TETE "Buday tione," "sekuru musatidaro,toda kubatsirwawo chete,tokupayi mari yose yamunoda", "nda.ti.bu...ndabata pasingabatwe", yakadaro n'yanga iya ichikwenya kwenya musoro nekumeso,vakasimuka fast fast ndokutanga kuunganidza zvose zvaive mumba umu,isu taive tatova kumusiwo,hana dzava mumaoko muti kochii chavakutora nzvimbo,n'yanga iya yakatanga kuchirotomoka ichimhanya mhanya nemba yese kuñge kamwana kadiki,ndopandakazoona kuti dzatodambuka, Takabvapo tichimhanya nemwana wàngu,tinokutya kukuru kuti manenji ekupiko aya,chii chaitika kun'yanga iye chaita kuti ipenge, "what should we do mom,that...that was so scary? " "don't worry totsvaga imwe n'yanga dzakazara munyika ino,'',. Ndakamusimbisa ndichidàro nekuti ndanga ndisiri kuzozorora kusvika Vimbai afa,kana kurikuti zvotoda Malawi kana Mozambique ndosva ndaendako,nekut ndirikutoda ropa rake pasi kuti ndiwane zororo ndidye mari yangu zvakanaka, Ndikangofunga nezvekamunhu ikako badzi ndainzwa ropa rangu kuboiler chaiko,kamunhu rudzii kasingango disapear sezvandirikuda kuti kayite,mazuva akafamba ndichitsvaga n'yanga ingandibatsira asi pese pandaisvika ndaidzingwa ndisati ndatombotaura zvandafambira zvacho,ndakazonzwa neimwe shamwari yangu kuti kuimwe iriku Mozambique,ndakatoronga rwendo rwekuendako nekugadzira ma visa asi mari ndoyaive yondishupa nekuda kwekuti maexpensese ayíve ondiwandira, Nerimwe zuva ndakazongonzwa kuti macard ekubank andaiisa mari yaibva kucompany akafreezer,ndakatoshayawo kuti akafreezer chirudzii chaicho,ende ndomaive nemamillions angu, ndaisada mari inogara musafe kana ku invester kunemamwe macompany nekutya kubirwa manje zvekufreezirwa ndakatoona kuti zvaitove worse ndakambozama kuzvifambira zvikaramba, Ndakarwadziwa zvisingamboiti mumoyo mangu nekuda kwemari yangu,ndakatozosara neshoma shoma yaive yavakupinda mazuva iwayo, naiyo company yacho yaive isasanyanyopinzi mari mazuva aya ndosaka ndaida futi kuti Runyararo aroorwe naChris, I'm sure vaizobatsira badzi pakuti company yangu isimukire, Tichitobva kunofambira zvemari dzangu dzaive dzonetsa ,takasvikowana mumba makazara mazimvura, zvaiita kuñge tape yakasara yakavhurika imba yese ikazasa mvura,saka zvinhu zvizhinji zvaka damageka,pakabuda mazikumari futi Kuti titenge zvimwe,zvinhu zvacho zvaive zvototémesa musoro chaiwo,ndasarirwa nekuunganidze mari shomashoma kuti mari ikwane yekuenda Mozambique ndakasanga neshura retsamba,hanzi ndirikudiwa kucort ndirikusungiswa naVimbai nekuda kwekuba property yababa vake,ndakatoti kanopenga aka ndirikuda kunokapedzera kucourt ikoko, Ndoda kuti kanyatsakuzvinzwira kui zvinhu zvatove zvangu,ndini muñhu mukuru asara arikurarama zvinogoenda kwaari seyi Ini muñhu mukuru ndiripo plus ndezva bhudhi vangu apana simba ravanaro majudge acho iwayo,ndoda kukanyadzisa kadzokere muvhu makakanyuka,kanondijairira nhai kanomboziva kuti ndinonzani here ini, mari yandaida kunogadzirisa visa ndakabva ndatoitsvagisa lawyer raizondimirira kucort, ndakatoriudza kuti ndirikutoda kuti judge afevhere inini kana achida kutengwa wotomutenga,ndakabva ndamupa kamari kese kandaive nako,musi wecort wakasvika ndakaenda naRunyararo achidawo kuona enemy yake ichisvava pamberi pecout nevànhu,asi ndakazodemba chandaive ndaregerera