Zita rangu ndinonzi Vimbai Muchenje,ndinemakore 28 ekuberekwa, ndinogara muguta guru rezimbabwe nemurume wangu nevanakoma vedu vavaviri , Muhupenyu hwangu ndichikura ndaisa believer kut Mwari wariko,anotoona,nekunzwa nekupindira kana zvorema, asi ndakazozvionera pamhino sefodya Nekut ndaiti kana wariko seyi ndichitambudzika kudayi wamwe vachiwana zvàwanoda zvose,wangu waiwa munyama here,ndaigara ñdichizvibvunza mubvunzo iwoyo mazuva ose, Kana nemadhimoni chaiwo ndaiti akuna,ruvengo chairwo ñdaiti ndezvemungano badzi dzatsuro nagudo wachiwachisana, akuna munhu angavénge mumwe munhu iye arimunhuwo, Asi hupenyu wakazondiratidza zvizhinji kuti kanà hama yako yeropa inogona kutokuvenga zvekushuwira kukuona urimuguwa chaimo,asi ukaitawo rómbo rakanaka Mwari anokurwira nekuti Mwari ñdewemunhu wése, mukuru kana mudiki ende ahana favour, Nyangwe uri urimurombo kana mupfumi unongofa mari yako uchingoisiya yodyiwa hayo nevamwe,chikuru chandakaona kuva vapfumi mumoyo nekuti zvepanyika azvinamaturo,Izvi ndakazvidzidza mushure mekunge ñdararama mazviri kwémakore akawanda chaiwo,Ndisati ndava zvandiri nhasi izvi, Makore adarika ayo ini ndaigara nagogo wàngu,amai wababa kumusha kwedu kuBindura ,tiri vaviri badzi vabereki wàngu waishanda kudhorobha, waiita zvekuya weekend yega yega kuzotiona kuti ndigare nawo zvaisaita nekuti vaiti basa ravo riri tight,nguva yekuzorora ishoma saka kuti wazobatanidza neni ipapo zvaísava nyore kwawari, Íniwo ndaifarira kugara nagogo kumusha ndíchibatwa sekacheche hangu,sezvo ndaive zai ribodzi, ende gogo wàngu waindida zvekuti waisada kunzwa chakaipa chaitwa pandiri, Ndava grade seven ndakanzwa vana mama vachití varikua kuenda neni kudhorobha kwavanogara nekuti vaive vavaka imba,ende panguva iyoyo nemari yairatidzika kuti yavapo nekuda kwemota dzavaive vochinjanisa, Nehupenyu hwedu hwaísaita seweparuzevha nekuti ndaicheña zvisingaite,kuchikoro ndairova complete uniform zvekuti pama award émucheno ndaitomahwinawo, Nekuda kwekuti maresults anononokà kubuda egrade seven vana mama vakati tombofanoenda kuholiday kumba kwedu kunyowani ndimbochinjawo nzvimbo nekufurwa nemhepo,ndakafara zvangu kutí ndirikuendako asi ndakati andisikuzoziya gogo vega, Asi ivowo gogo vacho vaisatoda hanzi musha wàngu unosara nani, vakazobvuma havo after vana mama vanyunyúta,dad even told her kuti "muda kufa musina kumbotsikawo mumba mangu here,ndakashanda nesimba zvamakandiraira wani, nhasi uno moramba kuonawo kubudirira kwangu here nhayí amai", Asi matauriro ayiita dad wàngu zvaiita kunge kune more than just a house to surprise us with,ende ndaive ndotova eager kuenda kudhorobha kwacho,tichiti svondo rinouya tirikuenda baba namama vakati kwaita emergency kubasa saka vakati vakudzokera asi vakasiya vati sarayi muchigadzirira,nekupacker mabags,vana mama vachingobuda gogo vakabva vaita busy kusakura payard neku kurakura marara hanzi handisikuda kuzodzoka musha wawadongo nekuda kwehuswa nemarara, Vakati ticleane dzimba dzese,nemidziyo yese,apana pakasara,nemagumbeze nemagumbeze,pakasara paitoshura, Musi wekuenda wakasvika