chapter 18 Mhukahuru household Zachariah aiva kwaMhukahuru auya kuzoona Lulue vaiva vakagara havo vachimwa tea vachitaura nyaya. "Chipaupete chemushona uchiri kurangarira ndichikubvunza nezve mwana wako?" Zachariah akabvunza "Yaa ndichiri kurangarira asi iyi nyaya haisiriyo nyaya yandinoda kutaura nezvayo" Lulue akadaro achidhonza black yake achimwa achitura befu achidhonza chikosoro "Iwe unaye mwana here?" Lulue akabvunza "Ehe ndave naye" Zachariah akadaro "Woow makorokoto. Ini ndinaye asi ndinokumbira kusataura nezvake uye handifunge ndichafa ndakaita umwe mwana" Lulue akadaro "Haaa Chipaupete iwe uchiri mudiki kaa hausati watombosvika 40 years uchiri kure" Zachariah akadaro "Yes asi ini ndakamboroorwa asi kwaiva kusada kwangu munhu wacho aindirova. Rimwe zuva akandirova ndine pamuviri pemwana wechipiri akashaikira mudumbu akandikiyira mumba. Pavakaona kuti mwana ashaikira mudumbu zvakaita kuti vanondibisa chibereko" Lulue akadaro misodzi yajenga kumeso achibva adududzira black yake "Haa chipaupete ari kupi murume wacho ndimudhonore ini ane moyo wakashata" Zachariah akadaro amira apfumbata chibhakera "Nxaaa ndakamuuraya ndikamuvhiya semombe ndikamugura chibanana chake ndikachi toaster" Lulue akadaro achidhonza black yake "Haa wakamuuraya ukaitoaster?" Zachariah akabvunza achishamisika "Yes Zacha handitambe ini handisi munhu anotambirwa" Lulue akadaro "Saka ndiudze iri sei kana yakatoastwa?" Zachariah akabvunza Lulue akaseka "Pfutsek mhani iwe ndine nyota I wish dai ndawana rimwe bhodhoro iri rapera manje" Lulue akadaro achiseka achizvipukuta misodzi "Sununguka mabhebheza ndichano kutengera" Zachariah akadaro achisimuka achibuda achinotenga Zvichakadaro Bongani akabva apinda "Mabhavhu eyi aya Lulue?" Bongani akabvunza nekudherera asina kumbomhorosa "Ndea Zechs aenda kunonditengera bhodhoro rega ndimborova song yangu yedhomoroza. Dhomoroza dhomoroza" Lulue akadaro achiimba achitamba "Dhomoroza yekupenga saka iwewe zveshuwa unoda kutodanana naAchimwene uyu unoda kupa achimwene apura?" Bongani akabvunza "Kasi newewo unorida usafira mukati zve taura uchaita bamunini Zechs oita bamukuru. Ko hanty hurumende yakabvuma kuti nesuwo vakadzi tiite barika come Zimbabwe hakusi kunaka kwayo" Lulue akadaro achiseka Wakandirwadzisa "Usandipengera iwe barika rekuitei sei ndauya kuzotaura nenyaya yaMagwaza ini" Bongani akadaro "Bongani usa ignore unondida iwe ndinoitira nditange kugadzirira mazuva emubedroom or ndichatanga nani kuroora" Lulue akadaro "Haa pfutsek mhani imwa black yako urege kupenga" Bongani akadaro achitarisa Lulue aiseka "Unoziva Lulue nyaya yaMagwaza handisi kuinzwisisa pandamubvunza kuti aziva sei nezvemwana amuka nehasha achibva akata foni" Bongani akadaro "Hezvo ipapo ndipo paunofanira kuziva kuti ane ruoko nyaya yake inofanirwa kuita tsvakiridzo asi asa zviona kuti uri kuita tsvakiridzo" Lulue akadaro "Problem ndiyoyo Lulue ndabva ndatomuudza kuti mwana ari kupi naiyevo ari mukati menyaya iyoyo' Bongani akadaro "Haaa wakatanga rinhi kuita benzi remupurisa iwe Bongani?" Lulue akabvunza achimurova nembama Zvichakadaro Zachariah akapinda "Yaaa ipapo ndaita floop asi zvinoita here kuti undirove nembama?" Bongani akabvunza "Unobhowa iwe Bongani" Lulue akadaro achitora hennessy yake achisanganisa "Waitei manje vachaitoaster neyako uchenjere" Zachariah akadaro achiseka achitarisa Lulue "Ko chii chiri kumboitika pano?" Zachariah akabvunza Lulue akamuudza nyaya yose "Haa uri benzi iwe Enda unotora banga Lulue timugure tsvimbo iyi tiyi toaste" Zachariah akadaro "Pfutsek mhani Zachariah tiri serious pano iwe" Lulue akadaro Pakabva paita runyararo "Yaaa ndine plan iwe Lulue enda unotsvaga basa pamusha pekwa Mukanya unhonge nhonge