"Kwete kani amai andichazviiti ndachinja Ini,ndiregérereiwo shuwa", ndakadaro ndiripamberi pawó, "wakandirwadzisa Rudo,nemadiro andaikuita nekuti ndiwe wakavhara chibereko changu, asi wakanditora sechembere inopenga,ukada mari kupfuura hama ukatetereka ukazodzoka kunozotiisa kusingadzokwi, ukatambudza muzukuru wako ariiye ega Vimbai,takashaiwa zororo nekutambudzika kwake,ukativharidzira zvekuti nesuwo tisakwanise kumurwira,akaita kuñge achabuda misodzi yeropa nekudà kwako, akachengetwa newatorwa iwe uchidya pfuma yake,kana netsitsi dzakatama mumoyo wako,wakava nyoka huru mumhuri inoruma neasina kuitadzira,dai wakafira mudumba zvimwe tingadai tichirikufema,ende àhufi wakachinja izvi ndozvandoziva", Vakadaro amai vangu misodzi iripamatama,ndakapererwa nemashoko misodzi ndiyo yaingoyerera badzi ndaiita kuñge ndirikuona vision yezvandakaita zvese kubva ndiçhidañana nezidhara riya,ndakanzwa kuzvíshora chaiko Vakafamba kuuya pandaiva ndokusvikóndimanikidza kumwa mvura yaivava kwete zvekutamba,ndakambozama kúramba asi ñdakazoñgoimwa nékuti simba rekuramba ndaive ndisina,ndichipedza kunwa ndakàtanga kurutsa ropa ndokuwira pasi, "tichafanokugadzirira nzvimbo yekugara kana nemweya yedu yavakuzozororawo kubva nhasi" ndozvandakapedzisira kunzwa,ndakapepuka ndichiita zvekuvhunduka dikita richiita kuyerera nemuriri wese,ndakangoti thank God dzanga dzingori hope badzi,asi dzaita kuñge dzirikutoitika,ndakatarisa kunze ndokutoona kunze kwatoyedza,ndakazama kutsvaga Runyararo ndikamushaiwa,muswere wese wezuva, ndopandakazonzwa zuva rodoka kuti awonekwa àripamba pekwaNgoma akatosunga kadhuku ndakanzwa ropa rangu kupisa ñekutsemuka moyo,kuti mwana uyu shuwa añgatondishura zvakadaro here,kutotizira kumamisha kuno here ko ashayeiko,koiyo nhamo iripo pamba pacho,ícho chimukomana chacho chaayive ayeñda kwaari chimufudza mombe dzekwasabuku hacho, Ndakaita kuñge ndichanomutora chaiko,Ini ndichiti ndichaíta plan yaChris naVee iye ndopoodayi nxaa,rega ndimusiye akadaro kana nhamo yarova achadzoka hake,kubva musi uyu hutano hwangu awuna kuzomboita zvakanaka,ndaive ndoñgoperera muwiri kuti ndizive chaindipedza muwiri chacho ndaitochishayà nekuti ndaisarwara zvekutadza kufamba asi kuti ndaivé ndogara ndichitemwa nemusoro pamwe nekurwadziwa ñemuchest, Ndakambozama kucliñic asi vakati avana chavari kuona,pasix months ndaive ndotoita kapepa chaiko,kune ayíve achaziva kuti ndiye here Rudo wekugara mumansion nekufamba nemota dzinemitupo nekuowner company,zvese zvaive zvavangano dzatsuro nagudo,ñdopañdakatanga kuona kuti guva rangu rakatocherwa kudhara pandakamwiswa mvúra iya,kufa ndirirombe chaiko, hanzi tingararama tigofara nékufarisisa tigoita hupfumi nekufadza nyama,asi mhedzisiro unongodzokera muvhu usina chinhu kana vanokubatsira mukufara kwacho unovasiya, kana n'yañga dzako dzinosara wóenda wega,ndozvandakaona apa kuparara uchisíya zvese saka zvinebasareyi kumhanyisana nezvose zvepasi pano asi uchizofa uchizvisiya,dai ndakaziva izvi nguva ichiripo ndingadayi ndakateñdeuka hangu CHRIS Ndakacompleta hangu course yangu