"What is happening mom,who was screaming?", "ndikutoti zvimwe ndiwe ini," ndakatodaro ndíchivhura door raLloyd ndokuona akatorara hake, Larmech akabva abudawo,takananga tese kuroom kwewangu muzukuru Vimbai, mwana wehandzvadzi yangu yekushaika,ini zita rangu rekuzvarwa chairo ndanonzi Rudo Muchenje asi rekuroorwa ndichiitwa Mai Runyararo Chimedza,ndaigara nevana vangu muziimba rehanzvadzi yangu raayinge avaka asati ashaika,ndichishanda hangu pakampany yake yaaive achangotanga kumutsa mazuva aakazoshaika,yaive yavakutopinza mari svinu madays acho iwayo zvekutoti akatovaka musha nekutenga dzimota, Ndakawana door raVimbai rakavhurika ,asi iye ayive akarara,ndaive ñdavakuda kutotendeuka kudzokera kunorara, ''wait mom,let's check on her,ahasikunzwa mushe mazuva ani", akadaro Rue achipinda mukatí kuna maiñini wake, 'yuwo uyu nemoyo chena wakeka achatiurayisa rimwezuva , l have to do something about her soon' Ndaitofunga ndichienda paayive, "ninez, ninez, you okay?", Akabvunza Rue achizunguza Vimbai,asi iye ahana kudaira kana kupfakanyika, ndakatorohwawo nehana ndaona asirikumbopfakanyika, "maiñini Vimbai,mukai mainin,?", Ndi Larmech wouyu ayive ozama kumumutsa, ndakabata pulse yake paruoko ndokunzwa iripo asi kure kure, "she fainted" "but how mama she's supposed to be sleeping not fainting,and why did she screamed like that?", "ndingazvizivawo here nhai Rue zvese zvaurikundibvunza ndakatongo fananawo newa okay", "l think we should call a doctor", ndiLarmech akadaro, "doctor wekudiiko iwe husikú huno,zvinenge zvechiwanhu chaizvo zvamai wako awa azvisi normal ba," ndakamupindura ndichidaro,ayíve oda kuchenjéresa stereki,kuda kundivhiringira tsoro dzangu, ndakazomumwaya mvura kumeso ndopaakazoti pengenu patova paya,akamuka brain dzichiita kuñge dzatorasika,akazogadzikana after tamu assure kuti arisafe,apana chaitika kwaari, "nda...nda..pedzisira kuona z..zi..zi nyoka zihombe richipinda munomu,ameno kuti razofamba seyi", akatsanangura achidaro Vimbai , "what?", said Rue, "Not again mom", akadaro Larmech, everyone thought arikunyeba, ende zvayisàbelieviker kuti arikuswera àchiona zvinhu, manheru ano wofendà, "saka yaendepi nyoka yacho atisikuiona isu,ende patapinda muno apana chatawona" ndakamubvunza ndichidaro, "ndikutaura shuwa tete,I have been seeing things", "saka zvaendepiko", akabva ati zii misodzi ndoyaive yongotaura badzi, takazomunyararidza Rue ndokubva azorara naye muroom imomo, ndakarara hangu moyo urimudenga kurikufara kuti madhiri angu arikufamba zvakaisvonaka chaizvo, chandaida ndechekuti Vimbai asuduruke hake pamba pangu,afambe fambe hake, kunyangwe pari pababa wake asi parizvino pavapangu ,saka ndakabva ndamukira kuenda kun'yanga yangu mangwana acho,kumba ndakasiya ndanyepa kuti ndirikuenda kubasa,ndakanoudza sekuru n'yanga kuti madhiri arikufamba zvakanaka varikugona basa, Chaive chasara kuendesa bhora kumapena badzi,vakabva vati ivo "ayisi nyaya nhasi chaiye rinogohwa badzi",ny'anga iyi yainzi vaChanzwa,yaive yatikurey pamakore, asi basa yaigonesa zvisingaiti,ndoyakaita kuti ndive pandiri pano nhasi,mushure mekunge ndatiza chikoro ndicherimusika ndikaenda nemumwe murume ayíve nemari dzake mota yaayifamba nayo yaive nemutupo,kana mai chaiwo andina kuwaoneka,. Chakaita kuti ndidanane nababa ava yaive nhamo kwete yekushaiwa chikafu kanasipo yekugezesa kumba ayewa, asi kuti yekushaiwa mari yekutengawo zvandoda nekudya kuchikoro nekuti amai vaisazofarisa zvekundipa marika ivo vaiyishandira zvinorwadza pamusika,saka murume uyu mari yaive nayo yaive nemumvuri chaiwo zvaisatomboda kusumwa kuti iripo nekuti yaitotaura yega,murume uya akazoti hande dhorobha tinogara ndokundipromiser heaven on earth,nekuonawo kuti iripo mari ndakumu believer,ndozvakazoita kuti nditize,amai andina kuvaoneka nekuti ndaizviziva kuti vaisazotendera kuti ndiende nedhara nekuti vaive neshungu dzekuti ndipedze chikoro ndigoendawo ku unniversity, But Ini ndaitoona kurikutambisa makore angu zvangu,ndasvika kudhorobha kuya baba vaya vaka booker hotera takagaramo kwesvondo rimwe tichifadzana hedu,vakazoti chihande ndonokuratidza kumba kwangu,takayenda hedu ndichiita kufara chaiko,ndakashamisika ndichiona ziimba racho rino zikupalace,takasvikopinda mukatí kwakutambirwa nevanhu zvàkanaka ndikatoti ndapinda machena nditambirwa nanatete zvakanaka,paive nevakadzi vatatu pamba apa nevana vakawanda kuitey vaisvika kuma 10 chaiko,tapedza kukwazisana baba vaya vakabva vatanga kuita maintroductions ndakaita kuñge ndichavadira gwati rinopísa chairo kumeso nekuda kwemashoko awo avakazotaura END OF CHAPTER SEVEN