"Andisikuzobva pano kana ndisina kutaura nevanhu vepano full stop", Ndakadaro ndichitogara pasi, "But madam avasati vadzoka kubasa chimhandara wozodzoka mangwana wanengé wari off",akazodaro murume uya atoona kuti andisikuita zvekutamba naye, "okay ndovamirira pano saka, kusvika wadzoka", nzara ndoyaive yavakundibvunza mutupo manje,ndakagara pagate paya,ndaive ndisina kumbodya kana chii nekuti ndaitotya kuti ndikatenga chinhu màri yaizondiperera,at least ndaive ndasvika zvangu pasina dambudziko,ndakagara paya kubva kunenge kuma 4, kwakatanga kusviba mbijana mbijana dzamara kwanyatsoita rima ndakangogara paya,vaitopfuura neraod vaitoita kunditarisa kunge ndiribenzi,ndakatombofunga kuti zvimwe ndatambwa yakapenga nababa ava,vanenge ndivo vevamwe vàrikuroja pamba apa badzi,manje kana wafurirana nevamwe vavo kuti vasambobuda kanà kupinda pamba vairasa andisikuzobva pano, vakàjaidzwa shuwa vangagare pamba pababa wàngu màhara Ini ndichitambura ndirikumusha,zviriranani ndigarepo hangu,ndotsvaga basa rekuita kuti ndirarame I'm sure kuti kuno akuzonyanyoome sekumushà pamabasa, kana remumba chàiro rinoita,ñdavakuda kugogodza pàghedhi paya,Ndakabva ndavhenekwa nema lights emota ayibva nechekuside kuright pamba apa paive padhuze netara,añde kumhiri kwetara kwaivawo neimwe misha futi,maiita kunge mulocation,but a busy one, móta iyà yakakona ichiuya kwandaiva, Ndakabva ndavhara kumeso kuti ndisatochwe nemalights emota,yakasvikomira pandaiva ndokubva yaridza huta katatu,ndakaona door rekwadriver rovhurwa,ndokubuda mumwe mukadzi, "hey what are you doing at my gate huh,did you loose something here,pengera kwawakaroiwa ukunzwa izvezvi suduruka hako ipapo ndisati ndafonera mapurisa,ndimi vanhu vanoda kuzotibira imi", akandi popotera mukadzi uya,nekuda kwekuti ayive kuside kunerima andina kukwanisa kuona chiso chake,but nekuda kwematauriro ake ndakabva ndaitoziva kuti vaneñge ndivo vanga vachinzi madam nemurume uya, "makadíi zvenyu mhai,ndanga ndakatomirira imimi", "andisikutsvaga musikana webasa Ini,nyangwe nesadza raunobika andidyi netsvina dzako idzodzo," "imi mai imi mukutondishainira muchigara pamba pababa vangu futi,makutozviita boss,apa muchigara mahara pamba pababa wàngu huh,itayi mushe mhani,manje andisikuzobva pano kana muchida shedzayi mapurisa acho awuye tione kuti anobva ndiyani imi nemi", Ndakadaro kunamai vaya,ndaive ndarwadziwa zvisingaiti nemashoko awo,kufirwa imbosva here,kutambura imbosva here, ukaona munhu akapfeka mamvemve azvírevi kuti anorwara nepfuñgwaka,ende hupenyu awuna kufanana vamwe vanozvarwa varivapfumi vamwe vanozvarwa varivarombo, Pamwe dayi vabereki wàngu wachiri wapenyu pamwe dayi nditoriwo mupfumi,havaizondisiya ndichitambura,or dai Mwari wariko dayi wakararamisa wabereki wàngu, "watii?" ,akadaro mukadzi uya achiuya kwandaiva,akabva avheñekwa nelight remota,zvekuti ndakakwanisa kuona chiso chake, "tete?" Ndakadaro ndinekushamisika mukatí, "tete,ndimi here ndikuona zvakanaka here", ndakaswedera pavarí,vakabva varamba vakanyarara vachinyatsakundiongorora, "ndini Vimbai tete,", "V..Vimb....Vimbai", vakadaro vanekakushamisika "ehe ndini", Ndakadaro ndichinowambundira, "oh my niece,I'm so happy to see you,ko wauya sei kuno" vakadaro tete vaya,vachigogodza ghedhi zvinesimba, "tete dayi murikumbozíva zvirikuitika muhupenyu hwanguka zvinotopisa tsitsi", "Iwe garikay,vhura gate mhani", vakashevedzéra tete vaya,pasina two minutes gadhi rakabva ravhurwa, "aaah madam maswerasey ndanga ndichifunga kuti chimhandara íchí ndochikugogodza gedhi ndosaka ndaramba ndakanyarara,", "ko huta yemoya awuna kuinzwa here", akabva aramba akanyarara murume úya,"next time ukadaro futi basa ririkupera'', vakabva vapinza mota yavo mukatí Ini ndokutevera kumashurewo, Semafungiro angu, imba yaive yakanaka hayo iyoyo,pamba pese paive pàkati ngwee malights kuñge masikati chaiwo,asi mupfuñgwa dzangu maive nemubvunzo mizhinji,tete vavakugara pano but how,ko indawa waive vakati zii zii isu tichitambura,yese yaive mibvunzo isina mhínduro,takazopinda mumba takadungamidzana natete waya,the house was so big yaive flat hayo but yaive yakakura zvisingaiti,kuñge mansion,ndakanyatsoona ziya rababa vangu apa,ndosaka watífasa kuti handeyi kudhorobha nekuti waive neziku surprise rataisatarisira, Dai