TETE Ndokuona iri good plan kupfuudza maiguru ini nabhudhi tosara tichidya hedu mari ende ndaizonyatsoita sure yekuti vasazoroora fúti,ndini ndenge ndava kusupporta mukoma,ndova incharge pachinzvimbo chamaiguru,nekutoita move in muzimba iroro,ndakaita zviri zvekutsvaga n'yanga chaiyo shañgwiti yadzo nekuti ndaisada zvekuti zvinozondidzokera nekuda kwekusasimba, Musi wandakoronga kupfuudza maiguru musi wawaizoenda kunotora mwana wavo naamai kumusha wachiuya kuimba yavo nyowani,bhudhi waive vati vaizosara nekuti maiguru vaizoenda nekudzoka musi mumwewo,saka ndakati kuna vaChanzwa vaite iri accident chaiyo pasapona munhu,nyangwe anga akumbira lift chaiye,zvakabva zvaendawo nepamwe,ndakarwadziwa pandakazoñzwa kuti namukoma vaive vazoeñdawo kuti tichirivhesa madhiri zvakaramba ndokutozoshayawo kwakaita namukoma vangu,azvina kunyanya kundirwadza zvazvo nekuti nzira yemumari yaive yavhurika kuti vhuu chaiko apana ayíve achandimisa, Ndakano acta drama kumusha naamai atina kuzomboita ukama usvinu asika amai ndiamai,vaitove busy kuchemera dangwe ravo ravaidada naro nekudisisa kundipfuura,ñdakasiya ndavati ndikunoisa maroja mumba memwana komana wenyu ndichapota ñdichiuya pamwedzi wegawega,kwaitove kuvhara hangu,ndakasvikoita move in mumba mamukoma ko maityisa here ndibhudhi kaava avamuki ngozi,baba Rúe vakutoti havo pano pano,añdigare mumba matezvara ndikati sarayi Ini ndaenda munondipeyi pano imi murimi dollar racho,tosangana kuseri kwehupenyu,kwakuzama kutoisa imba necompony muzita rangu asi zvakaramba nekuti zvaida maoriginal papers acho or muridzi wazvo apa ameno kwaive kunemaprper acho ndaingoona macopy badzi, ende imba yaive muzita remwana wavo zvese necompany, Ndikati ndichazvitora hangu time time parizvino ngavamboona hondo yenzara yandakamboonawo,ndakazorwadziwa pandakanzwa kuti amai vangu varikurwara nevamwe amai vekumaraini kwedu wandaitaura nawo,Ndakabva ndanzi navaChanzwa ndisatombofa ndakatsika kwakavigwa vashakabvu kana kumbopa kana sent kumwana wewashakabvu kana hama dzavo nekuti ndikangodaro badzi nyaya dzangu dzose dzinobuda pachena ,nekuda kwekurwadziwa mumoyo nekuda kwamai wàngu ndakabva ndapihwa mushonga wekuti nditsigise hana nekuti ndaigona kuzonzwa tsitsi ndikadambura mhiko yacho,kana nepawakazofa andina kumbonyanya kurwadziwa ndakangotiwo wazorora ko ndowakatanga nekufa here wanga wachazofawo chete nerimwe gore, Kuside kwangu zvaive zvavakuendeka manje, ndakutoshandisa mota dzehanzvadzi yangu ndichiita kudzichinjanisa ko ndini ndadini,makomborero anouya kunevanoatsvaga,mari yaive isasabvunzwe kuti unemarii pauri nekuti yaive isingawerengeki,life ichiita kunakidza,baba waRue vakabva vadzokera kumusha kwawo ndikati chibva watondipa divorce nekuti andidi munhu anozouya mangwana akudawo share papfuma yangu yandakashanda ndega,imba ndokuitengesa Ndakazoti rimwe zuva ndirikutobva kubasa ndaive ndakatofizuka zvisingaiti,ndosvikowana pagaté pakamira mumwe musikana nezvaaive atoita kuñge atova nemazuva achigara mumastreets,nekuda kwekuvhenekwa nelight remota akabva avhara kumeso,ndakaburuka mumota ndichimupopotera anga anzwa nani kuti ndirichichengeta nherera Ini,kana arikuda basa ndaisatombomuda musika webasa ini,andina mari yekutambisa kudaro ndichipa munhu,ndaigona kuzviitira basa rangu ndega koraive rakambowanda here vana vaive kumabording school,ndakashamisika akunditi tete,ini aàh ko ndiVimbai,ko awuya seyi kuno,zvakatondinetsawo,nekuda kwekunyara kuti ndambomutuka tuka ndakazongovhara vhara asi chokwadi chaivepo andina kumbofara nekumuona kwandakaita especially pagedhi apa, Ndakazomurukira nhema zvangu,akatodzibeliever ko ndaimbonzaniko ini,kuva kwake pamba pangu zvaireva kuti tsoro yangu yaive yabuda asi isina kunyatsofamba zvakanaka,nekuti chandàida ndechekuti abve pamba kumusha ayende kumba kwanasekuru vake,hanzvadzi dzamai wake zvongovharanawo zvakadaro,ndosàra ndisina chinondirangaridza my past, company nemba kuti zvipinde muzita rangu ndaizongoti muridzi wazvo avakupenga or akatsakatika,ndosaka ndaive