CHAPTER5️⃣ Unedited VERONICA "Baba mukuru ndauya kwamuri ndinoda kukumbira ruregerero, pane zvandakaita hazviratidze chimiro kwandiri. Zvinodzikisira chiremera pandiri. Ndakatadza kutanga ndauya kuzobvunza mamiriro akaita nyaya nekuda kwemashoko akanga afamba aya, plz ndiregerereiwo pane zvose zvandakaita hameno muromo wangu vakaita sei usingazarirwi nerwizi. Ndinoda kuwaka ukama nemwanasikana vangu kuti zvinhu zviendeke nekuti tikaswera tichiita mhiri zhonga zuva nezuva tichitadza kupanana mazano hapana chinobuda bamukuru." Ndakataura ndichiita muchema ndakapfungama mberi kwavo. "Mainini! Ini handina dambudziko zvachose, mwana wenyu ndiye vamakatadzira kwete ini nekuti makasvibisa mazita edu? Muno muvillage ndiani asingaziwe kuti ini ndinonzi ndakarara nemwana vangu? Chinangwa chenyu chaiva chei kutaura izvi? Makambotarisawo here hupenyu hwemwana kumberi uko, sei Musina kuzvibvunza kuti iye Tambu chari kurega kutaura zvakaitika chii? Pose pamunotaura nezvenyaya iyi unoona mufaro pameso pake here kana kamowedzera kusuwa pachinzvimbo chekuti afare? Kudai akararwa naye achida zvimwe angadai ane mufaro,asi mufaro vakatama paari kare kare. Imi samai makuwedzera chironda changa choda kupora kuisa munyu zvinhu zvakanaka here?" Ndakaona misodzi yavo ichiita kubuda zvakandiudza kuti murume uyu akanga arikufunga zvakawanda uye mwana wake akanga achimuda zvakanyanya hameno kana ndaibudirira apa. Chakanga chiripo kutanga kuunza mufaro vabamukuru kwandiri than ndoziva ndinenge ndapinda machena ndakatanga kuwedzera kuchema vakauya vakandisimudza ndokunditi ndakuregerera i ini kwasara mwana wangu. Mumoyo ndakanzwa mufaro kani, Asi kutaura chokwadi baba iyi ndaida ndaishaya kuziva ndoita sei ndiudze nekuti zvakanga zvisingaite kani. Ndakafamba ndichienda mairara Tambu sezvo akanga asipo ndakafunga zano rangu nekukasika zvekuti ndakaona kuti vanhu rume hakuna chimwe chingava kwezva kunze kwekuita chete. Ndakapfeka zvihembe zvaisaita ndokumira ndakazvitarisa pagirazi raiva umu ndikaona ndadzokera pachisikana. Ndakufunga nguva yandaimhanyisana naThomas. Ndakanyatso vhura kumusoro kuti mazamu abudikire panze. Ndokuwedzera vhendi yaivapo zvekuti ndakanyepera kuchema ndichibata pagumbo rangu ndichiita kunge ndaiva ndaminyuka. Baba mukuru vakapinda mumba vachiita kumhanya vakasvika vachiti.. "Mainini chii chaitika?" Handina kukwanisa kudaira panguva yacho ndakanga ndoona tsoro yangu yabudirira zvekuti pavakasimudza musoro vavo. "Zviii zvamakundiratidza izvi? Handione zvakanaka kuti muviri wenyu uwe vakashama kudai, munofanirwa kuzviremekedza zvakanyanya kwete kuda kuzvibvisa chiremera nezvisina basa uye handizi munhu anoda zvisina kunaka." Ndakaita kunzwa hasha chaiko, ndaiti ndaraura hove yangu izvo yaramba kudyira zvayo zvakandirwadza. "Munoreva here kuti mofa nenzara chikafu muchichiona here?" Ndakaona Shanda yakuita kupindura pindura maziso, ini ndakabata ruoko kwavaku... Ndakavhizurwa ndokunzwa mbama yarira mumusoro mangu zvekuti ndakatanga kubuda musodzi. Ndakazviudza kuti nhasi ndiro zuva richabva nhumbu yaTambu tione kuti zvinosvika kupi zvavarikuvhaira izvi. TAMBUDZAI ndakacheuka ndichida kuona akanga andibata mabhendekete angu. Ndakaona kanga ari Simba aiva andibata, akagara pedyo nepandaiva akatanga kukumbira ruregerero pane zvakanga aita nezuro zvekuda kupindira zvaaisaziva. "Simba handina zvakawanda zvekutaura? Kana Solomon akutuma taura zvakanaka kwete kuda kusekerera nhema pandiri nekuti unoziva zvakaitika. Nhasi ndiyo nyaya iri kundinetsa ndoudza sei baba wangu? Vanozvitambira sei? Ndinomupei mwana ari mudumbu kana achinge abuda?" Ndakataura zvakawanda ndavakuita kuchema, hongu ndakanga ndarwadziva zvakanyanya kubva zuva randibvisa humhandara hwangu nekuita zvenharo. "Tambu! Dzimwe nguva hakuzi kuda kwedu iye nekubdiudza kwakaita nezvauri kutaura zvakasiyana? Handiziwe arikutaura chokwadi ndeupi nekuti ini ndauya kuzokuudza pamusoro pehope dzandarota plus Gogo vangu varikuda kukuona pane zvakawanda zvavari kuda kutaura kwauri zvakakosha zvinokwanisa kukubatsira. Chimwe ndechekuti ndarota baba vako vasangana netsaona iwe ukaita sevatambura nekuda kweumwe mukadzi." Handina zvandakakwanisa kuita kunze kwekusimuka ndokudzokera kumba ndakanga ndisingade munzwa zvaitaurwa izvi. Ndakasvika kumba Mainini vairatidza ruremekedzo kwandiri zvakaita ndishaye kuziva chakanga chichiitika. "Tambu zvavauya zvanaka gara pasi ndikupe chikafu chandabika uye ndinoziva hamukwanise kuzvibikira" vakadaro vachiisa chikafu pamberi pangu apa vaiva vabuda sadza nenyama yehuku yandisina kuziva kwayakanga yabva. Ndakageza maoko zvakanaka naka sezvo ndakanga ndiine nzara. Pandakada kuisa sadza kumuromo ndakatanga kuzarirwa nekunzwa kuda kurutsa. Ndakarutsira muplate yaiva nechikafu ipapo ndakanzwa munzeve dzangu maungira apa raiva inzwi raMbuya vaSimba vaitaura. Kusvika zvose zvandainzwa zvapera uku sadza raiva razara marutsi risisajika. "Iwe imbwa yemunhu? Unofunga ndingarasa mari yangu kuti uzorutsira zvako chikafu chandabika here?" Vakadaro vachipopota ini ndakaramba ndakanyarara vachitaura. "Mapedza kutaura here?" Ndakavabvunza zvisina hasha ndaiva nemashoko maviri matatu andakanga ndichida kubvunza. "Ehe ndapedza kutaura." "Maisei muchikafu umu? Zvaita ndinzwe kuda kurutsa uye ndarutsira muplate mangu zvakubatai papi? Handiti manga mabikira kuti ini ndidye kana maona ndisina kudya iro sadza renyu handina kuridya mokwanisa kuridya." Ndakadaro ndichitofamba kuenda kunopinda mumba. Ndiri mumba ndakafunga rimwe zano rekupinda naro nekuti ndaiva ndaona Mainini pane zvavakanga vakandirongera chete ndinofarirwa kuita zvinhu zvangu nekukurumidza. To be continued on chapter 6