"Eeeh vakadzi vangu ndafunga kuti tiwedzére mhuri saka ndauya namainini ava kuti muwande nhaika, maiñini Rudo àva ndivana maiguru ava,musha uno ndewenyu mese,ende wakakura zvekuti,vana avo ndevangu iwewe ukandizvarirawo vamwe vana kana vashanu ayiwa dzinza rinokura", Ndakarwadziwa némanenji andaive ndaitirwa nababà ava,vaive vanditamba yakapenga fani,ndakazongogaara pamba paya kwandakaberekerwa kwaive kusasadzokereki, Ndakaita 3 months ndiripo asi murume ayíve akàomera hake iyeye,ayisaburitsa mari zvekumhanya,zvaitoreva kuti kundipa mari kwaayíita ndirikuchikoro paya yaive nyaya yekuda kundikwezva moyo badzi,ndakazvipromisa kuti ndichaita yangu mari,inoti ini isina munhu mukatí nomater what or how,kwete kuswera kushainirwa nezvimwe zvivanhu zvisina kukwana, Ndakabva ndazotiza pambà paya ndàtowonda chaiko,ndakabuda ndiine yepamuviri badzi,ndakatomboita mazuva ndirimumastreets ndokuzonhongwawo névamwe mai ndakanosha pamba pawo semusíkana webasa ndakapedzisira ndakudanana nemurume wavo after andipromisa kundipa mari,nekuidawo ndakadyira nekuti mari ndaiida zvakapfurikidza kana ndisitorina ndainzwa kuñge ndisirimunhu,ndakambopusha nababa vaya ndokubva tazobatwa ndopakapererawo basa rangu, Ndakàzodzokera kumusha ndakasviko kumbira ruregerero asi naamai atina kuzomboita relàtionship yakasimba pamwe nabhudhi vangu waive vatoorora,tagara hedu asika semunhu ayimbove apinda mumba kuti agadzikane kashoma,plus kumamisha mari ayibatiki zvekumhanya,saka ndaive ndopinda hangu kumaticha ndokwaitombobuda kamari ndakambozama kuzviwanza asi amai vakazviona badzi,Ndakabva ndaita nhumbu yevamwe ticha vainzi vaChkmedza vanova ndivo baba vaRue,ndokubva ndatovatizira, Vakabva vatransfeiwa kuchimwe chikoro kumaside ekumusha kwawo kuChimanimani ndopandakazonzwa kuti anemukadzi futi,nemaitiro ayiita murume iyeye ndaisambofungidzira anemukadzi nevamwe vana vaviri,nekuti ayindibata zvakanaka chaizvo,kese kandada ayinditengera,mari chaiyo ayíve asina kuomera pakubuditsa, ndakatoona kuti ndikayita zvekutamba inofira kwangu,ndikazototambura zvandisati ndambóita muhupenyu hwangu Ndaive ndiene imwe shamwari yangu yandaitamba nayo ayinzi Mai Sean,ndivo vakazondiudza yekuenda kwavamwe madzibaba vaiva nemukurumbira muraini imomo, ndivo vakazondipa muteuro wekuti Wilfred arambane nemukadzi wake wekutanga ndaifunga kuti zvicharamba asi kana ,five months taive tatochata mucort nekuti amai vakaramba kutambira mari yemaroora hanzi ndikuvakira musha pasoro pemisodzi yemumwe,ndikangoti ameno ikoko,Ndakabva ndatonotora muteuro wekusimbisa imba yedu,ndakatozvara vana vangu vatatu naye Wilfred, Hondo yakazouya basa parakapera ameno zvavakaita kuchikoro ikokoko Ini ndakatadza kuzvinzwisisa Ini,ndokubva licence rakacancerwa,hupenyu hwakatanga kuchinja kuenda palevel randainga ndaramba muhupenyu hwangu,kusvika mabanks asasade kutipa loan nekuda kwezvikwereti,Ndaive ndabva muhero to zero chairo, Ndakabva ndasangana nehanzvadzi yangu kutown rimwe gore anemukadzi wake apa akadya window baba,ndiye akatotanga kundiona ,kwakubva atoti hande kumba tete,nekunyarawo ndakapinda mumota muya,kwakusvika paaiti ndopambà pacho rino ziimba raive rasarambijana kupera kuvakwa,ñdakamukorokotedza ndakabva ndatoziva kuti paita zvebag panewangu mukoma,Ndaive ndisasabvako ndomuudzawo nhunha dzangu kuti murume akapererwa nebasa saka inhamo yega yega,nekuda kwemoyo chena wake ayibva abuditsa zidzapo remari,ndaiita kuñge ndichadonha rute ndichiitambidzwa, Ndoda paakazotanga yake company,ndakabva ndanzwa moyo wàngu kurwadziwa chaiko kuti seyi Ini ndichizama kuitsvaga mari iyi nemazino matsvuku chaiwo asi ayidi kubatika asi yangu hanzvadzi yakatanga kubata mari musiuno akatowaka imba iyézvino atova necompany, kumusha ndakanzwa kuti akagadzirisa pamba,mota atova nehobho pamwe nemukadzi wake atonewo yake nyowani, zvigoita here izvozvo kuti mukadzi wamukoma oteñgerwa mota namukoma Ini yake hanzvadzi buda ndibuwo ndisina,ndakawona zvisiñgaiti kana kapiece, Ndaiti ndikatarisa hupfumi hwamukoma wàngu,ndombohu imaginer huri hwangu ndaiwona ndaita kugarika chaiko,ndainyatsoona homwe yangu ichigara yakazara chaiko,saka ndakafunga zano rekuti ndoidyawo seyi mari iyi.... END OF CHAPTER EIGHT