Sara hako muzukuru nenhamo yako ini ndoenda kumafura mhepo, Tete vaya kana nekunhamo kwagogo avana kumbouya,Ndaive ndasara ndava ndega zviño pamba paya,ndakambotaganga ndichashingirira kugara ndega asi ndakakundikaña,pamba paive poita kunge panezviripo,paiita kuñge panechinhu chirikutenderera usiku kuñge ñyoka,kuñge mhepo yakawandisa, ndaitoshaya kuti chii chaicho,zvaisaitika zvinhu izvi gogo varivapenyu,ndakatoshaya kuti zvirikubva nekupi,chii chaicho chirikutora nzvimbo, kuti ndimuke nditarise zvaisaita nekuda kwekutya, rimwe zuva ndichibva kunochera mvura ndichisvika payard ndakabva ndaona zishato richipinda mudining,nepahwindo raive rakavhurwa ndakaputsira bucket pasi,ndichimhanya kunodaidza vanhu kuti vaiwuraye,vakazouya vanhu asi vakatsvaga nyoka ikashaikwa imba yese,nyangwe muzvezverere wayo paive pasina payard, vanhu vaitoti ndikunyepa,ndirikuda attention chete,ndirikuda varume vevanhu, "unofunga ungadiwa nani nenhamo yako iyoyo inonhuhwa woti newewo kunhuwa murume wacho anokuisa payi",aya ayíve mazwi evamwe mai,ndakasiyana navo, ndakatofunga kuti zvimwe nyoka yacho yabuda nepahwindo payapinda napo,Ndakarara mukitchen zuva iróróro,asi zvinhu zvehusiku azviñha kumira kuita semazuva ose, Mangwana acho tuhuku tutatu twaive twasara pamusha twakamuka twakati rakatira kufa,chakava chishamiso kwandiri nekuti dzaisataridzika kuti dzamborumwa or kukuvara dzaingove flat kuñge dzikafirawo kuhope,kaña nemuñhu mumwe wandakaudza apana nekutya kuudzwa zvinhu zvinorwadza futi, Ndakashaya kuti ndoenda kupi chaiko nekuti pamba apa paive pototyisa kugara ndiri ndega, ndakambofunga kuenda kumba kwakabva mai vangu,ndakabva ndakarangarira kuti parufu rwamama hama dzavo dzaisafara nemashaikiro ayíve ayita mwana wavo vaingogunun'una nekuparara kwavakaita avana kumboita hanya kuti ndasara nani, Manje kuzoenda iyezvino azvimboshande ende andimbonyatsokuzive kuti ndekupi chaiko,nekuti taisanyanya kuendako nguva zhinji,kana mari yekuendako yaive isipo nekuti kwaikwira mabazi matatu kuendako,baba vangu vaive vasina munin'ina kana mukoma,kusara kwatete badzi vakasiya vatinyepera gore riya kuti vachapota vachidzoka mwedzi wega wega,asi vakangoti kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro, Hupenyu zvaunomboitawo shuwa,dai vàbereki vangu varipo zvimwe zvinhu zvaive nani,nekuonda ndaive ndatoonda nemazuva matatu chaiwo nekushaiwa hope munguva dzehusiku kurikutya kufira kuhope husikú, Nerimwe zuva ndicleaner mumba ndakabva ndasangana ñemapaper agogo ayíve akavharirwa mukaplastic karipakati pehembe dzavo,ndakavhura kaplastic kaya kaive nemamwe mapaper àndakatadza kunzwisisa,nemabirthcetificates evabéreki vangu,maslips, zvaive zvàngowandà wanda pamwe nemàphotos edu, Ndakatomboyereredza misodzi ndakabata mapíctures evàbereki vangu nagogo,ndichiràngàrirà mufàro watàiwa nawo rufu àsati atonga, iyézvino ndavandegàndegà pamushà kuñge ndisina hama asi idzo dziriko kana kumbondiràngariràwo,misodzi yangu yakadonherà pàmusoro perimwe bepa,ndàkarisimudza bepa riya ndichipúkuta misodzi yangu,bepa iri raive nema signature maviri,nekuda kwécuriosity ndakàtanga kuverenga bepa riya, Nakafara kungé ndichabata dénga nezvandakaonà pabepa iri,ràive bepa reimba yaive kuharare yababa,zvese