ndokutopedzisawo kugadzirira ,nzeve dzaive dzamira zviño kurikutéerera mota asi apana chakasvika ,gogo vaive vakutoshungurudzikà nezvaive zvavakuita,nenhamba dzavo dzainge dzisasapindi ,kwava kuma five dzemanheru ndopatakazoona mota ichisvika pamba, Takatofara kuti vazosvika manje,asi mota yacho yaive itsva kwandiri,ndakangoti pamwe ndiyo suprise yavaida kutiratidza sezvo mazuvaanó vave nemari irinani,ndakamhanya ndiçhinoda kuvhura door rekuside kwaDad vangu but ndisati ndavhura rakabva ravhurwa ndiçhitambirwa nemheré yemunhu kadzi, "amai kanii amai takatadzeiko pasi pano", akadaro achibararadza mukadzi uya achienda paive nagogo "chiiko nhayi Rudo mwanangu kubva wasvika nhemhere kudaro?", Vakabvunza gogo,vachidaro kunemukadzi uya,ndakatoshamisika kuti mukadzi uyu mwana wagogo,ndaive ndisingamuzive since ndichikura, "bhudhi vangu kani", "bhudhi vako vaitaseiko ukureva Ernest here,taura zvakanaka mhani ndinzwisise,ukaramba uchichema apana chandingambonzwa kana 1", vakada gogo vachikwidza izwi,mukadzi uya akabva anyarara kuhwinwidza kwaaita, "amai bhudhi Ernest avasisiko,va...va vashaika pamwechete namaiguru masikati ano nemota yavo", vakadaro vakazosara vopedza gogo vatova muvhu kudhara, Ndakamhanya pavaiva,ndokuvazunungutsa asi avana kumuka, vakatozomuka patova paya,vakamuka vakutoita sepasina chamboitika, mukadzi uya akatozodzokorora mashoko ake ayiita senge maungira munzeve dzangu, "mama ndati bhudhi avasisipo vaeñda zvachose avachadzoke", gogo ndopavakatanga kuyereredza misodzo, ndakanzwa moyo wàngu kurwadza zvísingaiti, "munonyepa imi,dad vangu namama varikuuya mirayi muone vachisvika kuzotitora ,ende mumborianiko imimi mosvika pano muchitiudza zvakadaiso" Ndakamutukirira mukadzi uya ndichimbundira gogo wàngu,ndakashamisika ndichinzwa gogo wachiti nditete wàngu, hanzvadzi yadad,ndichikura avana kumbobvira wasvika pamba apa,ndaive ndambonzwa nezvavo asi ndaisavaziva pakuvaona,zvavayitaura andina kumbozviisa mupfuñgwa, Azvingaitika kuti mumwe munhuwo zvake wandisingazivi wosvika kuzongondiudza kuti wabereki wangu wafa just like that,ini ndichiziva kuti varikuuya kuzotitora tiende kuholiday kudhorobha,it was unbelievable,so unreal, Zvakazotanga kubelievenka mbijana mbijana ndichiona vanhu vatozara pamba mushure memaminutes mashomanana,mhere mhere yakavharira musha wese,pasina mazuva pamba pedu paive patova nemakuva maviri, It was so hard to believe kuti vabereki vangu vaive vasisipo, everything zvaive zvakuchinja,asi marwadzo emumoyo ayíve asingaperi,sagogo vaive vatochinja hutano hwawo,waive vapera nemazuva maviri , "nhayí gogo manje mukaramba muchizvidya moyo munozopédzisira mavakurwarazve",ndini ndàitovàdaro ndichivapa porridge kuti vadye nekuti vaive vanemazuva vasingàdye, "baba vako muzukuru vandirwadzisa ndivo vanga vari simba rangu,ndaidada navo zviño Mwari zvaatonga zvakadayi ndoraramireyiko,kuti vavengi vangu vagondiseka here?" "Inga Ini ndirípo nemi wani gogo,manje mukandisiyawo futi ndosàra nani", Ndakadaro ndavakutochemawo,takazonyararidza ndokuzodya kwavakaita, Hama dzaive dzauya kunhamo dzakàdzokera kukasara