Kana kuzvisarudza,takazodzokako tavanema shoping bags hobho mumaoko,neniwo ndaiwe ndatengerwawo dzangu hembe neboots,mafuta ekuzora nemaperfumé nesipo zvekugezesa, nekuda kwemuromo waive wataurwa naRue,"now mawamutonaz manje ninez mavakufanirwa kuchinja everything,zvechiruzeva mombokanganwa because you are here to stay", ndiye akabva andisarudzira zvese Chris ndokubhadhara,ndakatonzwa kunyara nazvo,kuti ndakubuditsa wanhu mubhajeti, The day went so good, Takazoparadzana naRue ini ndopinda mangu muroom kunorara ndakaróngedza hembe dzangu mukawardrop kangu kaive kadiki hako,but ndaitové grateful for that,ndakapinda mumagumbeze smile irikugotsi,kuti ndini here uyo,ndakava nesomethíng that I call mine,ndakurarawo dumbu rakaguta ndavanewo family, nice clothes,necomfort bed nyangwe hawo waive single bed,ndakava netariro muhupenyu hwangu,for the first time in years Ndakarara kudaro ndakatanga kurota ndichiita kuñge ndirikufamba asi pamberi paku paiita kuñge panemunhu arikundivharira nzira,ndikada kutsaukira kurimwe side kónyuka mumwe akafanana nàiye, ndikaenda kunerimwe side kónyuka mumwe futi,ende aive akapfeka zvitema tema,kuti ndidzokere kwandabva kwaive nezirima kusingaoneki chinhu,ndakabva ndapatika ndichiita kufemereka pamwe nedikita richiita kuyerera,ndakazama kubatanidza zvazvaireva but ndakatadza kuzviziva Ini, kuti ndichikotsira futi hope dzakaramba kuuya,dzakazobatwa kwatoedza chaiko,ndokubva ndamuka late chaiko, "madam boss mamukaseyi'' Nditete wakanditanga kundimhoresa,"mamukaseyi tete,eish kutoneta chaiko nekuda kwanezuro", "asika musakanganaka kuti atina mushandi pano anokusukirayi nekukuwachirayi", vakadaro ndokubva vandidarika vasina kumirira mhínduro yangu,ndakangoperawo power nazvo,Ndakafamba ndichienda mukitchen,ndakawana Rue achitopedzisa kubika, "ninez murisey,muchakarohwa nebhabharasi rechrismas here", "kwete andisikungonzwa zvakanaka badzi maybe ndakadyisa nezuro", ndakanyepa ndichidaro,kurikuvhara nyadzi dzekunonoka kumuka,tapedza kudya tete vakabva vabuda ameno kwavayienda nekuti avana kusiya vataura, Rue akazobudawo neboyfriend yake,Ini ndikasara hangu pamba,ende musi uyu tete vakasiya vasina kukiya madoors ese, ndakàtanga kuavhura 1 by 1 ,maroom maviri ayíve evanakomana vavo vaviri,koti yavo tete room ndoyaive hombe paneese, yaive yakadecoratwa zvakanakisa ende maive ne furniture yepamusorosoro, Just to think kuti dayi itori room yevabereki vangu brought me so much pain,and my grandmother dai vatorineyavowo, pamwe neni pamwe ndatonewo munin'ina futi,tiri a happy family tichigara mu this big house,anyway Mwari wakaita kuda kwawo wakakomborera nemalucks wamwe, wamwe wakawakomborera neminyama,kana ariko Mwari wacho ,ndakapukuta misodzi yangu ndokufamba ndichivhura mamwe marooms ayíve asitorina chinhu zvavo,nethree rooms cottage yaive kuseri kwemba ndokwaigara Garikai ayíve íye security nagarden boy zvese, Mukatí mayo imba iyi yaive yakapendwa newhite kunze negray,koti big living room yakarafurana, nekitchen yaivé yakashongedzwa zvakanakawo,ndaneta nekutenderera hangu ndakàtanga hangu kubika mbijanambijana hangu ko ndaimhanyirepi,vamwe vakazouya ndatopedza kudhara, ndakati ndarara musi uyu,ndakanzwa kunge mumba mapinda munhu pandakada kumuka kuti nditarise ndakàtanga kuona rima nekutadza kufema zvakanaka kuñge ndiripasi pemvura,kuti ndimuke zvakandirambira