zvima evidence munhu uyu asungwe" Zachariah akadaro "Yaaa ichokwadi Lulue akangwara uye ari strong haatye chinhu ndizvo zvandinomudira" Bongani akadaro "Unomuda? Haa mukadzi wangu uyu" Zachariah akadaro atochinja kumeso "Nxaaa usandipengera iwe Lulue haambokude haambokufarire" Bongani akadaro "Haa imwi mirai nenyaya yenyu mhani. Iwe Zechs ndakakuudza kuti ndinokuda rinhi, Iwe Bongani unoziva sei kuti handimude? Musandipengera imwi plus ini handiende pamusha paya ndine vana vandiri kutarisa" Lulue akadaro Magwaza Household Magwaza aiva akangomira panze akamirira kuti mukadzi wake abude muroom yevana. Apa kwaiva kwatoedza mai Magwaza vachingochema asi vasingabude mumba. Vakaona kuti munhu uyu haasi kubuda vakabva vakava door vachipinda uku vachiridza pfuti room yose. Vakazomira pavakaona kuti hamuna munhu umu ifoni yemwana yanga yakaiswa recording yake ndiko saka yanga ichingo pamha pamha chinhu chimwe chete "Demeti!!" Magwaza akadaro achiridza tsamwa achibuda achienda kugarage Zvichakadaro akaona garage rakavhurwa mota yemukadzi wake isipo Mukanya Mukanya aiva akagara foni yake yakarira aiva Mhodzi "Nhasi izuva rechi2 hausati waunza sacrifice Chuma ari kupupuma pano. Handiti ndiye anokupa pfuma iyi unofanhirwa kuunza ropa revanhu vaviri pasina izvozvo zvinhu zvose zvichakuomera" mhodzi akadaro achikata foni "Yes yes rega ndifonere Magwaza" Mukanya akadaro achibva afona "Unoziva kuti ndakatambura newewo unotambura hapana here shiri here yaunga ndibatira izvozvi nekukurumidza" Mukanya akadaro "Eyi nekwandiri zvakaoma musoro wangu wakango sangana hapana zvandinga kubatsira nazvo. Ooh mira I think ndaiwana mhuka tumira varume vako netruck pane murume ari kupinda apa" Magwaza akadaro achiviga pfuti kumashure kwake achimirira Zachariah aipinda pagedhi Sezvo Lulue aiva aramba kunotsvaga evidence kwaMagwaza. Vakazobvumirana kuti Zachariah iye aende kunozvitsvagisa basa pamwe angawana zvinhu zvichaita kuti Magwaza asungwe "Tisvikewo pamusha pano ndiri kutsvagawo basa chero rekugezisa mota" Zachariah akadaro "Sununguka wasvika zvakanaka neniwo ndinotoda munhu anondi gadzirira garden ngatipindei mumba titaure nyaya" Magwaza akadaro "Yooh ndaita luck" Zachariah akadaro achinyemwerera nekuti aiona kuti plan yake iri kufamba zvakanaka Hwasha Ma gwaza aidaro nechemumoyo nekuti aiva awana zvekupa mukanya saka zvaireva kuti mari ichaita sarura wada kwaari After some minutes truck rakabva rapinda nevarume vaiva vakapfeka zvitema zvega zvaityisa. Zachariah akabva avhura maziso nekuti aiva atoona kuti uku ndiko kufa kwake "Ndiye uyu varume" Magwaza akadaro achinyemwerera akatarisa briefcase yaiva yakazara mari "Oooh manje ndaitei?" Zachariah akabvunza nekushamisika "Wave kunoitwa sacrifice iwe wasvika nenguva iri right magwaza akadaro achiseka "Handizivi chinhu ini ndanga ndauya kuzozvitsvagira basa" Zachariah akadaro asu hapana akamiteerera Varume vakamubata vachimudhonza vachimupinza mutruck "Mwana wangu handichafe ndakakuona zve ndanga ndichida kuvhara space yekushaya baba vako uchandiregerera handinga pikise nguva yaJehovha" Zachariah akadaro achitsvaga foni yake asi yaiva isipo zvichireva kuti yaiva yadonha paanga achiedza kuzvirwira. Mutruck umu maiva nevamwe mai naivowo vaiva vachema kusvika misodzi yapera. Truck takasimuka yakananga kwaMukanya. Mukanya haana kumbomirira husiku truck parakasvika vakabva vatoenda musango ravo ravanochekera vanhu. Vakasvika musango vakaburitsa vana Zachariah mutruck vachibva vaburisa mazibanga anotyisa "Ngatitange naAchimwene ava" Mukanya vakadaro vachitendeka Zachariah nebanga "Ndinokumbira mundibvumire nditange ndanamata kekupedzisira" Zachariah akadaro achichema Vakamubvumira achibva agwadama achinamata