ndati kunavaChanzwa vamutyisidzire nezvinhu abvepo pamba,ayive agona hake ayíve andiigira bepa remba, Asika plan yekuti ayende asingazivi kuti ndini ndamuendesa,ndakatoona kutongoita sepakutanga asi vowedzera kutyisidzira kwacho kuti akasike abva asati abata mari yangu mumaoko,ndaive ndotoita sure yekuti andina kusiya sent pasi,ndakatanga nekuona kumuka late ndikati chachaya uchaona ndondo hako,ndokuita sendisina chandirikuona or kuziva,uyuwo mukomana waRue ndiye ayivo otoda kuomesa musoro,Ndaitongoti dai achitotora Rue,mari yangu yaibva yawedzera nekuti baba vake vaive nema business kunze kwenyika,saka ndaitoona zvangu zvarongeka, Ndaive ndótotya kuti anotozoroora mumwe bag remari rikaenda nevamwe takasvinura sematemba, ndichavaitira plan hangu parizvino rega ndimbodealer nekaka kamunzwa kekupedzisira mupfuma yangu,kanyaya kadiki aka,ende ndaive ndakatokamaka futi nekuti ndotozviziva kuti amai vaitokada futi kundipfuura nxaa,andisikuda kuti kafe asi kuti ka suffe badzi,kuona nhamo tsvuku chaiyo,ndaida kuti kasangane nema jambwa rega rega agotatarika nenyika achienda, Ndichibva kun'yanga kuya ndakasvika kumba vanhu varibusy naVimbai vachimupepa kuñge kacheche,achingobvunzwa ukuda mvura here, wanenza here,apana parikurwadza here, vana vangu vaive votopinzwa munhamo shuwa nekamunhu aka kutoita vana vangu vashandi vake kani,ndakasvikawo ndokuitawo semunhu anehanya nemuzukuru wake,"wakunzwa seyi muzukuru ndakuigira chocolate iyi,?" "Ndiribhoo Ini tete ameno vana vangu ava vakutondiita murwere we Aids chaiye", akatodaro hake achiseka ,ndikati nechemumoyo 'ndokuchava kuseka kwako kwekupedzisira ikoko mupfanha wàngu',gare gare ndakaona wàngu mukwasha achisvika ndaitoti awuya kuzoona mwana wangu, nyamba ayíve awuya kuzoona Vimbai,hanzi "ndauya kuzoona kuti muriseyi maiñini ndanzwa kuti amusikunzwa zvakanaka", kwakutouya netunonaka kani,iko kwakutotambira kachipembera,ndakatoona iri imwe error iyoyo mwana wangu badzi ndiye anekodzero yekudya mari yaChris kwete mumwe munhu especially uyu, ndakangoti "enjoy while it last", Chris akatanga kumu checker checker,sezvo ayidzidzira kuva doctor,ayimucheker temperature nepulse kuti arisey ,nekuitiswa zvimwe ameno zvaiitirweyi, "musanyanyotambudzika henyu amai maiñini vedu vari in good shape chaizvo,andisikumboona dambudziko ravanaro ini,varikufanirwa kungozorora badzi kwemazuva mashoma shoma nekudya zvine halth I'm sure that's all," akadaro Chris uya, "iii waita hako mwanangu tanga totova worried waita hako Mwari akukomborere", ndakamudaro hangu, Pasina nguva vaChanzwa vakabva vasvika, "aàh madzibaba titambireyi" ndini ndakàtanga kuvamhoresa ndichivaratidza pekugara,kuvati madzibaba kwaitove kuvhara zvakawanda plus waitowe wakapfeka gemenzi chena futi kuti pasaite anofungidzira kuti in'yanga, "magona madzibaba mazokwanisa kusvika,sezvandambokuudzayiwo makuseni pandafona ndirikubasa, maiñini vangu ava vakabva kumusha manje manje,manje varikutadza kurara vachiti varikuona zvinhu manje takutokumbirawo tsitsi dzaMwari kuti mutibatsirewo tawa kutotambudzikawo isu,muchiona uyu mukuwasha wàngu ariapa ndidoctor ende arikuti apanawo chaarikuona chiri wrong,saka totokumbirawo mutombotiisirawo munamato zvimwe vakaipa arikuda kutivhiringidza badzi manje naMwari ahangambobudiriri", ndakadaro kunavaChanzwa vaya, "madzímai zvamataura ndazvinzwa,ayiwa apana chakaipa takatumwawo nesu kuzonunura vana vaMwari ,saka ndichatanga nekuisa munamato tozoona kuti Mwari anenge achiti kudii kumuzodzwa wake", takabva tasimuka ndokumira tose,vaChanzwa vakatanga kunamata ,ayisavaziva ayitoti awana prayer warrior, plus nebhaibheri mumaoko netsvimbo zvaibva zvanyatsobuda,vakanamata zvese nendimi dzichibudapo ndakatomboda kuseka hangu,kwakuzozvibata semunhu mukuru,vapedza kunamata takabva tagara pasi,vakazoti regai ndichitaura zvandawona, "musatya henyu munhu wamwari taurayi henyu apana chekutya kana kunyara nekuti tirikuda kutsvaga nzira yamainini kuti vabatsirwe nayo", ndini ndakapindura ndichidaro, END OF CHAPTER NINE