CHAPTER 2️⃣0️⃣ VERONICA "Zvandanzwa izvi ichokwadi here kana manyepo arikutaurwa aya!" Akadaro mudzimai wava Machinga achiita kupupa nehasha. "Handizvo zvamanzwa Mai mwana? Veronica arikungotaurawo nyaya yakaitika kudunhu kwavo akati andizivisewo, handiti ndizvoka Mainini Veronica" vakareva nhema dzavo voda kunyepera kunge taive tichinzwanana. Ipapo ndakazviudza kuti zvakanga zvisingaitii ndoreve nhema chokwadi chakanga chichifanirwa kubuda pachena chose chakaitika. "MHAMHA musanyeperwa nababa ava? Nyaya yanetsa vaita vave neruwengo pakati pavo nababa Tambu ndeye mudzimai vababa Tambu akafa? Vaida kuita mudzimai wepiri,asi zvakashaya basa nekuda kwekuti vaiva vachida kungotamba nemwana wemunhu. Zvadaro pakaita kusanzwanana kwavo nababa vangu zvakaita baba ava naMai vangu vauraye sisi Chipo nrkuramba kuroorwa naVaMachinga now vakuda kuti Tambu afe nekuti akaramba kurara nawo sekufungira kwavakanga vakaita. Zvakuita vaonese baba Tambu moto mutsvuku. Muri kuziva here kuti aputsa musha wevanhu.?" Ndakataura zvose handina chandakasiya uye ndaiva ndarwadziva nekuita kwemurume uyu. Mukadzi vake akaratidza kubatikana nezvandaiva ndataura kusvika pakubudisa misodzi yake nekurwadziva. Ndakabva ndisina kuoneka handina kuenda kumba kunze kwekudzokera kwamambo kwatakabva mwedzi yakanga yapera kumashure uku. Kusvika kwandakaita ivo vachindiona vskaratidza kubatikana nazvo uye kufunga zvimwe. "Baba musanyanya kutya muchiona ndauya kudai! Hongu pane zvakamboitika ,asi ndini zvandinoda kubvunza zvinhu zvidiki diki nekuti ini ndauya kwamuri handina kuda kusarudza kuenda kunemutevedzeri wenyu headman! Ndaona kuri kure zvakanyanya. Chinhu chihombe chandafambira mwana vasisi vangu pamwe nemurume vavo varikutambudzwa muvillage iri? Kuuya kwandaita ndinoda kuziva kana mutemo uchitendera kuputsa imba nekupisa zvinhu zvevanhu without permission yemuridzi." Ndakataura ndichiita kuchema zvakanga zvichinzwisa tsitsi. Ndakaona mambo voita kutura mafemo kuratidza zvinhu zvakanga zvakaoma. "Zvamataura ndazvinzwa ! Ndichaona ndingadana makurukota here tionesane nekuti munhu uyu avakuda kutonetsa chaiko. Imi makazowana baba nemwana here chero kubvunza kana kuenda kumapurisa kunoisa report yevanhu vasiri kuonekwa" "Kutaura chokwadi zvose izvi hazvaivamo mumusoro nekuti ndakanzwa kunzi Tambudzai akasungiswa zvakare nasabhuku mhosva yacho handina kuziva yaiva yei yakaita asungwe."ndakadaro ndikanzwa voti vachabatsira kutsvaka baba nemwana uyu,kuti vazive kana vaiva vachirarama. Handina kuda kuita nguva yakakura ndakadzokera kumba ndichisvika kwaiva kwaputswa imbwa yairara Tambu uku zvinhu zvakanga zvakaita kuzara panze. Simba ndiye akanga achinhonga. "Simba kwakanaka here kwaunoita kunhonga hembe dzeumwe vako uchiita kuchema kudai?" Ndakadaro ndichimubvunza mushure mekumuona achichema. "Ndatumwa namhamha kunodana Tambu kana aripo,zvino ndasvikirana neizvi pano ndikati regai ndinhonge ndakamumirira." Ndakaita kunzwa tsitsi nezvakanga ataura izvi. "Aaaaa! Manje Tambu akasungwa uyu? Hazviite here ndiende newe kuna mbuya kana zvichibvira, usazvinetsa nekuti ndachinja hunhu kubva pamaitiro angu." Ndakadaro ndikaona avakugutsurira musoro vake kuratidza kubvumira. Ndakamonera zambiya rangu ndokubuda ndichienda naye nekudivi rekumabvazuva ndiko kwavakanga vachigara. Hazvina kutora nguva yakakura kuti tisvike pamba pambuya vake ivo vaive vakarara muimba yehuswa, pedyo nawo paive nemuto pachoto chavo. Vairatidza kupindwa nemhepo muviri vavo vose. Ndakanzwa tsitsi nezwi rakanga richibuda