VIMBAI Real reason yekuti neyi ndakavati vandichengetere mari andina kumbowaudza,zvaitotyisa kutàura kani,unotaura chinhu chaunoziva pane chausingazivi,zvakafanana nekumhanyisana nechipoko chausiri kuona chaicho, six months dzakatokwana ndiripo, struggling zvangu,asi ndaive ndichiri mupenyu,chandaive ndakudawo raive zororo panyika,azvizode kuti ugare unemisodzi mumatama nguva dzose uchingofunga kuti zviçhazogumirepi,ndichazoveyi muhupenyu,ndichazoverengwawo here pavanhu,kune achazondionawo here kuti ndirimunhu kwete mhuka,Hama ndodzakandisiya dzimwe dzakandiramba,dai ndakangofawo panzvimbo pevabereki wàngu Kuzvimwe vangapopote havo mai Stole asi pamwana wawo vaigara vakacommenta kuti ndinogona kumuchengeta,nemwana wawo taiwirirana zvekuti,kaigona kutochema kakabatwa namai vacho ndikangomutora badzi kobva katonyarara,ende vaiti vakatora nguva yakareba vasina mwana vakazomuita after 7 years varoorwa,saka vaimudisisa mwana wavo,vakazonditi nerimwe zuva mai mufundisi vekuchurch kwavo varikuuya kuswera mangwana Sunday nevamwe vakadzi wavanonamata nawo, Paneka programe kavarikuda kuita saka vakaona pamba pamai Stole pariipo pari free,vaienda havo kuchurch masundays egaega,ini ndaisara hangu,ndaitoona kunamata kurikupedza nguva ini,what for,uchinamata ani ivo Mwari wacho wasiko,kana zvekuti vadzimu or varikumhepo kana nezvekuti vakafa vanochengeta vapenyu ndakatoona kuti ndezvekunyepa Ini,dai zvaive zvechokwadi dai ndisiri pandiri pano nhasi uno,saka ndaisatomboda kunzwa chinhu chinonzi kunamata,saka vakati ivo ndafanira kugadzira mumba muite smart,nekurearanger zvimwe zvinhu, Mangwana acho ndakaswera hangu ndiribusy kumugadzira nekucleaner,Ndakabva ndadonhedza frame yaive nephoto relast anniversary yavo,ndakachiona musi iwoyo,ndakazopedza hangu asi hana yaive mumaoko kuti ndichapwanya chimwe futi, Ameno zvaingoitika pandiri so, ndaingobatwa nekadzungu kana karima kwemaseconds badzi pandaizodzoka to my senses chinhu chinenge chatopwanyika,kana kungovarairwa mbichana ndopaizotsva poto,kana kutodhuma munhu munzira ndichizvifambira,ndaiitwa kunge ndicharorwa mbama nemunhu wandenge ndadhuma, mumwe musi ndakazonzi nevamwe sisi vandaive ndadhuma vakadonhedza foni, "dai yatsemuka foni yangu wanga urikunoitenga pasina izvozvo wanga urikuenda kujeri chaiko ndaiti wanga uchida kundibira", ndakazokumbira ruregerero asi azvina kutombobatsira she was furious, Sunday yakasvika ndakamuka kuseni señi ndokugeza, ndokutanga kubika food yevaenzi vamwe vese vakazosara vomuka ndasarirwa nezvishoma,ndakabva ndageza mwana nekumupfekedza hembe dzakanaka,madzimayi aya vakazosvika ña11 zvinhu zvose zvaive zvavaready,ndakanovamhoresawo vakadzi waya, mumwe wacho ayive muroora wamai Stole mukadzi wehanzvadzi yavo,vaive 4 vakadzi ava,ndakavaisira chikafu,hoping I won't mess up everything, Luckly apana mistake yandakaita, ndakavaisira zvinhu zvose zvakanaka vaitocommentawo kuti mumba