Hanzi handigare nastep mother,ndikatoti waità hako mwanangu ndozvinoitwa izvi kusupporta amai vako,Mota yataive tauya nayo yaivé ichídà kubhadharwa saka takahodhesa hembe dzedu dzese dzakanaka dzacho kuti tiwane mari svinu ende ndakatoti hembe idzodzi ndiçhadzitsiva badzi ndàdzokera kumansion yangu,nebhutsu takatengesa,pamwe ne mapaintings andaive ndatenga ndichirikugara nababa waRue,nezvimwewo zvandaive ndabva nazvó kumba kwangu kwandaimbogara kwekutanga, Nekuti Vimbai ahana kumboñdipa kana kanoti kai kandakatenga ndavapamba apa,zvese memasuítcases takamatengeza,tikaisa hembe muchan'yani bag,kana kumbogaya ndichizivà kuti soon zifitted wardrop rangu riya rinenge radzoka ,pakatobuda kamari kasvinu chaiko takabadhara munhu wemota ndokubva ayenda,takasara totenderera mutown takutsvaga írihotera chaiyo yekubooker kwemazuva matatu badzi,I'm sure paanopera mazuva iwayo ndinenge ndatópedza kútsikisa madhiri angu ekutsakatisa Vimbai,Rue àkabva atoti anenzara saka takatanga tatsvàga restaurant yekudyira tapedza,takazoratidzwa kunehotera yakati chipeyi, Hotera hacho yaive kumhiri kwetara saka takamirawo pamarobots kuti tigocrossér wo, paivé pakazara vanhu zvekuti, ndakazongonzwa kusundwa nevanhu vakàti wandeyi ndichinocheuka ndakàona kumashure kwangu kwakamira vamwé vakomana wechidiki,ñdakatofunga kuti varikuda kupfuurawo pamarobots apa,parakavhurika robot riya vanhu vakatanga kumhanya kucrosser tara,ñdavakuda kucroser wo ndakazongonzwa kapain pamusana pañgu,"ambuya tipeyi chikwama chamakabata", ndakanzwa voice kumashure kwangu richidaro, ndakada kutendeúka ndokubva ndanzi, "musatomboita hànyu action ambuya mwana wényu anógona kungofa uyo,ndipeyi izvezvi ende nyangwe mukada kuita kusheedzera apana anokunzwai" izwi riya réchirume rakazevezera futi,ndakatarisa wànhu waiwa paside pañgu ndakatoona mumwe nemumwe aribusy kuda kucrosser robot, "mama vapeyi kani muda kuti ndife here" akazevezera Runyararo musodzi yavapamatàma,ayíve akaiswa banga baside padumbu,ndakabva ndatoziva kuti neniwo ndakatoiswawo bangá nhayi kumusana kwangu,ndakafunga kuti ndovatambidza here chikwama chandaiwé ndakabata,apa ndopandange ndabhaizawo futi chandanga ndichachibàtirawo chikwana chacho mumaoko chii futi imo mudhórobha munó,nxaa, "Ndokupai henyu asi musakuwadzawo mwana wàngu", ndakadaro ndovatambidza kachikwama kaya, vàkabva vasíya Rúe neniwo ndakabva ndanzwà kubva kwawanhu mumashure mangu,kana nefambiro avakaita andiña kuvaona ndakadhonza Runyararo tichibva pamarobot paya tichicheuka cheuka asi paive pasina kana sign yevanhu zvichireva kuti vaenda zvichireva futi kute mari yose yaenda meaning madhiri ose musango ,hupenyu hwedu hose musàngo, Future yese yaenda ndoiteiko manje ndàkánzwa kuda kuchema chaiko,shuwa shuwa mari yangu yatoenda here,hembe dzangu dzandàtengesa,iwo masuitcases,zvichireva kuti ndasara ndisisina kàna chinhu,kana kai zvako, kutoreva kuti zvaVimbai ndotozvisiyà shuwa,ndakanzwa kushunguridzíkàna chaiko, "this ís àll your faúlt màmà,tarirayi atisisina chatíiñacho manje,kana némba yekuisa musoró çhàiyo atína,what aré we going to