VIMBAI Ndakatofara ndichinzwa tete vachiti ndivo vaive vafonera madzibaba kuti vauye,nekuti zvinhu zvacho zvaive zvotondiremerawo Ini kutadza kuziva kuti chiii chaicho chikutora nzimbo,apedza kunamata ,akabva atanga kundibvunza mibvunzo, "eeh madzímai ndaona kwamaigara hama dzenyu dzose dzakaparara?" ''hongu munhu waMwari", "ende kuparara kwavakaita vamwe vacho avana kuparara nenzira yakanaka", ndikati hongu, "chimwe futi chinhu kumba kwamaigara maive vanhu vanowerengwa murayini asi pakatanga kushaika kwemhuri yenyu makatanga kutambura zvinotyisa,zvakashamisa mudunhu rose,", ndakatoti hongu ndichifara ndanyatsoona kuti madzibaba vanoona ava, "chekupedzisira mhai ,chakazoita kuti mubve pamba penyu inyaya yekuti maive makuona nekunzwa zvisionekwi masikati machena chaiwo,ndozvirikuitika futi pano",ndakagutsirira musoro nekuti zvekumusha chaizvo apana andaive ndaudza,saka ndakatoona madzibaba ava variivo vaitozondinunura muhupenyu hwangu, "chinzwayi madzímai zvandaratidzwa pamuri,ndaratidzwa murimi honzeri yezvose zvirikuitika muhupenyu hwenyu," ."muchireveyi nhai madzibaba nyatsotsanangurayi tinzwisise" nditete vakadaro, "muzukuru wényu madzimai anorema zvinotoda munhu akashinga pàkunamata, ndaratidzwa inini kuti akatémerwa nyora kumusana kwake natete wamai wake,nyora idzi ndodzakaita kuti ave nejambwa muhupenyu hwake,nemunyama wekuti chose chaabata chinoparara nyangwe nevakamukomberedza vanopera vese kuparara,akatémerwa nyora dzekunzi haambofa akaita chinhu muhupenyu,nekuda kwekuti mai vake vaive vatuka tete vavo ndosaka tete vavo vakavaendera pasi pemvura chaipo,saka vakaroverera mhiko dzakaipa pamwana wawo," "No you are lying", ndakascreamer ndichidaro,ndakanzwa hasha nababa ava,ndakashaya kuti ndoitaseyiko,zvinoitawo here kungonzi ndirimuurayi,ndini ndakauraya baba namai nagogo vangu,ndini ndirikukonzeresa kutambura,chirudzii, reason yavo ndakaona isirisvinu Ini, "ayika musaite hasha mainini,totobvunza munhu waMwari kuti toitaseyi nyora dzibve idzo,maiñini waite zvakanaka", "ini andisikumbobvumirana nazvo zvese izvi amai,nekuti azvisi kumaker sence at all" iboy friend yaRue yakadairirawo nepaside, "exactly my point Chris,thank you", ndakadaro ndichetarisa tete kuti vandibelieve, "ruregerero baba vangu zviya murichii chamadzimai vatanga tichinamatira?", Ndimadzibaba vaya vàkabvunza, "nd...ndiri parizvino apasati pavanehukama husvinu but in future ndinénge ndirimwana,plus I will be doctor soon ndamutarisa andina kumboona problem paarí apa", "manje izvi ndosàka kazhinji tichida wehukama badzi, zvinoda wehukama vanoziva madzimai ava nekuti tikazokubvunzayi mibvunzo munozotadza kupindura", ndaive ndonzwa simba rangu kupera manje nezvaive zvoitika apa, "excuse me" akadaro Chris uya achitosimuka nekubuda kuenda,Rue akangodeedzera, "mom we are going to talk about this later" achitotevera mukomana wake, madzibaba vaya vakatanga kurira nendimi ,dzaisanzwisisika chaiko, ndokuzoti, "madzimai Jehovah ati ndikusununguréyi pamakasungwa apa,ndaona matozoita zvakanaka chaizvo,mhinduro irikwamuri murikuda here kubatsirwa", vakadaro madzibaba vaya,ndakatarisa tete vakabva vanditarisawo,ndakavhara maziso angu kurikuzama kufunga kuti ndodii,ichokwadi here chirikutaurwa apa íchí,ndakàona chichigona kuita chokwadi nekuti hama dzangu dzese dzapera kufa ndini ndega ñdararama,nhamo yakandisvuura kumusha,ndokutanga kuona nekurota zvinhu,nekunowo futi ndirikuona zvinhu masikati machena chaiwo, maybe ndakaiswa nyora zveshuwa,saka dzikabviswa nyora dzacho zvinhu zvinogona kundinakira muhupenyu, "okay,ndoitaseyi kuti dzibve nyora dzacho" ndakazodaro pekupedzisira,vakazosiya vati ivo vachandigadzirira muteuro wekuti zvinhu zvakaiswa pandiri zvishaiwe simba,ndokubva vaenda madzibaba vaya,ndakasara ndichinzwa kufizuka chaiko,kunyanya pandakazopiwa muteuro uya natete,ndikaugeza