paakangoti amen chete Mukanya akabva asimudza zibanga raiva rakakura uku akabata bhavhu rekugamuchira ropa. Mai vaya vaiva pedo naZacharia vakaridza mhere nekutya ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Magwaza akasara achinhonga foni yaZachariah pasi yairira achibva abaya green button achiisa foni munzeve haana zvaakataura "Hezvo nhai Zechs nguva yareba iyi waenda akupinza here basa ndini Bongani taura zve wakanyararirei?" Bongani akabvunza Magwaza akabva akata foni "Nxaaa achimwene uyu anga atumwa naBongani saka zviri pachena kuti pane zvaari kundifungira anofanirwa kufa naiye. Anofunga kuti ndiani iye angafambira nyaya dzangu ndini Magwaza ini" Magwaza akadaro achibuditsa foni yake muhomwe achifonera mahitman ake "Pane problem pano yamunofanirwa kuno ndigadzirira now ndichakusenderai address munondiuraira umwe munhu" Mukanya akadaro achikata foni Zveshuwa akatumira address iya yekumba kwaBongani. Zvichakadaro mota yemukadzi wake yakabva yapinda Magwaza akashamisika nazvo nekuti anga asingafungire kuti anodzoka "Ndinotenda adzoka uyu zvichaita nyore kumuuraya chero zvadii anofa chete" Magwaza akadaro achinyemwerera BONGANI Bongani aiva mumota achienda kumba kwake akasvikaachimisa mota pagedhi achifonera Lulue "I think Zachariah abatwa tinofanirwa kuenda kwaMagwaza" Bongani akadaro "Aaah what?" Lulue akabvunza avhunduka "Shuwa zve ndinodzoka iwe fano gadzirira uone kuti vana uchaitei navo nekuti tinofanirwa kuenda kwaMagwa.......... Bongani haana kuzopedza kutaura akanzwa nemabara aibuda mumota tema yaiva isina manumber plates Lulue akaridza mhere achidana Bongani Kumba kwaLuyana Nigel chero hazvo aiva mudiki asi nyaya yaAmanda yaimushungurudza zvakanyanya. Aibva kuchikoro akawana mai vake vakagara kukitchen "Mhamha ko Amanda ari kudzoka rinhi?" Nigel akabvunza "Mashura angu aya uchamutevera ukada kufarisa. Chekutanga baba vako havakuchengete unochengetwa neni saka usaramba uchindibvunza zvinhu zvandisina basa nazvo" Luyana akadaro achiridza tsamwa achinopinda mu lounge Nigel akasara achichema achikurura mbatya. Zvichakadaro akavhunduka paakanzwa izwi remwana mudiki aichema muroom maiva makavharirwa Amanda "Ndiwe ani manje?" Nigel akabvunza akaisa musoro wake padoor Mwana uya haana kupindura sezvo aiva angori nemakore matatu. Luyana aiva aenda kunomuba kumamisha amuwana achitamba achibva amudana nemasweet ndiko kwakave kumutora kwake Nigel paakanzwa mwana achichema akamhanya achienda mu room ma mai vake achitora makey achivhurira mwana uya "Shhh" Nigel akadaro kumwana achinomuisa pasi pemubhedha muroom make Uku mwana aingochema luck Nigel aiva nesweet muhomwe make akatora achibva amupa mwana akabva anyarara "Ko uri kuitei muroom mako usingapedze kuchinja iwe?" Luyana akabvunza nehasha Nigel haana kupindura akangonyarara nekuti aiva asingazive kuti aite sei "Uri kutaura nani muroom mako?" Luyana akabvunza "Ndiri kuimba mhamha" Nigel akadaro achinyebera kuseka "Kurura ndinoda kukutuma" Luyana akadaro achida kudzinga Nigel neplan nekuti aida kuendesa mwana kwaMukanya saka aifanirwa kudzinga Nigel kuti asaona chinhu Nigel iye aiedza kubudisa mwana nepawindow kusvika abuda "Sssh chirega kuchema mhanya uende kugedhi ndichakuwana ikoko" Nigel akadaro achitaurira pasi Mwana aiva mudiki asingazive chinhu aiva akangotarisa Nigel uku achidya sweet yake Luyani akazotuma Nigel paaiva ave kubuda mwana akamhanya achimutevera achinanga straight kwaiva naLuyani uku achitamba. Luyani paakamuona akavhunduka "Iwe Nigel wakangwarisa" Luyani akadaro achida kubata Nigel asi Nigel akatiza Luyani akamhanya achibata mwana Nigel akamhanya achinobuda gedhi luck pakabva paita mota yaidanidzira kuti pane mwana arasika "Mirai!! mirai!! Whoo! Whoo!!" Nigel