ndokupasa,Ndakabva ndambogara namudhara kweimwe mwedzi nekuti ndaisatoda zvekudzokera kuZimbabwe kana kushandirako asi nekusuwa kwandanga ndaita mama nemasiblings angu ndakabva ndafunga kudzokera kumusha,ndaida kuwaita surprise chaiyo saka hapana wandakaúdza kuti ndirikuuya,Ndakasvika waenda kuchurch wese ndikati rega ndiyendeko ndichinoonawo mafriends angu ekuchoir sezvo ndaimbovekó ndisati ndaenda Cuba ,ndakasvíka church yoda kupera asi paiimbwa pachiita kuñge parikufarwa kwete zvekutamba,voice raiimba raive rechikadzi ende rainakídza kuteerera kuiteyi,asi raive new one kwandiri nekuti vanhu vese vemuchoir ndaivaziva kuti uyu ndinhingi arikuimba uyú, Ndavakuda kupinda mukatí kuti ndione kuti ndiyani arikuimba church yakabva yaparara,ndokubva ndasanganidzana naMaka pamusiwo kakaita kujumper jumper paakañdióna,nekusvikondimbundira akabva ati airikuda kumirira shamwari yake pamota yatete,akabva mira akazembera mota,taive tótaura hedu nyaya catching up,ñdopandakazoona Maka otarisa past me ndakabva ndaziva kuti kune arikuuya maybe her friend waambotaura nezvake, Ndakazoshamisika ñdíçhiona munhu ayinzi meet my brother ari Vimbai, nenez waRunyararo,ndakashamiswa kani kuti her here of all places,achigara futi natete vangu what a small world,ndakatomboda kumuhugger chaiko asi ndakazozvidzora,ndichiri kuCuba ñdaiti ndikafunga nezvake badzi ndainzwa kugumbuka zvekuti zuva rese raitozongobhohwa ndaitozongonamatira nechemumoyo kuti ave right wherever she is,but now here she was pamberi pangu fine and fit,ndakazosiririswa kunzwa kuti añga ava pawheelchair achirwadziwa nemakumbo, Maka ndiye akazondibatisa dot com rese,ndakanyatsooña kuti life yakamutamba raugh zveshuwa, énde ndaisatombozvifungira kuti Runyararo namai vake vangaita zvakadaro kuhama yavo yeropa,hutsinye hwakadaro kusvika pakutora property yese kumusiya asina kana nepekuisa musoro,ndakabva ndanzwa kuora moyo chaiko nezvavo,I couldn't believe kuti ndaivé ndatombofunga kutora munhu akadaro kumuita mukadzi ko kuzoti hama dzangu anozodziita seyi,ndivo vanoziti kuna amwene hamudye nhasí nekuti mwàna wenyu ahapo, Luck naRunyararo wacho taive tavanenguva tisiñgataure tese kubva zvandaive ndadzokera Cuba atina kuzómbonyatsopindira ende ndakanyatsooña kuti relationship yedu ayisi stable eñde yaishota ka that chemistry or should I say fire,yaive yakangotonhora tonhoraso kungopora pora kunotobhóhwa kuñge tirisisi nabhúti,ndakatí ndikufireye hangu rega timboisa space ende nekufamba kwenguva ayíve atóbuda mupfuñgwa,since zvandaive ndaona Vimbai zvekare ndakuziva kuti aribhoo ndakanzwa kamwe kapeace so,kufamba kwenguva taive tatova close I always knew kuti she's a good person with a good héart, Ndinaye ndainyatsonzwa kutambanuka zvekuti, ñdaive ndisingatombode kumuona achishungurudzika,ndakazórwadziwa musi waakazoziva kuti tete vake ndivo vakaurayisa vàbereki vake,hongu ndaiziva kuti nyika iribad but kwéte pakuzoúraya hama yako nekuda kwemari,I couldn't believe it,kunyatsogaya kuti munhu wandaitombokúdza ndichimuona.... END OF CHAPTER TWENTY SIX