pavari apa. "Veronica! Zvavauya kudai zvanaka mwanangu? Uchiona kudai kukura uku. Nyama dzangu dzakabatikana hadzichada mushonga idzi, dzavakuda kuzorora ndanga ndichiti Tambu aripedyo pane zvandinoda kumuudza zvakakosha paari,asi zvakona izvi mwanangu. Ndinongoti chengeta mwana vasisi vako ndipo pane maropafadzo ako. Ndiri kuona mhepo huru iri kubva nechekumadokero uku yakasimba ichida kukuwisa zvekuti uchambochema misodzi nekuda kwekushaikwa kwaTambu kana hupenyu hwachararama kwaenda uku,asi zvichadarika. Munhu ari kusimudza mhepo iri unomuziva nekuti akanga ada kupfuudza munin'ina wako uyu mudiki,asi nekuda kwasisi vako zvakatadzika. Chimwe chekupedzisira,ndechekuti utsvake baba Tambu nekukasika pane zvinhu zvakaiswa paguva remudzimai wavo. Zvakaita se........" Havana kupedzisa kutaura vakanga vokosora zvainzwisa tsitsi. Ndakabuda ndichida kutora kapu panze kuti ndikwanise kuchera mvura ndivape. Pandakadzoka mumba ndakawana zvinhu zvachinja apa mbuya vakanga vasisa....... MAI SOLOMON Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka kumba kwangu. Ndaiva ndichangobva kwasekuru vakandiudza zvinhu zvakaita ndinzwe kupindwa nechando masikati machena zuva rakacheka nyika. Hongu paiva pane mwedzi yakawanda zvayo Solo aroora,ASI dambudziko mukadzi akanga asati ava nepamuviri sekutarisira kwandaiita. Ndakasvika kumba muroora asipo paina Solo chete. "Solomon mwanangu! Baba vako vaenda kupi vasiri kuonekwa panzvimbo?" "Aaaaa! MHAMHA, zvababa zvotedzerwa here ivo vachinyengerera munda kudai vaenda kwasabhuku uko kunonzwa zvakamira sei." Akadaro ini ndikati zvandiri kuda kubvunza zvaita. "Ehe! Solomon mwanangu mukadzi vako uyu anenge anedambudziko rekusazvara uyu? Tarira nguva yareba asati ava nepamuviri zvake zviri kufamba sei?" "MHAMHA zvinonetsa izvi nekuti ini handina dambudziko zvangu nekuda kwekuti ndine mwana wangu ndoziva zvose. Zveuyu ndozvirikunetsa"akadaro achitaura ndiyo nguva yakasvika muroora achipfugama nemabvi achindimhoresa. Ndakaridza tsamwa. "Maswera sei mhamha? Chiii unoti ndozvida here uchitadza kunditira muzukuru ndichiri mupenyu. Kana zvaramba zvakadai ndichati aroore umwe munhu."ndakadaro ndichimuudza kana misodzi yaibuda pameso ake ndakanga ndisina basa nayo zvangu. "MHAMHA! Munoda ndiite sei? Ndiri Mwari here ini anokwanisa nguva! Kana mwana wenyu wona ndatadza kuita mwana anekodzero yake yekuroora umwe mudzimai handikwanise kumumisa nekuti kana neni hakuzi kuda kwangu uku. Pamwe zviri kukonzereswa naiye akabata munhu vakapa mwana zvisizvo."haana kupedza kutaura ndamudimbudzira panzira kutaura zvekuti ndiyo nguva yakasvika baba Solo vachiratidza kusuwa pachiso chavo. "Aaaaa! Kwamunosvika makaita kusuwa kudai! Nhai Tembo kwakanaka here uku?." Ndakadaro kuri munyengerera kusatukwa kana vaive vanzwa nhaurirano yedu. "Kunonaka sei! Iwe vakatiparira mai solo. Mbuya vatisiya usina kukumbira ruregerero pane zvose zvavakavatuka?" Vakadaro ini mumoyo ndakanga ndichitonzwa kufara nazvo izvi. Ndakanyepera kunzwa tsitsi mumoyo ndichiziva zvandaiva ndiri. Nguva iyi ndiyo yakanzi nemudzimai vaSolo. "Mhamha pamwe chete nemi baba? Ini zvipano pamusha ndazvitadza chose uye handizi muroora akakwana I wonder why Tambu aikunetsai nekuti munoshusha kutambudza vanhu vasina mhosva kuda here kusabata pamuviri nekukasika uku. Iwe Solo Mai vako ndiye mudzimai vako anokuudzira zvekuita ini ndakunoroorwa neumwe murume anondida anokwanisa kuterera situation yangu kwete yepano pamba" akataura zvakawanda zvakaita ndinzwe ku.... To be continued on chapter 21