo wakanga vati havana zvinhu zvekutambisa kupamunhu akaita seni. Ndakabatairwa nemwana sikana mundowe umu zvakandirwadza zvehupenyu hwese kusvika pakuona kutambura kwangu. Mbuya waSimba vakaenda vakauya nababa vangu vaiva vakabata bepa pavakasvika vachiona ndakarara pamusoro pendowe ndakaona moyo vavo kurwadziva kukuru zvakaita vatange kubuda misodzi vakatarisa kudivi vaisada ndione kuchema kwavaiita pamwe chete naMbuya waSimba. Mupepa umu makanga muine nhumbi dzemwana dzaiva dzatengwa dzakanga dzisiri itsvaaa, asi dzaiva tsaru. Moyo wangu vakambofara kwenguva iyoyo zvavo. Asi ndaiva ndine kurwadziva mukati kati nekuda kwezvaiva zvaitwa izvi. Chokwadi munhu avakundisema nhasi nekuda kwedumbu randaiva ndatakura iri? Paakarara neni haana kubvira asema nhasi avakuona ndavakuita kunge mbudzi kudai. Ndakarwadziva nekuita kwaMai namwana wavo Solo nezvavakandiita izvi. Ndakazobatwa nehope kusvika manheru. Ndipo ndakavhundutswa nembudzi dzaiva dzichida kupinda mudanga dzichitadza nekuona ini. Ndakaona baba Solo vachiratidza vaiva nehasha apa vakabata shamhu mumaoko avo. Pavakanzwa mwana kuchema vakaratidza kupererwa zvekuti ndakatanga kuda kumunyararidza, asi akaramba kunyarara chaiko. "Aaaaah! Zvaita sei kuti uzvarire muno mudanga rembudzi? Hauzi kuona muri kunhuhwa ndove yembudzi here?" Vakadaro vachiratidza kubatikana zvikuru. "Kuva muno zvinoreva ndiri mbudzi zvakare kana iye muridzi wemwana andiisa muno achiti ndiyo imba yangu ndingakwanisa kuramba here ndichiziva handina Mai vanokwanisa kundimirira pazvinonetsa kunze kwake anoronga naMai vake vaita ndiiswe muno." Ndakadaro ndakaona murume mukuru akuita kupererwa zvekuri haana kutaura zvakawanda akatora bhara raiva pamba pake ndokundiisa mubhara ndakabata mwana vangu ndokuendeswa kumba kwababa vangu. Ndaingokumbirwa ruregerero pose pataifamba zvakaita ndione baba vaiva nemoyo wakanaka, Asi zvandakanga ndichifunga zvaiva zvihombe kudarika zvavo. Kusiwa kwandakaitwa kumba ndakazvishingisa mufamba kupinda mandairara ndakabata mwana vangu ndaita kunzwa marwadzo chaiyo munyama dzangu kuona kuti ndaiva muzvere chaiye. Ndakabatwa nehope kusvika mangwana makuseni pandakamuka ndichiona mwana vangu akarariswa kwakadaro ndakaita hasha ndichibata Mainini asi simba rakanga risipo zvaro. Baba vangu vakaratidza kurwadziva apa ndaiva ndavatakudza mutoro unorema uye ndakanga ndatadza kuverenga Mazuva kusvika ndabatsirwa ndaiva ndaverenga nhema ndisina kana kuzvitarisira izvi. Mazuva akanga afamba ndasimba apa ndakanga ndavakuda kuita zvinhu zvangu nekukasika nekuti mwana akanga adonhedza rukuvhute rwake. Ndakataimira baba vaenda kuno tsvaka zvekuita ndakatora mwana nemanhepi matatu chete. "Ndikokumbirawo rerugerero pane zvandakuda kuita izvi, ndiyo chete nzira inoita ndikwanise kuva nemufaro. Panguva ino ndavakukuendesa mumusha mababa vako vachaziva zvekuita newe nekuti ini handina rudzi newe pangu pakakwana ndakakuchengeta, yava nguva yababa vako ndivo vachakupa zita zvakare." Ndakadaro ndokufamba ndichienda kumba kwavo. Ndakasvika kuona pasina munhu door repaimba yekuikira raiva rakavhurika ndakaisa mwana imomo akarara pamusoro pesaga ndokumufukidza nekajira ndakasiya ndanyora tsamba yaizoverengwa naSolo. Ndapedza ndakaita kuvhara zvishoma ndokubuda ndikaenda handina kuda kudzokera kumba,asi ndakanga ndafunga rimwe zano raikwanisa kundibatsira nekuti mudunhu umu ndaiva ndoshaya kwekufambira nenyaya dzenhema idzi. To be continued on chapter 7