CHAPTER2️⃣ TAMBUDZAI "Ndikuda kuziva muridzi wedumbu ravakatakura iri? kwete nyemba dzauri kundiudza idzi? Unoti ndingafambira zvekubvunzwa zvisina basa izvi newe chanana chazuro uno." Vaiva Mainini vangu vakanga vachiita kupopota ini ndakanga angobata rushaya rwainge rwarohwa nembama. "Mainini Veronica! Mandiroverei? Kukubvunzai kwandaita ndizvo zvinoita mundirove here?" Ndakavabvunza ndaita kuzara nehasha, ndakasimuka ndichida kuvarova asi handina kukwanisa kuzviita ndakazvidzikamisa. "Ok! ndakukuudzai, handiti muri kuda kuziva munhu akabvisa zvakare humhandara hwangu! akandipa dumbu randinaro iri?" Ndakadaro ndichivati nditeverei kumashure kwangu ndiende kunokuratidzai munhu akazviita. Ndakatanga kudzika nekanzira kaienda nekurwizi kwataichera mvura yekunwa. Tichangoti yambukei karukova kekubva pamba ndokuti fambe fambe ndakatsauka pane kamwe kasango kaiva nematombo aiva akaita ruvare mberi. Mainini nababa vangu wakanga vachimira zvino vakaita kubata muchiuno chavo. "Pardon ndiudze zviri kuitika pano? Mwana wako ndiko kwavakauya naye ukamubvisira humhandara here kuno uku? Ukarara naye, manje uchafira mujeri hako." Vakadaro vachikweva makumbo avo kunditevera. Ndakasvika padombo randakarariswa zuva rabviswa humhandara hwangu uye padombo apa paiva pachine zviropa zvakanga zvakaomerera. Moyo wekurwadziva nekubatikana zvakatanga kudzokedzana mupfungwa dzangu. "Pano ndipo pakabviswa humhandara hwangu, ndaiva ndakarariswa pamurikuona pakatsvuka apa" ndakadaro ndichinongedzera, ndakazonzwa vakunditi. "Tambu! Tiri kuda kuziva muridzi wedumbu kwete zvekubviswa kwako humhandara kwaunotiudza uku?" "Mainini Veronica? Munoda nditaure ndichichema here? Hamuzi kuona ndikukuratidzai baba wedumbu randinaro here? madii kubvunza dombo rine ropa iri zvarakandiita rikupindurei? rinokwanisa kukupindurai zvakazara nekuti ndiro rakandibvisa humhandara kwete zvamunofungidzira izvo. Handidi kunzwa muchindibvunza zvakare muchitadza kuribvunza, why murikungoti neni neni zvakadai? Mandirova mbama yenyu ndikanyarara nekuti Mai vangu awana kubvira vakaisa ruoko rwavo pamusoro pangu! Imi ndimi motanga kundirova?" Ndakanga ndaita kutsamwa nekunzwa hasha. Hongu ndakanga ndichiziva muridzi wedumbu handaida kumuzivisa nekukasika ndakanga ndine zvandakamugadzirira zvinoenderana naye mberi kwatiri kuenda uku. Ndakanzwa ndobatwa zviya zvekuratidza munhu aiwa nehukasha, "iwe! Usada kutamba nepfungwa dzangu ukuzvinzwa, Unotiudza here kuti dombo iri ndiro rakakupa nhumbu?" Vakadaro ini ndakatanga kuseka zviya zvekushotesa. "Kufunga kwenyu nemaonero enyu munoti ndiani akandipa? Munoda chimwe chokwadi chakaita sei? kana ichi ndichikuudzai zvakaitika. Zvamakuda kuziva zvose ndakuudzai zvamamuri kuchemera,chasara kubvunza dombo iri." Ndakataura kudaro ndichida kufamba ndakabatwa ruoko ndokusaidzirwa kwakadaro uko. "Iwe mwana vaChipo naPardon usada kundinzwa handiti? Uchasara pano padombo kusvika vava kuda kutaura chokwadi? Chezvakaitika zvose, iwe Pardon kunyarara kwako kunoratidza ukuziva chokwadi chezvakaitika zvose" vakadaro ini ndakavapindura ndichiti. "Mainini Veronica! Mune mwana akakura kunge ini here? Why muri simbiri simbiri neni? Baba vangu havamo munyaya kana muchida kunetsana neni zvehupenyu hwese batai kana kurova baba vangu nekuti ndiwe zvandiri ndivo ivava, imi makanditengera chii samai? Nhasi manzwa zvenhumbu makuda kuuya kuzosungisa baba vangu ini munoti ndinorarama sei, chamuri kunyanya kuwavarira chii? Makatadza kundichengeta semwana wenyu! nhasi makuti heeee ndoda kuziva muridzi wenhumbu kunge makazvara. Kudai maiziva zviri mumoyo mangu maisataura zvamuri kuita izvi. Nhasi maona ndakura ndakutarisira kuroorwa mavakuda kuhwandira fuma ichabviswa musazvinyepera henyu. Kana zvamuri kuti hauzi kuenda kumba mune