Chapter 1 Narrated Nomusa aiva akaroorwa kwa Mhukahuru aiva doctor uye vane vana vaviri mapatya Munashe naTinashe. Vana ava vakavawana mushure mekunge vagara makore akawanda vasingawani vana vakazoita vana vaviri ava vatorasa tariro. Nomusa nhasi haana kuenda kubasa Ari ku kitchen ari kugadzirira vamwene vake Mai Tee chikafu sezvo vangokaruka vasvika nema bag vachibva kumusha vakati havachadi zvekugara kumusha vave kuda kuzogara mudhorobha. Nomusa akapedza kugadzira chikafu chavamwene vake akauya achiisa patafura "Mhamha chikafu chenyu" Nomusa akadaro achinyemwerera akatarisa vamwene vake "Nxaa ndamboti undibikire here ini? Ndine maoko angu ndichazvibikira ndega" mai Tee vakadaro vachitarisa Nomusa neziso raiva rakazara ruvengo "Mhamha shuwa" Nomusa akadaro achigara pasi "Unopenga here? Mai vako vakafanana neni?" Mai Tee vakadaro vachirovanisa maoko vachiseka Nomusa aiva munhu ane moyo mudiki asingatani kuchema misodzi yaiva yoyerera "Mhamha ko neiko muchindivenga kudai?" Nomusa akabvunza ave kuchema "Hausati watanga kuchema iwe. Uchatiudza chokwadi kuti vana mubvandiripo avo ndevani vaunonyebera kuti vana vemwana wangu" Mai Tee vakadaro "Mhamha Saka mukufungira kuti vana ava havasi vepano? Aewa mhamha vana ava ndeva Mhukahuru vazukuru venyu" Nomusa akadaro. Mai Tee pavaiva vakuda kupindura Mhukahuru akapinda aiva akanganwa ma file ake ekubasa sezvo Ari headmaster kune chimwe chikoro. Akashamisika paakapinda achiona mukadzi wake achichema "Haa Nono chii manje? Uri kuchemei babe?" Mhukahuru akabvunza "Anozviitisa uyo hanti ndamubvunza kuti vana vaanonyeba kuti ndevako baba vacho vari kupi? Nekuti iwe wakavharwa nebhachi apo vana havasi vekwa Mhukahuru ava" Mai Tee vakadaro "What? Mhamha musadaro please muri kutuka mukadzi wangu ka kana muchidaro. Saka munoda kuti mukadzi wangu ihure? Imwi mazvitora kupi zvamuri kutaura?" Mhukahuru akabvunza "Usati handina kukuudza Aribheti iwewe kubva uchiri mudiki n'anga dzaitaura kuti hauzvari . Vadzimu vakaramba kuti uite vana" mai Tee vakadaro "Ndizvo zvamavinga here mhamha kuzoputsa musha wangu. Mhukahuru usateerera zviri kutaurwa na mhamha vana vako ava" Nomusa akadaro akuchema agwadama mberi kwa Mhukahuru akabatanidza maoko "Nyarara Nono usachema mhamha vakura ava, zvose zvavari kuita usazviisa mupfungwa dzako. Simuka mudiwa wangu handigari ini ndavinga ma files angu" Mhukahuru vakadaro vachisimudza mukadzi wavo vachimugumbatira vachimukisa pahuma vachidarika vachienda ku study vachinotora zvavaiva vavinga vachibuda vachinopinda mumota vachienda Mhukahuru paakabuda haana kuzoenda kuchikoro nyaya yaiva yataurwa na Mai Tee haina kumufadza chero hazvo asina kuzviratidza mberi kwemukadzi wake asi mumoyo make yakapinda ikawana nzvimbo Akananga straight Kuna doctor achida kunotariswa kuti anozvarwa here or haazvari. Mhukahuru Nomusa asamboedza hake shuwa nemadiro andinomuita aya. Mhukahuru aitaura ega asvika kwa doctor. Doctor uyu aiva doctor we family. Akasvika achiwaridza nyaya yose sezvairi akamuudza kuti anoda kuita ma test. Doctor akashamisika nazvo nekuti iye Nomusa aimuziva Ari munhu anoremekedza murume wake asi hapana zvaaikwanisa kuita nekuti aiva pabasa. Akasimuka akaita zvaaifanirwa kuita pana Mhukahuru apedza akatarisa Mhukahuru "Ma results achabuda after 1 week ndichakufonera kana ava ready sir" doctor akadaro "Doctor ndokumbira kuti nyaya iyi isasvika Kuna Nomusa please " "Ohk sir asi imba ine ma secret haisi right . Imi ndokuzivai kubva kare rudo rwenyu runoyemurwa nemunhu wese why wakuita ma secret?" Doctor akabvunza "Eish doctor haunganzwisisi asi uchanzwisisa rimwe zuva kana zvakuwanavo" Mhukahuru akadaro. Doctor haana kupindura akangosimudza maoko ake. Mhukahuru vakaoneka vachikwazisana vachinopinda mumota yavo vachiimutsa vakananga kuchikoro Ohh God please help me zvinhu zvataurwa na mhamha zvisava zvechokwadi Mhukahuru vaitaura vega. Nyaya iyi yaiva isingachabvi mupfungwa dzavo Kwa Mhukahuru Nomusa akaenda kuna Molly aitarisa vana vake. "Molly Lulue Ari kupi?" Nomusa akabvunza Pamusha apa pane vashandi vaviri. Molly anotarisa vana chete kozoti