do now"àkachemà chema Runyararo, "iwé urimwana wandàkazvàra usada kúndinetsa ukúnzwa,ukuti ndiríkufara here kúti marí yedu yese yàendà,kanà ukuona zviríkukúnétsa dzokerà kumba kwabàba wàko",akabva ati zíro,zuva reñgé roda kútonyúra apa kàna nézvokuíta ñdaíve ndísína,kúti todíi tóéndépi Murume ndakaramba,hama ndikauraya ñekuparadza nékuda kwekukara mari, nhàsi uno mari yacho andisisina ndavakuona ndondo ndochidii manje,ndakatozongoona ndasarirwa neoption imwe chete,takabva tatengesa mazibango emafoni edú,ndokutsvaga tugroséry twaizoti pusha pusha,ndokunokwira bhazi ratakasvika roda kutozara,kana wanga wajaira kufamba neyako mota inemutupo uchizvi drivira wozokwira mabhazi ekumusha aya unonzwa kunyatsodonha kwemàbars~~ emalevel weduwe, takasvika kumaruzeva kwati tsva uwone kana nekukuziva ndànga ndichakuziva here kunhu kwandakepedzisirà kuuya kudhara,takati tuturu tuturu nemikwende yédu tíchienda nekwandaifungira kuti ndiyo nzira yekumba,takasvika pàmba paya pakaita kuita padongo chaipo huswa hwakaita kukura kuñge muchabuda zinyoka,àsi inini moyo wàngu waive úsina kugàtsikana zvachose,ende ndaive ndakapihwa mhiko nén'yanga iya Kuti ndisazofa ndakatsika ivhu repamba apa,asika nesituation zvaitove zvekutungana kwembudzi zvavakataura,chaiwuya chaizondiwana ndiripo ende handiti yavakupenga heré mhiko dzake adzichashande, Door takaita rekugwejenura sezvo taive tísina makey,kunovhura kudayi takatambirwa nezimweya reweti yegonzo chairo,maiita kunhuwa kani,takazongorara hedu pazvimagumbeze zvaivemo zvekushinga chaiko,nekudawo kwekuneta futi hope hadzina kunonoka kuuya,mangwana acho rakaswera riribasa kupagadzira gadzira nekukura huswa nemarara,vanhu vaive votouya kuzotodongorera kuti tirivanana,hanzi ko maivepi musha uchiparara dai makapaisa munhu henyu zvaive nani, ndikati haihwawo tibvireyi apa zivai zvekumba kwenyu kwete kwevamwe, Pakazenge pakuonekerawo asi sandizvo zvandaifungira kuti ndichazoguma ndava izvi,paruzevha pandakatiza ndichirimusikana nekuda kwekusada nhamo nhasi ndopadzoka futi ndiriworse pahunhamo pacho,ndakazoti mazuva matatu adarika ndakachitanga kuona minana manje pamba apa zvekuti pakatanga kuchipisa manje kugara pamba apa,taiti kana tarara ndàingonzwa kugwedebudzwa kukitchen,nekutaura kwemazwi evanhu, Ndakambotanga ñdichiti zvimwe ndirikuita manzwira nzwira as pàtaimuka kuseni taiwana maplates akasukwa nekukorobwa,mumba murismart kuti tizive kuti ayita izvi ndiyani taitozvishiwa,zvakazenge zvototi neyard chaiyo kutsvairwa nditoinzwa kuti kwee kwee,kubvunza Rue ayitoti apana chaari kunzwa,ndakàtomboti ngatirare tasuka,still taitomuka maplates arimanyoro mangwana acho,kana neyard paneñge pasina tsoka kana imwe zvayo yambofamba famba kúratidza kuti pane anga achitsvaira,ndikati amhenowo pamwe zvichapera asi zvakatowedzera, Mubedroom matairara makazenge mocleanwa futi,ndaive ndongoona mimvuri mimvuri mitatu,kunoti Rue mukà uwoyene wonzwa oti,"mama kasi makupenga here,amuna munhu muno kana arikutaura apana mama chii çhikuitika pamuri" ndakatoona kuti ihóndo yangu ndega iyi, "ko nhai iwe Rudo kubva waita