VIMBAI Ndakasvika pagate randaive ndarairwa naGarikai,paive nedistance hombe chaiyo nekwandaive ndabva ,ndakafamba netsoka hangu,sezvo ndaive ndakajaira hangu kufamba andina kumbonyanya kurwadzi stereki,ndakanoka pagate paya ndokuvhurwa namurume ayivapo I'm sure vanhu vese vekunoku vanemagate man chete, "makadii mukoma,ndirikukumbirawo kubvunza kuti mai Stole varipo here", akangogutsirira musoro, achivhura gedhi,ndakapinda mukati, ndopandakabvuma ndega kuti kune vanhu wanezvínhu zvawo weduwe,akapinda mumba ndokudzoka, "varikuuya", akadaro ndokubva atondipfuura, ndakabva ndatoona ndega kuti ahasikutomboda kundiona kana zvake,ndakasara ndakamira pakati peyard paye,ndaive ndakutoti apana arikubuda ndopakazobuda mumwe mukadzi so,ndakamumhoresa paya ndokudaira hake low low, "ndarairwawo pano namukoma Garikai kana muchivaziva,vati murikutsvaga munhu anokusarirayi nemwana?", "saka?", aish nemhinduro yavo aitove ma1 chaivo, "kana manga musati mamuwana ndanga ndichirida hangu Ini basa racho", vakatanga vaseka ndokuzoti, "iwewe,ndiwe ukuda basa,nezvauri izvozvi uchitadza kuzvibata zvakanaka unozogona here kubata mwana wangu zvakanaka?", "ndozama madam,kungoti muchindiona ndakadai ndakabva kumushà ndichiuya kuholiday ende yaive first time yangu kuuya kuno ndakabva ndabirwa zvinhu zvandaiwe nazvo zvese kusara ndisina kana chii zvacho,zvese ne adress yekwandaiyenda,saka ndikutotsvagawo mari yekuti ndigowana kudzokera kumusha",ndakatonyepa ndichidaro, "saka ndikakupa mari yacho unodzokera here", "ayiwa mam,ndikadzokera futi ndisina chandiinacho azvishande,ndirikuda nemari yekunyorera form four masubject andakafoira ndosaka ndirikuda riribasa,ndokumbirawo please", zvaive zvichataurika here kuti ndadzingwa kumba natete nekuda kwekuti ndine jambwa neminyama zvandisingazivi kwazvakabva, "unozogona kunyatsobatisisa mwana wangu zvakanaka here nekuti achiri mucheche", "ehe mam ndinokuvimbisayi", "okay fine pinda,ndazongokupa basa iri nekuti andina option otherwise dai watofamba famba kare nekuti andikutembe", ndakaita kunge ndichabata denga nemashoko aya,maybe I'm not that bad luck after all,ndakàpinda mumba muyà,kana ñdaiti kwababa wàngu kwakanaka,ndakatozvionera kuti kunosàra pasi shuwa,múmba maive smart imomo kuzoti kunaka zvekushongedzwa atichataura,ndakàngoti maziso wona asi muromo nyararà, Ndakaudzwa kuti wanoenda kubasa Monday to Friday, vachidzoka na4 pm,ndinurse,ende mwàna wawo ayívene five months pakuzvarwa badzi,saka ayisaita kuisa kudaycare,ayimbosevenza ipapo ayivé akaroorwa,ndakazopiwa room yangu nekuudzwa zvimwe zvese zvandaifanirwa kuziva,murume wawo ayíve kutrip nebasa,vakazondiudza mari yandaizohora,ndàkangobvimirana nayo,chikuru chandàida panguva iyoyo ndepekugara badzi, Kamwana kavo kaive kamusikana kainzi Evelyn kakanaka kuiteyi,mazuva ekutanga ayíve akaoma kwete zvekutamba, ñdaiti zvimwe ndasudúruka kumba kwatete nhamo yangu yapera asi yaitoyenderara mberi semupendero wehembe,zvekuti ndakapotsa padikidiki ndakuwadza mwana wewaridzi mumwe musi,zvakaitika ndezvekuti ndaive nditori upstairs ndokubva ndadzika masteps ndichikasika nekuti poto yemuriwo yandaive ndaisa pamoto yaive yodakupera mvura,saka ndakapfuura nemuliving room,apa ndaive ndakabata mwana mumaoko, Ndabva ndahakwa hembe yangu nekona yecoffee table,yaive yeglass table yacho saka corner yacho yaive a bit sharp,ndakabva ndashaya balance nekuti ndaifamba nekukasika,ende ndaive ndakavarairwa saka