neadress zvaivepo,asi nekudà kwekushaya màri raisandibatsira chinhu bepa iri,ndakazoona zvirinani kuenda kumaricho ndiwane mari yebhazi ndiyende kumba kwababa wàngu, Sezvo tete pàya vakati vachaisa maroja,zvichireva kuti vanhu varikugarako varikugara maharàka vasingabhadhàre rent,ndakaita luck yaive nguva yekukohwa saka ndakakasika kuwana maricho,pakazopera svondo ndaive ndaunganidza kamari kanokwana kuenda badzi zvekudzóka ndaizozviona ndavako, Eñde ameno kana ndaizodzoka nékuti pamba pacho paive pototyisa pachezvapo nemakunakuna ayíve achiitikapo,musiwekuenda ndakaenda pamakuwa ehama dzàngu kunodziwonéka,ndokupinda munzira nehembe mbiri iripamuviri néyàive muplastic, Ndakamukira pasi patema nekuti kwaikwirwa ma bhazi ayienda dhorobha kwaive kure,ndakanokwirawo nevamwewo vaiendako,ndaitonzwa kunyara nezvandaive ndakapfeka,saka ndakanogara pasit repacorner corner ndokutarisa hangu kunze, Harare ndaiiziva kuendako asi kuzoziva kuti kunenzvimbo inonzi nhingi inowanikwepi ndaisazviziva,ndakaburukawo pakaperera bhazi ndokuchipindana nehondo ye kubvunza kuti makombi eku Glenora anokwirirwa kupi,vanhu vandainge ndichibvunza vaitotanga vanditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka, Vanenge vaitofunga kutí ndiritsotsi ndirikuda kuvabira,nyamba sandizvo nhamo yekumusha kana yakurowa nyangwe ganda rinoshandu kana waive mutsvuku unoita mutema,bvudzi kana raimboiswa mushonga rikazoregedzwa rinobva raita kunge richabuda tsikidzi,rangu zvangu ndaive ndakarigera nechigero chemaoko,ndokurikamawo kuti risazonyanya kutyisa, but azvina kumisa wanhu kundipa some displeased looks, Andina kumboita hanya nazvo chandaingoda madirections badzi,ndakazoratidza kwaanowanika nemumwe hwindi,ndokubva asiya ndatókwira, akatawura nadriver wekombi pamba pandaida kuenda exactly,ndakaitawo rómbo rakanaka ipapo,ndaitotarisira kunyatsakurasika chaiko ndichizoperera ameno chaiko,ndakaburutsirwa paakati ndipo pandirikuda, ndakamutenda driver uya, Ndakachítarisa pandaienda manje ,imba yacho yaive nejurawall waísakwanisa kuona zvirimukati,but neitiro yaive yakaita kunze kwacho zvaitongoratidza zvega kuti yaive imba yakanakisa kwazvo,ndakagugudza pazigedhi re aluminium raivepo,pakambotorwa nguva pasina kuvhurwa ndokuzovhurwa patova paya, Pakabuda vamwe baba vaive vaive vatikureyi zvékuma 35 years,"eeh chimhandara tokubatsira neyi," "Makadíi zvenyu mukoma,ndokumbirawo kuona vanhu varikugara pano" "Umboriniko iwewe kasi urikutsvaga basa here?", "Kwete andisikutsvaga basaba,asi ndauya kuzogara pamba pevabereki vangu,andifunge pane chakaipa ipapo", Akatanga aseka hake kuti bvuu chaiko,"wakupénga iwe unoti madam vangaite mwana anenge iwewe here,amutomboenderani neclass yamadam kana maid wavo atorinani panewe uneñge ukubuda mumwena", ndakati kanha nemashoko ake , "madam?,ndimadam rudzii ivavo,Ini ndirikuziva kuti pamba pano pane maroja badzi kwete zvanamadam zvaurikutaura izvi", akabva aridza maoko ake achiseka, "enda unopengera kure ukunzwa,makatanga rinhiko kusvika kuno mastreet kids,pfutseki famba famba toné ndisati ndakuvhiringa,sezvo riiro basa rangu", Akatanga kutonditukirira murume uya,ñdakatoona kuti ndikaíta zvekutamba ndingatonorara pasi pebridge..... END OF CHAPTER TWO