tete vainzi tete Mai Chimedza,vaigara kuharare nemhuri yavo,asi mhuri yavo haina kuuya panhamo apa,paive naivo badzi,ende vaimiramira kani kuti zvinhu zvifambe zvakanaka, Ndakatovaona semunhu anemoyo wakanaka zvisingaiti, vaimbovepiko nguva yese iyi, especially kwandiri vaitoona kuti ndadya here kana kutoñdivigira variivo chikafu chacho,or ndageza,ndapfeka zvakanaka here?,she was so nice and caring, Asi nagogo vaisagara two minutes vari vese kana kutarisana mumaziso,tete vakazoti vakudzokera kumba kwavo mdakarwadziwa zvisingaiti,asi vakasiya vati vachange vachiuya pamwedzi wegawega nechíkafu nezvese zvinenge zvichizodiwa,ende vakati imba yadad vachayiisa maroja kuti mari iyite nyore kuwànikwa,nekuti zvaisazoita kuti igare isína munhu, Takasara hedu tirivaviri nagogo,mazuva akapindana pamwe nemwedzi hupenyu hwakatanga kuchishanduka manje, chíkafu chaive chasara panhamo chapera,kuzama kubata tete nhamba yavo yaive isasapiñde,since zvava ive vaenda mwedzi mitatu yakapfuura vasati vadzoka zvavaive vataura, Takambotanga tichashinga asi zvaitowedzera kuoma,ndopandakazotanga kunyatsobeliever kuti vangu vabereki kwaive kusisina zvechokwadi nekuti vari vapenyu andina kumbobvira ndatambura zvekushaya sípo yekugezesa chaiyo, Takatanga kutengesa zvinhu zvemumba zvaisashanda kuti titenge chibage chehupfu,apawo kuchikoro kusecondary kwaidiwawo mazi mari futi,gogo vakamboshinga kundisusukidza asi wàitoona wega kuti zvirikuvaremerawo pamwe nekurwadza,nékuti zvinorwadza chokwadi kuti waive munhu anezvese asi zvobva zvangoperà usingatarísiri,taive totopona nemaricho kuti tiwane mari yemuriwo nemafuta, Taive takuzivikanwa muraiñi nenhau yekutambura ko taigotadza kuzivikanwa here kutambura kwedu isu taizivikanwa kare nehupfumi, Ndava form 3 gogo vakazotanga kurwara serious nekuti since zvakashaika vàna dad avana kuzomboita normal apa zvaiwedzerwa nekuda kwekushanda zvakapfurikidza,chaindinetsa ndechekuti ko tete índawa kubva vati zii zii kubva vatikanganwa kudaro,ivo vaive vapromisa kudzóka mwedzi wega wega,kana pekuvabatira paive pasina,ndakatoshayawo kuti mwana rudzii anoyenda achikanganwa mai vake, Ndakazopedza form 3 zvechisimba chaizvo,paform 4 ndopakata nyakanyaka chaiyo,zvinhu zvacho zvaitowedzera kuoma,ndakabva ndatoregera chikoro nekuda kwekushoterwa nemari ende nekuti gogo vaive vorwara serious zvekutadza kufamba chaiko, makumbo avo ayíve ayita muzvimba kuñge matanda chaiwo,ende ayiramba kuserera, Ndini ndaive ndotoona kuti pamba pachadyiweyi nhasi namangwana,gogo vadya here ,mari chaiyo yekuti vaende kuchipatara yaisavapo,ndaizongoyerekana misodzo yava mumatama kana ndikataresa makuva evabereki vangu ayíve kuseri kwemusha wedu, "dai muripo dad dai tisirikuona nhamo yakadayi", Kaña zvekunzi kuna Mwari kudenga ndaisatomboda kuzvinzwa zvese,dai vaiveko vaisazotisiya tichibva from hero to zero sezvizvi,hongu vanhu havawani zvese muhupenyu asi zvedu zvaive zvanyanya,taitosvikira pakurarira porridge chairo tashaya hupfu hwekubika sadza,ndaive ndatojaira situation yedu,gore ravapakati gogo vakabva vati.... END OF CHAPTER ONE