akadaro achimisa mota "Mirai pane munhu ari kumisa mota baba pamwe ane ruzivo" mai vemwana vakadaro kuna driver "Nxaaa chimwana chidiki ichi hapana zvachinoziva" driver akadaro "Misa mota iyi iwe kana zvisirizvo ndichaburuka ini" mai vemwana vakadaro mota yakabva yamira "Wamuwana here mwana wangu?" Mai vemwana vakabvunza vachiratidza Nigel picture "Ari mumba umo auya namhamha" Nigel akadaro achitendeka kumba kwavo Mai vaya vakabva vamhanya vachienda ikoko muchairi akasara achidanidzira nemic kuti vanhu vauye kuzoona mwana awanikwa kupi "Sisi ndinokumbira undiie mwana wangu please" mai vaya vaitaura vachichema apa Luyani aiva atendeka mwana nebanga "Hayi hayi usaswedera pandiri" Luyani aitaura ave kubvunda nekuti aiona kuti uku ndiko kupera kwake Zvichakadaro pakapinda vanhu vakawanda akaedza kuvavhundutsa nebanga. Asi vanhu vakamubata vakabuda naye panze "Ndiye uyu anouraya vana vedu ngaafe" vanhu vakadaro vachidanidzira Apo Luyana aiva ave kukumbira ruregerero. Vamwe mai vakabva vapinda mumba maLuyani vakabuda nebanga "Hanti muri kuuraya vana vedu muchivacheka maparts nhasi ndiwe uri kuchekwa" mai vaya vakadaro vachicheka zamu raLuyani Luyani akaridza mhere vakatanga kumutema nematombo vachimurova nechero chii chavainhonga pasi. Pavakaona kuti hapasisina chinhu vakabva vamusiya akadaro Zvichakadaro mota dzemapurisa dzakabva dzasvika. Mapurisa akasvika Luyani pasisina chinhu LULUE "Bongani!! Bongani!!" Lulue aidaidzira "Ndino..........ndinoku---" Bongani akatadza kupedza ropa raive rakubuda mumuromo "Bongani please don't breathing stop" Lulue aidaro achiedza kutaura chirungu achitora vana achienda nextdoor achinovasiya ikoko Akadzoka achipinda mumota achiimutsa achienda kumba kwaBongani paakasvika kumba kwaiva nemapurisa Bongani aiva abudiswa mumota aradzikwa pasi "He is die?" Lulue akabvunza nechirungu chake "Usaswedera sisi nekuti ukabhaiza uchanzwa nepfuti haasati ashaya uyu" Mupurisa akadaro "Ko makamirira kuti afe here ndinomutora ini ukangoedza kundiblocka chete chibhakera chicharira kumeso ikoko" Lulue akadaro misodzi ichiyerera "Hayi sisi Magwaza ati timirire ambulance iri kuuya" mupurisa akadaro "Nxaaa usandiudza nezve mhondi iyo ini. Nditeererei mose pano Bongani ndiri kumuendesa kuchipatara murume wangu mudiki kauyu soon I will be rooraring him" Lulue akadaro achisimudza Bongani achinomupinza mumota ari ega achimuendesa kuchipatara Mapurisa akasara akangotarisana nekuti Lulue aiva amusimudza ari ega. Lulue akasvika kuchipatara apa hapana ambulance yaambosangana nayo. Akasvika muchipatara achimhanya achidanidzira. Manurse vakauya vakamubatsira vachimupinza muward Lulue akadzokera mumota achiimutsa achienda kwaMagwaza uku aipupuma nehasha Magwaza Zvichakadaro foni yaMagwaza yakarira achifonerwa neumwe mupurisa achimuudza kuti Bongani pane munhu auya achimutora achimuendesa kuchipatara. Magwaza akapupuma nehasha apa mukadzi wake aiburuka mumota "Chenge wangu wadzoka ndanga ndichiziva kuti uchauta kumurume wako" Magwaza akadaro "Ndinokuda zveshuwa Magwaza ndichagamuchira Magwaza wangu chero ndikatsawa hazvina zvazvobatsira newevo waiedza kuti tive pa situation iri nani" mai magwaza vakadaro vachinyemwerera apa maziso akatsvuka End of chapter Chapter 19 ichauya tapedza kuvhota gys its not kuti ndiri kuvhaira but i really need your imagine pama group 20 ane vanhu vane more 1k povota vanhu 200. 500 votes ku facebook book rinoenderera mberi less than 500 rinosara rakadaro totanga rimwe. vari kubvunza ma votes eku whatsapp ariko kupera kwemwedzi your support means a lot me guys 500 votes chapter 19 inouya tobva tapedzisa book less than 500 rinosara rakaremberera . thank you kune vari kuvhota👏👏👏👏 End of chapter