ndakanokanganwa kuti ndakabata mwana ndakamuregedzera achinowira uko Ini ndichinorowera nemusana patable,ayina kuzotsemuka hayo,asi zvinhu zvacho zvaive zvoda kuti ndidzingwe basa chaiko,luck mwana akañodonhera pasofa,kaitoseka hako,ndakangoti vana so,ko dai akazvikodonhera pari pafloor chaipo,kobva kati zii kakadaro ndaizoti kudii chàiko, Ndichakavarairwa kudaro ndakanzwa imba yavharira nekunhuwa kwekuda kwechinhu chatsva,ndakabva ndaziva kuti ipoto badzi, suddenly main door rakabvà ravhurwa wo,ñdokupinda Mai Stole nemurume wawo,Mai Stole vakangopinda nekunanga kukitchen,ndakasimuka ndichiteverawo mumashure mawo, "Wakagara zvako mumba imomi uchisiyá poto ichitsva kunoku wakakwana here íwewe ,wauyisireye muriwo waçho kanà wanga usingàde zvekubika,unofunga kutí ndinokunyengerera here hée,manje ndikubàtira pasalary yako muriwo wàngu wawapisa,urikumbozíva mazuvano kuti zvinhu zvirikudhura here iwe zungairwa remunhu", Vakapopota kani musi iwoyo,kutsva kwepoto kwaitove nani panekudonha kwemwana zvekuti dai vakazviziva vakandiisa mbama chaiyo,saka pain yekutukirwa muriwo ayina kumbonyànya kundirwadza stereki,saka kubva musi iwoyo némwana wavo ndaive ndava careful chaiko,ndaitoti kana ndinaye ndainyatsokuisa pfungwa dzangu pamwe çhete kuti ndisakuvadze mwana wewanhu asina chaanoziva nekuda kwemacurses angu, Mwedzi yakafamba hayo asika mapoto ahana kuregà kupiswa nemaplates avo ayíve aperà nekupwanyika,zvaive zvakandiomera kani ndaizongonzwa nekutukwa badzi nekuti mai yaitaura hayo iyoyo, munhu ayigona kuvanyararidza kana votaura murumé wavo badzi,Ini wacho ndaizozvinyanyawo weduwe,ndaitosvika mukuchema chaiko kuti zviño ndichasvikepí ndichidayi,ndiriwekungovengwa badzi,nekuti kana mari chaiyo ndaisaibata mumawoko añgu umu,nekuti yaigona kutongotsakatika ndotadza kuziva kuti yafamba séyi,izvi zvakatanga musi wandakapihwa first pay yangu, Ndakati ndimbopíndawo mutown mangwana acho ndinotsvagawo tuhembe sezvo ndaive ndisina ndakatozopihwa dzimwe namai Stole vachiti dzakasiiwa nevazukuru vavo vauya kuweekend,ndakati ndichifamba mu side menzira ndichida kumisa kombi pakañgosvíkwa mumwe murume,kwakundimhoresa paya akàtànga kundibvunza tunyaya tusina nemusoro,ndakabva ndavarairwa neniwo ndakazoyereka ndaiswa banga padumbu nemurume uya,ndakatadza kutaura kana izwi rimwe chete zvaro,akangotora kabag kandaive nako chinyararire,neniwo ñdakabva ndakasika kukaregedzéra kunge karikúpisa,akabva atosuduruka pandakazopepuka mushock nekuzoscreamer munhu wacho ayíve ato disapear kunge anga asitoripo, Ndakaperwa kani,ndokutodzokera kumba ndísina chiñhu,mangwana acho ndakatora yaive yasara ndokuenda pasupermaket yaive padhuze,kunotenga matoiletris nemafuta ekuzora,ndava patiri kunoburitsa mari muhomwe kudai,mari ikati wàkàndiisepi,ndakaita kunge benzi ndirimushop imomo ndíchitsvaga mari,asi kwaitongova kudzingirirana nemhepo bàdzi,ndàkabva ndatosiya troller yacho ndokudzokerà futi kumba ndisina chinhu,ndakatogozviona kuti anditombofanirwi kubata mari,kana kunotenga zvinenge zvichidiwa pastoro padhuze kwaitoenda garden boy Mike,ndotomunyepera kuti zvanzi naboss enda iwewe,aizoenda hake asi akagumbuka ini ndosara pagate, Saka ndakatozoti Mai Stole vasandipe mari yangu kana mwedzi wapera asi kuti vaichengete ivo vozondipa musi wandoenda,ndaitongotaimira pawanenge wachifara ndongowati pamari yangu iya mundivigirewo izvi,ndowapa list rezvinhu zvandinenge ndichida END OF CHAPTER THIRTEEN