VIMBAI Ndakavhura maziso ndokuona ndakaungañirwa nevanhu,ndakavaongoróra ndopandakaràngari zvaive zvaitika, 'oh shit basa razondiperera manje', ndakatófunga ndichidaro ndichidzora maziso kuti ndisarambe ndichitarisa wànhu, "aàh amuka, wakunzwa seyi pane parikukurwadza here", akadàro ndimaiguru wamai Stole, "Ndiriñani mam", ndakadàro ndiçhimuka ndokugàra, "madam I'm sórry for embarassing you like this, it wasn't my intention please forgive me", ndakadaro kunamai Stole misodzi yotopisa mumaziso, "usazvinetsa naizvozvo Vee,ko wafendeswa neyi,kasi hauna kudya here kana kuti basa ririkukuwandirà", vakabvunza Mai Stole vaya, "Kwete ndiríbhoo Ini,kungoti pandabàtwa namai mufundisi ñdangotanga kuona rima,nekupera simba ndizvo çhete", "ndirikukuona hangu kuti nemaziso enyama uri right asi pamweya ndirikuona une zvirikukutambudza", vakàdaro Mai mufundisi vaya,"kwete andína chirikunditambudza Ini,ndinyatsori right", "andíkukufosa kuti utaure,asi kuti uzive kuti hapana problem iri permanenty muhupenyu hwemúnhú", vakazodarozve,ndakaramba ndakanyarara,ndoshaya kuti ndovapindura ñdichiti kudii, Apana problem iripermanenty seyi,iwo añgu maproblems ndakabva nawo kúre eñde ahasi kupera wani?, vakazoti ngatinamateyi,ndakañgonamatawo nawo zvekuwañyara bàdzi,nekunamata kwaçho ñdaimboziva kuti kúnobvepi kuchieñdépi here ndakazoñgótíwo améñ pavakàtiwo amen, "Mai Stole ñdimi múnhu mukuru munemwana uyu, muuye naye kúçhurçh everytime pamunouya zvimwe angasunungúrwe paakasungwa apo,ndatotaura pachikuruso", ndimaí múfundísi vakadaro ndokuoneka,ndakachisara zviño ndachitarisana namai Stole,hana iri mumaoko chaimo, "nhayí Vimbai,ndoda kuti undiudze chokwadi,unombobva kupi vabereki vako varipi?", Vakabvunza vasina kana kuzengurira,Mai Stole vaive vasina mangwana kana nguva yekunyenyeredza munhu vaingoti ga kamwe chete panenyaya yavo chaipo chaipo, "ndinobva kuMacheke,vabereki vangu vakashaika ndikarerwa nagogo vakazoshaikawo futi gore rapera iro ndipo pandakauya kuno kunatete ndo..ndo...ndopandakabirwa address nezvose zvandaive nazvo", "ukutaura serious kuti wakabirwa zvinhu?", ndakagutsirira musoro nhema dzimwe dzaramba kubuda mukanwa, "sorry hako nekurafikirwa nevabereki uchirimwana mudiki,àsi wototenda Mwari kuti gogo wakararama wakakurera kusvika wakura kudaí", Ndakangogutsirirawo musoro kutí zvindibvewo,ndaive ndatomirira kunzi peka mabag ako ufambe fambe wandinyadzisa fani pamberi pemamwe madzimai ekuchurch,asi ndakazonzwa woti, "tora munin'inra wako Evelyn uyu umugezese kusati kwatanga kutonhora,dai ndamugezesa ndirini manje mazuvano akandimaka uyu akutoda iwewe steki kupfuura Ini,rega ndichifanobika",vakatodaro vachisekà havo,ndoyaitove first time yavo kuitawo majokes neni nekúsekawo,ndakangoita zvandatumwa chinyararire,asi ndichifara kuti andisati ndadzingwa yet,dzichati dzosimuka hadzo mhepo dzekwangu,ndichapabva ndakumhanya pano,asi amai Stole vakatanga kuchinja zvakandishamisa vaive vakuitawo kattention neniwo semunhu wo,kana marough, nema insulting words ekutuka nekwandakabva vaive vasasazviiti, Ndakatoshaya kuti chii chaicho kasi varikundigaira hora chinyararire here, nhawu yaive yonditemesa musoro inhau yekuenda kuchurch,kuno dii kuchurch,chii chinonzi church?,zvese izvi zvaimhanya mubrain dzangu musiwe surtuday tichiti mangwana ndokuchurch,ndonamata kunani,ndichiti kudii,achindinzwa here,anozondinzwa seyi nhasi asi asina kundinzwa ne kundinzwira tsitsi paakatora vabereki vangu vose ndokundisiya ndirinherera, Ndaisatomboda kuenda ini asi pandakazoona Mai Stole vatonditengera hembe ndopandakaziva kuti pangu pandiperera,ndakamuka mangwana acho ndinyepedzera kunge ndikurwara nemusoro,kwakubva vandipa mapiritsi vachiti "Musoro awusikuzotitadzisa kuenda kuchurch", "but andimbozvizivi zvinoitwa nekudiwa kuchurch kwenyu Ini", "kurikungodiwa iwewe badzi apana chimwe,ukuda kuti ndizonoti kudii kunamai mufundisi vakandiona ndauya ndega,", ndakazongoti okay kwacho toenda hedu,ndisati ndabuda ndakangonamata kunaiye anodavira minamato yavamwe iyeye kuti nhasi ambonzwawo