ndakaita kuñge ndakagarirwa, kuñge mutumbi usisiri wàngu,zvakaitika kwekanguva zvichidaro,kushama muromo ndaigona asikuti ndideedzere izwi raisanzwika,ndakazoita zvekuvhunduka ndanzwa kudírwa mvura inotonhora,kana nechiedza chakabva chadzoka mumaziso mangu, ndakawona ari Runyararo akamira pamberi pangu akabata water glass, "What the hell girl," she said,akabata muchiuno,ndakamukà ndikagara ndichipúkuta mvura yaive kumeso kwangu, "what happened ninez,I have been trying to wake you up but you were just shaking,are you okay?", "madzikirira badzi asi ndiribhoo hangu, don't worry", "oh good because you were biggining to scare me", akazobuda akaenda kuroom kwake,ayíve amuka achinotora mvura kukitchen ndopaakapfuura neparoom yangu,akafunga kuti zvimwe ndichakasvinura nekuti light raive rakabaka,ndokubva apinda,but akandiwana ndichishaker shaker instead, akazama kundimutsa asi andina kumuka ndosaka akazondidira mvura yaive anochera kukitchen, Mdakasara ndichitarisa my sorroundings, ndakanzwa kupindwa nechando mumuwiri mangu,chimbori chii chaizvo chirikutora nzvimbo muhupenyu hwangu, maybe angoriwo madzikirira badzi,but azvina kugumira ipapo zvakatowedzera nekufamba kwemazuva,ndakapedzisira ndakuti kana ndakarara ndainzwa kuñge mumba murikufamba nyoka seyandaimbonzwa kumusha iya,nekushinyira kwayo,pandaipepuka ndaipepuka door rangu richinzi dhwaa kuvharwa nekunze,pandainotarisa mupassage ndaisawana chinhu,ndakambozviignowa futi àndina wandakaudza,nenyaya yekusada kunetsa vanhu, Zvakazomboti pereyi mbijana,ndakazoti rimwe zuva atori masikati,vana vatete vakomana vaive vatodzoka kuholiday vakugadzira kudzokera kuchikoro,ndakapinda muroom mangu ndichinotora tablet ya Larmech yandaive ndasiya pabed, time dzataive tichitamba magames,ndakati ndíchivhura door kudayi ndakabva ndaona munhu akapfeka zveblack kubva kumusoro kusvika kuzasi akafuratira,chandakangokwanisa kuita kuscreamer ndichetendeuka ndakananga kwaive nevamwe, "chiiko ninez", ndiRúe akabvunza, "mune munhu mubedroom mangu, m..ma mapinda munhu'', Ndakadaro ndichifemeruka, "ani iyeye imi maiñini itayi mushe apinda nepi isu tanga tiripano nguva yese iyi", akadaro Larmech, Rue akati handeyi tinotarisa, takadungamidzana kuendako,ivo pamberi Ini kumashure shure, "see there's nothing here ninez,are you day dreaming", "vanenge vakanyanya kuona madrama emanigeria nezuro mom's vako Rue", akadarowo Larmech ndokubva vaseka,ndakangonyinurawo asi ndini ndaiziva kuti andisati ndavakupenga,takabuda muya,vangu vana ndokuswera havo vachindiseka havo,tete vachisvikonzwa izvi vakabva vati,"uneñge unemhepo dzinokuteverawo iwe," manheru acho, andina kumborara ndichida kunyatsoona kuti chii chikutora nzvimbo,ndakanyepedzera kuvhara maziso nekuita kuñge ndakotsira,kuma 12 dzehusiku ndakanzwa door rangu kuvhurwa zvinesimba,ndakavhura ziso one asi rimwe rakavharika,ndakaona rino zikunyoka rakakora richizhongonyoka richipinda mumba mandaive,ndakamboita zvivinda asi ndakazongoyerekana ndodedza amai vakaenda kare kare, ndakasceamer kaviri ndokubva ndangonzwa mweya wàngu kupera ndokubva ndatongofenda, TETE Ndakanzwa kushevedzera kwemunhu ndirikuhope,paakazoshevedzera kechepiri ndopandakamukà ndichimhanya,ndakapfeka gown rangu ndokubuda muroom mangu ndakàtanga kuvhura door raRunyararo Ndakabva ndadhumana naye achitorivhurawo..... END OF CHAPTER SIX