TETE Ndakaténderedza maziso nemba yese ndikachishaya chandakauya nacho, zvese ndakazviwana zvirimo, zvimwe ndikazotenga ndava pano, "exectly my point,you came with nothing you will also go with nothing except for these fancy clothes you killed my parents for'', exectly as she said,masuitcases akabuditswa panze ese neaRunyararo,nekanoti ini kese kakabuda, " nhayí muzukuru utori serious kundísiya ndisina pekúgara shuwa,ko vana vangu Larmech na Lloyd varikuboarding ndinovaitasey", ndakatozopedzisira ndadaro ndatoona ariserous nekubuditsa zvinhu panze, "Hamusati matanga,zvinebasa reyi ingawani imi makanditongera nhamo wani, mukandidzínga pamba pevabereki vangu,ndikatetereka nenyika,ndikachengetwa newatorwa imi muchiita sadaka pano nhasi zvavakwa salt zvovava ka,manje nyangwe mukasiririsa andisi kuzodzora tsvimboba pano ndopamurikuzobva", "mira titaurirane kani muzukuru unoziva ndini ndega ndasara pahama dzako,kana wakuda kuroorwa ndini ndichakuroodza", ndakazama kumunyengerera ndatoona kuti ndakaita zvekutamba ndoisiya palace yangu, "vanhu vekwaStole ndodzava hama dzangu vakandichengeta vakandiendesa kuchikoro zvamakakundikana imi,ndivo vamurikuona avo, ayiwa vatove bamkuru vangu imimi ndakatokutsivayi kare panzvimbo penyu patove nemumwe,ndatonavo tete ini Mai Stole variko uko and she's 5 times better than you ókay,I'm done talking it's either mabva pano izvozvi or moenda nemapurisa aya kunopikira mhaka yenyu it's your choice", Ndakatoona kuti paoma paño zvinhu zvaive zvava manyama amire nerongo,ndakanotarisa mota yemapurísa kudayi ndíkatoona ndatova muchizarira chaimo ndichirumwa neinda,zvigoita here kuti inini Rudo chaíye ndiende kujeri,never,ndakazotongotakura mikwende yedu toenda kunze kwegédhi,ndakatoona zvírinani kuenda kumusha kwemurume wàngu kwandakasobva Runyararo achirikuyamwa chaíko,nékuti nyaya dzemumusha ndaisàda kudzinzwa kana kapíece,manje zvandaive ndokuenda ndisina kana chandinacho,nxaa zvonyadzísa mhani, Takahaya mota kuti ititakure,mari yacho yaidiwa ipapo badzi ndíyo yaíve nemuñhu pasi, "I will pay for you as long as you get out of here and never come back or try anything sílly" akatodaro Vimbai achitovhaira hake akabata card randaimboshandisa,Ndakabva ndanzwa kurwadziwa kusvika mumongo chaimo, "How is thé feeling àúnt kut makauràya hama nékudà kwémari,amai mukafuràtira nekudà kwémàrí,imwe hàmà yényú mukàidzinga kuti mugàrike mudye mari,énde makàyíita mari yacho ikaita kufashukíra chaiko nekúda kwemisodzi yevamwe àsi ñhàsí uno amusísina kana cént népékúgara amuchína,murikunzwa seyi,good handiti?", " Farisa hàko ndichàkubàta badzi,ndíríkúkudzókera wànzwà'',ndakàro ndichipinda mumotà , 'évén God is comíng tö gét you,you àre going tó sée fire I swear,goód byée baba nemwana wangú Rúe úwuye kumuçhàto wàngu nàChris usàrega",akàdàro achikisa Chris pamurómo,ndakaoñá Rue achipupa ñehásha, "Mabasa eñyú ese iwaya mama dàyi musiña kudziñga mainini nekukara mari kwenyu dai pasiña zvose izvi,dài pàmwe náChris takatoçhata so", "haa iwe tibvire