mawo murismart ende nemwana wawo arikukura akaita kusimba chaiko,zveshuwawo ayíve anemuviri muhombe mwana wawo, ndakazoshevedzerwa kunzi mvura yaitashoma ndiuye neimwe,ndakanotora mvura íya mufridge sezvo kwaipisa zvisiñgaiti,ndakaenda nemvura iya patable pavaive vakagara, "chibva wandidirirawo umu mwanangu" ndimai mufundisi wakadaro vachiisa water glass pamberi pangu,ndakavadirira mvura íya,kwakutora water glass riye ndichienda naro kwavari nekuti waive vakagara kure mbichana nepandaive ndakapfugama,ndakasvikowatambidza mvura iya ísi pakunotambira kwawakaita mvura iya nekundigumha kwavakaita ruoko rwangu ndakangoyerekana ndavhunduka so,waterglass ndokudonhera pasi richibva ratsemuka, "nhayí iwe Vimbai huclamsy hwako wakuzondibhohwa manje,wakutoda kupedza ese here maplate mumba muno", vakapopota vachidaro Mai Stole, "azvinzwarwo kani tete,kukañganisa kurimuwanhu kani", "azonyanya kani weduwe", vakatanga kutaura vachipindurana,mai mufundisi vakabva vandibata ruoko, "are you okay mwanangu?" vakabvunza,ndakuda kunopindura ndakabva ndanzwa kuvharwa nerima mumaziso zvekutadza kuona,nemabvi achinoperawo simba, ndokunodonha ndakadaro, TETE Ndakafara zvisiñgaiti nebasa rakabatwa navaChanzwa,vakasiya vamuisa confusion Vimbai, mangwana acho ndakamuka ndakananga kumba kwen'yanga iya ndichida the suppose to be muteuro wacho, "uñonyatsakuita here nhayí sekuru mushoñga uyu?", "iwewe ukuda kuti anyatsokuita seyi?", "ndirikuda kuti,asemwe mumaziso evanhu,pashaikwe mumwe chete anomunzwira tsitsi,kana kumucheuka,awonekwe semhuka chaiyo kwete muñhu,atambudzike kwazvo muhupenyu hwake,mari chaiyo isatombopinde mumaoko ake,ndirikuda kuti ashungurudzike nekutambudzika chaizvo muhupenyu hwake,andisikuda kuti azodzoka muhupenyu hwangu achidaidzirma kuti hee íchí ndechababa wàngu," ndakataura zvaive mumoyo mangu chaizvo, "Zvidikidiki izvo muzukuru,pachatoitika zvihombe chaizvo muhupenyu hwake,iwewe ita shuwa kuti ageza nemíshonga uyu wése asasiya kana tushoma", ndakadzokera mumba smile iripamuromo,ndakabva ndatonyepera wàngu mwana kuti, "zvanzi madzibaba mainini wako warikuronga kutora boyfriend yako,nekuda kwekuti aneshanje arikuda hupenyu hwako", nekuti ndaive ndatoona kuti Rue anekasoft sport namainini wake,anogona kuzoramba kuti waende, Pandakangumuudza izvozvo badzi,zvinhu zvakabva zvatochinja pamushà,ende mushonga uya wakanyatsoshanda nekuti apana kumbopera mazuva ayíve atorowa pasi asina kana nduwe chaiyo mumaoko,ndakanyatsokuti finally,ndakuchifema manje,zvinhu zvakuzondifambira manje,muvengi ayenda,ehe ayitova muvengi nekuti ayitozonditadzisa kurarama hupenyu hwangu, Imba necompany zvaive zvava muzita rangu, pane marí paisingashande here kana hupenyu hwemunhu inotenga saka zvemapepa zvaitove tumachanges chaitwo,ndakatoita zikuparty nevana vangu rekucelebrater victory yangu,ndaiwe ndahwinha this fight finally, I'm sure kuti Vimbai atori pasi pebridge izvozvi achidya