VIMBAI Ndakavhura paive pakanyorwa kuti ndopazvinowanikwà, ndakatanga kuverénga paya ndàkatanga ndichibhohwekana nezvaive zvakanyorwamo,ndàkazongoti okay,let me put a little effort andina chekuruza apa,tomboti Mwari wacho ariko kudenga sezvataurwa paya,regayi ndimbova nekutenda mumoyo mangu kwevhiki mbiri badzi ndorandiri kuzvipa ende ndirikuda maresults,nekuda kwekuwerenga kuya,ndakaitawo kaidea mbíchana kuti ndotangirepi kunamata kwacho, Ndakabvanda pfugama namabvi pasi chaipo,ñdakatanga nekukumbira ruregerero kunaiye Mwari wacho kana ndakamutadzira muhupeñyu hwango,musi wechipiri ndakawerenga futi pamwe,ndokunamata ndichikumbira rugerero,asi ndakazopedzisira ndochema ndakapfugama kudaro,ndichiti ''Jehovah I believe kuti you are there,I am giving my heart to you, please meet me half way before this faith i have in you crumbles down,do something for me,just something even a little and change my life,I heard you are so powerful,nothing can overpower you, please I'm begging you,I have suffered enough already aren't I,you took all my relatives and left me alone,what should I do now, because i feel weak and í don't see light in my eyes, please break every chain that is holding me dawn", Ndakazorara hangu asi ndaive ndonzwa kurerukirwa muhana mangu,ndakazoenda hangu kuchurch kechi two ndisina kuita ma excuses this time,musi uyu azvina kufanana nepekutanga,ndakakwanisawo kunzwisisa zvakati wandeyi,Kuti Mwari ndiyani,anombodeyi kwatirí,seyí achitidisisa kunyangwe nevakaipa kusvikira pakuwanaisira mvura muminda yavo nyangwe vasingakodzerwi nayo,seyi nyasha dzàke dzirihuru kusvikira pakupa mweya wekufema nekumhondi inodembura mweya yavamwé, I realised kuti saka zvinoreva kuti neniwo anondídaka angazondiwenga ini ndega kuti ndakanyanyotadzeyi,nditori many times way better than mhondi, maybe zvichaitàwo, "nhasi unenge wanga wakateererawo zvirinana", muzukuru wamai Stole ayidaro achibudikira kumashuré kwangu ndichibva kutoilet, "aah urisey Ma..Ma..,chii zviya ndakanganwa", "Maka ndonzi Makanaka,koiwewe ", "Ndonzi Vimbai", ndakamupindura paya ndichinanga kumota, "by the way thanks nekabible kawakandipa musiuya karikubatsira zvísingaiti", "that was the idea,kudzosera hwayi dzaMwari panzvimbo yadzo,keep it up", akadaro achisekerera hake,takazosvika pamota paya akamhoresa tete nabamukuru wake ndokuoneka,mazuva akafamba hawo,gore rikatopera tikabata futi rimwe,ndaive ndane 18 years manje,Mai Stole avana kuzombondidzinga ende vaive vakutondifaríra zvísingaiti,kuita different munhu chaiye,ndaive ndakapedzisira kudiwa névanhu kudhara ini, Kuchurch ndaive ndakuenda every Sunday ndaive ndatowa member yeko,kwandainyanyoda hangu ku choir,ndainakirwa nekuimba zvísingaiti,ndainge ndakunamata everyday ,nekuti ndakaona kuti ndaivé ndakarasikirwa pandaiti akuna Mwari asi ndakazobeliever kuti ariko ende anoita zvishamiso nekuti nekuda kwekuziva zvaiitika muhupenyu hwangu ndaiona rima rega rega from all angles,ndaiita kunge ndakageza nemunyama chaiwo,luck rekuzvarwa naro nemakomborerero zvose zvikaenda,asi ndakazoona kubata kwake Mwari, Nekuti zvinhu zvakatanga kungoshandúka,Mai Stole vaive vondifarira zvekusvika pakukwidza pay yangu,hanzi nekuti urikushanda basa remumba futi,Mike panze ayíve otonditaudza,ungazomuziva here kuti ndiyemunhu akambondipopotera kuti ndaba mari yake,akaita room yañgu upside down yese,mari yake ndikazoiwoña kuseri kwemba kwaayisakura yakadóñhéra pasi akuti ñdini ndaiyisa ipapo,kubva ipapo taive totaura ma1 word only,ndakangoti hupenyu uhu, Kana zvekupwanya maplate zvaive zvava zvishoma,ndakangoti ava ndiMwari badzi ava, vafunga kundirangarirawo,ndakazojoiner group revasikana