apa iwe waisaidawo hére mári yàçho'',akabvà atotí zii nekuti ndaive ndàtaúra chókwadi,mari ayiyídawo kwete zvekutambà, tàkafàmbà takañyararidzàñà senge tirikúeñda kurúfu,kumusha kwababà vaRue takasvika húsiku kóndagózíveyi kuti ndirikuenda Kunórasikirwa futi,ndakasvikoudzurudzwa zvekuipa kwangu,nehuroyi hwañgu namàí vacho,nemúkadzi wababa Rue wekutanga ndakawana àrípo,baba Rué vakati varíkuda vàna vavo bàdzi,Ini avaneyi neni ndakawashainira, Vakabva vandítórera mabirthcértificàtes evana vese vakati vachanotora vana vavo kwavari, kana vashaya mari yekuti vaenderere mberi kuzvikoro zvinodhura vanoenda chawanokwanisa kubhadhara,zvirinane vaende kuzvikoro zvisingadhure asi vachigara nevanhu vanehunhu kwete munhu akaita seni ariselfish anongozvifungira bàdzi,ndakavati sarayi imi neniwo andinyengerere vana ndevenyu regayi ndinoita wangu hupenyu andingamboshaye zvekuita never, Harare ndirikutozokudzokera come rain come thunder,zvekuwachiswa nekamwana kadiki ndoxvandaisazotambirazve,manheru iwayo ndakatovati ndakutorova pasi andingambogare pamba parikunhuwa nzara sepano,vakazonditi, "chirarayi mozoenda mangwana kwakachena munopondwa munzira umu,atina moyo yakaoma seyenyu", akadaro mukadzi wacho wekutanga,ndakazorara paya asi ndichidemba chandaive ndambovinga kuno,kuzoshainirwa here,iko kuzondipa mazigumbeze kani,chíkafu ichi kundipa mazikuchikafu kunge ndiri mukwasha wawo,nemavakandiradzika macho maive makanaka zvisingamboiti,ndakatozoona kuti pamba apa paive patowakwa dzimwe dzimba, ndakapedzisira pane kitchen ne2 mabedroom bàdzi, Ndopandakazonzwa kuti baba Rue vakazodzoserwa basa ravo,saka waiwe wachitoshanda,ndosaka paiwonekerawo nhayí pamba pavo,kana naiye mukadzi wawo mukuru wacho kuzondibata zvakanaka kudaro,ndiriini ndaivaradzika mudanga rehuku chaimo,ndopaunoona kuti vamwe vanhu vakapata weduwe,munhu akakubira murume kwemakore ndiye wowobata samai mufundisi kudaro never,ndakazotsvagirwa mota yainondisiya kuharare chaiko ndaive ndafunga kumboita maths ndirimo muguta guru, "mainini mofamba zvakanaka asika musafunga kuti kukugamuchirayi zvakanaka kupusa,asi kuti takakura tichinzi muenzi ahapedzi dura,izvezvi handiti mavakutoenda matoreyi hapana,asi kuti matotisiira makomborero muriimi sezvo moyo wenyu waenda uchifara,arikumusoro kudenga anoona mufunge henyu,nerimwezuva achapiñdura ende achapindura mhinduro inokurwadzai chaiyo,dai maziva matendeuka nguva ichiripo", vakaparidza vakamira padoor,ndakangoridza tsamwa ndichivharira door remota pamberi pavo ,'nxaa rakanyanya kupata shuwa mhani zigadzi iri ndazozvionera regayi murume atorwe hake nesu vaneyese,kutendeuka kutendeúka kudii kwacho',ndakangoti ameno zvenyu hanya nani rega ndifocuse nemission yangu yekamunhu kanoda kuzviita kagamba,takapinda mutown nemota iya,ndikatoti kuna Rue ngatitengese zvinhu zvose zvatisingashandise tiwane mari yekufanorenda karoom one kwemazuva ndichiona kuti totsikisa dzipi, Runyararo ayive aramba kusara kunababa wacho,hanzi handigari...... END OF CHAPTER TWENTY FOUR