CHAPTER 1️⃣8️⃣ MAININI VERONICA handina kure kwandaiva ndaenda nekuda kwezvakanga zvichiuya mumusoro mangu umu. Zvaindipei zvandakanga ndichida kuita izvi? Munhu wandinoda akazvinzwa ndini ndakauraya mwana wake nemuzukuru zvinozonaka here. Ndaita kupikisana nefungwa dzangu ndakabata kabag muruoko rwangu ndichodzokera kumba. Ndakaona mai nemunin'ina wangu vakamira zviya zvekuratidza kupererwa nekuona ndichidzoka. Ndakasvika ndikati " Maria imbotipa space namhamha ava, ndinoda kukurukura nawo" haana kubvira aramba nekuti akanga achitoda kubva pavari. "Veronica! Ukatadza kuita zvandakuudza nekukurumidza ndiwe uchaenda panguva yakaoma." Vakataura kudaro ini ndakanga ndichida kuziva pakatangira ruvengo rwavo naMai Chipo zvinoita vasvike pamuzukuru vacho nhasi. "MHAMHA! Handizi kunzwisisa ini? Sei imi kana kuti daka renyu naMai Chipo raiva rei zvinoita murwadziwe zvose nekutambudza Chipo kusvika afa nhasi mava kumwana wake?" Ndakavabvunza ndakazvininipisa ndisinganyanye kurwadziwa. "Veronica zvose izvi ndaiitira iwe, baba vako kuti vave zvavari izvi. I do it because of you. Ndinoda kuona mufaro pauri kwete kusuwa. Mai Chipo handina kuvauraya nekuti vakanga vachirwara nemoyo vakasvika pakurohwa nezvishiri vakafa ndine nhumbu yako ipapo Chipo aiva nemakore masere(8) zvakaita baba vako vatange kumufarira kusvika pavakazvarwa iwe vaiva vasina basa newe ndopandakatanga kuvenga Chipo kusvika pakuronga deal naVaMachinga kuti vamuroore, asi zvakaenda nepamwe nekuti mazuva acho akanga avakudanana naPardon uyu wekufirwa nehama dzake dzose. Sekuona kwandakaita izvi ndakatanga kumufuru fusha kusvika ndati VaMachinga vamubate chibharo kuri kuda kuwana kuti aroorwe nawo aite mudzimai wechipiri. Zvose zvakabudirira kubviswa humhandara nemurume uyu moyo wangu ukafara uye ndipo akatanga kuvengwa nababa vako kusvika vakufarira iwe. Kupera kwegore akanga ava nenhumbu ndakaisa mushonga ndaisada nhumbu iyi iite yava Machinga nekuda kwemudzimai wavo. Kubva kwayakaita hapana akaziva kunze kwangu chete kana iye haana chakaziva akafunga mushonga wekucleaner mudumbu. Zvadaro papera mwedzi mitatu akatizira kumukomana uyu kusvika ndaona kuti VaMachinga vakunetsa kumuda uye iye akanga asisade kudzoka pamuviri pakaramba kubata kwemakore matanhatu nemurume vake uyu. Pakaita pamuviri ndipo akazvarwa Tambu akamutumidza zita rekuti TAMBUDZAI? Zvoreva akanga achiti tambudzai henyu muchaneta. Ndizvo zvakaita azofe achisiya mwana uyu." Kutaura kwese kwaita MHAMHA kwakaita ndinzwe kurwadziwa nezvose zvavaiva vataura apa. Misodzi yakatanga kubuda zvose nekuzvibvunza ndakanga ndichiitei? Ndinotumwa kunouraya munhu ivo vakamutadza ndini ndozokwanisa here? "Mhamha ini zvamoda kuti ndiite handichakwanisa, handidi kufira mujeri hangu tsvakai umwe anokwanisa kuita izvi asiri inini". Ndakadaro ivo havana zvavakakwanisa kutaura kunze kwekutaura neziso ravo. Ipapo ndakavhandabuda ndichienda ndakanga ndichida kuenda kunoona Tambu kuti tikwanise tingatanga kunotsvaka baba vake nemwana sei, sezvo taisazi kwavaiva vakaenda. Handina kure kwandakaenda ndakasangana naMaria. "Maita zvakanaka sisi nekuti ramba zvisina kunaka nekuti" haaana kupedza kutaura akanga abata pahuro pake opindurikidza