Vakandidzidzisa kuti shower inovhurwa seyi, zvaive zvishamiso chaizvo kwandiri ndakazosara hangu ndega pamba pababa wangu,maziso ari kwese kwese ndakàmbofunga kupinda door to door ndichida kuona zvirimukati,ndakaona àkakiiwà ose kusara kweroom yandaive ndarara badzi,ndakangosiyana nazvo ndokuswera ndakarara hangu ko ndaigoiteyi,yaivewo nguva yangu yekumbozororawo kutambura nekubhabhaisa nhamo,ndakavhurumuka kubva kuhope nekuvhururwa kwakaitwa door,ndakaona pakamira mumwe musika ayíve akaenzana neni pakureba asi akasimba kundipfuura ko ndaigosimbirepiko nenhamo dzangu idzodzi,dzaisandipàwo nguva yekuféma, "what are you doing in my room,who are you?", akasvisvina hàke chirungu musikana uya ,achiuya kwandaiva,ndakabva ndamuka ndikagara, chirungu ndàichigona hangu asi ndaisada kuchitaura pachisingadiwe,ende neclass yangu kuti nditaure chirungu ndaitonzwa kunyara chaiko, "unofara here shamwari,urimwana watete handiti?,tete ndivo vakati ndirare muno nezuro", ndakamupindura zvaisatomboda kusumwa nekuti ayive akafanana natete pàzvese, "tete, you mean my mom is your aunt,it can't be, mom never mention anything about you?," "kasi ukufunga kuti ndikukunyepera togona kuvamirira kusvika vadzoka wozvinzwira wega", "I do believe you because mama avaitire munhu wése wése favour especially yekuzomutora vachimusïya mumba mavo ariega nekurara mubedroom mefirstborn yavo just like that", akadaro achipusha kamonach kaayive nako mumaoka ndokukaisa pabed,akatanga kubuditsa hembe dzaka achidzirongedza muwardrop yaive mumba imomo,hembe dzacho raingove level repadengadenga chete,dzaive dzakanaka kani,akabuditsa zvose zvaive mumornach akazviróngedza ndakatarisa hangu,ndakatomboshuwira kuti dayi ndirini zvangu ndine zvese izvi,dai ndiripanechimwe chinhambwe izvezvi,ndakasiyana nazvo hàngu, Ndakazoswera ndakuwirirana nemusikana uya, ayinzi Runyararo Chimedza,ayíve nemakore seventeen,ayíve mukuru kwandiri negore,ayíve atonyora form 4 sezvo taive tatova muna December, ndakangoti zvavo vane luck, àkazondiudza kuti ayíve nehanzvadzi mbiri dzaive mumashure make Larmech ayíve ne12 na Lloyd ayíve ne8 years,vaive vaenda kwagogo vavo kumusha kuholiday, Ndakazomuudzawo hwàngu hupenyu,akatomboyeredza misodzi nekundinzwira tsitsi,chakazondishamisa ndechekuti akati tete nemurume wavo avana kumbo divorcer asikuti vàkangonetsana nenhawu yemba kudii dii murume watete ndokubva ayenda kunogara kumusha kwavo, akati futi tete avana kumbobvira varwara kana kurasa foni,infact wakakura vachinzi gogo,mai wamai wavo vakavaramba mai vavo vachirimudiki vakakura vachirerwa nanasekuru, Zvakatondishamisa kuti ko seyi tete nezuro vakandinyepera kuti murume wavo akahura vakadivorcer vakatengesa ímba vakamborwara vakarasa foni,vainyepereyi,ndakatoshaiwa mhínduro yazvo ko kuzoti mai vavo vakava ramba,nhema huru kudaro ínga zvakaoma,ndakasiyana nazvo sezvo arimunhu mukuru pamwe ane reason yekutaura nhema dzvàvakataura,vakazobva kubasa manheru vakasvika tatopedza kubika naRunyararo uya ndaive ndakutodziidziswa kushandisa chirungu naRue, takavamhoresa, "Ko iwewe Rue wadzoka nguvayi,wanga usirikufanhirwa kudzóka after new year here", nditete vakabvunza kudaro, "yes mama,but the trip was cancelled due to some personal reasons" "What reasons are those if I may ask?", "Uhhmm okay let me téll you, Chris said he's coming back from Cuba day after tomorrow,he is spending christmas here with his family,so as a good girlfriend I can't go somewhere else while he's coming here, especially if we have been apart for this long", "Oh yeah,Inga zvakakuomera,saka totarisira rinhi muchato?" "That is still under discussion" Ndaive ndakaterera hangu nyaya dzavo dzichiendeka hadzo,zvaibva zvàtoita kuti ndisuwe mai wàngu worse, ndakamboda kubvunza tete nyaya yekundinyebera ndikatizot regayi ndisiyane nazvo ndingatozovakanganise mufàro wavo,sezvo muridzo webedroom ayíve adzoka ndakazopiwa imwe room yaisashandiswa yekurara,yaive isina zvinhu zvakawanda or kudecoretwa zvakanaka but kuside... END OF CHAPTER FOUR