gogo waiva wapenyu I'm sure vaizopembera naivowo vachiona kushañda kwemwana wavo,iro sofa raive mumba macho zíku tv ,apana chaisawamo waitongoona wega kuti wapindi muchírungu chega chega,takazotaura natete vaya after wabika a heavy supper, nekuda kwenzàra yandaive nayo ndakadya kusvika ndakunzwa kuti dumbu arichakwane muhembe ende chainaka kuiteyi chikafu chacho,tete vakangoruma ruma ndokubva vatosiya ndikangoti vazvijaíra zvezvirungu izvi regayi isu zvedu wenhàmo tidye, "saka tete muripunyu henyu nguva yese iyi, isu tichifungidzira kuti makafa, munedi shuwa kusiya matinyeberà kúti muchadzoka?", "zvakaoma kani muzukuru,zvakaitika sandizvo zvandaifungira kuti zvíchaitika muzukuru, hupenyu hwakaoma kani,ndakabva kunhamo dzehanzvadzi yangú paya,ndakasvika bamukuru wako wabvà pamba waenda nemumwe mukadzi,vana vasara vega, gare gare pakasvika wanhu wavaikwereta mari vakabva vatítorera imba yataigara, vakatisiya tísina chinhu asi hembe dzaive pamuvíri badzi,ndakarwadzíwa zvekuti nyangwe mota yandakàuya nayo iyà vakaitora futi,ndakapererwa nezvokuita saka ndakatongoti zvírínani ndigara pano pamba pehanzvadzí yangu thàn kuísa maroja isu tísina pekugara,zvinhu zvakambondiomera zvekuti taitoshaya kanà neyesàlt chàiyo,taitoràramà nemaroja matatu ayigàrà kumàcóttages kuseri uko,kànà ñepfungwa dzangu dzakatombosanganà,ndikatomborwara,ndikawoñda chàiko zvekusvika pàkutaker hembe ñetsono,ndakazoita nani patowà pàya,ñenhàmbà yàgogo yaive yatórasika pakarasika phoni yangu,ndakatoshaya kuti ndokubatai seyi ndikuudzeyi kuti ndosituation yavapo,ndakasosangana neshamwari yangu yekumusha kutown ndiye akazondiudza kuti makatama ameno kwamavakugara,ndakabva ndaperwawo Ini zvakaoma kani muzukuru, variseyiko amai?", Vakatsanangura tete nyaya yavo,ndakatowarwadzirwa kuti ndizvo zvavakapindanawo nazvo nhayí izvi,zvairwadza shuwa, "gogo vakashaika tete" ndakangoibvarurawo yakadaro kuti ndirambe ndakanyarara zvaisaita futi, "aah iwe ukuti kudiiko iwe", vakadaro tete zvekushamisika zviye,"ehe avasisiko vakatisiya mwedzi yapfuura iyo", vakabva vatowira pasi nekuda kweshock,nekutotanga kuridza zimhere,ndakàtanga kuvanyararidza paya ndakutochemawo,ko netime yekuvachema ndaive ndamboiwana here nekuda kwekuti ndaitova nekumbudzika mupfuñgwa kuti "zviño zvandasara ndega ndichadii panyika pano pakaoma kudaí,ndoinonzi kura uwone chaiyo,yandaive ndotarisana nayo", Ndakatobhohwekana nemuñhu akanyepera tete kuti takatama zvimwe dayi vakachemawo mayi wavo kana kuwarapisa zvimwe dayi vari vapenyu izvozvi,hupenyuwo futi,vakazondibvunza kuti ndaiwe ndasvika seyi pamba apa,ndakabva ndavaratidza mapaper aya andaive ndawana muhembe dzagogo,vakafara vachiona mapaper aya vàkati ivo avakàtakura musi wawakàbva kumusha ayiwe macoppies chete,vakazosimuka vakanorara,vakandiratidzawo room yandaizorara,yaive yakashongedzwa zvakanaka zvisingaiti ,vakati yaive yemwana wavo asi parizvino àrikuschool trip,ndakangoti néchémumoyo inga zvávo avo,saka vakati ndimbofanoshandisa room iyoyo mangwàna wondigadzirira yangu, Ndakanzwa kufara zvisingaiti Kuti finally zvinhu zvavakuzojeka manje,zvangá zvanyanyawo kundíwandira kani kubva múkuva ne everything kuenda munothing even hama here shuwa,asi parizvino ndikuona zvichizoendeka màñje,tete ndawavana nepamusha pababa wangu ndawápo, I'm sure tete varikutofarawo kúti vakuzogarawo nemuzukuru wavo ariiye ega,ndakanyatsorara pamubhédha ndakanyatsodekara ndichinyatsokuufeeler,hope dzakazondibata ndikanyatsora dzehumambo chaidzo,ndiçhinyatsonzwa kunhúwirira kwemagumbeze, Kondaive ndichazviziva here,magumbeze masvinu ayiwe aperà kutengeswa kuti mari yeschool fees iwanikwe,kana nenoise yaive yoitika kumusha andina kumboinzwa musi uyu kwaive kwakati zii,ndakamukà hangu làte,tete vàíve vatopedza kugàdzirira kuti waende kubasa,nezuro wakati after divorce nemurume wawo,imba yaive yambotorwa nevezvikwereti iya yakazodzoka,vàkaitengesa vakahafurirana mari nepakati nemurume wawo saka wakatora mari iya ndokustàrter business ravo iyézvino vatova necompany yavo,ndakavasaluter nekuda kwékusimba kwavo, Vakasiya vandigadzira kudya nekutí ndikazobatabata ndirini vangatosvika imba yese atove madota,nekuti zvemagetsi ndaisatombozviziva kuti zvinoenda kupi nekupi,zvichiperera papi END OF CHAPTER THREE