mumabinhi , Runyararo akazoti ahasikuda zvekuenderera mberi nechikoro ndikati gara mwanangu udye mari ko unoda kuzoshanda kuti unenge washaiweyi,iyo maari yakazara kuti paa kudai,amai vako vakashanda nekuita zvisingaitwi kuti tigarike,saka ngatigarike, Ende business raifamba zvirismart haro,mari ichiita kupinda everyday, ndaive ndatova millionaire chaiye, ndakutorarawo pamusoro pemari,ñdichizvibvunza kui ndini here uyo from zero to hero,mota yandaive ndofamba nayo yaive yava itsva,inemutupo,yandainyatsoda chaiyo, Mwedzi yakafamba zvayo kutoda kupinda mugore ndopandakayeraka ndaona vaChanzwa vangonyuka mumba mangu,ndakavhunduka zvisingaiti, kondaimboziva kuti vanoita zvekunyuka kudaro here ini ende ndaitoti ndezvekuma Nigeria emu TV chete, "aah nhai sekuru kubvamaita kundivhundutsa kudaro kwakanaka here?", "urikumboziva kuti muzukuru wako aripi here,arikuiteyi izvézvi?'', "aah mogondibvunza nezvemuzukuru wangu akasotetereka nenyika kudhara kuti zvadiiko?", "ukaita zvekutamba uchaona moto masikati machena", "murikuzama kutiiko nyatsojekesayika?", "uchanditsvaga hako", yakadaro n'yanga iya nekuto disapear,ndakasara ndichizvinetsa kuti ko chava chiiko futi,ndakangoti amhenowo pamwe varikuda kungondityisidzira badzi,ndakangosiyana nazvo ini, andingatadzisweka kurarama zvakanaka nen'yangawo zvayo,isingageze, Ndakararama hangu zvakanaka mazuva ekutanga,asi ndakazongotanga kuwona màri yakungodzika kucompany nemaclients akúñgocancélla maçóntracts,zvakandípa kurohwa nehàna kushaya kuziva kutí chíi chavakúitíka,ndàkambotí zvichàpfuura àsi zvaitowedzera mota dzaive dzongofaifa,zvékuti dzigadzirwé paitobuda mazikumari chaiwo,pàndakaona kuti zvavakunyanya, ndakàtongorowera moyo padombo ndokuenda kwavaChanzwa kuya, "unoyeúka bako wanaiwaka,wakuchinditsvàga nhasi nekúti zvaoma,pazvainaka wainakirwa wega haa", "soriyi henyu sekuru nekukukanganwàyi,àsi zvinhu àzvíchàfambe zvakanaka ndokumbírawo kuti mundibatsirewo andizíve kutí chii", "azvimbodi kutsvàgwa baizvi nekuti zviripachena,màri ikudzokéra kúmuridzi wayo", "andisikuñzwisisa ini nékuti bhúdhi ndovakafaka kare kwatongosara mabhonzo badzi", yakambotanga yaseka n'yanga iya ndokuzóti, "muzúkuru wako akasvinudzwa maziso nevanogona pamwe ñenjere dzakavhurwa,saka raki rake ravakudzokera kwaari ndosaka iwe wawakurasikirwa nezvinhu, ukaita zvékuta uchadzokera muvhu mawakabva úsina çhinhu," "no,no,no man azvíiti ízvo kuti ndioneswé nhamo nekamwana kakazvarwa ndichiona Ini,ndaramba,itayi sométhing sekúru,adzokere paayivé," "paari pavakunétsa kusvika nekuti paríkúpisa zvekuti", "mupedzeyi simba rekunamàta rachó,itayi something mari ndókupayi yamunóda", n'yanga iya yakazoti "andiperérwi ndinómubata futi",ndikati ndokugona kauku sekuru, ndókuvapa mari yavo,ndokunanga kumba ndisisinà stress vakangomusota chete Vimbai zvinhu zvose zvinodzokera panzvimbo pazvaive méaning l will have my money back., END OF CHAPTER FOURTEEN