wàngu,kuti midzimu yemashayi ehurombe ekwangu ambondisiyawo kwanhasi badzi, Takasvika pachurch pacho,yaive big building nepost panze rakanyorwa kunzi Methodist church,paive pakaparker mota dzakawanda kuiteyi,vanhu vacho vaivepo,ayiwa unopakutenda,ndaítonzwa kuzvinyarirwa chaiko, luck Mai Stole vaive vanditsvagira dress rakati rebeyi rakanaka futi netuma pumps,ndaive ndasimbirirawo nekuda kwekudya zvisvinu ndichiguta,asi kungoti zvinozowandira brain ndozvinozotora muwiri futi,neganda raive rowonekerawo sezvo ndaizora mafuta arinani,asi ndaisatombonzwa kukwana still pàkati pevanhu ava ndaitonzwa ndiri out sider chaiye,ende nenyaya yekuti paive pasina kana mumwe wandaiziva yaive imwe nyaya iyoyo, Ndakazopedzisira ndangotiwo ameno ikoko chaúya chauyà,Ndakabva ndati kunamai Stole ndípey mwana ndibaté,ndaitovhara hangú attention yévanhu vazhinji nekuva busy kutamba nemwana hangú,church yakazotanga ndokupindawo mukati maipinda wamwe ndokugarawo pama chair ayigara vamwe,vanhu sandi kutanditarisa ikoko ndaibva ndatotarisa kusíde hangú,church yakazoendeka hayo vanoimba vachiimba ,dzimwe nziyo ndaidzizivira kuchikoro,vanoparidza vachiparidza,kana nechimwe chandakabata panezvaiparidzwa andinà,ndakazongobatawo pekupédzisira painzi, "....kuva nekutenda kuti Mwari ariko,kutenda kwemunhu kuripayi,munozviziva hére kuti ariko Mwari kudenga ànoona zvose pamwe nekunzwa", ndimufundisi ayinzi ashanya ayitauri izvi,ndakabva ndaridza tsamwa, "ko kunyepera vanhu ndokuneyi", ndakazévezera pasipasi hangú ndichidaro, "what did you say", ndakanzwa mumwe musikana ayíve akagara paside pangu akudaro achindibvunza,I'm sure ayíve anzwa zvandaive ndataura,Andina kumbofúngira kuti attention yake irikwandiri, ndakangozunguza musoro ndokutarisa kunze kwewindow,church yakazopera hayo,vanhu vakatanga kumhóresana vanoenda vachienda,ndakabva ndananga streight kumota yataive tauya nayo chaiko,ndokuizembéra ndakamírira maboss angu, Musikana uya ndakazomuona owuya namai Stole akatobata Évelyn, "so ndiwe ukuchengeta mainini vangu ava vachiita kusimba kudayi," akatanga nekudaro,ndakamumhoresa ,ndopandakazonzwa kuti mwana wemuroora wamai Stole wekuuya svondo rakapera uya,"wakatanga riinhi kuenda kuchurch?", Akabvunza futi,"nhasi", "ndazviona mhani", "kuoneyi?", "apana,here take this ukawàna time uverenge", kaive kabible kadiki, tuma bible tuya tunopiwa bana kuchikoro tuya, "Waita hako,àsi apa ukutozvinetsa hako nekuti kuverenga andigoni", ndakanyeba ndichidaro,anoti ndoriitiséy bhaibheri,rakabvepi,rakanyorwa nani?,apana anoziva, "unonopisa hako kana usingagone kuwerénga",ndakazongotambirirawo kunyàra chaiko,ndakazoona Mai mufundisi wouya pandiri vachití usarara usina kunamata, ndokubva vatoenda íni eéh,kwakanaka here nhasi kondoitirwa minana yese iyi,vamwe vondipa bhaibheri vamwe voti namata,ndakangoti ehoyí,takazoenda kumba, Basa zhinji taive tasíya tayita,vaive vasina mushandi webàsa rémumba saka waizviitíra ini rangu raive remwana asi nekuda kwekuti ndaitotsvagawo pekuti pamba ndaitongoita basa semaitiro andingaitawo mumba medu, ivo vaizongoitawo panenge pasaririrawo kana wadzoka kubasa,tapedza kúdyà ndàkasuka maplates nekuñorara nekúti ndaive ndaneta ivo vakàsàrà zvavo nemurume wawo vachitandàra, mwana ayíve arara kàre,vakabva vandireminder kuti zvanzi ndinamàte ndakurara, Ndakapinda muroom mandairàra ndokutura befu ndàkagara pamubhédha,ndakàtogaya hangú kuti at least nhasi zvékwangu azvina kundivhiringawoba,zvangá zvoda time yandaridza tsamwa iya dai ndanzwikwa namufundisi wacho wanga wachiparidza paizosimúdzikà hondo chaiyo,ndakatanga kuchigaya manje kuti ndanzi ndinamàte okay,asi ndotangira papi manje,ndónamata ndichiti kudíi kunani?, Ndakabva ndatora kabhaibherí kaya,hopiñg kuti ndowana chinondibatsira imomo,ndakatangira kuverenga kwakatañgira chaiko,pafirst page,kwakuwerenga zvaivepo,ndakazosangana néimwe page yaive nelist yezvaunenge uchida,like encouragement, confused,faith, prayerful,paive nezvakawanda ndakabva ndachooser zveprayer ko hañditi ndaída kunamata here, END OF CHAPTER FIFTEEN