kutodekara muroom yangu yandakawakirwa nevana vangu vavakauraya nemagumbeze acho andakateñgerwa futi naye,iwe uribusy kutengesa muviri kumadhorobha kuti zviite sey" ndakanzwa izwi raamai vañgu richidaro ndakavhura maziso zvishoma nezvishoma ndakaona chiso chamai wàngu chiripadhuze neface yangu chaipo ndakaridza zimhere ndichivhunduka,ndanzwa kuseka kwevanhu vatatu kunotarisa kudaí ndakaóna bhudhi vangu namaiguru vakabatana maoko semafiro avakaita,vachiyerera ropa kubva kumusoro kusvika kutsoka,"ma..ma..mama" ndakanokakama ndichidaro ndichiswedera kumashure, "Nhasi ndopowoziva kuti ndiriamai asi pandakarwara wakandiramba ukandifuratira handiti,kana nekwandakaradzikwa awukuzive,". "sorry kani amai ndiregerereyiwo", "nxaa tibvirepo awusati watanga uchapfidza hako" wakadaro wachindipusha ndichinowira uko,ndakanopatika ndichirówera pasi nemusoro,ndopandakazozíva kuti ndanga ndichirota,kuti ndimuke ndakatadza chaiko nekuti musoro waive warowera pafloor chaípo waírwadza zvísingaiti,ndakazosimuka mbiçhana mbíchana, Runyararo ayitoridza hake ngonono kana kumbopfakanyika nekudonha kwandakaita,mwàna uyu moyo wake wakaomararawo kuñge wanguwo uyu, Andina kuzómborara kana kusvika kuedze pfungwa dziri chavhiriri kufunga,ndaive ndofunga kuti zvinhu zvirikuitika pano asi vashakabvu varikumuka kani,zvinogona kudaro nekuti ndinonzwa kutaura kwevanhu vatatu ndoona futi mimvuri mitatu hope dzandarota vanga vari vatatu futi,maskatí ndakabva ndaenda kunoona guva ramai vangu,netsamwiro yavanga vakaita kuhope zvimwe hasha dzavo dzingadzikame,ñdakanoona mashurà chaiwo guva raamai raive rawira múkati koti sora raivepo paitotyisa,ndakabva ndatorova u turn nekuti paitotyisa kugara kwemaminutes kana maviri chaiwo,mazuva akafamba hawo asi ndaive ñdaneta nekugara pamba apa paipisa kuñge moto chaiwo,nekuti ndaive ndooneswa ndondo mazuva ose,nevashakabvu vañgu,kwoti nhamo yaive yochitanga kutisvuura manjé,taive totopona nemaricho,ameno ndozvaiitawo mai wàngu here kurwadziwa kudayi,Ini ndiridhorobha ndirimeshuga ndichidya ma lasagna nepizza, Ndopandakawona kuti hupenyu hunoshanduka weduwe kubva muhero to zero,vaive vemberi vava veshure,ñdakutodemba hangu kuuraya kwandakaita hama dzangu kuvaurayira pasina nekuti mari yacho andichina instead ndivo vavakutondionesa moto mazuva ose nekunditadzisa kurara nenoise yavanenge vachiita,nekuwachirwa magumbeze nehusiko tomuka takafuga magumbe manyoro,àrikudonha mvura,ndainyatsorota amai wachitoti magumbeze angu anetsvina vomatóra wototanga kumawacha pandinózópatíka ndotoona tirimumagumbeze manyoro,ndakatoshaya kuti ndoitaseyi chaiko,ndikati zvirinani ndisiye imba yevaridzi vaite zvavanoda ndokubva ndavaka kadumba paside kehuswa,umu mairarika pasina kana problem kusvika kuedze, Asi hakana kupedza mazuva matatu kayivé katsva ndokudzokerà futi kubedroom kwaamai kunotangidza futi hondo iya, "ukuzviita mungwaruka manje apana kwaunoénda uchatopedzisira wawakuno nekuti tikakusiya wakadaro ungatopedza dzinza rose ukashaisa vazukuru vangu rugare,”ndakanzwa ízwi ramai wàngu richidaro ndirikuhope, END OF CHAPTER TWENTY FIVE