Lulue ndiye ano cleaner mumba. "Aewa haasati auya" Molly akadaro "Ohk rega ndimufonere" Nomusa akadaro achitendeuka achinotora foni yake mukamuri ravo achibuda achifonera Lulue. Lulue akadaira foni paaiveri painzwikwa pane noise "Dhomorozaaa!! Dhomorozaaa!! Madam" Lulue akadaira achitoimba hake ."dhomorozaaa dhomorozaaa kudiiko iwe Lulue huya kubasa!!" Nomusa akataura nezwi raiva pamsoro "Eish madam ndakapera nedoro ini ndokumbirawo kuuya mangwana, aewa madam ndakadhakwa" Lulue akadaro "Lulue kuswerazuro wanga usina kuuya zve. Nhasi ukangorega kuuya ndokudzinga waakundidherera manje!!" Nomusa akataura nehasha "Eish madam sorry ohk fine chingongitengera six pack hayo. I promise ndichavhukunura chero chii zvacho. Chero pamsoro pemba ndichakwira ndichi cleaner roof mugotorera mapicture naboss" Lulue akadaro achizvikwenya musoro "Mashura. Lulue huya kubasa, ukangorega kuuya nhasi ubve watorega zvamuchose" Nomusa akadaro "Haa madam ndiri kuuya. Zvino ukandidzinga black label yangu ndichaitenga neyi. Haa madam unoona manje asi chitenga ka 6 pack yangu" Lulue akadaro "Nxaa unopenga iwe Lulue huya ndichakutengera" Nomusa akadaro achikata foni 1 hour later Lulue akasvika achiimba dhomorozaaa dhomorozaaa yake. Akawana Nomusa akagara na vamwene vake vachiona TV hapana aitaura neumwe wega waiona kuti zvinhu hazvina kumira mushe "Ahh Lulue watobatsira ukauya ndibikire tea mwanangu zvandichafa nenyota" Mai Tee vakadaro "Ndinosimba makadiiwo vamwene vamadam. Madam muri sei?" Lulue akadaro "Ndiri right Lulue enda unoshanda uko wave kuita madiro iwe pano. Waakushanda pawadira? Hakusi kudherera here ikoko kwa uri kuita?" Nomusa akadaro "Haa waburana na vamwene manje Saka unetuhasha tudiki tunoenzana ne rice." Lulue akadaro achitarisa mai Tee mumaziso "Iwe mwana unodherera stereki handisi wezera rako ini" Mai Tee vakadaro "Ko ini ndamboti kudii. Obvious imwi machembera ini ndiri fresh please musaita noise pano panogara varungu hapadiwi noise. Ko madam vamwene vari kuti vanoda chikafu madii kuvaitira sezvo vari vamwene venyu. Ini ndiri single ka handina vamwene" Lulue akadaro "Ndavaitira Lulue vakati vane maoko ekuzviitira vakatanga kundituka vachiti vana havasi va Mhukahuru" Nomusa akadaro. Lulue akaseka "Ahh saka maoko amanga muchireva ndeapi? Ndeangu here or ndeenyu. Kana maramba chikafu chamadam muchitemba maoko angu aewa ndakunoita basa rangu ini. Kitchen munoiziva madamwene" Lulue akadaro achitora handbag yake "Zvepano kana shuwa. Mhukahuru Ari kuuya achakudzinga iwe mwana. Ndoda kumuudza zvose. Kamba yemunhu" Mai Tee vakadaro "Kamba musoro wako uyu. . Kubva zvandakazvarwa handisati ndamboona chembere ine musoro wakaondoroka kudai. Iyo face sedzetse ratsikwa ne tarakita" Lulue akadaro achienda kunochinja mbatya..Mai Tee vakatarisa Nomusa nehasha "Iwe hure saka uchanyarara ndichitukwa. Haugoni kumutsiura?" Mai Tee vakadaro. Nomusa aiva aochema zve. Aizvibvunza kuti vamwene vake akambovatadzireiko kudai vachimuvenga zvakadai. Lulue akadzoka achitarisa Nomusa aichema akatarisa pasi "Madam pasira yangu iri kupi?" Lulue akabvunza "Mhukahuru achauya nayo Lulue" nomusa akadaro achinozvivharira mu room make "Madam.muri kuchema?" Lulue akabvunza achitevera Nomusa kumashure. Asi nomusa aiva atozvivharira mu room make. Akadzokera Kuna Mai Tee achivatarisa akabata chiuno "Let's hope hamuna kuzonetsa Nomusa pano nekuti hatingabvumi kuonderwa madam nekuda kwembuya inodherera" Lulue akadaro achitarisa mai Tee mutsanga dzemaziso "Iwe Mhukahuru achakudzinga chete. Mukadzi wepi anomwa masese?" Mai Tee vakadaro "Masese ivoice rako iro rinenge chigayo chedhiziri" Lulue akadaro. Zvichakadaro Mhukahuru vakapinda. Vaiva down zvekuti waifunga kuti pamwe vari kurwara. Vaiva vatadza kuva focus nebasa Vaizvibvunza mibvunzo yakawanda isina achapindura nezve vana ava vaiva vava nemakore akawanda vachitadza kuita vana asi ndipo pavanozovawana vava ne 45 years. Vaizvibvunza kuti ma results akabuda achiti havazvari zvinenge zvichireva kuti vana ava havasi vavo. Mhukahuru vakayeredza misodzi vachikurumidza kuipukuta pavakaona vanhu vose vakavatarisa