rebible study raitungamirirwa ñamai mufundisi,ndopandaizobvunzwo pandinenge ndisinganzwsisi,vaitsanangura kusvika ndanyatso gutsikana nemhinduro yavo, Hameno kuti chii chakazongoitika umwe mwedzi,ndakaendawo kunguva semusikanawo sezvandosiita mwedzi wega wega,ndakazongoona ndapfurikidza madays,akambotanga ndapfurikidza nematatu ndikati ameno zvaitika zvinopera asi pazvakazopiñda musvondo ndakàtanga kurohwa nehana kuti kasi ndava nedenda here,pandandakazoudza mai Stole kuti ndozvavakuitika vakabva vaenda neni kuclinik kwawaishandira,ikoko vakanotarisa problem yaikonzeresa asi vakaishaya, Vakandipa mapiritsi ekumisa ropa kuti risarambe richibuda asi zvakatowedzera,ndaive ndava nowhere manje kutadza kuziva kuti chii chirikutora nzvimbo,ndaive ndoti ndasunungurwa wani, ndovimba naye Jahovah wacho wani,Inga ndainge ndakumunamatawo wani, zvaive zvotondinetsawo ini ndakabva ndatoruduka moyo chaiwo, kusviba chaiko pazvese,nyangwe pakunamata chaiko,ko iye Mwari wacho anoda kuramba achinditesta kusvikira rinhi,ndini ndisingadiwo kufara here, Ndaive ndorarama in disper, everything become so numb to me,ndaive ndotobhohwekana nezvese,Mai Stole vakambozama kundidzosera mukuenda kuchurch asi ndakatovaudza kuti "Mwari wenyu ane favor,inini anoda kundikomborera nelimit asi vamwe anovakomborera kubva mukuzvarwa kusvika mukufa,nekuti ndakaita seyi, nekuti ndirinherera huh," vakabva vanyarara,wakatokwana mwedzi nehalf ndichi bleeder badzi but to tell the truth bleeding is not an easy sickness,it's uncomfortable and it drains you and left bones only,ndozvandaive ndaita apa,ndaive ndatoonda chaiko kusara musoro badzi,ndakazoona Mai Stole vasvika namai mufundisi vari vaviri, "mwanangu uchiona hupenyu uyu awusi easy at all, especially kana urimunamati,zvirimumhepo umo zvirikurongwa nekuitwa pamusoro pehupenyu hwako zvimwe zvacho awuzvione,variko vakagarira kukushungurudza badzi,kukuona uchichema,uchituka Mwari,satan ndobasa rake,aripo nepakukutambudza,manje zvotoda kushinga chaiko,usaneta ,usapa Satan chance yekukushandisa,sevatendi tosangana nemaprobles akawanda,asi nekuda kwesimba raMwari akuna problem iripemarnent muhupenyu hwedu,Mwari akatisika nekutida,ndiye anotipa mweya yekufema every moment,ndiye anotichengetedza siku nesikati,haazombotisiya tichikuwadzwa neakaipa kwete,saka shinga mwanangu, shinga unamate memuzvokwadi nemoyo wose,uchamuona akaipa nemaziso ako,mirira nguwa yamwari badzi ndiyo yakanaka,ndirikuona makomborero ega ega muhupenyu hwako,iwewe simba badzi,pamabvi panemhinduro wanzwa", vakazodaro tapedza kunamata mai mufundisi, Ndakateerera mashoko awo ndikamazeya ndikawona chirichokwadi,ndofanirwa kushinga pakunamata,ende waive varicorrect pakuti pamabvi panemhinduro, nekuti pandakatanga kunamata ndipo pakatanga kuitawo chiedza muhupenyu hwangu,l just have to pull up my socks only, and l believe everything will be fine,yes l believe,ndakazoshingirira kunamata kupfuura pekutanga chaipo,ndikatsanya mazuva matatu andaive ndanzi namai mufundisi nditsanye ndakashingirira kunyangwe zvairwadza hazvo but ndakashingirira kusvika ndapedza mitsanyo yangu, After seven days ndanamata namai mufundisi ropa riya rakabva raguma kubuda,ndakapembera zvísingaiti ndikatomborowa kadance chaiko,pekutanga ndakàtomboti pamwe kungomirawo pandazoona mazuva maviri adarika without seeing blood,ndakangotenda Mwari kuti mayita henyu Jehovah nekundirwira,pamhandu dzangu dzirikuda kundiona ndichishungurudzika,asi kupera kweropa kwakatanga zvimwe,musoro wakandibata zvekuti ndaiti ndikamira ndaitofenda chaiko,asi this time andina kana kusiya kunamata,ndaive ndotodzikisa gejo chairo in prayer, END OF CHAPTER SIXTEEN