kuenderera mberi nerwendo rwangu rwekuMoza ndakanokapedzisa nekuti takazobva kucort tasvava tisu,zvinhu zvose zvaive zvanzi zvidzokere kúmuridzi ende nekuda kwekuti ava over 18 avakuzvimiririra saka apana changu unless andipa ega, Ndakàrwadziwa kuñge ndichanomumonya mutsipa chaiwo nemaoko angu,macards ese emabanks zvese zvaive zvanzi ndezvake,ndakarwadziwa ndichiona ayine smairi yaisvika kugotsi,ndakashuwira kuti dai ndirimuroyi ndamubhendesa muromo iwoyo waenda paside chaipo,ende futi nikisi mhani,takadzokera kumba naRunyararo ayíve atosvavawo especially paakazoona Chris achihugger Vimbai ndakatoona neniwo kuti jack pot raenda apa, Mumba taive tatonzi tibude in the next 7 days,ndakapererwa kani kana nepekutangira ndaive ndisina mari yaive yatorwa yese sezvo yaigara mumacard,ndaive ndisina mari inogara mumaoko yakawanda,ndaitodawoka kuswiper kwacho kana ndichitenga chandenge ndichida,zviño zvazondiparira ndasarirwa ndisina kana sent murioko, Runyararo ndiye ayíve otondinyaudza achibvunza kuti saka tikabva pano toenda kupi, ko mari toiwanepi, tichadyei?,ndakabva ndatomurafura ndikamuti nyararà ndimbofunga kuti "ndoitaseyi chaiko",asi kutaura chokwadi pekutangira ndakapashaiwa, moyo wàngu ndowaingorwadza kuti shuwa here mari yangu yandakapindira mupfumvu nhema chaimo kuti ndive nayo nhasi uno yotongonzi ahisipo ayisisiri yako, Ndakatenderera nemba hese ndichifunga kuti shuwa ahisisi yangu here imba iyi,ndakutorisiya here zimba iri,shower,tub, fitted wordrop, ziking sized bed ndichienda kunogarepi,ko kuzoti mota zvadzo,zi fortuner rangu raive rotorova pasi, raive rototorwa shuwa here,kwete mhani,azviiti izvozvo,ndakanyatsopika kuti pano andibve ndirikutozofira pano ,zvake Vimbai zvekuda kuonererwa izvo,ndozviziva ahana moyo wakasimba zvekuzosvika pakundisiya ndiri homeless ka, I'm sure kuti achandinzwira tsitsi badzi, Zvekuti ndakauraya vabereki vake izvo ayihwahwo I'm sure akatondiregerera kudhara or else dai akatondisungisa kudhara,Ndakazorara hangu pfungwa dzakadekara kuti apana kwandirikuzoenda,mazuva akafamba havo àsi zvinhu zvayive zvondiomera manje unoziva ukamboita mari yozopera kana kuishaya mari iya iwe waijaira kugara mairi zuva nezuva, unonzwa kuñge hupényu wakunoguma ndozvaive zvoitika apa,hupenyu hwaive hovava kunge mhiripiri chaiyo, asi zvaive zvichiri nani nekuti chikafu chaive chichirimo naRunyararo ayíve anekamari saka taive tótopona neikako asi ayina kumbogarisa nekuti sisi dhori wacho diro yavaiita mucheno nemake up akaita kutodza ini chaiye pakudya mari saka paitodiwa yakawañdisa , Ndakatombotsvaga zvivakomana zvekuti zviuraye Vimbai àsi zvakaramba nekuti mari ndoyakazoshaikwa nekuti vaitotaura zvemari inemumvuri kana pandakavati ndozovapa vapedza basa vakaramba,zuva rekupedzisira pamazua ataive tapiwa rakasvika,ndakatomuka hangu late ,ndaida kutozoona anondibudisa mumba mabhudhi wàngu iyeye,ndakazoona masikati posvika mota mbiri dzakadungamidzana pamwe neyemapurisa, Mumota yekutañga makaburuka Vimbai ndiye akatanga,ayíve akaita kunonzi kuuraya mucheno kani,ndakatombonzwa godo mumoyo ndakamutarisa kuti dai ndakambochenawo kudaro ndichiri zera rake,vanhu vaindiguta ,ñelawyer raaive ñaro kuçort naChris ayivepo ndaive ndotoñzwa kuda kurutsa chaiko