maziso ake zviya zvekuratidza ku.... BABA SOLO ndakanga ndaona kuenderera kwaTambu kwanyanya ndikaona zvisingaite ndiwe kuside kwaMachinga ndaiva ndichida munda. Kubva kwandakaita kumba kwake ndichinokumbira ruregerero ndakasvika kuona mwana wangu achibuda ropa zvakaratidza kundibaya pamoyo. Nekusungwa kwaiva vakaitwa ndakarwadziva kusvika ndaisira maseji Machinga auye nemupurisa. Hazvina kutora nguva yakakura nekuti vaive vasvika iye akaiswa njema akaendwa naye kujeri. "Baba Solo vaona musha vaparara auchina munhu uyu pavakuda munhu anogara apa otora munda" vakadaro Sabhuku ini ndaiva ndiri kufunga zvakawanda panguva yacho. "Baba! Makati imi muchandipa munda madii mandipa munda vasahwira vangu uyu hapana achadzoka apa nekuti uyu atoenda kuchizarira." Ndakadaro ndichitaura nasabhuku ndakatanga kuzhinya zviya zvekuti ndiri kufara nekusungwa kwaTambu. "Munetsi! Ukuona chiii umwe vangu. Munda uyu une munhu iwe chako hapachina nekuti unocheka kwese, dai vakaterera paya pasina zvose izvi? Nhasi vakuona mwana wako akura anemukadzi apa une kamunda kadiki ndipo vakunditsvaka? Haaaa deal riya rakadarika kare akuchina chinhu nekuti ini newe atichafambidzana." Vakadaro ini ndakatadza kuziva isu taiva tasungisa Tambu pamwe chete. Izvi zvakaita ndione mamwe maonero pana baba ava zvekuti ndakangovati " Sabhuku ndichaita plan musazvinetsa henyu" ndiko kudzimura kwandakaita nyaya yacho. Ndakadzokera kumba ndikasvika Mai Solomon vakaita kunyarara,vachiitakutowiva nemuroora wavo. Ndakanzwa wodana zita rangu, vakanditi ..... TAMBUDZAI "Ndanga ndiri kuti? Ndikakuita mudzimai nyaya yacho yotoshaya basa sezvo iri mumaoko angu kudai hapana umwe munhu anoziva nyaya iyi kunze kwangu nasabhuku vako.iwe unozongoenda vonopakurira Sabhuku kuitira usaenda kujeri." Akadaro murume uyu ini ndaiva ndakamutarisa mumaziso ake akanga achiona kunge ini ndiri mombe inongoitwa yose yose manje. "Zvamuri kutaura ndiri kuzvinzwa vamupurisa? Ini ndinoda kubvunza chinhu chimwe chete kuti munoda kurara neni chirudzii? Nekuti ndakakutarisai pamuri apa kana kuti ndinoda kubvunza zvandinoda mukakwanisa kupindura Munenge magona". Ndakadaro ndokuona munhu achiita kuzhinya kufunga ndaiva ndiri benzi kuda kundiita munhu wavo. "Handiti munoona mombe kana yoda murume inongosangana nechero? Ini pandiri ndiri mombe here uye akuudzai kuti ndiri mombe inongoita Rudo nemunhu wese wese ndiani? Kwenyu kuri kuda kuda kundibatsira rudzii ikoko? Ini manje mirai ndikuudzei kuti hapana zvamondiita nekuti nyaya iyi ichanyudza iwe hauna humbowo hwakakwana, ini ndatova nahwo hwekuda kundibata chibharo iwe nasabhuku vako ukuona tsamba iyi. " Ndakadaro ndichimuratidza akatanga kubvunda kupindwa nechando uku akandibvisa njema. "Sorry dear handina kuziva ndiri kuitiswa uye basa rangu ndinorida usadaro kwanga kuri kutamba kwangu newe nothing more APA" akataura achitora njema nekuenda achindisiya ndiri ndega. Pfungwa dzekudzokera kumba hadzina kuuya kunze kwekutiza nzvimbo iyi. Ndakafamba kuenda kwaMakosa. Ndaida kunotora mota dzaisondisvitsa pamutoko ndakanga ndafunga kunotsvaka baba nemwana wangu nebasa zvose. Dambudziko rakatangira pakushaya mari yebhazi zvakaita ndi....... To be continued on chapter 19