imba here imi?" Ndakanga ndonzwa kutaura zvandaida nekuti ndakanga ndaita kutsamwa chaiko. Takazobva uku zuva rakunovira ndokusvika kumba hapana akanga achitaura neumwe munhu. Ndakati uyu ndivo mukana wekutaimira Solo pavaivanzo tamba chigame chavo pasi pemuuyu vaiva pamba pavo. Ndakafamba ndichienda ikoko ndakasvika pakanga pane vakomana vaikwana kuita vashanu, Solo, Brendon, Kelvin, Simba pamwe chete naTadzi. Ndakasvika nditanga kudanha Solo haana kundidaira akanzi neumwe vake Tadzi. "Solo hauzi kunzwa ukudanwa neumwe vako here uyu?" "Tadzi ukanyarara unobvei? hauzive here kuti kabhora aka akakaiswa nababa vake, akuda kunetsa makuseni-seni amukira kumba kwedu kunge ndiko kunogara chimunya chake izvezvi auya pandiri zvakare apa nekusemesa kwaari kuita uku" akataura mashoko akandirwadza after all zvakaita pandiri ndakanzwa hasha ndokubvanyangura zvavaitamba ndapedza ndakamubata kora yehembe yake. "Unoti vakangwara nhai? How many times dzandakudana ukanyarara? Panyanya yangu newe usafa vakaisa vabereki vangu nekuti you don't know zvandinokuita" ndakadaro ndichimurova chibhakera akanodonhera kwakadaro umwe ndiye akada kundirova ndakangobata atenzi vake ndakuda kumugwinha ndakanzwa odetemba madzitateguru ake ndakamusiya havana kumira panzvimbo iyi ndikazviti ndinozi Tambu muchaona moto zvenyu. ndakasvika kumba vanhu vakagara asi mukuona kwandakaita ndakaona vaviri vakanga vataudzana mashoko asina kunaka zvekuti zvemusi uyu hapana akadya rinopisa nekuda kwezvaiva zvaitika. ndakangoti regai tidye isu anaTambu tisina zvakawanda nekuti vamwe vainditi tichaona pachazvarwa mwana uyu asi ndizvo zvandakanga ndakamirira izvozvo BABA TAMBUDZAI (PARDON) Ndakashaya kuziva ndoita sei,kana ivo vanhu wakanga vandirevera nhema dzakadai, kwavo kwaiva kuda ndivharirwe here? After my struggling ndorara nemwana vangu! kuti zvizodii? Mwana vangu ndinomuda kunyangwe akaita zvakashata handina simba rekukwanisa kumurova. Asi rekukwanisa kumuudza mashoko anovaka kwete kungoti mwana akatadza atoiswa shanhu asina kuudzwa nemuromo. Hongu! handina kukwanisa kumubvunza zvakaitika nekuti ndinogona pane zvakazviitira kusada kubuda pachena kwaita.kusamubvunza hazvirevi kusada asi kuedza kuona kuti kana iye asingade hakwanise kumanikidzwa kusvika nguva yake yekuti akwanise kutaura zvakaitika nekuti ndiye hama yangu yasara yoga yoga pane vamwe vose ndosaka ndakamupa zita rekuti Tambu nekuti ndaiva ndaneta kusvika pakumutumidza kudai. Kuuya kwemwana uyu kwakaunza mufaro mukati memoyo vangu kwemakore akawanda. Tambu mwanasikana vangu hongu andina mari yekuti akwanise kuenderera mberi nekuti ndiri murombo vanhu vakufamba vachiti ndakarara naye ndinoshandisa mwana vangu vakuuya nemapurisa ndakatadza kana kuramba nekuti paiva nenyaya yose nevekwatezvara vangu ndaipaziva ini. Mudzimai vangu asati afa akandiudza ndichengete mwana uyu! Ndisatendera umwe munhu wemhuri yake kumutonga nekuti iye akatambudzwa zvakanyanya nekuda kwekuti akanga ari munhu aiva akafirwa naMai akasara akakurira munhamo. Ini mazuva andakatanga kudanana naye vaida ndiroore mukoma vaVeronica ndisiyane naChipo uyu. Asi handina kuita saizvozvo akasvika pakupikirwa zvakaita asununguke zvinorwadza ndipo zvakare pakabva zita remwana wedu uyu tichiedza kuti vavengi wedu tambudzai zvenyu muchaneta kana nguva yakwana. Hazvina kundishamisa kusvika kwakaita Mainini vacho. Zvekuti zvaitaurwa naTambu ndakatoona ndega zvine zvazvakanga zvichireva nekuti kana ataura haida kupikiswa musiye aite zvanenge ada. Nguva dzakabuda Tambu Mainini vake vakasara vakati. "Pardon kudai uri umwe vatoroora nekuti tarira zimwana rako iri harina kana respect zvaro kana kwauri iwe" ndizvo zvavakataura. "Mainini munoziva handina mamwe mashoko kunze kwekuti mu....... To be continued on chapter 3