Kwangu yaive itori perfect, madays ekutanga zvinhu zvaiyendeka zvakanaka,ñatete taive tísina nyaya dzinoenda kure but taive comfortable with each other,naRunyararo ndiye wandainyanya kuwirirana naye, christmas yakazosvika,hayo ndakapihwawo hembe naRunyararo dzekupfeka dzakanaka zvisingaiti, zvaitove zviri zvinyowani,ende kurangarira pandakapedzisira kupféka hémbe nyowani inguva yaive ichirikurarama amai vangu, Akandíendesa pa barber ndokugerwa cut, ndakazvitarisa paglass rewardrop yake ndakaona ndichitoonekerawo zvirinani,ganda ravàkutoonekerawo kuzorwa mafuta emhando yepamusoro,Rue akabva abuda achiti arikukasika kudzóka,Ndakasara natete tichipedzisa kubika,asi dzimwe nguva ndaívaona vakanditarisa, pandaivatarisawo vaibva vatarisa kuside,ndakazvishairwa pazvo, ndakangotiwo pamwe varikuti vàkandiona varikurangaridzwa amai wavo nabhudhi wavo nékuda kwangu, Taive tatoneta nekuona tv ndopakazosvika Rue,akapinda nemumwe mukomana,by the looks ndakabva ndatoziva kuti ndiye mukomana wake waayitaura nezvake kuti arikuuya and ayíve andiratidza mapics ake pabango refoni yake, akasvikomhoresa tete zvinehunhuwo,akandimhoresawo, ndakaona tete vachiita kufara kushaya pekubata, vakabva vatotanga kumhanya manya nechíkafu,ndakamboda kuseka kuti tete vabva vaita kumhanya mhanya kuñge vaona president kudaro,nemaplates vakabva vabuditsa arispecial acho,takagara hedu patafura ndokutanga kudya hedu zvataive tabika, "saka nhai mwanangu murikuronga kutorana riinhiko?" nditete vakatanga vachidaro kunemukomana wa Rue,by looking at him I guess he was 23 or 24 years, ndakashamisika nemubvunzo watete,kuti instead yekuti wakurudzire mwana kuti ayenderéré mberi nechikoro varikuda kuti aroorwe,wow, maybe ndozvinoitwa kuno kumadhorobha, Zvasiyana nekumusha,kumusha vamwe vana vanotozongoroorwa nekuda kwekuti mari yacho yekuyenderera mberi nechikoro inenge isipo,but Rue anezvese mari yacho yekuchikoro iripo hobho I'm sure,and she had a bright of fuure ahead asiyana nesu vamwe, "mubvunzo wenyu ndirikuunzwa mama ende wakanaka kwazvo,nyaya iripo ndeyekuti tírikuda kumbodzidzana tíchikurawo,nayewo Rué achipedzisawó chikoro nekubuilder career yake," akapindura zvinyoronyoro mukomana uya, "yes mom" Rue akatsigiririrawo, "howo,apana chakaipa ndanga ndirikungobvunzawo kuda kunzwa pamumire semubereki", vakazodaro tete after vamboramba vakanyarara,asi mufàro pameso pavo vaive vasisina, takazobuda tese naRue na Chris uya nemota yake tikapinda mutown ndichionawo dhorobha guru, Christmas yegore iroro yakanakidza zvisingaiti, boyfriend yaRue yaive a nice guy, ayive anemoyo wakanaka,ende zvaitongooneka zvega kuti ayivewo nemari dzake naRue zvaienderana nekuti vese vaive vanhu vepamusoro soro, Ini ndaitonzwa kunyara nezvandaive ndakatombodemba chandaive ndawuira asi ivo vaisatombogaya zvavo,.... END OF CHAPTER FIVE