ndakasara ndichinzwa kunge nyamà yangu isiri yangu kuñge ndapondwapondwa,ndainzwa kurema pandiri,ndikangoti pamwe ndokushanda kwemutéuro wacho,ndakaugeza mazuva matatu sezvaíve zvataura tete kuti madzibaba adaro,ndinechivimbo chekuti hupenyu hwakuzondiirira manje kuchema kwangu kwaive kwanyanyawo, Rimwe zuva ndakapindà muroom maRue ndíchida kukúmbira brash re bvudzi ndakabva ndawana asimo ndakatora brasho riya padressing table yake ndokubuda,ndakabva ndasanganidzana naye padoor, "what were you doing in my room?", akabvunza akaita kushatisa chiso, "Ndanga ndauya kuzokumbira brasho ndikawana usimo", "so who gave you the right to just take my things", akadaro achisimudza ruoko rwangu rwanga rwakabata brasho "Andina kumbofungira kuti ungàite problem nazvo mwanangu", "maybe it's in your nature to be where you are unwanted and cause havoc everywhere you go", "watii?", "You heard me maiñini, I thought you were good person but I was wrong, how could you plan to take my boyfriend from me huh,you are an evil person and heartless,you are a bad omen in our lives,I hope you won't kill us too like you did your own family", ndakanzwa zigodo reshungu rakandigara pahuro chaipo, Runyararo ndiye munhu wandaitemba naye pàzvese kuti ayizomira neni musi wandogumirwa néhupényu,zviño nezvaive zvobuda mukanwa make ndakashàyiwa shumo yazvo Ini kuti ko zvaitaseyiko futi, "ndepapi pandazama kutora boyfriend yako nhayí Rue,unondiona semunhu asina kukwana kasi, and about all these things you are saying where are you getting them from,I thought you and I are best friends?", "I'm done talking to you,stay away from what's mine if you know what's best for you,usadzose hako brasho rawatora I might as well catch your curse," ndokubva andipushira kuside achipinda muroom make,ndakashaya kuti ndoitawo sey , clearly ayíve atondimaka memaminutes mashomanana iwaya,tetewo ndizvozvo vaive vakutonditukira kuti ndirikuda kutora boyfriend yemwana wawo hanzi ndozvakataurà madzibaba,pamba apa paiwe potopisa kugarapo,kungobudikira kwangu anenge achiseka ayibva atosunga face,anenge achitàura ayibva atonyarara, Ndaive ndakutoità seshumbà pamushà pababa wàngu,kuti ndibve zvaisatoita nekúti pàmusha pababa wàngu énde ndini ndine kodzéro yekugàrapo yakawanda kupfuura iwo, instead yekuti hupenyu hwangu huite zvirinani waitoita worst zvakandipa kufunga kuti murume uya ayinzi munhu wamwari natete ndakatoona zvimutewuro zvake zvisingamboshànde ini, ndakatonyatso believisa kuti Mwari wacho ahako ini, nekuti munhu ayinzi munhu wamwari wacho andina kuona humwari hwaçho maari ini, kureva kuti akutorina na Mwari wacho ndewezita badzi,ndakazonzi natete rimwe zuva, "eeh mainini murikutongoonawo mega muti pano mufaro apachina nekuda kwenyu", "ndirikukunzwayi tete asi Ini andichatombozivi kuti ndodii kuti muone kuti andisirini ndirikukonzeresa zvinhu izvi,andisikutombozivawo kuti chii chirikuitika", "you are the cause of everything that is happening here,even my boyfriend doesn't come here anymore because of you", akadaro Rue achimonyonora hake muromo ende mazuvaiwayo ayíve atone kaharbit kaive kakundibhohwa,ayíve àkuita zvinhu zvake achindísvotesa nekuvhaira, "saka Ini ndanga ndafunga kuti mufambe fambe zvenyu nékuti ndichirikuda kurarama ini ndichiine vana vadiki", " munedi here nhayí téte, mofúnga kuti Ini ndatove muroyi avakutodya vanhu masika machena chaiwo?" " saka tofunga zvipiko nhayí muzukuru,ndakutokutyàwo Ini", Ndakabaiwa panyama nhete chaiyo nemashoko avo, " amungambondidzingika pamushà pababa wàngu, mese mozviziva kuti imba yino ndeyababa vangu,kana mati ndinemunyama motosuduruka murimi mondisiya pano, i'm sure I can survive alone again", tete vakabva varova chikwee chakandivhundutsa zvisingaiti, vakabva vati wait and see, ndokuenda muroom màvo ndokudzoka, vakasvikondikandira mapaper..... END OF CHAPTER TEN