ñdichivaona,dai pasina kuti ndirikuda kunzwirwa tsitsi vandisiye ndiripano ndingadayi ndakanova boilisira mvura inopisa nekuvadira kumeso chaiko,nemapurisa matatu nemumwe murume wechi4 akaburukawo mumota idzodzo,murume uya ndiye akasvikonditambidza tsamba yaibva kucourt,kuti ndiro zuva rekupedzisira kuva pamba apa, "eeh teté tauya kuzokubatsirayi kupacker mañga mapedza here", ndiVimbai akatanga kutaura, "ndichienda kupiko nhaiwe uno uriwo musha wàngu wandinoziva", "point of correction musha wababa wàngu", "ukusótaura zvevanhu vakafa kudhara here,vakasodyiwa nemujuru vaye,atongove mabhonzo chete,siya isu vapenyu tirarame hedu zvatinoda ,chitongondisiya ndigare pano unoti ndichaendepiko nekukura ikoku", ndakadaro ndichigara pachair yaive pamusiwo,ndakaonà misodzi yojénga mumaziso ake,ndikati yaah acharamwa chete akadzokera kwaabva, "Thanks to you unfortunately yes only borns remains, bút I'm here aren't I, I am here to make sure you regret everything you did,to make sure you suffer for your actions" ndakafa hangu nekuseka, "Iwewe kamwanana kakadai unondiiteyi iwe,unezano", "maybe I wont do anything but I will surely make sure kuti God punishes you", "tibvírepó naMwari wako dai ayiveko dayi wakafirwa newabereki ukasara urinherera uchitambúra here", "enough aunt dai murikutokumbira ruregerero zvimwe ndaizokunzwirayi tsitsi asi ndirikutoona kuti amuna moyo tete,moyo wenyu makauteñgesera satan," akabva apfuurira kupinda mukati umo maive naRunyararo aribusy zvake nephone, I'm sure hondo yaive yaitika panze ayíve asiña kuinzwa nekuti ayíve akatoisa hake maearphons, paakationa tichipinda mukatí akasimuka ndokumira akangoti wodyo maziso kuñge awona chipoko, "Chris!", Ndozvaakangokwanisa kutaura achinomhanyira kwaari,Vimbai akabva amira pamberi paChria akamuvharidzira, Rue stopped in her tracks,ndokusvava akadaro, "manje awunyare wakamborionepi rudo rinotengwa nemushonga,mwana asina kurairwa" Ndakashamisika nemashoko aakataura, " you are all surprised, ndirikuzviziva zvese zvamakaita nekuronga,asi makazvionaka kuti wàngu wandinopfugamira mukuru kupfuura wenyu wamai pfugamira huh,you lost and I'm still standing and tall also" Akadara hake achititenderera, "ziva Kuti ndiribaba vako Vimbai usada kundijairira" "well okay my dadddy,listen I want you to get out of my house like right now", Ndakaridza tsamwa ndichigara pasofa,akabva afamba akananga kuroom kwangu, "Chris can you give me a hand here", ndakazonzwa odeedzera, ndakaona Chris uya ayive avabusy kukandirana mashoko naRunyararo,achiyenda kwaive naVimbai, Ndakasimuka ndichiendakowo ndichida kunoona kuti avakuiteyi muroom mangu,ndakasvikowana aribusy kuturura hembe dzangu muwordrop Chris achitambira achikanda pabed, "Magona mauya tete tangoti tifanokubatsirayi kupacker," akadaro achitoenderera mberi nekubvisa hembe dzangu, "kuitaseyko nhaiwe,unoti nyangwe ukandidzinga unoti ndingapedza kututa zvinhu zvese izvi ndichizvipedza nhasi here", "zvinhu zvipi tete,zvamurikutaura nezvazvo", "izvikaizvi,masofa mubhedha mafridge...." "Whoa whoa, what's that about bed,sofas, fridge hehede,makauya nezvinhu here pano,chii chenyu chamakauya nacho,nongedzerayi tione?", akadaro akaita kusunga chiso zvekuzezesa chaizvo..., END OF CHAPTER TWENTY THREE